Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyange Ndaiva Bofu, Maziso Angu Akasvinudzwa!

Kunyange Ndaiva Bofu, Maziso Angu Akasvinudzwa!

Nyaya Youpenyu

Kunyange Ndaiva Bofu, Maziso Angu Akasvinudzwa!

YAKATAURWA NAEGON HAUSER

Pashure pemwedzi miviri ndiri bofu, maziso angu akasvinudzwa kuti ndizive chokwadi cheBhaibheri chandakanga ndisina basa nacho kwoupenyu hwangu hwose.

PANDINOFUNGA nezvemakore anodarika makumi manomwe apfuura, zvakawanda zvakaitika muupenyu hwangu zvinondigutsa. Asi dai paine chimwe chinhu chandaizogona kuchinja, ndaizosarudza kuve ndakaziva Jehovha Mwari kare.

Ndakaberekwa muna 1927 muUruguay, nyika duku iri pakati peArgentina neBrazil uye ine makiromita akawanda ezvinonakidza kuona pedyo neMhenderekedzo yeAtlantic. Vanhu vacho vakawanda vana vevanhu vakatama vachibva kuItaly neSpain. Zvisinei, vabereki vangu vakatama vachibva kuHungary, uye pandakanga ndichiri muduku zvikuru, taigara munharaunda isina kunyanyobudirira, asi yaiva nevanhu vakabatana. Taiva tisingafaniri hedu kukiya misuo yedu kana kuti kuisa simbi pamahwindo edu. Pakanga pasina rusaruraganda. Vanhu vokune dzimwe nyika nezvizvarwa zvemo, vatema nevachena—tose taishamwaridzana.

Vabereki vangu vaiva vaKaturike vaishingaira, uye pandakanga ndava nemakore gumi ndakava mukomana aiita basa rokuperekedza fata. Ndakura, ndakashanda neboka rechechi romunharaunda yedu uye ndaiva nhengo yeboka raishanda nabhishopu womunharaunda. Ndakakokwa kuti ndinopinda musangano wakanga warongwa neChechi yeKaturike kuVenezuela, sezvo ndakanga ndasarudza basa rokurapa. Savanachiremba vaiva nyanzvi pane zvechidzimai, boka redu rakanzi ridzidzire nezvemapiritsi okuronga mhuri akanga ava kutanga kutengeswa panguva iyoyo.

Zvandakatanga Kuziva Pandaidzidzira Kuva Chiremba

Pandakanga ndichiri kudzidzira kuva chiremba aidzidza nezvomuviri womunhu, ndakaramba ndichishamiswa nouchenjeri hunoratidzwa mukugadzirwa kwawo. Somuenzaniso, ndakashamiswa nokukwanisa kuzvirapa kunoita muviri uye kukwanisa kupora kana wakuvara zvinotyisa, zvakadai seapo chiropa kana kuti dzimwe mbabvu zvinokwanisa kudzokera kuva zvazvaimbova zvakaita pashure pokunge zvimwe zvacho zvambobviswa.

Panguva yakafanana, ndaiona vakawanda vakanga vawira mutsaona dzinotyisa, uye ndaisuruvariswa pavaifa nokuda kwokuwedzerwa ropa. Nanhasi ndichiri kuyeuka kuti zvakanga zvakaoma sei kutaura nehama dzevarwere vakanga vafa nokuda kwezvinetso zvokuwedzerwa ropa. Kazhinji, hama dzacho dzaisaudzwa kuti kuwedzerwa ropa ndiko kwakanga kwaurayisa mudiwa wavo. Asi vaiudzwa zvimwewo zvikonzero. Kunyange zvazvo kwapera makore akawanda, ndichiri kuyeuka kuti ndainzwa ndisina chokwadi nezvokuwedzera ropa, uye ndakazoziva kuti zvaiva zvisina kunaka. Zvaizova nani kudai panguva iyoyo ndakanga ndava kuziva mutemo waJehovha woutsvene hweropa! Ndingadai ndakanzwisisa zviri nani kuti nei ndaisava nechokwadi nezvokuwedzera ropa.—Mabasa 15:19, 20.

