Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu vaMwari Vanofanira Kuda Mutsa

Vanhu vaMwari Vanofanira Kuda Mutsa

Vanhu vaMwari Vanofanira Kuda Mutsa

“Chinotsvakwa naJehovha chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro [“mutsa,” NW], uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—MIKA 6:8.

1, 2. (a) Nei zvisingafaniri kutishamisa kuti Jehovha anotarisira kuti vanhu vake varatidze mutsa? (b) Mibvunzo ipi nezvomutsa yatinofanira kufunga nezvayo?

JEHOVHA ndiMwari womutsa. (VaRoma 2:4; 11:22) Vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha vanofanira kunge vakaonga zvikuru izvozvo! Mumunda weEdheni, vaiva pakati pezvisikwa zvinoonekwa zvaipa uchapupu hwomutsa waMwari kuvanhu, vachigona kunakidzwa nazvo. Uye Mwari achine mutsa kuvanhu vose, kunyange kune vasingaongi nevakaipa.

2 Vanhu vanogona kuratidza unhu hwaMwari nokuti vakasikwa mumufananidzo wake. (Genesi 1:26) Hazvishamisi kuti Jehovha anotitarisira kuti tiratidze mutsa. Sezvinotaurwa pana Mika 6:8, vanhu vaMwari vanofanira ‘kuda mutsa.’ Asi mutsa chii? Wakabatana sei nohumwe unhu hwaMwari? Sezvo vanhu vachigona kuratidza mutsa, nei nyika iri nzvimbo ine utsinye uye inotambudza kudai? Nei isu sevaKristu tichifanira kuedza kuratidza mutsa paukama hwedu nevamwe?

Mutsa Chii?

3. Ungarondedzera sei mutsa?

3 Mutsa unoratidzwa nokunyatsofarira kugara zvakanaka kwevamwe. Unoratidzwa nemabasa anobatsira uye mashoko anotaurwa zvakanaka. Kuva nomutsa zvinoreva kuita zvakanaka pane kuita zvinokuvadza. Munhu ane mutsa ane ushamwari, munyoro, anonzwira tsitsi, uye ane nyasha. Ane rupo uye ane hanya nevamwe. Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Saka, mutsa ndechimwe chezvipfeko zvokufananidzira zvomuKristu wose wechokwadi.

4. Jehovha ave achitungamirira sei pakuratidza mutsa kuvanhu?

4 Jehovha Mwari ndiye akatanga kuratidza mutsa. Sezvakataura Pauro, “mutsa nokuda vanhu kwoMuponesi wedu, Mwari, zvakati zvaoneswa,” akabva “atiponesa nokushambidza kwakatiunza kuupenyu uye nokuitwa kwedu vatsva nomudzimu mutsvene.” (Tito 3:4, 5) Mwari ‘anoshambidza,’ kana kuti anochenesa, vaKristu vakazodzwa muropa raJesu, achishandisa kukosha kwechibayiro chorudzikinuro chaKristu nokuda kwavo. Mudzimu mutsvene unovaitawo vatsva, vova “chisikwa chitsva” sevanakomana vaMwari vakaberekwa nomudzimu. (2 VaKorinde 5:17) Uyezve, mutsa waMwari norudo zvinoratidzirwawo kune ve“boka guru revanhu,” avo “vakageza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.”—Zvakazarurwa 7:9, 14; 1 Johani 2:1, 2.

5. Nei vaya vanotungamirirwa nomudzimu waMwari vachifanira kuratidza mutsa?

5 Mutsa ndechimwewo chezvibereko zvomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinoita basa. Pauro akati: “Zvibereko zvomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hapana mutemo unorwisana nezvinhu zvakadai.” (VaGaratiya 5:22, 23) Saka, vaya vanotungamirirwa nomudzimu waMwari havafaniri here kuratidzira vamwe mutsa?

Mutsa Wechokwadi Hakusi Kukanganisa

6. Ndepapi panganzi kuva nomutsa kukanganisa, uye nei?

6 Vamwe vanhu vanoona sokuti kuva nomutsa kukanganisa. Vanofunga kuti munhu anofanira kuva noutsinye, kunyange kushayiwa tsika, kuitira kuti vamwe vaone kuti ane simba. Zvisinei, kuva nomutsa uye kusaratidza mutsa pazvinenge zvisina kufanira zvinotoda simba chairo. Sezvo mutsa wechokwadi uri chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari, hakunganzi kukanganisa, kungoregererawo zvako zvinhu zvakaipa zvichiitika. Asi mutsa usina kufanira ndiko kukanganisa kunoita kuti munhu aregerere zvakaipa zvichiitika.

7. (a) Eri akaratidza sei kuti airegeredza? (b) Nei vakuru vachifanira kuchenjerera kuratidza mutsa usina kufanira?

