Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuda kwaMwari Pakuchaitika Pasi Pano

Kuda kwaMwari Pakuchaitika Pasi Pano

Kuda kwaMwari Pakuchaitika Pasi Pano

JESU paakadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuti, “Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga,” aitaura zvaaiziva nokuti akanga amborarama kudenga naBaba. (Mateu 6:10; Johani 1:18; 3:13; 8:42) Jesu asati auya pasi pano, akanga amborarama panguva apo zvinhu zvose zvaiitika kudenga nepasi zvaipindirana nokuda kwaMwari. Uye yaiva nguva inofadza yokuita zvinhu neyokugutsikana.—Zvirevo 8:27-31.

Zvisikwa zvomudzimu, idzo ‘ngirozi dzake, mhare dzine simba, dzinoita zvaanotaura,’ ndidzo dzakatanga kusikwa naMwari. Dzaive uye dzichiri “vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.” (Pisarema 103:20, 21) Imwe neimwe yaikwanisa kuita kuda kwayo here? Hungu, uye pakasikwa nyika, ava ‘vanakomana vaMwari vakapururudza nomufaro.’ (Jobho 38:7) Kupururudza kwavo kwakaratidza kuti mumwe nomumwe aifarira kuda kwaMwari, uye vakaita kuti kuda kwavo nokwaMwari kupindirane.

Mwari asika nyika, akaigadzira kuti igarwe nevanhu uye akazosika murume nomukadzi vokutanga. (Genesi, chitsauko 1) Izvi zvakanga zvakakodzerawo kupururudzirwa here? Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo,” chokwadi zvakanga zvisina chakakanganisika, zvakakwana.—Genesi 1:31.

Chii chaiva kuda kwaMwari kuvabereki vedu vokutanga nevana vavo? Maererano naGenesi 1:28, kuda ikoko kwaiva kwakanakawo chaizvo: “Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” Kuti vaite basa iroro rakanaka kwazvo, vabereki vedu vekare vaifanira kuramba vachirarama—nokusingaperi—nevana vavo vaifanirawo kudaro. Hapana chairatidza kuti paizova nenjodzi, kusaruramisira, kushungurudzwa, kana kuti rufu.

Panguva iyi kuda kwaMwari kwakanga kuchiitwa kudenga nepasi pano. Vaya vaiita kuda kwake vaiwana mufaro mukuru mukuita kudaro. Saka chii chakakanganisika?

Kuda kwaMwari kwakapikiswa zvakanga zvisingafungirwi. Asi hakusi kuti zvakanga zvisingagadzirisiki. Zvisinei, zvakaunza nguva refu yenhamo nokushushikana zvaizoita kuti vanhu vavhiringidzike kwazvo pamusoro pokuda kwaMwari. Tose tinotambura nazvo. Kupikisa kwacho kwaiva kwei?

Kuda kwaMwari Munguva Yokupanduka

Mumwe we“vanakomana vaMwari” vomudzimu akaona sokunge paiva nomukana wokuvhiringidza kuda kwaMwari pamusoro pevanhu, chinangwa chake chiri chokuti awane chimwe chinhu. Chisikwa ichi chomudzimu pachakaramba chichifunga kuti zvinogona kubudirira, zvaibva zvatowedzera kuva zvakanaka. (Jakobho 1:14, 15) Angave akafunga kuti kana akagona kuita kuti vaviri vokutanga vamuteerere pane kuti vateerere Mwari, Mwari aibva azomanikidzirwa kubvuma mutongi anokwikwidzana naye. Angave akafunga kuti Mwari aisazovauraya, nokuti izvozvo zvaizoreva kukundikana kwechinangwa chake. Saka, Jehovha Mwari aizofanira kuchinja chinangwa chake, obvuma nzvimbo yomwanakomana womudzimu uyo anenge ava kuteererwa nevanhu vaAkasika. Zvakakodzera kuti mhandu iyoyo yakazonzi Satani, izvo zvinoreva kuti, “Mudzivisi.”—Jobho 1:6.

Achiita zvaaida, Satani akataura nomukadzi. Akamukurudzira kuti asateerera kuda kwaMwari uye kuti azvimiririre, achiti: ‘Zvechokwadi hamungafi. Muchava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.’ (Genesi 3:1-5) Izvi zvaiita sorusununguko kumukadzi wacho, uye akafunga kuti kumuteerera kwaizoguma noupenyu huri nani. Akazonyengetedza murume wake kuti adarowo.—Genesi 3:6.

