Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Akashinga saJeremia

Iva Akashinga saJeremia

Iva Akashinga saJeremia

“Rindira Jehovha; iva nesimba [“akashinga,” NW], nomwoyo wako utsunge; ndinoti, rindira Jehovha.”—PISAREMA 27:14.

1. Zvapupu zvaJehovha zvine zvikomborero zvipi zvikuru?

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zviri muparadhiso yomudzimu. (Isaya 11:6-9) Munyika ino yatambura, vanofara kuva mumhoteredzo yomudzimu yakasiyana nedzimwe nevaKristu vavanonamata navo, avo vane rugare naJehovha Mwari uye nevamwe. (Pisarema 29:11; Isaya 54:13) Uye paradhiso yavo yomudzimu iri kukura. Vose vano“ita kuda kwaMwari nemweya wose” vane zvavanoita pakukura kwayo. (VaEfeso 6:6) Sei? Nokurarama maererano nenhungamiro dzeBhaibheri uye nokudzidzisa vamwe kuita kudaro, tobva tavakoka kuti vazowanawo zvikomborero zvikuru zveparadhiso yacho.—Mateu 28:19, 20; Johani 15:8.

2, 3. VaKristu vechokwadi vanofanira kutsungirira chii?

2 Zvisinei, kugara kwedu muparadhiso yomudzimu hakurevi kuti hatifaniri kutsungirira miedzo. Hatisati takwana uye tinorwara, tinokwegura, pakupedzisira tofa. Uyezve, tiri kuona kuzadzika kwouprofita hune chokuita ne“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Zvapupu zvaJehovha zvinotamburawo nehondo, utsotsi, kurwara, nzara, nedzimwe nhamo dzinotambudza vanhu vose.—Mako 13:3-10; Ruka 21:10, 11.

3 Kunze kwezvinhu izvozvo, tinonyatsoziva kuti kunze kweparadhiso yedu yomudzimu, kune mhepo inotonhora yokushorwa. Jesu akanyevera vateveri vake kuti “Nokuti hamusi rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, nemhaka yeizvi nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakataura kwamuri kuti, Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu.” (Johani 15:18-21) Zvinhu hazvina kumbosiyana nhasi. Vanhu vakawanda havanzwisisi kana kuti havafariri manamatiro atinoita. Vamwe vanotishora, vamwe vanotiseka kana kuti vanototivenga—sezvakanyeverwa naJesu. (Mateu 10:22) Kakawanda tinowanzonyeperwa uye zvinobudisa nhau zvinowanzoparadzira mashoko akaipa pamusoro pedu. (Pisarema 109:1-3) Chokwadi, tose tinotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma uye vamwe vedu tingatanga kuora mwoyo. Tingatsungirira sei?

4. Tinotsvaka kuti tibatsirwe naani kuti titsungirire?

4 Jehovha achatibatsira. Achifuridzirwa, munyori wepisarema akanyora kuti: “Wakarurama une madambudziko mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.” (Pisarema 34:19; 1 VaKorinde 10:13) Vakawanda vedu tinogona kupupurira kuti patinoisa chivimbo chakazara muna Jehovha, anotipa simba rokutsungirira matambudziko ose. Kumuda kwedu uye mufaro wakaiswa pamberi pedu zvinotibatsira kuti tikurire kuora mwoyo uye kutya. (VaHebheru 12:2) Saka patinotarisana nematambudziko, tinoramba takasimba.

Shoko raMwari Rakasimbisa Jeremia

5, 6. (a) Mienzaniso ipi yatinayo yevanamati vechokwadi vakakwanisa kutsungirira? (b) Jeremia akaita sei paakadanwa kuti ave muprofita?

5 Munhau yose yevanhu, vashumiri vaJehovha vakatendeka vakawana mufaro pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma. Vamwe vakararama munguva yokutonga apo Jehovha akatsamwira vanhu vasina kutendeka. Jeremia nevamwe vashomanana vomunguva yake, uyewo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva pakati pevanamati ivavo vakatendeka. Mienzaniso iyoyo yekare yakanyorwa muBhaibheri kuti tikurudzirwe, uye tinogona kudzidza zvakawanda nokudzidza nezvayo. (VaRoma 15:4) Somuenzaniso, ngatimbofungai nezvaJeremia.

