Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Chii chinoratidza kuti Jesu aiva nevanun’una nehanzvadzi?

Bhaibheri rinotaura kudaro pana Mateu 13:55, 56 naMako 6:3. Shoko rechiGiriki (adelphos) rinowanikwa mundima idzodzo rinoshandiswa kuratidza “ukama hwokunyama kana kuti hwepamutemo [uye] rinongoreva munun’una kuna amai nababa vamwe chete kana kuti munun’una kuna amai chete kana kuti kuna baba chete.” (The Catholic Biblical Quarterly, January 1992)—12/15, peji 3.

Hondo yave ichichinja sei, uye chii chave chichikonzera izvi?

Mumakore achangopfuura hondo dzakanyanya kutambudza vanhu dzaiva dzokurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete—hondo pakati pemapoka anopikisana evanhu vomunyika imwe chete. Kuvengana kwemadzinza nemarudzi, kusiyana kwezvitendero, kusaruramisira uye kusagadzikana kwezvematongerwe enyika ndizvo zvave zvichikonzera. Chimwe chikonzero kwave kuri kukara simba uye kukara mari.—1/1, mapeji 3-4.

Tinoziva sei kuti Jesu akanga asingarevi kuti vaKristu vadzokorore munyengetero wokuenzanisira sezvauri nomusoro?

Jesu akapa muenzaniso uyu womunyengetero muMharidzo yake Yepagomo. Kwapera inenge mwedzi 18, akadzokorora pfungwa huru dzomurayiridzo wake wokutanga pamusoro pomunyengetero. (Mateu 6:9-13; Ruka 11:1-4) Chokwadi chokuti haana kudzokorora shoko neshoko rawo chinoonekwa, zvichiratidza kuti akanga asiri kupa munyengetero unofanira kudzokororwa sezvauri nomusoro.—2/1, peji 8.

Mafashamo apera, njiva yakawana kupi shizha romuorivhi rayakauya naro muareka?

Hatizivi kuti mvura yemafashamo yaiva nomunyu wakawanda zvakadini kana kuti yaitonhora kana kuti kupisa zvakadini. Asi miorivhi yave ichizivikanwa kuti inotungazve kunyange pashure pokunge yatemwa. Saka mimwe ingave yakapukunyuka mafashamo ndokuzotungira mashizha.—2/15, peji 31.

Munguva yokurwisana kwevagari vomuNigeria, nokusadyidzana kwayo neBiafra, Zvapupu zvaJehovha zvomunzvimbo iyoyo zvaiwana sei zvokudya zvomudzimu?

Mumwe mushandi wehurumende akanzi ashandire kuEurope uye mumwe wacho akanzi ashandire kunhandare yendege yokuBiafra. Vose vaiva Zvapupu. Vakabvuma kuita basa raiva nengozi rokupinza zvokudya zvomudzimu muBiafra, vachibatsira hama dzakawanda kusvikira hondo yacho yapera muna 1970.—3/1, peji 27.

Chii chakapedzwa Nechibvumirano Chorugare chokuWestphalia, uye chitendero chaibatanidzwa sei?

Kuchinja kwacho kwakakamura Umambo Hutsvene hweRoma kuva zvitendero zvitatu—cheKaturike, chaLuther, nechaCalvin. Sangano roMubatanidzwa wevaPurotesitendi uye Sangano roMubatanidzwa wevaKaturike akaumbwa mukuvamba kwezana remakore rechi17. Zvadaro hondo yechitendero yakatanga muBohemia ndokukura kuva hondo yezvematongerwe yenyika dzakawanda. Vatongi vevaKaturike nevaPurotesitendi vakashandisa nzira dzose dzavaikwanisa kuti vawane simba rezvematongerwe enyika uye purofiti mune zvokutengeserana. Pakupedzisira, hurukuro dzorugare dzakaitwa muruwa rweWestphalia, muGermany. Kwapera anenge makore mashanu, Chibvumirano cheWestphalia chakasainiranwa muna 1648, zvichigumisa Hondo Yemakore Makumi Matatu, uye pachiva nokutanga kweEurope itsva sekondinendi ine nyika dzinozvitonga.—3/15, mapeji 20-3.

Chii chinorehwa nechiratidzo, kana kuti zita, zve“chikara”—nhamba 666?

Chiratidzo ichi chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:16-18. Chikara chinoreva kutonga kwevanhu, uye kuva kwechikara ne“nhamba yomunhu” kunoratidza kuti hurumende dzinoratidza kutadza kunoita vanhu. Nhamba 6 kuwedzera 60 kuwedzerazve 600 inoratidza kuti chinoperevedza kwazvo mukuona kwaMwari. Vaya vane chiratidzo ichi vanopa rukudzo rwokunamata kuHurumende dzenyika, kana kuti vanotarisira kuti dzichavaponesa.—4/1, mapeji 4-7.