Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparidza Zvisina Kurongwa Mundima Inotaurwa Chirungu yokuMexico

Kuparidza Zvisina Kurongwa Mundima Inotaurwa Chirungu yokuMexico

Kuparidza Zvisina Kurongwa Mundima Inotaurwa Chirungu yokuMexico

ACHISHANDISA mukana wenguva yaainge akamirira vaaifamba navo muAtene, muapostora Pauro akaparidza zvisina kurongwa. Bhaibheri rinoti: “Akatanga kutaurirana . . . mazuva ose pamusika neavo vaivapo.” (Mabasa 17:17) Paaibva kuJudhiya achienda Garireya, Jesu akaparidzira mukadzi weSamariya patsime zvisina kurongwa. (Johani 4:3-26) Unoshandisa mikana yose here kutaura nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari?

Ndima inotaurwa Chirungu muMexico yakakodzera zvikuru kuparidzira zvisina kurongwa. Vashanyi vanouya kunzvimbo dzinoshanyirwa nevanhu, vadzidzi vepayunivhesiti vanouya vachienda, uye vanhu vokune dzimwe nyika vave kugara muMexico vari pamudyandigere vanopedza nguva vari mumapaka nemaresitorendi. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinogona Chirungu zvave nounyanzvi pakutanga kukurukurirana nevakadaro. Kutaura zvazviri, vanotsvaka mikana yokutaura nomunhu wose anoratidzika kuti ndewokune imwe nyika kana kuti anotaura Chirungu. Ngationei kuti vanozviita sei.

Zvapupu zvinobva kune dzimwe nyika zviri kushanda mundima yeChirungu kakawanda zvinozvisuma kuvanhu vanongooneka kuti havasi vomuMexico zvovabvunza kwavanobva. Izvi zvinobva zvangoita kuti vabvunze kuti Chapupu chacho chiri kuitei muMexico zvobva zvachipa mukana wokuti chitaure zvitendero zvechiKristu. Somuenzaniso, Gloria, uyo ari kushumira kunodiwa vaparidzi zvikuru mundima yeChirungu kuOaxaca, anoona zviri nyore zvikuru kutanga kukurukurirana nenzira iyi. Paaidzoka kumba achibva kunoparidzira zvisina kurongwa kunzvimbo inowanikwa vanhu vakawanda yokutaundi, Gloria akamiswa nomumwe murume nomukadzi wake vokuEngland. Mukadzi wacho akati: “Handingazvidaviri kuti ndiri kuona mukadzi wechitema achifamba mumigwagwa yeOaxaca!” Pane kugumbuka, Gloria akaseka, uye vakatanga kutaura nezvokuti nei akanga ari muMexico. Mukadzi wacho akakoka Gloria kumba kwake kuti anonwa kofi. Varangana, Gloria akamupa magazini eNharireyomurindi neMukai!, asi mukadzi wacho akaaramba, achiti aiva asingatendi kuti Mwari ariko. Gloria akapindura kuti aifarira kutaura nevanhu vasingatendi kuvapo kwaMwari uye aida kunzwa zvaaifunga nezvenyaya inoti, “Nzvimbo Dzokunamatira—Tinodzida Here?” Mukadzi uya akabvuma, achiti: “Kana ukandipa uchapupu hwokuti ariko, zvingatondishamisa.” Vakazokurukuriranazve zvinonakidza kanoverengeka vachinwa kofi. Mukadzi nomurume ava vakazodzokera kuEngland, asi vakaramba vachikurukurirana netsamba dzinotumirwa nekombiyuta.

Gloria akatangawo kutaura naSaron, mudzidzi aibva kuWashington, D.C., akanga ari muOaxaca achishanda nevamwe vakadzi veimomo basa rokuzvipira kuti apedzise dhigirii rake remaster’s. Arumbidza Saron nokuda kwebasa rake rakanaka, Gloria akatsanangura kuti nei akanga ari muMexico. Izvi zvakaita kuti pave nokukurukurirana kwakanaka chaizvo nezveBhaibheri uye nezveizvo Mwari achaitira kwete bedzi varombo asi munhu wose. Saron akataura kuti zvaishamisa kuti kunyange zvazvo akanga asati ambotaura neZvapupu kuUnited States, mumwe wevanhu vaakatanga kusangana navo muMexico aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha! Saron akabvuma kudzidza Bhaibheri achibva atotanga kupinda misangano yechiKristu.