6 Achiri muduku, Jeremia akadanwa kuti ashumire somuprofita muJudha. Iri rakanga risiri basa riri nyore. Vakawanda vakanga vachinamata vanamwari venhema. Kunyange zvazvo Josiya, uyo aiva mambo apo Jeremia akatanga ushumiri hwake, akanga akatendeka, madzimambo ose akamutevera akanga asina kutendeka, uye vakawanda vevaya vaiva nomutoro wokudzidzisa vanhu—vaprofita nevapristi—vakanga vasingatsigiri chokwadi. (Jeremia 1:1, 2; 6:13; 23:11) Saka, Jeremia akanzwa sei paakadanwa naJehovha kuti ave muprofita? Akatya! (Jeremia 1:8, 17) Jeremia akayeuka zvaakaita pakutanga: “Ndikati: Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.”—Jeremia 1:6.

7. Jeremia aiwanzosangana nei mundima yake, uye akaita sei?

7 Ndima yaJeremia yakanga isina vanhu vanofarira, uye aiwanzosangana nokushorwa kwakasimba. Pane imwe nguva Pashuri, mupristi, akamurova ndokumuita kuti aiswe mumatanda. Jeremia akataura kuti akanzwa sei panguva yacho: “[Ndakati]: Handichamurangariri, [Jehovha] kana kutaura nezita rake.” Zvichida wakambonzwa saizvozvo—uchida kurega. Ona kuti chii chakabatsira Jeremia kuti arambe achienderera mberi. Akati: “Mumwoyo mangu [shoko raMwari, kana kuti mashoko] mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.” (Jeremia 20:9) Ndizvo zvaunonzwawo here nemashoko aMwari?

Shamwari dzaJeremia

8, 9. (a) Muprofita Uria akakundikana kuitei, zvikaguma nei? (b) Nei Bharuki akaora mwoyo, uye akabatsirwa sei?

8 Jeremia akanga asiri oga mubasa rake rokuprofita. Aiva neshamwari, uye anofanira kuve akakurudzirwa nadzo. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva shamwari dzake hadzina kuita nokuchenjera. Somuenzaniso, muprofita waaishanda naye ainzi Uria akanga achishingairira kunyevera kuparadzwa kweJerusarema neJudha ‘maererano nemashoko ose aJeremia.’ Zvisinei, Mambo Jehoiakimi paakarayira kuti Uria aurayiwe, muprofita wacho akatya akatizira kuIjipiti. Izvozvo hazvina kumuponesa. Varume vamambo vakamutevera, vakamubata, vachibva vamudzosa kuJerusarema, kwaakazourayiwa. Izvozvo zvinofanira kuva zvakavhundutsa Jeremia chaizvo!—Jeremia 26:20-23.

9 Imwe shamwari yaJeremia yaiva munyori wake, Bharuki. Bharuki aitsigira Jeremia zvakanaka kwazvo, asi pane imwe nguva iyewo akanga asisanyanyofungi nezvezvinhu zvine chokuita nokunamata. Akatanga kunyunyuta, achiti: “Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshayiwa zororo.” Aora mwoyo, Bharuki akatanga kusakoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata. Zvisinei, Jehovha nomutsa akapa Bharuki zano rokuchenjera, achibva aruramiswa. Akabva azovimbiswa kuti aizopona pakuparadzwa kweJerusarema. (Jeremia 45:1-5) Jeremia anofanira kuve akakurudzirwa kwazvo apo Bharuki akatsigazve mune zvokunamata!

Jehovha Akatsigira Muprofita Wake

10. Ivimbiso ipi yokutsigira Jeremia yakaitwa naJehovha?

10 Zvinokosha zvikuru ndezvokuti Jehovha haana kusiya Jeremia. Akanzwisisa manzwiro aiita muprofita wake uye akamupa simba norutsigiro zvaaida. Somuenzaniso, pakatanga ushumiri hwaJeremia paakataura nezvokufunga kwake kuti haakwanisi, Jehovha akamuudza kuti: “Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha: Ini ndinewe, kuti ndikurwire.” Zvadaro, audza muprofita wake nezvebasa rake, Jehovha akati: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Jeremia 1:8, 19) Zvainyaradza kwazvo! Uye Jehovha akaita sezvaakataura.

11. Tinoziva sei kuti Jehovha akaita zvaakavimbisa zvokutsigira Jeremia?

11 Saka, pashure pokuiswa mumatanda uye pokutukwa nevoruzhinji, Jeremia akataura nechivimbo kuti: “Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo.” (Jeremia 20:11) Mumakore akazotevera apo vakaedza kuuraya Jeremia, Jehovha akaramba ainaye, uye saBharuki, Jeremia akapona pakaparadzwa Jerusarema ndokuva munhu akasununguka, asi vaimutambudza uye vaya vairamba kuteerera nyevero dzake vakaparara kana kuti vakaendeswa kuBhabhironi.

