Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuratidza Mutsa Munyika Ine Utsinye

Kuratidza Mutsa Munyika Ine Utsinye

Kuratidza Mutsa Munyika Ine Utsinye

“Munhu unodikanwa nokuda kwounyoro [“mutsa worudo,” NW] hwake.”—ZVIREVO 19:22.

1. Nei zvingava zvakaoma kuratidza mutsa?

UNOZVIONA somunhu ane mutsa here? Kana zviri izvo, kurarama munyika yanhasi kungava kwakaoma. Chokwadi, muBhaibheri mutsa unonzi ndechimwe che“zvibereko zvomudzimu,” asi nei zvakaoma kwazvo kuratidza mutsa kunyange munyika dzinonzi ndedzechiKristu? (VaGaratiya 5:22) Sezviri munyaya yatangira ino, chikamu chemhinduro yacho chingawanikwa mune zvakanyorwa nomuapostora Johani—nyika yose iri kudzorwa nomunhu womudzimu asina mutsa, Satani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Jesu Kristu akati Satani ndiye “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Saka, nyika ino yakafanana nomutongi wayo anopandukira, anozivikanwa nounhu hunotyisa.—VaEfeso 2:2.

2. Zvinetso zvipi zvingavhiringidza kuratidza kwedu mutsa?

2 Upenyu hwedu hunovhiringidzika zvikuru vamwe pavatinobata nenzira isina mutsa. Kusava nomutsa kwacho kungaratidzwa nevavakidzani vane utsinye, vanhu vatisingazivi vasina ushamwari, kunyange shamwari nevomumhuri avo pane dzimwe nguva vangaita zvinhu vasingafungi. Kuva pamwe nevanhu vasina tsika uye vanopopota nevanotukana kunowanzovhiringidza zvakanyanya. Kushayiwa mutsa kwevamwe kwakadaro kungaita kuti isu pachedu tive noutsinye, uye tingafunga kuti tisaratidzawo mutsa kune vaya vasingatiratidziri mutsa. Izvozvo zvingatoita kuti tive nezvinetso zvine chokuita nokunamata kana kuti zvoutano.—VaRoma 12:17.

3. Ndezvipi zvinetso zvakakomba zvinotarisana nevanhu zvinoita kuti zvivaomere kuratidza mutsa?

3 Mamiriro ezvinhu anonetsa ari munyika angaitawo kuti zvitiomere kuratidza mutsa. Somuenzaniso, vanhu vose zvavo vanoshushikana pamusana pokutyisidzirwa uye pezviito zvougandanga, uyewo nepfungwa yokuti zvombo zvoutachiona kana kuti zvenyukireya zvingangoshandiswa nenyika dzakasiyana-siyana. Uyezve, mamiriyoni evanhu varombo, vachingova nezvokudya, pokugara, zvokupfeka, uye mishonga zvokungoti vararamewo zvavo. Kuratidza mutsa kunova kwakaoma apo mamiriro ezvinhu anoita seasina tariro.—Muparidzi 7:7.

4. Vamwe vangaguma vafunga zvipi zvisina kururama pavanenge vachifunga nezvokuratidzira vamwe mutsa?

4 Zvingava nyore kuti munhu agume ati kuratidza mutsa hakusi chaizvoizvo chinhu chinokosha uye kuti kungatova kukanganisa. Angatonzwa seasina kubatwa zvakanaka, kunyanya kana vamwe vakamuitira utsinye. (Pisarema 73:2-9) Zvisinei, Bhaibheri rinotipa nhungamiro yakakodzera parinoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Unyoro nomutsa zvibereko zvomudzimu zviviri zvinoreva zvakada kufanana uye zvinobatsira pakutarisana nemamiriro ezvinhu akaoma uye anonetsa.

5. Ndepapi pamwe panodiwa mutsa muupenyu?

5 Sezvo kuratidza zvibereko zvomudzimu mutsvene waMwari kuchikosha kwazvo kwatiri sevaKristu, zvinganaka tikakurukura kuti tingaratidzirana sei humwe unhu ihwohwo—mutsa. Zvinobvira here kuratidza mutsa munyika ine utsinye? Kana zvichibvira, ndepapi pamwe patingaratidza kuti hatibvumiri Satani kuti atidzorere shure pakuratidza mutsa, kunyanya kana mamiriro ezvinhu akaoma? Ngatikurukurei maratidziro atingaita mutsa mumhuri, kubasa, kuchikoro, kuvavakidzani vedu, muushumiri hwedu, uye kune vatinonamata navo.