7 Somuenzaniso, chimbofunga nezvomupristi mukuru waIsraeri, Eri. Airegeredza pakuranga vanakomana vake, Hofni naPinehasi, vaiita mabasa oupristi patebhenekeri. Vasingagutsikani nezvairayirwa noMutemo waMwari kuti ndozvavaifanira kupiwa, vaiudza murindi kuti arayire munhu ainge auya nechipo kuti avape nyama isina kubikwa mafuta echipo asati apfungaira paatari. Vanakomana vaEri vairarawo nevakadzi vaishumira pasuo retebhenekeri. Zvisinei, pane kudzinga Hofni naPinehasi pabasa racho, Eri aingovatsiura hake zvinyororo-nyoro. (1 Samueri 2:12-29) Ndokusaka “shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo”! (1 Samueri 3:1) Vakuru vechiKristu vanofanira kungwarira kuti vasaratidza mutsa usina kufanira kuvanhu vanotadza vangakanganisa kunamata kweungano. Mutsa wechokwadi haushiviriri mashoko nezviito zvakaipa zvinokanganisa zvinodiwa naMwari.

8. Jesu akaratidza sei mutsa wechokwadi?

8 Muenzaniso wedu, Jesu Kristu, haana kumboratidza mutsa usina kufanira. Ndiye aitova muenzaniso mukuru womutsa wechokwadi. Somuenzaniso, ‘akasiririswa nevanhu nokuti vaibatwa zvisina kufanira uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.’ Vanhu vaiva nemwoyo yakatendeseka vainzwa vakasununguka kutaura naJesu, kunyange kutounza vana vavo vaduku kwaari. Chimbofunga mutsa netsitsi zvaakaratidza pa“akafungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera.” (Mateu 9:36; Mako 10:13-16) Kunyange zvazvo Jesu aiva nomutsa, aiomerera pane zvainzi naBaba vake vokudenga zvakarurama. Jesu haana kumboregerera zvakaipa; aiva nesimba raakapiwa naMwari rokushora vatungamiriri vechitendero vainyengera. Sezvinoonekwa pana Mateu 23:13-26, akadzokorora kanoverengeka chirevo chokuti: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri!”

Mutsa uye Humwe Unhu hwaMwari

9. Mutsa wakabatana papi nomwoyo murefu uye runako?

9 Mutsa wakabatana nohumwe unhu hunoberekwa nomudzimu waMwari. Wakaiswa pakati po“mwoyo murefu” no“runako.” Chokwadi, munhu anokudziridza mutsa anoratidza unhu ihwohwo nokuva nomwoyo murefu. Anotoshivirira vanhu vasina mutsa. Mutsa wakabatana norunako mukuti unowanzoratidzwa mukuita mabasa akanaka anobatsira vamwe. Dzimwe nguva, shoko rechiGiriki rinoshandiswa muBhaibheri kuti “mutsa” rinogona kushandurwa kuti “runako.” Kuratidzirwa kwounhu uhwu pakati pevaKristu vekare kwakashamisa chaizvo vahedheni zvokuti vakadana vateveri vaJesu ivavo kuti ‘vanhu vakagadzirwa nomutsa,’ maererano naTertullian.

10. Mutsa norudo zvinobatana papi?

10 Mutsa norudo zvakabatana. Nezvevateveri vake, Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Uye nezvorudo urwu, Pauro akati: “Rudo rune mwoyo murefu rune mutsa.” (1 VaKorinde 13:4) Mutsa wakabatanawo norudo mushoko rokuti ‘mutsa worudo,’ rinowanzoshandiswa muMagwaro. Uyu mutsa unobva parudo rwokuvimbika. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti ‘mutsa worudo’ rinoreva zvinopfuura rudo rukuru kwazvo. Mutsa unozvibatanidza norudo kuchinhu kusvikira chinangwa chawo maererano nacho chaitwa. Mutsa worudo waJehovha, kana kuti rudo rwokuvimbika, unoratidzwa munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, unoonekwa mumabasa ake okununura neokudzivirira.—Pisarema 6:4; 40:11; 143:12.

11. Mutsa worudo waMwari unotipa chivimbo chei?

11 Mutsa worudo waJehovha unokwevera vanhu kwaari. (Jeremia 31:3) Vashumiri vaMwari vakatendeka pavanoda kununurwa kana kuti kubatsirwa, vanoziva kuti mutsa wake worudo chaizvoizvo rudo rwokuvimbika. Hauzombovasiyi vasina rubatsiro. Saka, vanogona kunyengetera nechivimbo, sezvakaita munyori wepisarema uyo akati: “Asi ndakavimba nenyasha [“mutsa worudo,” NW] dzenyu; mwoyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu.” (Pisarema 13:5) Sezvo rudo rwaMwari rwakavimbika, vashumiri vake vanogona kuvimba naye zvakakwana. Vane chivimbo chokuti: “Jehovha haangarashi vanhu vake, uye haangasiyi nhaka yake.”—Pisarema 94:14.