Uku kwaisava kuda kwaMwari kune vaviri ava. Kwaiva kuda kwavo. Saka kwaizoguma nenjodzi. Mwari akanga agara avaudza kuti kusateerera kwakadaro kwaizoita kuti vafe. (Genesi 3:3) Vakanga vasina kusikirwa kuti vabudirire vari voga pasina Mwari. (Jeremia 10:23) Uyezve, vaizova vasina kukwana, uye kusakwana norufu zvaizopfuudzwa kuvana vavo. (VaRoma 5:12) Satani aisagona kubvisa zvinhu izvi.

Izvi zvakazoitika zvakabva zvachinja zvachose chinangwa chaMwari, kana kuti kuda kwake, nokuda kwevanhu nepasi here? Aiwa. (Isaya 55:9-11) Asi zvakamutsa mibvunzo yaida kupindurwa, inoti: Vanhu ‘vangava saMwari vachiziva zvakanaka nezvakaipa’ here, sezvakanga zvataurwa naSatani? Nemamwe mashoko, kana tikapiwa nguva yakakwana, tingasvika pakugona kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa, zvinobatsira nezvinokuvadza, muzvinhu zvose zvoupenyu here? Mwari akakodzera kuteererwa zvakakwana, nokuti nzira yake yokutonga ndiyo yakanakisisa here? Kuda kwake kwakakodzerwa nokuteererwa zvakakwana here? Ungapindura sei?

Paingova nenzira imwe chete yokupindura mibvunzo iyi pamberi pezvisikwa zvose zvakangwara: Kubvumira vaya vakatsvaka rusununguko kuti vaedze kuti vaizobudirira here. Kungovauraya kwaisazopindura mibvunzo yakanga yamutswa. Kurega vanhu vachizvimiririra kwenguva yakakwana kwaizogadzirisa zvinhu nokuti zvaizoguma zvaitika zvaizova pachena. Mwari akaratidza kuti aizogadzirisa zvinhu nenzira iyi paakaudza mukadzi kuti aizova nevana. Saka mhuri yevanhu yaizotanga. Pamusana peizvi, tiripo nhasi!—Genesi 3:16, 20.

Zvisinei, izvi hazvina kureva kuti Mwari aizobvumira vanhu nomwanakomana womudzimu akapanduka kuita zvose zvavaida. Mwari haana kuramwa kuva changamire kwake, kana kuti kusiya chinangwa chake. (Pisarema 83:18) Izvi akazvijekesa paakafanotaura kupwanyiwa kwehonzeri yokupanduka uye kubviswa kwezvose zvakaipa zvaakakonzera. (Genesi 3:15) Saka, kubva pakutanga, mhuri yevanhu yaiva nechipikirwa chokusunungurwa.

Panguva iyi, vabereki vedu vokutanga vakanga vazvibvisa pakutonga kwaMwari ivo nevana vavaizobereka. Kuti migumisiro inosuruvarisa yezvose zvavakanga vasarudza isaitika, zvaizoda kuti Mwari avaite kuti vaite kuda kwake pane zvose zvavaizoita. Zvaizongofanana nokuita kuti rusununguko rwavo rusamboedzwa.

Chokwadi, munhu mumwe nomumwe aigona kuzvisarudzira kutongwa naMwari. Vaigona kudzidza kwaiva kuda kwaMwari kuvanhu panguva iyi voita izvozvo nepavaigona napo. (Pisarema 143:10) Zvisinei, vaizosanganawo nematambudziko chero bedzi nhau yorusununguko rwakakwana rwevanhu yainge isati yagadziriswa.

Migumisiro yokuzvisarudzira yakava pachena pakutanga-tanga chaipo. Kaini, dangwe remhuri yevanhu vokutanga, akauraya munun’una wake Abheri nokuti “mabasa ake akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama.” (1 Johani 3:12) Uku kwaisava kuda kwaMwari, nokuti Mwari akanga anyevera Kaini uye akazomuranga. (Genesi 4:3-12) Kaini akanga asarudza rusununguko runopiwa naSatani; saka “akabva kune wakaipa.” Vamwe vakaitawo izvozvo.