12. Pasinei nezvinhu zvinoita kuti tiore mwoyo, tinofanira kuyeukei?

12 Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinotsungirira kutambudzwa sezvakaita Jeremia. Sezvambotaurwa, kumwe kwokutambudzwa kwacho kunokonzerwa nokusakwana kwedu, kumwe kwacho nokunyongana kwakaita nyika, uyewo kumwe kwacho nevaya vanoshora basa redu. Matambudziko akadaro anogona kuodza mwoyo. SaJeremia, tingasvika pakusava nechokwadi kana tingaramba tichiita basa redu. Chokwadi, tinogona kutarisira kuodzwa mwoyo nguva nenguva. Kuora mwoyo kunoedza kudzama kwakaita kuda kwatinoita Jehovha. Saka ngatitsungei kusabvumira kuora mwoyo kuchitiita kuti tisiye basa raJehovha sezvakaitwa naUria. Pane kudaro, ngatitevedzerei Jeremia tova nechivimbo chokutsigirwa naJehovha.

Kukurira Kwatingaita Kuora Mwoyo

13. Tingatevedzera sei muenzaniso waJeremia newaDhavhidhi?

13 Jeremia aigara achitaura naJehovha Mwari, achimuudza zvaiva pasi pemwoyo wake uye achimukumbira simba. Iwoyo muenzaniso wakanaka wokutevera. Dhavhidhi wekare, uyo akatsvakawo simba kuna Jehovha, akanyora kuti: “Inzwai mashoko angu, Jehovha, rangarirai kufunga kwomwoyo wangu. Teererai inzwi rokuchema kwangu, imi Mambo wangu, naMwari wangu; nokuti ndinonyengetera kwamuri.” (Pisarema 5:1, 2) Nhoroondo yakafuridzirwa youpenyu hwaDhavhidhi inoratidza kuti Jehovha akaramba achipindura minyengetero yaDhavhidhi yokuti abatsirwe. (Pisarema 18:1, 2; 21:1-5) Saizvozvowo, patinoomerwa zvikuru kana kuti zvinetso zvedu pazvinoita sezvisingakundiki, zvinonyaradza kwazvo kunyengetera kuna Jehovha tomuzarurira mwoyo yedu. (VaFiripi 4:6, 7; 1 VaTesaronika 5:16-18) Jehovha haarambi kutiteerera. Asi, anotivimbisa kuti ‘ane hanya nesu.’ (1 Petro 5:6, 7) Zvisinei, zvaizova zvisina musoro kunyengetera kuna Jehovha asi torega kuteerera zvaanotaura, handizvo here?

14. Mashoko aJehovha akaitei pana Jeremia?

14 Jehovha anotaura sei nesu? Fungazve nezvaJeremia. Sezvo Jeremia aiva muprofita, Jehovha aitaura naye zvakananga. Jeremia anorondedzera kuti mashoko aJehovha Mwari akaitei pamwoyo pake achiti: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.” (Jeremia 15:16) Chokwadi, Jeremia akafarira kuti akanga achishevedzwa nezita raMwari, uye mashoko Ake aikosha kumuprofita wacho. Saka, somuapostora Pauro, Jeremia aida kwazvo kuzivisa shoko raakanga apiwa.—VaRoma 1:15, 16.

15. Tingadyara sei mashoko aJehovha mumwoyo yedu, uye kufunga nezvechii kuchaita kuti tisaramba takanyarara?

15 Nhasi Jehovha hapana waanotaura naye zvakananga. Zvisinei, tine mashoko aMwari mumapeji eBhaibheri. Saka, kana tikadzidza Bhaibheri nemwoyo wose uye tikafungisisa zvatinodzidza, mashoko aMwari achava ‘mufaro nokufadzwa’ kwemwoyo yeduwo. Uye tinogona kufara kuti tinotakura zita raJehovha patinoenda kunoudza vamwe mashoko iwayo. Ngatisambokanganwa kuti hapana vamwe vanhu pasi pose vanozivisa zita raJehovha nhasi. Zvapupu zvake bedzi ndizvo zvinozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa uye ndizvo zvinodzidzisa vanyoro kuti vave vadzidzi vaJesu Kristu. (Mateu 28:19, 20) Takakomborerwa zvikuru! Tichifunga nezvezvatakapiwa naJehovha nenzira yorudo, tingaramba sei takanyarara?

