Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusava Nokwawakarerekera Kunotadzisa Kuratidza Rudo rwechiKristu Here?

Kusava Nokwawakarerekera Kunotadzisa Kuratidza Rudo rwechiKristu Here?

Kusava Nokwawakarerekera Kunotadzisa Kuratidza Rudo rwechiKristu Here?

KUVA muKristu kunosanganisira zvinopfuura kuverenga Bhaibheri, kunyengetera, uye kuimba nziyo dzokurumbidza Mwari nemisi yeSvondo. Kunosanganisira kuitira Mwari nevanhu zvinhu. Bhaibheri rinoti: “Ngatirege kuda, kana neshoko kana norurimi, asi nezviito nechokwadi.” (1 Johani 3:18) Jesu aiva nehanya zvechokwadi nevamwe, uye vaKristu vanofanira kumutevedzera. Muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti vave “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” nguva dzose. (1 VaKorinde 15:58) Asi basa raShe chii? Rinosanganisira kuedza kuchinja mutemo wehurumende kuti varombo nevanodzvinyirirwa vabatsirwe here? Ndizvo zvakaitwa naJesu here?

Kunyange zvazvo Jesu akakurudzirwa kupindira munhau dzezvematongerwe enyika kana kuti kudzitsigira, akaramba kuita kudaro. Akaramba kupiwa simba paumambo hwose hwenyika naSatani, akaramba kubatanidzwa mugakava pamusoro pokubhadhara mitero, uye akatiza apo vanhu vakaedza kumuita mambo. (Mateu 4:8-10; 22:17-21; Johani 6:15) Asi kusava kwake nokwaakarerekera hakuna kumutadzisa kuita kuti vamwe vabatsirwe.

Jesu akaisa simba rake pane zvaizounzira vamwe zvinhu zvakanaka nokusingaperi. Kunyange zvazvo kudyisa kwake vanhu zviuru zvishanu nokuporesa vairwara kwakaita kuti vanhu vashoma vambotibatsirwei, kudzidzisa kwake kwakaita kuti vanhu vose vawane zvikomborero zvisingaperi. Jesu akasvika pakuzivikanwa, kwete somurongi wemabasa okuyamura, asi so“Mudzidzisi” chete. (Mateu 26:18; Mako 5:35; Johani 11:28) Akati: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.”—Johani 18:37.

Kuparidza Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Zvematongerwe Enyika

Chokwadi chakadzidziswa naJesu chakanga chisiri rondedzero yezvematongerwe enyika. Asi chakanga chakavakirwa paUmambo uhwo iye aizova Mambo. (Ruka 4:43) Umambo uhwu ihurumende yokudenga, uye ichatsiva hurumende dzose dzevanhu younzira vanhu rugare rwechigarire. (Isaya 9:6, 7; 11:9; Dhanieri 2:44) Saka ndiyo tariro bedzi yechokwadi yevanhu. Hakusi kuva norudo here kuzivisa tariro yechokwadi yakadaro yenguva yemberi pane kukurudzira vanhu kuti vavimbe nevanhu kuti vavape nguva yemberi yakachengeteka? Bhaibheri rinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera. Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake.” (Pisarema 146:3-5) Saka, pane kutumira vadzidzi vake kuti vanoparidza nezvokuronga hurumende dziri nani, Jesu akavadzidzisa kuti vaparidze “mashoko akanaka oumambo.”—Mateu 10:6, 7; 24:14.

Saka iri i“basa raShe” iro vaparidzi vechiKristu vanorayirwa kuita. Umambo huchabudirira kubvisa urombo nokuparadzira zvinhu zvinowanikwa nevanhu munzira ichafadza vose, nokuti vanotongwa noUmambo hwaMwari vanofanira kudanana. (Pisarema 72:8, 12, 13) Chokwadi aya mashoko akanaka uye anofanira kuparidzwa.

Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvakarongwa kuti zviite iri “basa raShe” munyika 235. Maererano nomurayiro waJesu, vanoremekedza hurumende dzose. (Mateu 22:21) Asi vanoteererawo mashoko aya aakataura kuvateveri vake, anoti: “Hamusi rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika.”—Johani 15:19.