Pashure pokunge vanhu vagara panyika kwemakore 1 500, “nyika yakanga yaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.” (Genesi 6:11) Chimwe chinhu chinokosha chaifanira kuitwa kuti pasi risaparara. Zvakaitwa naMwari kwaiva kuunza boporodzi pasi pose ndokuchengetedza mhuri imwe chete yaiva yakarurama yaivapo—Noa, mudzimai wake, vanakomana vake nemadzimai avo. (Genesi 7:1) Tose tiri vazukuru vavo.

Kubva panguva iyoyo, Mwari ave achitungamirira vaya vanoda kuziva kuda kwake nomwoyo wose. Akafuridzira varume vakavimbika kuti vanyore shoko rake nokuda kwavose vaizotsvaka nhungamiro kwaari. Mashoko aya akanyorwa muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Norudo, akabvumira vanhu vakatendeka kuti vave noukama naye, kunyange kutova shamwari dzake. (Isaya 41:8) Uye akavapa simba ravaida kuti vatsungirire miedzo yakaoma yave ichitambudza vanhu mumazana emakore ose aya orusununguko. (Pisarema 46:1; VaFiripi 4:13) Zvose izvi tinozvionga chaizvo!

‘Kuda Kwenyu Ngakuitike’—Zvakakwana

Zvakaitwa naMwari kusvika panguva ino hazviumbi kuda kwake kwose kuvanhu. Muapostora wechiKristu Petro akanyora kuti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Uku kutaura kwokufananidzira kunoreva hurumende itsva inotonga vanhu uye nzanga itsva yevanhu inotongwa nehurumende iyoyo.

Achitaura zvakajeka, muprofita Dhanieri anoti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, . . . ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Uprofita uhwu hunofanotaura nezvokuguma kwenyika yanhasi isingagadzirisiki yotsiviwa noUmambo kana kuti hurumende, yaMwari. Chokwadi aya mashoko akanaka! Kukakavadzana noudyire zvakazadza nyika yanhasi nechisimba uye zvinotyisidzirazve kuiparadza zvichanyangarika rimwe zuva.

Zvinhu izvi zvichaitika rini? Vadzidzi vaJesu vakabvunza kuti: “Zvinhu izvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?” Muchikamu chemhinduro yake, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mateu 24:3, 14.

Zvave kunyatsozivikanwa kuti basa rokuparidza riri kuitwa pasi pose. Zvimwe wakatoona izvi kwaunogara. Mubhuku rake rinonzi These Also Believe, Purofesa Charles S. Braden akanyora kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvanyatsozadza pasi pose nokuparidza kwazvo. . . . Hapana rimwe boka revanhu vechitendero pasi pose rinoratidza kushingaira risingadzokeri shure mukuedza kuzivisa mashoko akanaka oUmambo sezvinoita Zvapupu zvaJehovha.” Zvapupu zviri kushingaira kuzivisa aya mashoko akanaka munyika dzinopfuura 230 uye mumitauro inoda kusvika 400. Basa iri rakafanotaurwa harina kumboitwa pamwero wenyika yose zvakadaro. Nderimwe rouchapupu hwakawanda hwokuti nguva yava kusvika yokuti Umambo ihwohwo hutsive hurumende dzevanhu.

Umambo hwakanzi naJesu hwaizoparidzwa nezvahwo ndihwo hwaakatidzidzisa kunyengeterera mumunyengetero wake wokuenzanisira, achiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Chokwadi, Umambo ihwohwo ndihwo huchashandiswa naMwari kuitira vanhu uye pasi, chinangwa chake uye kuda kwake.

Izvozvo zvinorevei? Regai Zvakazarurwa 21:3, 4 ipindure, ichiti: “Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’” Panguva iyoyo kuda kwaMwari kuchaitwa zvechokwadi pasi pano uye kudenga—zvakakwana. * Unoda kuzovapowo here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 26 Kana uchida kudzidza zvakawanda nezvoUmambo hwaMwari, tapota ona Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yenyu kana kuti nyorera kune imwe yekero dziri papeji 2 yemagazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Rusununguko pakuita kuda kwaMwari rwakaunza matambudziko