Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Abrahama naSara—Unogona Kutevedzera Kutenda Kwavo!

Abrahama naSara—Unogona Kutevedzera Kutenda Kwavo!

Abrahama naSara—Unogona Kutevedzera Kutenda Kwavo!

ANONZI “baba veavo vose vane kutenda.” (VaRoma 4:11) Mudzimai wake anodiwa aivawo nounhu ihwohwo. (VaHebheru 11:11) Tiri kutaura nezvatateguru aitya Mwari Abrahama nomudzimai wake ainge akazvipira kuna Mwari, Sara. Nei vaiva mienzaniso yakanaka kudaro yokutenda? Ndeipi mimwe yemiedzo yavakatsungirira? Uye nyaya yavo inotibatsirei?

Abrahama akaratidza kutenda paakarayirwa naMwari kuti asiye musha wake. Jehovha akati: “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza.” (Genesi 12:1) Tateguru uyu akatendeka akateerera, nokuti tinoudzwa kuti: “Nokutenda Abrahamu, paakadanwa, akateerera akaenda kunzvimbo yaaizofanira kugamuchira senhaka; akabuda, kunyange akanga asingazivi kwaakanga achienda.” (VaHebheru 11:8) Chimbofunga zvairehwa nokutama ikoko.

Abrahama aigara muUri, iye zvino yava Iraq yokumaodzanyemba. Uri waiva muzinda wainge wakabudirira weMesopotamia waiita zvokutengeserana nedzimwe nyika dzomuPersian Gulf uye zvichida dzomuIndus Valley. Sir Leonard Woolley, akatungamirira kucherwa zvishoma nezvishoma kweUri, anotaura kuti munguva yaAbrahama dzimba zhinji dzaivakwa nezvidhina, dziine madziro akadzururwa nesuko. Somuenzaniso, imba yomumwe mugari wemo ainge akabudirira yaiva nenhurikidzwa mbiri iine chivanze chakagadzirwa nezvidhina kana nematombo. Uriri hwepasi ndihwo hwaigara vashandi nevaeni. Pauriri hwepamusoro, paiva nevheranda rakagadzirwa nemapuranga raitenderera nemadziro, zvichiita kuti zvive nyore kupinda mudzimba dzaishandiswa nemhuri. Sezvo dzimba dzakadaro dzaiva nemakamuri 10 kusvika ku20, “dzaiva dzakati kurei zvichiita kuti pave noupenyu hwakanaka, huri nyore, uye maererano nemararamiro oKumabvazuva, waiva mutambarakede chaiwo,” anodaro Woolley. Dzaiva “zvikurukuru dzimba dzevanhu vepamusorosoro dziine zvinodiwa zvoupenyu hwomuguta hwakakwirira.” Kana Abrahama naSara vakasiya musha wakadaro vachitarisira kunogara mumatende, vakazvibayira zvikuru kuti vateerere Jehovha.

Abrahama akatanga kutamira kuHarani nemhuri yake, guta raiva kuchamhembe kweMesopotamia, achibva azoenda kuKanani. Waiva mufambo wemakiromita anenge 1 600—kutama kukuru kumurume nomukadzi vakwegura! Paakabva Harani, Abrahama aiva nemakore 75 uye Sara aiva ne65.—Genesi 12:4.

Sara angave akanzwa sei Abrahama paakataura kuti vakanga vari kuzobva muUri? Kusiya musha wakanaka wakachengeteka, vachitamira kunyika yaasingazivi uye ingangove yaityisa, uye kubvuma kurarama upenyu hwakaderera zvingave zvakamudya mwoyo. Kunyange zvakadaro, Sara aizviisa pasi, achiona Abrahama sa“ishe” wake. (1 Petro 3:5, 6) Dzimwe nyanzvi dzinoti uku kuratidzwa kwo“unhu netsika zvokuremekedza [zvaSara] zvaakanga agara anazvo kwaari,” uchapupu “chaihwo hwemafungiro ake nemanzwiro ake.” Asi kupfuura zvose, Sara aivimba naJehovha. Kuzviisa pasi uye kutenda kwake zvinoshanda somuenzaniso wakanaka chaizvo kumadzimai echiKristu.

Chokwadi, hatikumbirwi kusiya misha yedu kuti titeerere Mwari, kunyange zvazvo vamwe vaparidzi venguva yakazara vakasiya nyika yokumusha kwavo kuti vanoparidza mashoko akanaka kune imwe nyika. Pasinei nekwatinoshumira Mwari tiri, chero bedzi tichiisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga muupenyu hwedu, achatarisira zvatinoda.—Mateu 6:25-33.

Sara kana kuti Abrahama havana kumbodemba chisarudzo chavakaita. “Zvechokwadi kudai vakanga varamba vachiyeuka nzvimbo iyoyo yavakanga vabva, vangadai vakava nomukana wokudzokera,” anodaro muapostora Pauro. Asi havana kudzokera. Vachivimba kuti Jehovha “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose,” vakatenda muzvipikirwa zvake. Ndizvo zvatinofanira kuitawo kana tichizoramba takazvipira kuna Jehovha nemweya wose.—VaHebheru 11:6, 15, 16.

Pfuma Mune Zvokunamata uye Yokunyama

Abrahama asvika muKanani, Mwari akamuudza kuti: “Ndichapa vana vako nyika iyi.” Abrahama akabvuma nokuvakira Jehovha atari uye nokudana “Zita raJehovha.” (Genesi 12:7, 8) Jehovha akaita kuti Abrahama apfume, uye vaya vaiva mumusasa wake vakanga vakawanda. Sezvo pane imwe nguva akaunganidza varume 318 vakarovedzwa, varanda vakaberekerwa muimba yake, zvave zvichinzi “boka rake rose rinofanira kunge raipfuura chiuru.” Pasinei nechingava chikonzero chacho, vanhu vaimuona so“muchinda waMwari.”—Genesi 13:2; 14:14; 23:6.

