Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rebheka—Mukadzi Aibishaira Aitya Mwari

Rebheka—Mukadzi Aibishaira Aitya Mwari

Rebheka—Mukadzi Aibishaira Aitya Mwari

NGATITII waigona kusarudzira mwanakomana wako mudzimai. Waizosarudza munhu akaita sei? Ndezvipi zvawaizomutarisira kuti ange achikwanisa kuita? Waizotsvaka tsvarakadenga, munhu akangwara, ane mutsa, anobishaira here? Kana kuti pane chimwe chinhu chawaizotanga watsvaka here?

Abrahama akatarisana nedambudziko iri. Jehovha akanga avimbisa kuti zvikomborero zvaizouya kuvazukuru vake nokumwanakomana wake Isaka. Patiri kutangira nyaya yacho, Abrahama akwegura, asi mwanakomana wake achiri tsvimborume. (Genesi 12:1-3, 7; 17:19; 22:17, 18; 24:1) Isaka zvaachagoverana zvikomborero neachazova mudzimai wake nevana vavangabereka, Abrahama anoronga kuti atsvakire Isaka mudzimai akakodzera. Chinokosha ndechokuti mudzimai wacho anofanira kuva mushumiri waJehovha. MuKanani, munogara Abrahama, zvamusina mukadzi akadaro, anofanira kutsvaka kune imwe nzvimbo. Munhu anozosarudzwa ndiRebheka. Anowanikwa sei? Mukadzi anokoshesa zvokunamata here? Tingadzidzei pakukurukura muenzaniso wake?

Kutsvaka Mukadzi Anodiwa

Abrahama anotuma muranda wake mukuru, zvimwe Eriezeri, kuMesopotamia iri kure kunotsvakira Isaka mukadzi pahama dzaAbrahama, dzinonamatawo Jehovha. Izvi zvinokosha chaizvo zvokuti Eriezeri anonzi apike kuti haazotoreri Isaka mudzimai wechiKanani. Zvinokosha kucherechedza kusimbisa kunoita Abrahama nyaya iyi.—Genesi 24:2-10.

Asvika kuguta rehama dzaAbrahama, Eriezeri anoenda nemakamera gumi patsime. Chimbofungidzira zviri kuitika! Ava manheru, uye Eriezeri anonyengetera achiti: “Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura. Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari: Nditurirewo chirongo chako, ndinwe; kana akati: Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo; ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka.”—Genesi 24:11-14.

Sezvaigona kuzivikanwa nevakadzi vose vomunzvimbo iyoyo, kamera rine nyota rinogona kunwa mvura yakawanda kwazvo (ingasvika marita 100). Saka mukadzi aizvipira kucherera makamera gumi mvura aifanira kunge akagadzirira kushanda nesimba. Kuita kwake izvozvo vamwe vakangotarira asi vasingamubatsiri kwaizonyatsoratidza simba rake, kushivirira, kuzvininipisa, uye mwoyo une mutsa kuvanhu nemhuka.

Chii chinoitika? “Asati apedza kutaura, Rebheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirka, mukadzi waNahori, munun’una waAbrahama, wakasvika ane chirongo papfudzi rake. Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara . . . akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve. Ipapo muranda wakamhanyira kundosongana naye, akati: Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe. Iye akati: Inwai henyu, ishe wangu; akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.”—Genesi 24:15-18.

Rebheka Anobudirira Here?

Rebheka muzukuru waAbrahama, kunze kwokungova tsvarakadenga, ane tsika dzakanaka. Haazezi kutaura nomunhu waasingazivi, asi haanyanyi kusununguka naye. Eriezeri paanokumbira mvura, iye anobvuma kumupa. Izvozvo hazvishamisi, sezvo dzichingova tsika dzakanaka. Zvakadini nechikumbiro chechipiri?

Rebheka anoti: “Inwai henyu, ishe wangu.” Asi hazvina kugumira ipapo. Rebheka anoenderera mberi achiti: “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.” Anotozvipira kuita zvinopfuura zvinowanzotarisirwa. Nomwoyo wose ‘anokurumidza kudurura mvura iri muchirongo chake muchinwiro, omhanyira kutsime kunocherazve uye anocherera makamera ake ose.’ Anobishaira kwazvo. Nhoroondo yacho inoti, ‘Nguva yose iyi murume wacho anoramba akamutarira achishamisika.’—Genesi 24:19-21.

Paanozoziva kuti musikana wacho ihama yaAbrahama, Eriezeri anokotamisa musoro wake achitenda Jehovha. Anobvunza kana kumba kwababa vake kuine nzvimbo yokuti iye nevaainavo varare. Rebheka anobvuma obva amhanyira kumba kunotaura nezvevashanyi.—Genesi 24:22-28.

Rabhani, hanzvadzi yaRebheka nababa vake Bhetueri, vanzwa nyaya yaEriezeri, vanonzwisisa kuti Mwari ndiye ari kutungamirira zvinhu. Zvechokwadi Rebheka anonzi ndowaIsaka. Vanoti, “Mutore, uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.” Rebheka anonzwa sei nezvazvo? Abvunzwa kana achabva angoenda, anopindura neshoko rimwe rechiHebheru, rinoreva kuti: “Ndichaenda.” Haaiti zvokumanikidzwa kuroorwa. Abrahama akanga ajekesawo izvi paakati Eriezeri aizosunungurwa pamhiko yake “kana mukadzi asingatendi.” Asi Rebheka anoonawo kuti Mwari ari kutungamirira nyaya yacho. Saka anobva angosiya mhuri yake kuti anoroorwa nomurume waasati amboona. Chisarudzo choushingi ichocho chinoratidza kutenda kukuru. Zvechokwadi ndiye akakodzera!—Genesi 24:29-59.