Vanhu vokune dzimwe nyika vakawanda vakatamira kunzvimbo dzinoshanyirwa nevanhu dzokumahombekombe muMexico, vachitsvaka nzvimbo inenge paradhiso. Laurel anoshandisa izvi kutanga kukurukurirana muAcapulco, achibvunza vanhu kana guta reAcapulco rakada kuita separadhiso kupfuura kwavanobva uye kuti chii chinovafadza imomo. Anobva azotsanangura kuti munguva pfupi inotevera pasi pose pachava paradhiso chaiyo. Akashandisa nzira iyi kutaura nomumwe mukadzi wokuCanada waakasangana naye muhofisi yachiremba wemhuka zvichibva zvaita kuti adzidze naye Bhaibheri. Nzira yakadaro ingabudirira kwaunogara here?

‘Mumigwagwa uye Munzvimbo Dzinowanikwa Vanhu Vakawanda’

Kukurukurirana kunowanzotangwa mumigwagwa uye munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda nokubvunza kuti: “Munogona Chirungu here?” Vanhu vokuMexico vakawanda vanochigona pamusana pebasa ravo kana kuti nokuti vakambogara kuUnited States.

Zvimwe Zvapupu, murume nomukadzi wake, vakataura nomumwe mukadzi akwegura uyo aiva pawiricheya yaisundwa nanesi. Vakabvunza mukadzi wacho kana aigona Chirungu. Akati aichigona nokuti akanga ambogara kuUnited States kwemakore akawanda. Akagamuchira Nharireyomurindi neMukai!, zvaakanga asina kumbobvira averenga, achibva avaudza kuti ainzi Consuelo, uye akavapa kero yake. Pavakazoshanya pakero iya kwapera mazuva mana, vakaona kuti waiva musha wevakwegura waitarisirwa nemanani eKaturike. Pakutanga, zvakanga zvakaoma kuonana naConsuelo nokuti manani ane zvaaivafungira uye akati Consuelo aisagona kuvagamuchira. Vaviri ava vakateterera manani acho kuti aite kuti Consuelo azive kuti vakanga vauya uye vaida kumukwazisa. Consuelo akaita kuti vaviri vacho vapinde. Kubvira ipapo, mukadzi uyu ane makore 86 ave achinakidzwa nokudzidza Bhaibheri nguva dzose, pasinei nemashoko akaipa emanani. Akatopindawo mimwe misangano yechiKristu.

Zvirevo 1:20 inoti: “Uchenjeri hunodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara.” Ona kuti izvozvo zvakaitika sei munzvimbo inowanikwa vanhu vakawanda yeSan Miguel de Allende. Mamwe mangwanani-ngwanani, Ralph akataura nomumwe murume wezera repakati nepakati akanga akagara pabhenji. Murume wacho akashamisika chaizvo kupiwa Nharireyomurindi neMukai! achibva ataurira Ralph nezvoupenyu hwake.

Akarwa hondo yokuVietnam uye aishushikana mupfungwa pamusana pokuti akanga aona vanhu vakafa vakawanda chaizvo. Kushushikana mupfungwa uku kwakazoramba kuchimunetsa mumakore ake ose ebasa rechiuto. Akazotumirwa kumusasa achibva kwavairwira. Ikoko, akapiwa basa rokugeza zvitunha zvemasoja achizvigadzirira kuti zvitumirwe nechikepe kuUnited States. Iye zvino, kwapera makore 30, akanga achiri kuramba achivhumuka uye achinzwa achitya. Mangwanani iwayo, paakanga agere munzvimbo iyoyo, akanga achinyengetera chinyararire kuti abatsirwe.