Kugutsikana Nokubatsira Vanhu

Nokufamba kwenguva, ndakava chiremba anovhiya uye mukuru mukuru wepachipatara chokuSanta Lucía. Ndaivawo nezvandaiita paNational Institute of Biological Science. Izvi zvakandigutsa zvikuru. Ndakabatsira vanhu pazvirwere zvavo, ndakavabatsira pavairwadziwa, uye kakawanda ndakabatsira vaya vakanga vava kutoda kufa, uye ndakabatsira madzimai aisununguka. Nokuda kwezvandaiziva pamusoro pokuwedzerwa ropa, ndakarega kuriwedzera uye ndakavhiya zviuru zvevanhu pasina ropa. Ndakafunga kuti kuramba uchibuda ropa kwakafanana nedhiramu rinobvinza. Mushonga bedzi ndewokuvhara buri racho, kwete kuramba uchizadza dhiramu racho nemvura.

Kurapa Zvapupu

Ndakatanga kuziva Zvapupu zvaJehovha kuma1960 pazvakatanga kuuya kukiriniki yedu kuzovhiyiwa zvisingawedzerwi ropa. Handimbofi ndakakanganwa zvakaitika kune mumwe murwere, piyona (mushumiri wenguva yakazara) ainzi Mercedes Gonzalez. Aiva neropa shoma kwazvo zvokuti vanachiremba vepachipatara chepayunivhesiti vakaramba kumuvhiya vachifunga kuti aisazorarama. Kunyange zvazvo akanga achibuda ropa rakawanda, takamuvhiya pakiriniki yedu. Kuvhiya kwacho kwakabudirira, uye akaramba achipayona kwemakore anopfuura 30 kusvikira paakafa ava nemakore 86, munguva pfupi yapfuura.

Nguva dzose ndaishamiswa norudo uye kuva nehanya kwairatidzwa neZvapupu pandainge ndichirapa hama dzavo dzechiKristu dzakanga dziri muchipatara. Pandaishanyira varwere, ndainakidzwa nokuvateerera vachitaura nezvezvavanotenda, uye ndaigamuchira mabhuku avaindipa. Handina kumbofunga kuti munguva pfupi ndaisazongova chiremba wavo chete asiwo hama yavo yavanonamata nayo.

Ndakanyatsozivana neZvapupu pandakaroorana naBeatriz, mwanasikana womumwe murwere wandairapa. Vakawanda vomumhuri make vakanga vachitosonganirana neZvapupu, uye pashure pokunge taroorana, iyewo akazova Chapupu chinoshingaira. Asi ini ndakanga ndakanyatsonyura mubasa rangu uye ndaiva nechinzvimbo mune zvokurapa. Upenyu hwakanga hwakanaka zvikuru. Handina kumboziva kuti nokukurumidza zvinhu zvaizoita shandukuminyu.

Kuwirwa Nedambudziko

Chimwe chezvinhu zvakaipisisa chingaitika kuna chiremba anovhiya ndechokuti atadze kuona. Izvozvo ndizvo zvakaitika kwandiri. Kamwe kamwe, mboni dzemaziso angu ose dzakakuvara—ndakabva ndava bofu uye ndakanga ndisingazivi kana ndaizogona kuonazve. Pashure pokunge ndavhiyiwa, ndakarara pamubhedha maziso angu ose akaiswa mabhandeji, uye ndakatanga kuora mwoyo. Ndakanzwa sendakanga ndisisina basa zvachose uye ndisisina tariro zvokuti ndakasarudza kuzviuraya. Sezvo ndaiva pauriri hwechina, ndakamuka pamubhedha ndokutsvanzvadzira nzira ndichienda kumadziro, ndichiedza kuwana hwindo. Ndakanga ndichida kusvetuka kuti ndizviuraye. Zvisinei, ndakazopedzisira ndava mukoridho yechipatara, uye mumwewo nesi akandidzosera kumubhedha wangu.

Handina kuzozviedzazve. Asi nokuti ndakanga ndava bofu, ndakaramba ndichiora mwoyo uye ndichigumburwa nezvinhu zviduku-duku. Panguva iyi yandakanga ndiri bofu, ndakavimbisa Mwari kuti kana ndaizokwanisa kuonazve, ndaizoverenga Bhaibheri rose. Pakupedzisira, ndakakwanisa kuona zvishoma, uye ndakanga ndava kukwanisa kuverenga. Asi ndakanga ndisingachagoni kuramba ndiri chiremba anovhiya. Kunyange zvakadaro, muUruguay vanhu vanowanzotaura vachiti “No hay mal que por bien no venga,” “Mune chinhu chakaipa munotobvawo chinhu chakanaka.” Izvozvo zvakanga zvava kutozoitika kwandiri.