Nei Nyika Iine Utsinye Kudai?

12. Kutonga kwoudzvinyiriri kwakatanga rini uye sei?

12 Mhinduro yomubvunzo uyu ine chokuita nezvakaitika mumunda weEdheni. Kare kare vanhu vachangosikwa, chimwe chisikwa chomudzimu icho chakanga chava noudyire uye chichizvikudza, chakaruka zano rokuti chive mutongi wenyika yose. Somugumisiro wezano racho rachakaruka, zvechokwadi chakazova “mutongi wenyika ino” anodzvinyirira chaizvo. (Johani 12:31) Chakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi, mushori mukuru waMwari nevanhu. (Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9) Mazano ake oudyire okuti atange utongi hunokwikwidzana nokutonga kwomutsa kwaJehovha akafumurwa Evha achangosikwa. Saka, kutonga kwakaipa kwakatanga Adhama paakasarudza nzira yokuva akasununguka pakutonga kwaMwari, achiramba zvachose mutsa Wake. (Genesi 3:1-6) Pane kuzvitonga zvechokwadi, Adhama naEvha vakatozova pasi paDhiyabhorosi ane udyire uye anodada, vachiva vanhu vaanotonga.

13-15. (a) Ndezvipi zvimwe zvakakonzerwa nokuramba kutonga kwaJehovha kwakarurama? (b) Nei nyika ino iri nzvimbo inotambudza?

13 Chimbofunga zvimwe zvakazoitika. Adhama naEvha vakadzingwa pane chimwe chikamu chepasi chaiva paradhiso. Vakabva munzvimbo yakasvibirira yaiwanikwa miti yakanaka nemichero vachienda kumamiriro ezvinhu akaoma kunze kwomunda weEdheni. Mwari akati kuna Adhama: “Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakurayira ndichiti: Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; ichakuberekera minzwa noutumbambeva.” Kutukwa kwakaitwa nyika kwaireva kuti kuirima kwaizova kwakaoma. Vazukuru vaAdhama vakarwadziwa chaizvo neminzwa noutumbambeva zvenyika yakatukwa, zvokuti baba vaNoa, Rameki vakataura nezvo‘kutambudzika kwamaoko avo kunobva panyika yakanga yatukwa naJehovha.’—Genesi 3:17-19; 5:29.

14 Adhama naEvha vakarasikirwawo norunyararo vakava nenhamo. Mwari akati kuna Evha: “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kwomurume wako, iye uchava ishe wako.” Gare gare, Kaini, dangwe raAdhama naEvha, akaita utsinye hwokuponda munun’una wake Abheri.—Genesi 3:16; 4:8.

15 Muapostora Johani akati, “Nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Sezvinoita mutongi wayo, nhasi nyika inoratidza unhu hwakaipa hunosanganisira udyire norudado. Ndokusaka izere nokutambudzika noutsinye! Asi haisi kuzoramba yakadaro. Jehovha achava nechokwadi chokuti mutsa nokunzwira tsitsi, zvichatekeshera muUmambo hwake, panzvimbo pokutambudzika noutsinye.

Mutsa Uchatekeshera muUmambo hwaMwari

16. Nei kutonga kwaMwari achishandisa Kristu Jesu kuri kwomutsa, uye isu tinonzwa tichifanira kuitei?

16 Jehovha naMambo woUmambo Hwake akasarudzwa, Kristu Jesu, vanoda kuti vanhu vavanotonga vave nomukurumbira wokuva nomutsa. (Mika 6:8) Jesu Kristu akambotiratidza kuti kutonga kwaakapiwa naBaba vake kunenge kuri kwomutsa sei. (VaHebheru 1:3) Izvi zvinogona kuonekwa mumashoko aJesu aifumura vatungamiriri vechitendero chenhema vairemedza vanhu nezvinhu zvinorema. Akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:28-30) Vatongi venyika, vezvitendero, nevamwewo, vose zvavo vakawanda kudaro, vanonetesa vanhu nezvinhu zvinorema zvemitemo isingaperi nemabasa avasingazombotendi. Asi zvinotarisirwa naJesu kuvateveri vake zvinhu zvinoenderana nezvavanoda uye zvavanokwanisa. Zvechokwadi ijoko rinozorodza, romutsa! Hatinzwi tichida kuva saiye mukuratidzira vamwe mutsa here?—Johani 13:15.

17, 18. Nei tichigona kuvimba kuti vaya vachatonga naKristu kudenga uye vanomumiririra pasi pano vacharatidza mutsa?