Murume uyu akatambira magazini acho pamwe nokubvuma kuenda kuImba yoUmambo. Apinda musangano, akati mumaawa maviri iwayo aakanga ari paImba yoUmambo, akanzwa rugare rwaakanga asina kumbobvira anzwa kwemakore 30. Murume uyu aiva muSan Miguel de Allende kwevhiki shomanana chete, asi akanakidzwa nokudzidza Bhaibheri kanoverengeka uye akapinda misangano yose kusvikira adzokera kumusha kwake. Urongwa hwokuti aenderere mberi achidzidza hwakaitwa.

Kuparidza Zvisina Kurongwa Kubasa Nokuchikoro

Uri kuzvizivisa somumwe weZvapupu zvaJehovha kubasa kwako here? Adrián, uyo anotsvakira vanhu vari pazororo dzimba dzokugara muCape San Lucas, anozviita. Somugumisiro, Judy uyo waanoshanda naye anorondedzera kuti: “Makore matatu bedzi apfuura, kudai mumwe munhu akanga andiudza kuti ndaizova mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndingadai ndakati, ‘Hazvitomboiti!’ Asi ndakasarudza kuti ndaida kuverenga Bhaibheri. Ndakati, ‘Kuti zvingandiomera here, sezvo ini ndichifarira zvokuverenga?’ Zvisinei, handifungi kuti ndakambopedza mapeji matanhatu, ndichibva ndaona kuti ndaida kubatsirwa. Munhu bedzi wandakafunga kuti aigona kundibatsira ndiAdrián uyo wandaishanda naye. Ndaifarira kutaura naye nokuti ndiye bedzi aiva munhu kwaye kubasa.” Adrián akabva ati aida kuuya nomusikana wake, Katie, kuti azopindura mibvunzo yaJudy yose. Katie akatanga kumudzidzisa Bhaibheri, uye nenguva pfupi, Judy akava Chapupu chakabhabhatidzwa.

Zvakadini nokuparidzira zvisina kurongwa kuchikoro? Zvapupu zviviri zvakanga zvichidzidzira chiSpanish payunivhesiti asi rimwe zuva zvakarovha kuti zviende kugungano rechiKristu. Pavakadzokera kuchikoro, vakanzi vataure muchiSpanish zvavakanga varovhera. Vakashandisa mukana iwoyo kuparidza nepavaigona napo muchiSpanish. Mudzidzisi wacho, Silvia, akafarira zvikuru uprofita hweBhaibheri. Akabvuma kudzidza Bhaibheri muChirungu uye iye zvino ava muparidzi wemashoko akanaka. Vanoverengeka vomumhuri yake vari kudzidzawo. Silvia anoti: “Ndakawana zvandakanga ndichitsva kwoupenyu hwangu hwose.” Chokwadi, kuparidza zvisina kurongwa kunogona kuva nezvibereko zvakanaka.

Kushandisa Mimwe Mikana

Kuva nomutsa kunogona kuita kuti uparidzire. Jim naGail, avo vari kushumira muSan Carlos, muSonora, vakaona kuti izvozvo ndezvechokwadi. Mumwe mukadzi akanga achifamba nembwa dzake na6 mangwanani akamira achiyeva chivanze chavo. Jim naGail vakamukoka kuti azonwa kofi. Kokutanga mumakore 60, akanzwa nezvaJehovha uye nezvetariro youpenyu husingaperi. Vakatanga kudzidza naye Bhaibheri.

Adrienne anoitirawo mutsa vanhu vaasingazivi. Akanga achidya mune imwe resitorendi muCancún mumwe mukomana paakaenda paari ndokubvunza kana aibva kuCanada. Paakapindura kuti ndokwaaibva, mukomana wacho akatsanangura kuti iye naamai vake vakanga vachiedza kubatsira hanzvadzi yake kunyora rondedzero yaidiwa kuchikoro yevanhu vokuCanada. Amai vacho, avo vaitaura Chirungu, vakauya kuzogara pedyo. Pashure pokupindura nokushivirira mibvunzo yavo pamusoro pevanhu vokuCanada, Adrienne akati: “Asi pane chikonzero chaicho chinokosha chandakauyira kuno ndichibva kuCanada—kuzobatsira vanhu kudzidza nezveBhaibheri. Mungazvifarirawo here?” Mukadzi wacho akapindura kuti aizvifarira. Akanga asiya chechi yake makore gumi akanga apfuura uye akanga achiedza kudzidza Bhaibheri ari oga. Akapa Adrienne kero yake nenhamba dzorunhare, uye chidzidzo cheBhaibheri chainakidza chakatangwa.