Kutanga Kusonganirana neZvapupu Ndiine Pfungwa Dzisina Kunaka

Ndaida kutenga The Jerusalem Bible rine mabhii makuru, asi ndakaziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva neBhaibheri risinganyanyi kudhura, iro chimwe Chapupu chiduku chakanga chati chaizounza kumba kwangu. Mangwanani akatevera acho, akanga akamira pamusuo aine Bhaibheri racho. Mudzimai wangu akazarura musuo ndokutaura naye. Ndakadaidzira zvisina kana hunhu ndiri mumba kuti kana mudzimai wangu akanga amubhadhara Bhaibheri racho, mukomana uyu akanga asisinazve chikonzero chokuti arambe ari pamba pangu uye kuti aifanira kubva, zvinova ndizvo zvaakabva aita. Handina kuziva kuti munhu iyeyu aizoita zvinhu zvinokosha muupenyu hwangu.

Rimwe zuva ndakavimbisa mudzimai wangu zvinhu zvandisina kuzokwanisa kuita. Saka kuti ndigadzirise nhau yacho uye kuti ndimufadze, ndakamuudza kuti ndaizoenda naye kuChirangaridzo chorufu rwaKristu chinoitwa gore negore. Zuva racho parakasvika, ndakayeuka zvandakanga ndamuvimbisa ndichibva ndapinda naye Chirangaridzo chacho. Ndakashamiswa nokugamuchirwa kwandakaitwa noushamwari uye nomutsa. Mukurukuri paakatanga kutaura, ndakashamiswa kuona kuti aiva mukomana uya wandakanga ndadzinga pamba pangu nehasha. Hurukuro yake yakandibaya mwoyo, uye ndakanetseka kwazvo nehasha dzandakanga ndamuitira. Chii chandaikwanisa kuita kuti ndizvigadzirise?

Ndakakumbira mudzimai wangu kuti amukoke kuzodya nesu manheru omumwewo musi, asi akati: “Haufungi here kuti zvingava zvakanyatsokodzera kana ukamukoka uriwe? Chingoramba wakagara pano, uye iye achauya kuzotaura nesu.” Aitaura chokwadi. Akauya kuzotikwazisa uye akabvuma kukokwa achifara.

Zvatakakurukura manheru aakatishanyira zvakaita kuti nditange kuchinja zvinhu zvakawanda. Akandiratidza bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, * uye ndakamuratidza makopi matanhatu ebhuku iroro. Ndakanga ndaapiwa kuchipatara neZvapupu zvakasiyana-siyana zvairwara, asi ndakanga ndisina kumbobvira ndaaverenga. Ndakamunaya nemibvunzo tichidya uye tapedza, kusvikira pakati pousiku—akaipindura yose achishandisa Bhaibheri. Takaramba tichikurukura kusvikira mambakwedza. Asati aenda, mukomana wacho akati aida kundidzidzisa Bhaibheri, achishandisa bhuku rinonzi Zvokwadi. Takapedza kudzidza bhuku iroro mumwedzi mitatu tichibva tatanga bhuku rinonzi “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules! * Pashure peizvozvo, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari ndokubhabhatidzwa.

Kunzwa Ndichigona Kubatsira Zvakare

Nemhaka yokuva bofu, “maziso emwoyo” wangu akasvinudzirwa kuchokwadi cheBhaibheri chandakanga ndisina basa nacho kusvikira panguva ino! (VaEfeso 1:18) Upenyu hwangu hwose hwakachinjwa nokuziva Jehovha nezvinangwa zvake zvorudo. Iye zvino ndinonzwazve kuti ndiri munhu anobatsira uye anofara. Ndinobatsira vanhu munyama nomumudzimu uye ndinovaratidza kuti vangawedzera sei upenyu hwavo kwemamwe makore mashomanana munyika ino uye nokusingaperi munyika itsva.

Ndakaramba ndichifambirana noruzivo rwezvokurapa, uye ndakatsvakurudza ngozi dzeropa, dzimwe nzira dzokurapa, kodzero dzomurwere uye tsika nemitemo zvokurapa. Ndakava nemikana yokuudza vanachiremba vomunharaunda nezveizvi pandaikokwa kuzotaura nezvenhau idzi pamisangano yezvokurapa. Muna 1994, ndakapinda musangano wokutanga wokuvhiya pasina ropa muRio de Janeiro, Brazil, uye ndakapa hurukuro yaitaura nezvokurapa chirwere chokuramba uchibuda ropa. Chikamu chemashoko iwayo chaiva munyaya yandakanyora yokuti, “Una propuesta: Estrategias para el Tratamiento de las Hemorragias (“Mazano Okurapa Chirwere Chokuramba Uchibuda Ropa”), yakabudiswa mumagazini yezvokurapa inonzi Hemoterapia.