Vamwe vaisitsigira zvematongerwe enyika vakachinja pashure pokunyatsodzidza Bhaibheri. Mumwe wezvematongerwe enyika wokuItaly aiva nhengo yeCatholic Action, sangano raitungamirirwa nechechi, akati: “Ndakatanga kuita zvematongerwe enyika, ndichifunga kuti munhu anofanira kuva nezvaanoitawo mukubudirira kwezvematongerwe enyika nokwenzanga.” Pashure pokurega kuva meya weguta kuti aparidze Umambo hwaMwari somumwe weZvapupu zvaJehovha, akatsanangura kuti nei kuedza kwevanhu vanoita zvematongerwe enyika nemwoyo wose kuchikundikana. “Nyika iri sezvairi, kwete nokuti vanhu kwavo havana kuedza kugadzirisa zvinhu, asi nokuti kuedza nemwoyo wose kwevashomanana kwakakurirwa nouipi hwevakawanda.”

Kusabatanidzwa mune zvematongerwe enyika kuti vaparidze tariro bedzi yechokwadi nokuda kwevanhu hakutadzisi vaKristu vechokwadi kubatsira vamwe munzira dzinoshanda. Vaya vavanobatsira kuti vave vanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari vanodzidza kuchinja mafungiro anoparadza, kuremekedza zviremera, kuvandudza upenyu hwemhuri dzavo, uye kuva nemaonero ari pakati nepakati ezvoupfumi. Zvinotokosha zvikuru, Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vanhu kuti vave noukama hwepedyo naMwari.

Vaparidzi voUmambo hwaMwari vanobatsira munzanga mavanogara. Asi zvinopfuura izvozvo, vanoita kuti vanhu vaise chivimbo muhurumende chaiyoiyo uye ichaunza rugare rwechigarire kuna vose vanoda Mwari. Nemhaka yokusava kwavo nokwavakarerekera, vaKristu ava vakasununguka kupa rubatsiro rwechigarire runowanikwa nhasi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Kubva Kune Zvematongerwe Enyika Ndokutanga Kuparidza Umambo hwaMwari

Paaiva mukomana, Átila akadzidziswa dzidziso yokurwira rusununguko nevapristi vokwaaigara muBelém, kuBrazil. Aifarira kunzwa nezvokuti vanhu vaizosunungurwa pakudzvinyirirwa uye akabatana nechikwata chomunharaunda yake chokuratidzira, uko kwaakanodzidzira kuronga kuratidzira uye kusateerera hurumende.

Asi Átila ainakidzwawo nokudzidzisa vana vomuboka racho achishandisa bhuku raakanga apiwa rinonzi Kuteerera kuno Mudzidzisi Mukuru. * Raitaura nezvomufambiro wakanaka uye kuteerera zviremera. Izvi zvakaita kuti Átila ashamisike kuti nei vaya vanotsigira dzidziso yokurwira rusununguko vasingateveri tsika dzaJesu dzakakwirira uye nei vamwe vachikanganwa vanhu vanodzvinyirirwa pavanowana zvigaro. Akasiyana nezvinhu zvenzanga. Gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvakagogodza pamusuo wake ndokumutaurira nezvoUmambo hwaMwari. Munguva pfupi, akanga ava kudzidza Bhaibheri uye achidzidza chichapedza zvechokwadi kudzvinyirirwa kwevanhu.

Panenge panguva iyoyo, Átila akapinda musangano weKaturike wokutenda uye zvematongerwe enyika. “Izvi zviviri zvakafanana,” akatsanangura kudaro mudzidzisi wacho. Akapindawo musangano paImba yoUmambo. Zvainge zvakasiyana chaizvo! Kutaura zvazviri, hapana aisvuta, ainwa, kana kuti aiita majee anonyadzisira. Akasarudza kubatana navo mubasa ravo rokuparidza, uye pasina nguva akabhabhatidzwa. Zvino anogona kuona kuti nei dzidziso yokurwira rusununguko isiri iyo inonyatsopedza zvinetso zvevarombo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Kusava nokwavakarerekera kwavashumiri vechiKristu hakuvatadzisi kubatsira vamwe