Mutsa Mumhuri

6. Nei mutsa uchikosha kwazvo mumhuri, uye ungaratidzwa sei?

6 Kuti tive nechikomborero nenhungamiro zvaJehovha, zvibereko zvomudzimu zvinokosha uye zvinoda kukudziridzwa zvakazara. (VaEfeso 4:32) Ngatikurukurei nezvokudiwa kwokuti mhuri dziratidzirane mutsa. Pane zvavanoita zuva nezuva, murume nomudzimai vanofanira kuratidzirana mutsa nehanya ivo pachavo uye vana vavo. (VaEfeso 5:28-33; 6:1, 2) Mutsa wakadaro unofanira kuoneka mukutaurirana kunoita nhengo dzemhuri, vana vachikudza nokuremekedza vabereki vavo uye vabereki vachibata vana vavo zvakakodzera. Kurumidzai kurumbidza, mononoka kutsoropodza.

7, 8. (a) Ndezvipi zvatisingafaniri kuita kana tichizoratidza mutsa wechokwadi mumhuri? (b) Kukurukurirana kwakanaka kunoita sei kuti pave nechisungo chemhuri chakasimba? (c) Ungaratidza sei mutsa mumhuri yenyu?

7 Kuva nomutsa kune vaya vari mumhuri yedu kunosanganisira kuteerera zvakarayirwa nomuapostora Pauro, zvokuti: “Bvisai chaizvoizvo zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, uipi, kutaura zvakaipa, nokutaura kunonyadzisa kunobva mumuromo menyu.” Zuva nezuva, mhuri dzechiKristu dzinofanira kukurukurirana dzichiremekedzana. Nei? Nokuti kukurukurirana kwakanaka kunokosha kuti mhuri dzive dzakasimba, dziine utano. Kana pakava nokusawirirana, kuti mukugadzirise, edzai kugadzirisa chinetso pane kuda kuona kuti ndiani akanganisa. Nhengo dzemhuri dzinofara dzinoedza nomwoyo wose kuratidzirana mutsa uye kuva nehanya nevamwe.—VaKorose 3:8, 12-14.

8 Mutsa wakanaka uye unoita kuti tide kuitira vamwe zvakanaka. Saka, tinoedza kuyamura, kuva nehanya, uye kubatsira tichibvumirana nedzimwe nhengo dzemhuri. Somunhu mumwe nomumwe uye seboka zvinoda kuti tiedze kuratidza mutsa unoita kuti mhuri yacho ionekwe zvakanaka. Zvinoguma zvaitika ndezvokuti havazongovi nechikomborero chaJehovha chete, asiwo muungano nomunharaunda vachakudza Jehovha, Mwari womutsa.—1 Petro 2:12.

Mutsa Kubasa

9, 10. Rondedzera zvimwe zvinetso zvingamuka kubasa, uye taura kuti zvingagadziriswa sei nomutsa.

9 KumuKristu, kuenda kubasa zuva nezuva kungaita kuti zvive zvakaoma kuratidza mutsa kune vaanoshanda navo. Kukwikwidzana kwevashandi kungaita kuti mumwe waunoshanda naye ane unyengeri kana kuti manomano aite kuti uve nomukurumbira wakaipa kune wamunoshandira, zvoita kuti basa rako rive pangozi. (Muparidzi 4:4) Hazvisi nyore kuva nomutsa pakadaro. Kunyange zvakadaro, mushumiri waJehovha anofanira kuedza nepaanogona napo kuwana vaya vasiri nyore kuwirirana navo, achiyeuka kuti kazhinji kuva nomutsa ndicho chinhu chakanaka. Kuva nehanya kungabatsira kuita izvi. Pamwe ungaratidza kuva nehanya kana waunoshanda naye uya achirwara kana kuti nhengo dzemhuri yake dzichirwara. Kunyange kungobvunza upenyu kungaita kuti akuone zvakanaka. Chokwadi, vaKristu vanofanira kuedza kusimudzira kunzwanana norugare nepavanogona napo. Zvimwe shoko romutsa rinoratidza kuti une hanya uye unomufarira ringaita kuti zvinhu zvive nani.

10 Dzimwe nguva, anoshandirwa angamanikidza vanomushandira kuti vafunge sezvaanoita uye angatoda kuti munhu wose ave nezvaanoita pachimwe chiitiko chenyika kana kuti pamhemberero isiri yomumagwaro. Kana hana yomuKristu ikasamutendera kuti ave nezvaanoita, izvi zvingaita kuti anetsane newaanoshandira. Panguva iyoyo kungasava kuchenjera kudonongodza kuti zvakaipirei kuti aite zviri kudiwa newaanoshandira. Kune vaya vasingadaviri zvinotendwa nomuKristu wacho, zviri kuitwa zvingatoita sokuti ndizvo zvakanaka. (1 Petro 2:21-23) Zvichida ungatsanangura nenzira yomutsa zvikonzero zvinoita kuti iwewe usabatanidzwa. Usadzorere mashoko okutsvinya. Zvakanaka kuti muKristu atevedzere zano rakanaka riri pana VaRoma 12:18, rinoti: “Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”