Kuvimbika Pasinei Nokumanikidzwa

Pakutanga, kusava kwangu nechokwadi nezvokuwedzerwa ropa kwaingobva paruzivo rwezvesayenzi. Zvisinei, pandakazorwara ndikagara muchipatara, ndakaona kuti zvakanga zvisiri nyore kuti ndirambe kuwedzerwa ropa uye kuti ndirambe ndakatendeka pandaimanikidzwa navanachiremba. Pashure pokurwara nomwoyo zvakasimba, ndaifanira kutsanangurira chiremba anovhiya zvandaidavira kweanopfuura maawa maviri. Aiva mwanakomana weshamwari dzangu dzepamwoyo uye akati aisazorega ndichifa kana aiona kuti kuwedzera ropa kwaizondiponesa. Ndakanyengetera kuna Jehovha nechomumwoyo ndichimukumbira kuti abatsire chiremba uyu kunzwisisa uye kuremekedza zvandinodavira kunyange akanga asingabvumirani nazvo. Pakupedzisira, chiremba wacho akavimbisa kuti aizoremekedza zvandaishuva.

Pane imwe nguva, ndaifanira kubviswa zibundu paprostate gland. Ndakabuda ropa rakawandisa. Ndakazozviwanazve ndava kutsanangura zvikonzero zvangu zvokuramba kuwedzerwa ropa, uye kunyange ndakarasikirwa nezvikamu zviviri pazvitatu zveropa rangu, vanachiremba vakaremekedza chisarudzo changu.

Kuchinja Mafungiro

Senhengo yeInternational Association of Bioethics, ndakafara kuona vanachiremba nezviremera zvemitemo vachichinja mafungiro avo pamusoro pekodzero dzevarwere. Mafungiro avanachiremba okushandisa simba ava kutsiviwa nokuteerera zvinenge zvataurwa nomurwere. Iye zvino vava kubvumira varwere kuti vasarudze marapirwo avanoda. Zvapupu zvaJehovha hazvichaonekwi sevanhu vanonyanyisa vasina kukodzera kurapwa. Asi zvava kuonekwa sevarwere vane ruzivo rwakakura uye vane kodzero dzinofanira kuremekedzwa. Pamisangano yezvokurapa nepapurogiramu dzepaterevhizheni, mapurofesa anonyatsozivikanwa akati: “Nemhaka yezviri kuedza kuitwa neZvapupu zvaJehovha, iye zvino tava kunzwisisa . . . ” “Takadzidza kubva kuZvapupu . . . ” uye “Zvakatidzidzisa kuvandudza zvinhu.”

Zvave zvichinzi upenyu hunokosha kupfuura zvose nokuti kana husipo rusununguko, kuzvimiririra, uye kuremekedzwa zvaisazova nematuro. Iye zvino vakawanda vava kubvuma kuti pane mutemo une simba kuvapfuura, vachiziva kuti mumwe nomumwe ane kodzero dzake pachake uye ndiye oga anogona kusarudza kuti ndeipi kodzero yaanoda kuisa pakutanga mumamiriro ezvinhu aangava ari chero api zvawo. Nenzira iyi, kuremekedzwa, rusununguko rwokusarudza, uye zvatinodavira muchitendero zvinoiswa panzvimbo yokutanga. Murwere ane kodzero yokusarudza nzira yaanoda kurapwa nayo. Urongwa hwakaitwa neZvapupu zvaJehovha hweDhipatimendi Remashoko Echipatara hwabatsira vanachiremba vakawanda kuti vafambire mberi mukunzwisisa kwavanoita nhau idzi.

Kutsigira kunoramba kuchiita mhuri yangu kunoita kuti ndishandiswe mubasa raJehovha uye kuti ndishande somukuru muungano yechiKristu. Sezvandambotaura, chandinonyanya kudemba ndechokuti handina kudzidza nezvaJehovha kare muupenyu hwangu. Zvisinei, ndinofara kwazvo kuti akasvinudza maziso angu kuti ndive netariro inoshamisa yokurarama muUmambo hwaMwari, muchange musi“na ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 24 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 24 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 34 Hama Egon Hauser vakashaya, nyaya ino payakanga ichinyorwa. Vakafa vakatendeka, uye tinofara navo kuti tariro yavo ndeyechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ndiine makore okuma30, ndichishanda pachipatara muSanta Lucía

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiine mudzimai wangu, Beatriz, muna 1995