Paanoona Isaka, Rebheka anofukidza chiso chake kuratidza kuzviisa pasi. Isaka anomutora kuti ave mudzimai wake, uye hapana mubvunzo kuti nokuda kwounhu hwake hwakanaka kwazvo, anobva angomuda.—Genesi 24:62-67.

Vanakomana Mapatya

Rebheka anoshaya mbereko kwemakore 19. Pakupedzisira, anobata pamuviri pemapatya, asi pamuviri pacho panonetsa, nokuti vana vacho vanorwisana vari mudumbu make, zvichiita kuti Rebheka acheme kuna Mwari. Tingaitawo izvozvo munguva dzokushungurudzwa kukuru muupenyu hwedu. Jehovha anonzwa Rebheka omunyaradza. Achava amai vemarudzi maviri, uye “mukuru uchashumira muduku.”—Genesi 25:20-26.

Angasava mashoko iwayo bedzi anoita kuti Rebheka anyanyoda mwanakomana wake muduku, Jakobho. Vakomana vacho vakasiyana. Jakobho “wakarurama,” asi Esau haana hanya nezvinhu zvokunamata zvokuti anototengesera Jakobho udangwe hwake, kodzero yake yokugara nhaka zvipikirwa zvaMwari, nokudya kumwe chete. Kuroora kwaEsau vakadzi vaviri vechiHeti kunoratidza kusakoshesa—kana kusiri kutoshora—tsika dzine chokuita nokunamata, zvichiita kuti vabereki vake vashungurudzwe.—Genesi 25:27-34; 26:34, 35.

Kuwanira Jakobho Chikomborero

Bhaibheri haritauri kana Isaka achiziva kuti Esau anofanira kushumira Jakobho. Chero zvazviri, vose Rebheka naJakobho vanoziva kuti chikomborero ndechaJakobho. Rebheka anokurumidza kuita chimwe chinhu paanonzwa kuti Isaka anoda kukomborera Esau paachamuunzira nyama yemhuka. Achiri kugona kukurumidza kusarudza uye kushingaira sezvaaita achiri muduku. Ano‘rayira’ Jakobho kuti amuunzire mbudzana mbiri. Achabika nyama inofarirwa nomurume wake. Zvadaro Jakobho anofanira kunyepedzera kuva Esau kuti awane chikomborero chacho. Jakobho anoramba. Pane mukana mukuru wokuti baba vake vachaziva unyengeri hwacho vobva vamutuka! Rebheka anomumanikidza. Anoti, “Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu.” Anobva abika nyama yacho, oita kuti Jakobho anyepedzere kuva Esau, omuti aende kumurume wake.—Genesi 27:1-17.

Hazvitaurwi kuti Rebheka anoitirei izvi. Vakawanda vanoshora zvaakaita, asi Bhaibheri haridaro, uyewo Isaka haamushori paanoziva kuti Jakobho ndiye akomborerwa. Pane kudaro, Isaka anotowedzera kumukomborera. (Genesi 27:29; 28:3, 4) Rebheka anoziva zvakanga zvafanotaurwa naJehovha nezvevanakomana vake. Saka anotora matanho okuita kuti Jakobho awane chikomborero chakamukodzera. Izvi zvinonyatsopindirana nezvinodiwa naMwari.—VaRoma 9:6-13.

Jakobho Anonzi Aende kuHarani

Rebheka anovhiringidza zviri kurongwa naEsau nokukurudzira Jakobho kuti atize kusvikira hasha dzomukoma wake dzapera. Anokumbira Isaka kuti amubvumire zvaari kuronga asi haambotauri nezvehasha dzaEsau. Asi anonyengerera murume wake nokutaura kuti aizoodzwa mwoyo kana Jakobho akaroora muKanani. Pfungwa iyoyo yoga yakatokwana kuita kuti Isaka anyengetedze Jakobho kuti asaroore muKanani uye kuti amuendese kumhuri yaRebheka kuti anowana mudzimai anotya Mwari. Hapana panotaurwa kuti Rebheka anozomboonazve Jakobho, asi zvaanoita zvinoguma nechikomborero chikuru kurudzi rwaIsraeri rwomunguva yemberi.—Genesi 27:43–28:2.

Zvatinoziva nezvaRebheka zvinoita kuti timuyemure. Aiva tsvarakadenga chaiyo, asi runako rwake chairwo rwaiva pakuzvipira kwake kuna Mwari. Ndiye muroora aidiwa naAbrahama. Dzimwe tsika dzake dzakanaka dzaitopfuura zvimwe zvose zvaitarisirwa naAbrahama. Kutenda uye kushinga kwake kuita zvaidiwa naMwari uye kushingaira kwake, kuzvininipisa, uye kuva norupo unhu hunofanira kutevedzerwa nevakadzi vose vechiKristu. Uhwu ndihwo unhu hunotsvakwa naJehovha pamukadzi ane muenzaniso wakanaka zvechokwadi.