Ngatingwarirei Shamwari Dzedu

16, 17. Jeremia aiona sei shamwari, uye tingamutevedzera sei?

16 Jeremia anotaura chimwewo chinhu chakamubatsira kuti ashinge. Akati: “Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda kworuoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamwa kwenyu.” (Jeremia 15:17) Kuna Jeremia zvaiva nani kuti ave oga zvake pane kukanganiswa neshamwari dzakaipa. Nhasi isuwo tinoona zvinhu saizvozvo. Hatimbokanganwi nyevero yomuapostora Pauro inoti “songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera,” kunyange tsika dzinobatsira dzatave tiinadzo kwemakore.—1 VaKorinde 15:33.

17 Shamwari dzakaipa dzinogona kubvumira mudzimu wenyika kuti usvibise kufunga kwedu. (1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2; Jakobho 4:4) Saka ngatirovedzei masimba edu okunzwisisa kuziva shamwari dzinokuvadza tosiyana nadzo zvachose. (VaHebheru 5:14) Kudai Pauro aiva mupenyu pasi pano nhasi, unofunga kuti aizoti kudini kumuKristu anoona mafirimu ounzenza kana echisimba kana kuti mitambo yechisimba? Aizonyeverei hama inoshamwaridzana nevanhu vaisingazivi zvachose paIndaneti? Aizofungei nezvomuKristu anopedza maawa akawanda achitamba mitambo yepaTV, serura, kombiyuta, nemimwewo yakadaro kana kuti achiona terevhizheni asi asina tsika dzakanaka dzokudzidza ari oga?—2 VaKorinde 6:14b; VaEfeso 5:3-5, 15, 16.

Rambira Muparadhiso Yomudzimu

18. Ndezvipi zvichatibatsira kuti tirambe takasimba pakunamata?

18 Tinokoshesa paradhiso yedu yomudzimu. Hapana chimwe chinhu chingatomboti fananei nayo munyika nhasi. Kunyange vanhu vasingatendi vanorumbidza rudo, kuva nehanya, uye mutsa zvinoratidzirana vaKristu. (VaEfeso 4:31, 32) Kunyange zvakadaro, zvino kupfuura nakare kose, tinofanira kurwisa kuora mwoyo. Shamwari dzakanaka, munyengetero, uye tsika dzokudzidza dzakanaka zvingatibatsira kuti tirambe takasimba pakunamata. Zvichatisimbisa kuti titarisane nemiedzo yose tichivimba naJehovha zvakakwana.—2 VaKorinde 4:7, 8.

19, 20. (a) Chii chichatibatsira kutsungirira? (b) Nyaya inotevera yakanyorerwa ani, uye ichafadzawo vanaani?

19 Hatimbofaniri kubvumira vaya vanovenga shoko redu reBhaibheri kuti vatityisidzire vonetesa kutenda kwedu. Kufanana nevavengi vakatambudza Jeremia, vaya vanotirwisa vari kurwisanawo naMwari. Havazokundi. Jehovha, uyo akasimba zvikuru kudarika vanotishora, anotiudza kuti: “Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge; ndinoti, rindira Jehovha.” (Pisarema 27:14) Tichivimba naJehovha zvakadzika midzi mumwoyo yedu, ngatitsungei kusamborega kuita zvakanaka. Ngativei nechivimbo chokuti, saJeremia naBharuki, tichakohwa kana tisinganeti.—VaGaratiya 6:9.

20 VaKristu vakawanda vanogara vachitambura nokurwisa kuora mwoyo. Zvisinei, vechiduku vane zvinetso zvavowo zvavanosangana nazvo. Asi vanewo mikana mikuru. Nyaya inotevera yakanyorerwa zvakananga vechiduku vari pakati pedu. Ichafadzawo vabereki uye vanhu vakuru vose vakazvitsaurira avo vanokwanisa kubatsira vechiduku vari muungano neshoko, nomuenzaniso, uye nokuvatsigira zvakananga.

Ungapindura Sei?

• Nei tingatarisira mamiriro ezvinhu anoodza mwoyo, uye tinofanira kutsvaka rubatsiro kunaani?

• Jeremia akakurira sei kuora mwoyo pasinei nokuva nebasa rakaoma?

• Chii chichaita kuti mwoyo yedu ‘ifare nokufadzwa’ kunyange tiri mumatambudziko?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jeremia akafunga kuti aiva mwanana uye kuti akanga asina ruzivo rwokuti ave muprofita

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kunyange paaitambudzwa, Jeremia akaziva kuti Jehovha aiva naye “semhare inotyisa”