Mutsa Kuchikoro

11. Vechiduku vanotarisana nezvinetso zvipi pakuratidza mutsa kune vavanodzidza navo?

11 Zvinogona kunyatsoomera vechiduku kuti varatidze mutsa kune vavanodzidza navo. Vechiduku vanowanzoda kugamuchirwa nevavanodzidza navo. Vamwe vakomana vanovhundutsira vachiitira kuti vayemurwe nevamwe vadzidzi, vachitosvika pakuvatamba unyunyu kuchikoro. (Mateu 20:25) Vamwe vechiduku vanofarira kushamisira nokugona kwavo mukirasi, mune zvemitambo, kana kuti mune zvimwewo zvinoitwa. Pavanenge vachishamisira nounyanzvi hwavo, havawanzoratidzi mutsa kune vavanodzidza navo nevamwewo vadzidzi, vachirasika pakufunga kwavo vachiti izvi pachazvo zvinovaita kuti vave nani pane vamwe. MuKristu wechiduku anofanira kuchenjerera kuti asatevedzera vanhu ivavo. (Mateu 20:26, 27) Muapostora Pauro akati “rudo rune mwoyo murefu rune mutsa” uye rudo “haruzvikudzi, haruzvitutumadzi.” Saka paanenge aine vaanodzidza navo, muKristu haafaniri hake kutevedzera muenzaniso wakaipa wevaya vasina mutsa, asi anofanira kuomerera pane zvinotaurwa neMagwaro.—1 VaKorinde 13:4.

12. (a) Nei zvingava zvakaomera vechiduku kuva nomutsa kuvadzidzisi vavo? (b) Vechiduku vangatarisira kuti vabatsirwe naani pavanomanikidzwa kuti vave vasina mutsa?

12 Vechiduku vanofanirawo kuva nomutsa kuvadzidzisi vavo. Vadzidzi vakawanda vanonakidzwa nokushungurudza vadzidzisi vavo. Vanofunga kuti vakangwara kana vasingaremekedzi vadzidzisi vavo nokuita zvinhu zvinoputsa mitemo yechikoro. Vangatyisidzira vamwe kuti vaitewo zvavanoita. Kana muKristu wechiduku akaramba kuzviita, vangabva vati nangananga naye vachimuseka kana kuti kumutuka. Kutarisana nemamiriro ezvinhu akadaro kwegore rose kunoedza muKristu pakutsunga kwake kuratidza mutsa. Zvisinei, usakanganwa kuti zvinokosha kwazvo kuva mushumiri waJehovha akavimbika. Unogona kuva nechokwadi chokuti achakutsigira nomudzimu wake munguva iyi yakaoma muupenyu.—Pisarema 37:28.

Mutsa Kuvavakidzani

13-15. Chii chingavhiringidza munhu kuratidzira vavakidzani vake mutsa, uye zvinetso izvi zvingakurirwa sei?

13 Ungava uchigara mumba, mufurati, kana kuti chero kupi zvakwo, unogona kufunga nezvenzira dzokuratidza nadzo mutsa uye kuva nehanya nokugara zvakanaka kwevavakidzani. Izviwo hazvisi nyore.

14 Zvakadini kana vavakidzani vako vasingakuoni zvakanaka pamusana porudzi rwako, kwaunobva, kana kuti chitendero chako? Zvakadini kana vachimboshaya unhu kana kuti vasingadi kutaura newe zvachose? Somushumiri waJehovha, kuratidza mutsa nepaunogona napo kuchabatsira. Uchanyatsosiyana nevamwe, zvichiita kuti Jehovha—muenzaniso wakanaka womutsa, arumbidzwe zvechokwadi. Hauzivi kuti ndirini apo muvakidzani wacho achachinja maonero ake pamusana pomutsa wako. Angatozova murumbidzi waJehovha.—1 Petro 2:12.

15 Mutsa ungaratidzwa sei? Kutanga, nomufambiro wakanaka mumhuri sezvo vose vanoratidza zvibereko zvomudzimu. Vavakidzani vangazviona. Pane dzimwe nguva, ungakwanisa kuitira muvakidzani wako mutsa. Yeuka kuti mutsa unoreva kunyatsofarira kugara zvakanaka kwevamwe.—1 Petro 3:8-12.

Mutsa Muushumiri Hwedu

16, 17. (a) Nei mutsa uchikosha muushumiri hwedu? (b) Mutsa ungaratidzwa sei muushumiri hwedu hwomumunda hwakasiyana-siyana?