‘Kandira Zvokudya Zvako Pamusoro Pemvura’

Kutaura nezvechokwadi cheBhaibheri nguva dzose kunowanzoguma nokuparidzira vanhu vakambowana mukana muduku wokunzwa shoko roUmambo kana kuti vasina kumbobvira vauwana. Mune imwe resitorendi inotengwa nevanhu vakawanda iri mutaundi reZihuatanejo rine chiteshi chezvikepe, chimwe Chapupu chakadana murume nomudzimai wake vokune imwe nyika kuti vazogara patafura imwe chete, sezvo resitorendi yacho yakanga yazara. Vaviri ava vakanga vave vachishanyira nzvimbo dzakasiyana-siyana nechikepe kwemakore manomwe. Vakataura kuti vaisafarira Zvapupu zvaJehovha. Pashure pokuonana muresitorendi, Chapupu chacho chakashanyira vaviri ava muchikepe chavo chikavakoka kumba kwacho. Vakabvuma kutora magazini 20 nemabhuku 5 vachibva vavimbisa kutsvaka Zvapupu pachiteshi chaizotevera.

Jeff naDeb vakaona imwe mhuri yaiva nekamwana kamusikana kakanaka kainge kari panodyirwa pamashopu omuCancún. Pavakarumbidza kamwana kacho, vabereki vacho vakavashevedza kuti vazodya pizza pamwe chete. Sezvineiwo, mhuri iyi yaibva kuIndia. Vakanga vasati vambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha, uye vakanga vasati vamboona mabhuku edu. Vakazobva pamashopu aya vava nemabhuku eZvapupu.

Chimwewo chinhu chakadaro chakaitika pachitsuwa kumhenderekedzo yeYucatán. Murume nomukadzi wake vakanga vachangoroorana vokuChina vakakumbira Jeff kuti avatore mapikicha, achibva aita izvozvo achifara. Akazoziva kuti kunyange zvazvo vakanga vagara muUnited States kwemakore 12 akanga apfuura, vakanga vasati vamboona kana kunzwa nezveZvapupu zvaJehovha! Vakabva vatanga kukurukurirana zvakanaka. Jeff akavakurudzira kuti vazonotsvaka Zvapupu kana vadzokera kumusha kwavo.

Pangava nechiitiko chinokosha munharaunda yenyu chingakupa mukana wokuparidzira zvisina kurongwa. Purezidhendi weUnited States paakashanyira purezidhendi weMexico papurazi rake pedyo neGuanajuato, vatori venhau vaibva kunyika dzose vakauya kuzotora nhau dzechiitiko chacho. Imwe mhuri yeZvapupu yakasarudza kushandisa mukana uyu kuti iparidze neChirungu. Vanhu vakateerera. Somuenzaniso, mumwe mutori wenhau akanga atora nhau dzezvaiitika muhondo dzakasiyana-siyana, dzakadai sedziya dzokuKosovo neKuwait. Mumwe wake akanga afira mumaoko ake pashure pokunge apfurwa nomunhu akanga akavandira. Paakanzwa nezvorumuko, mutori wenhau uyu akaonga Mwari nezvokumuzivisa kuti upenyu hune chinangwa, misodzi yakati yangarara mumaziso. Akati kunyange zvazvo aisazoonanazve neZvapupu zviviri izvi, aisazombofa akakanganwa mashoko aya akanaka omuBhaibheri.

Sezvatinogona kuona, hazviwanzozivikanwi kuti zvii zvichabuda pakuparidza kwakadai. Zvisinei, Mambo Soromoni akachenjera akati: “Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.” Akatiwo: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.” (Muparidzi 11:1, 6) Saka, “kandira zvokudya zvako” nokushingaira pamvura zhinji uye “kusha mbeu dzako” zhinji, sezvakaita Pauro naJesu uyewo sezvinoita Zvapupu zvomuzuva ranhasi mundima inotaurwa Chirungu yokuMexico.