17 Mashoko aJesu anoshamisa aakaudza vaapostora vake anoratidza kuti kutonga kwoUmambo hwaMwari kwakasiyana chaizvo nokutonga kwevanhu. Bhaibheri rinoti: “Pakavawo nenharo huru pakati pavo [vadzidzi] pamusoro pokuti ndiani wavo airatidzika somukuru kupfuura vose. Asi akati kwavari: ‘Madzimambo emamwe marudzi anovaremedza, uye avo vane simba pamusoro pavo vanonzi Vabetseri. Asi imi, hamufaniri kuva vakadaro. Asi ari mukuru kupfuura vose pakati penyu ngaave somuduku pana vose, uye anoita somukuru ave seanoshumira. Nokuti mukuru ndiani, akatsenhama patafura kana ari kushumira? Haasi akatsenhama patafura here? Asi ndiri pakati penyu seari kushumira.’”—Ruka 22:24-27.

18 Vatongi vevanhu vanoda kuratidza ukuru hwavo no‘kuremedza’ vanhu uye nokutsvaka mazita omukurumbira, sezvinonzi mazita iwayo anovaita kuti vave vakuru kupfuura vavanotonga. Asi Jesu akati ukuru hwechokwadi hunobva pakushumira vamwe—kuedza kuvashumira nokushingaira uye usingaregi. Vose vaya vachatonga naKristu kudenga kana kuti sevashumiri vanomumiririra pasi pano vanofanira kuvavarira kutevedzera muenzaniso wake wokuzvininipisa nowemutsa.

19, 20. (a) Jesu akaratidza sei ukuru hwomutsa waJehovha? (b) Tingatevedzera Jehovha sei mukuratidza mutsa?

19 Ngationei rimwe zano rorudo rakapiwa naJesu. Achiratidza ukuru hwomutsa waJehovha, Jesu akati: “Kana muchida vanokudai, zvinokupai mbiri yei? Nokuti kunyange vanhu vanoita zvivi vanoda vanovada. Kana muchiitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, chaizvoizvo zvinokupai mbiri yei? Kunyange vanhu vanoita zvivi vanoitawo izvozvo. Uyewo, kana mukakweretesa pasina mubereko avo vamunotarisira kugamuchira kwavari, zvinokupai mbiri yei? Kunyange vanhu vanoita zvivi vanokweretesa vanhu vanoita zvivi pasina mubereko kuti vadzorerwewo izvozvo. Asi, rambai muchida vavengi venyu nokuita zvakanaka nokukweretesa pasina mubereko, musingatarisiri kudzorerwa chimwe chinhu; uye mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusorosoro, nokuti ane mutsa kune vasingaongi nevakaipa. Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vane ngoni.”—Ruka 6:32-36.

20 Mutsa waMwari hauna udyire. Hapana chaunokumbira uye hapana chaunotarisira. Nomutsa Jehovha ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mateu 5:43-45; Mabasa 14:16, 17) Nokutevedzera Baba vedu vokudenga, hatizokuvadzi vaya vasingaongi asi tichavaitira zvakanaka, kunyange vaya vaimbotivenga. Nokuratidza mutsa, tinoratidza Jehovha naJesu kuti tinoda kugara muUmambo hwaMwari, umo mutsa nounhu hwaMwari zvichatekeshera muukama hwose hwevanhu.

Nei Tichifanira Kuratidza Mutsa?

21, 22. Nei tichifanira kuratidza mutsa?

21 KumuKristu wechokwadi, kuratidza mutsa kunokosha zvikuru. Uchapupu hwokuti mudzimu waMwari uri kushanda matiri. Uyezve, patinoratidza mutsa wechokwadi, tinenge tichitevedzera Jehovha Mwari naKristu Jesu. Mutsa unodiwawo kune vaya vachava muUmambo hwaMwari. Saka, tinofanira kuda mutsa todzidzira kuuratidza.

22 Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo mutsa muupenyu hwedu hwezuva nezuva? Nyaya inotevera ichakurukura izvozvo.

Unopindura Sei?

• Mutsa chii?

• Nei nyika iri nzvimbo ine utsinye uye inotambudza?

• Tinoziva sei kuti mutsa uchatekeshera mukutonga kwaMwari?

• Nei kuratidza mutsa kuchikosha kune vaya vanoda kurarama muUmambo hwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vakuru vechiKristu vanoedza kuva nomutsa pakutarisira boka

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mutsa worudo waJehovha hauzombosiyi vashumiri vake vasina rubatsiro munguva dzakaoma

[Mifananidzo iri papeji 16]

Nomutsa Jehovha anobvumira kuti zuva rivhenekere uye kuti mvura inayire vanhu vose