Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unosimbiswa Neshoko raMwari Here?

Unosimbiswa Neshoko raMwari Here?

Unosimbiswa Neshoko raMwari Here?

PAUNOTARISANA nezvinetso, unoita sei? Kuna Jesu, kuyeuka rugwaro rwakakodzera kwakamubatsira kutarisana nemiedzo yaibva kuna Satani. (Mateu 4:1-11) Saizvozvowo, Mambo Dhavhidhi paakatarisana nemiedzo, akasimbiswa neShoko raMwari. Akati: “Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—Pisarema 94:19.

Saizvozvowo, kuyeuka rugwaro rwatinonyanya kufarira kungatinyaradza kana kutisimbisa patinotarisana nemiedzo. Somuenzaniso, Rex, uyo ava nemakore 89, ave ari muparidzi wenguva yakazara kubvira muna 1931. Asi anoti: “Ndaiwanzonzwa ndisingakwanisi pandaipiwa basa rinokosha muushumiri.” Akaita sei? “Ndakayeuka rugwaro rwandinonyanya kufarira, Zvirevo 3:5, iyo inoti: ‘Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.’ Kuyeuka nokushandisa rugwaro urwu kwakandibatsira kuita kuti ndibudirire kuita basa rangu.”

Kunyange vechiduku vanobatsirwa nokuva norugwaro rwavanonyanya kufarira. Jack ane makore matanhatu anoti rugwaro rwake rwaanonyanya kufarira ndiMateu 24:14. Rugwaro urwu runomukurudzira kuenda kunoparidzira nevabereki vake. Anoti: “Ndinofarira kuenda kunoparidzira Mugovera woga woga naamai vangu, baba, nehanzvadzi yangu.”

Unombotarisana nemiedzo yakananga yokutenda kwako sezvaiita Jesu here? Ipapo VaFiripi 4:13 rungangova rumwe rwemagwaro aunonyanya kufarira. Unotambura ne‘ndangariro zhinji’ sezvaiita Mambo Dhavhidhi here? Saka kuyeuka VaFiripi 4:6, 7 kungakubatsira. Unombonetseka kuti basa rako kuna Mwari harina maturo here? Ipapo kuyeuka 1 VaKorinde 15:58 kuchakusimbisa.

Kana tikaziva magwaro akakodzera nomusoro, tinobvumira Shoko raMwari kuti ritisimbise muupenyu hwedu. (VaHebheru 4:12) Magwaro atinonyanya kufarira akadaro angatipa simba uye angatinyaradza.—VaRoma 15:4.