16 Mutsa unofanira kuva chinhu chikuru paushumiri hwedu hwechiKristu sezvatinotsunga kuenda kune vanhu mumisha yavo, kubasa kwavo, uye mune dzimwewo nzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda. Tinofanira kuyeuka kuti tiri kumiririra Jehovha, uyo ane mutsa nguva dzose.—Eksodho 34:6.

17 Chii chinobatanidzwa pane zvaunoedza kuita kuti uratidze mutsa muushumiri hwako? Somuenzaniso, paunenge uchiparidza pamugwagwa, unogona kuratidza mutsa nokutaura mashoko mashoma uye kuva nehanya paunotaura nevanhu. Munofamba nevanhu munowanzova makazara, saka ngwarira kuti usavharidzira munofamba nevanhu. Uyewo, paunoparidza mundima yebhizimisi, ratidza mutsa wako nokutaura mashoko mashoma, uchiyeuka kuti vatengesi vanofanira kubatsira vatengi.

18. Kunzwisisa kunobatsirei pakuratidza mutsa muushumiri hwedu?

18 Muushumiri hwepaimba neimba, iva munhu anonzwisisa. Usanyanya kugarisa, kunyanya kana mamiriro okunze asina kunaka. Unogona kunzwisisa here kana munhu asingachadi kana kuti asingachafari nokuvapo kwako? Zvimwe kwaunogara, Zvapupu zvaJehovha zvinoshanya kakawanda. Kana zvakadaro, iva munhu anonzwisisa, uchigara uchifara uye uine mutsa. (Zvirevo 17:14) Edza kunzwisisa chikonzero chasaimba chokurega kuteerera musi iwoyo. Yeuka kuti imwe hama kana kuti hanzvadzi yako yechiKristu ingangozoshanyawo pamba ipapo munguva pfupi inotevera. Kana ukasangana nomunhu asina unhu, edza nepaunogona napo kuratidza mutsa. Usakwidza inzwi rako kana kuunyanisa chiso, asi taura zvakadzikama. MuKristu ane mutsa haangadi kudenha saimba kuti vakakavadzane. (Mateu 10:11-14) Zvichida rimwe zuva munhu iyeye achateerera mashoko akanaka.

Mutsa Pamisangano Yeungano

19, 20. Nei mutsa uchidiwa muungano, uye ungaratidzwa sei?

19 Zvinokoshawo kuva nomutsa kune vatinonamata navo. (VaHebheru 13:1) Sezvo tiri nhengo dzesangano rehama dzomunyika yose, mutsa unokosha muukama hwedu nevamwe.

20 Kana Imba yoUmambo ichishandiswa neungano imwe, mbiri, kana kuti dzinopfuura, zvinokosha kuva nomutsa nevaya vari mune dzimwe ungano, tichivakudza pane zvatinoita navo. Pakuronga nguva dzemisangano nezvimwe zvinhu zvinodiwa zvakadai sokuchenesa kana kuti kugadzirisa chivako, kukwikwidzana hakuiti kuti mushandire pamwe. Ivai nomutsa uye vanonzwisisa kunyange zvazvo muchifunga zvakasiyana. Kana mukadaro mutsa uchakunda, uye Jehovha achakomborera zvechokwadi kufarira kwamunoita zvakanakira vamwe.

Rambai Muchiratidza Mutsa

21, 22. Maererano naVaKorose 3:12, tinofanira kutsunga kuitei?

21 Mutsa unhu hunobatanidza zvinhu zvakawanda uye une chokuita nezvinhu zvose zvomuupenyu hwedu. Saka tinofanira kuuita chinhu chinokosha chounhu hwedu hwechiKristu. Kuratidzira vamwe mutsa kunofanira kuva tsika.

22 Tose zvedu ngatiitirei vamwe mutsa zuva nezuva uye toshandisa mashoko omuapostora Pauro okuti: “Sevakasarudzwa vaMwari, vatsvene nevanodiwa, pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.

Unoyeuka Here?

• Chii chinoita kuti zviomere muKristu kuva nomutsa?

• Nei zvichikosha kuva nomutsa mumhuri yako?

• Ndezvipi zvimwe zvinonetsa pakuratidza mutsa kuchikoro, kubasa, uye kuvavakidzani?

• Tsanangura kuti vaKristu vangaratidza sei mutsa muushumiri hwavo.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mutsa unoratidzwa navose mumhuri unosimudzira kunzwanana nokushandira pamwe

[Mufananidzo uri papeji 19]

Unogona kuratidza mutsa kana waunoshanda naye achirwara kana kuti achirwarirwa

[Mufananidzo uri papeji 20]

Jehovha anotsigira vaya vanoratidza mutsa nokuvimbika pasinei nokusekwa

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kuyamura muvakidzani anoda kubatsirwa kuratidza mutsa