Abrahama aitungamirira mukunamata, achidzidzisa vaya veimba yake kuti “vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka.” (Genesi 18:19) Misoro yemhuri yechiKristu yanhasi inogona kukurudzirwa nomuenzaniso waAbrahama somunhu akabudirira mukudzidzisa nhengo dzeimba yake kuvimba naJehovha uye kuita zvinhu nenzira yakarurama. Saka hazvishamisi kuti mushandi waSara aiva muIjipiti, Hagari, mushandi mukuru pane vose watateguru, uye Isaka mwanakomana waAbrahama, vaivimba naJehovha.—Genesi 16:5, 13; 24:10-14; 25:21.

Abrahama Aitsvaka Rugare

Zviitiko zvomuupenyu hwaAbrahama zvinoratidza kuti aiva munhu aitya Mwari. Pane kutendera kuti kukakavadzana kurambe kuripo pakati pevafudzi vake nevaya vaRoti, mwana womukoma wake, Abrahama akati vaparadzane uye akakumbira murume wechiduku uyu Roti, kuti asarudze nyika yaaida. Abrahama aitsvaka rugare.—Genesi 13:5-13.

Kana tikazombofanira kusarudza kuti toomerera pakodzero dzedu here kana kuti tobvuma chimwe chinhu kuti tichengetedze rugare, tingafunga nezvokuti Jehovha haana kuita kuti Abrahama atambure nokuti akanzwisisa Roti. Asi Mwari akazopikira Abrahama nevana vake nyika yose iyo Abrahama aigona kuona kwose kwose. (Genesi 13:14-17) “Vanofara vanoita rugare,” akadaro Jesu, “sezvo vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’”—Mateu 5:9.

Ndiani Aizogara Nhaka yaAbrahama?

Pasinei nokupikirwa kuva nomwana, Sara akaramba asina mwana. Abrahama akasvitsa nyaya yacho kuna Mwari. Muranda wake Eriezeri ndiye aizogara nhaka zvinhu zvose zvaaiva nazvo here? Aiwa, nokuti Jehovha akati: “Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, uchabuda paura hwako, ndiye uchava mudyi wenhaka yako.”—Genesi 15:1-4.

Kunyange zvakadaro haana kuva nomwana, uye Sara akanga ava nemakore 75 akanga arasa tariro yokubereka. Saka, akati kuna Abrahama: “Jehovha wakandikonesa kubereka; pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye.” Saka Abrahama akatora Hagari somukadzi wechipiri akarara naye, akava nemimba. Hagari paakangoona kuti ava nemimba, akatanga kuzvidza tenzi wake. Sara akanyunyuta chaizvo kuna Abrahama akanyadzisa Hagari, zvichiita kuti muranda wacho atize.—Genesi 16:1-6.

Abrahama naSara vakaita nokutenda, vachitora nzira yaienderana netsika yaigamuchirwa mumazuva avo. Zvisinei, yakanga isiri iyo nzira yaJehovha yokuita kuti Abrahama ave nomwana. Tsika dzedu dzingaratidza kuti zvimwe zvinhu zvakarurama mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana asi izvi hazvibvi zvareva kuti Jehovha anozvitendera. Maonero aanoita zvatiri angatove akasiyana. Saka tinoda kutsvaka nhungamiro yaMwari, tichinyengetera kuti atiratidze nzira yaanoda kuti tiite nayo.—Pisarema 25:4, 5; 143:8, 10.

Hapana “Chingakunda Jehovha”

Nokufamba kwenguva, Hagari akaberekera Abrahama mwanakomana ainzi Ishmaeri. Asi akanga asiri iye Mwana akapikirwa. Sara pachake akanga achizobereka mugari wenhaka iyeye, pasinei nokuti akanga achembera.—Genesi 17:15, 16.

Mwari paakataura kuti Sara aizoberekera murume wake mwanakomana, “Abrahama wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumwoyo make: Ko munhu ane makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ane makumi mapfumbamwe, ungabereka here?” (Genesi 17:17) Kudzokorora kwengirozi mashoko acho Sara achizvinzwa kwakamuita kuti ‘aseke mumwoyo make.’ Asi hapana “chingakunda Jehovha.” Tinogona kuva nokutenda kuti anogona kuita chero chose chaanoda.—Genesi 18:12-14.

“Nokutenda naiyewo Sara akagamuchira simba rokunamba mbeu, kunyange akanga apfuura zera racho, sezvaairangarira akanga amupikira kuva akatendeka.” (VaHebheru 11:11) Nokufamba kwenguva, Sara akabereka Isaka, ane zita rinoreva kuti “Kuseka.”

Kuvimba Zvakakwana Nezvipikirwa zvaMwari

Jehovha akazivisa kuti Isaka ndiye aiva mugari wenhaka akanga akamirirwa kwenguva refu. (Genesi 21:12) Saka Abrahama anofanira kunge akashamisika chaizvo apo Mwari akamukumbira kubayira Isaka mwanakomana wake. Asi Abrahama akanga aine zvikonzero zvakanaka zvokuvimba zvakakwana naMwari. Jehovha akanga asingagoni here kumutsa Isaka kubva kuvakafa? (VaHebheru 11:17-19) Mwari akanga asina kuratidza simba rake here nokumutsiridza masimba okubereka aAbrahama naSara nenzira inoshamisa kuitira kuti Isaka aberekwe? Aine chokwadi nokukwanisa kwaMwari kuzadzika zvipikirwa Zvake, Abrahama akanga achida kuteerera. Ichokwadi kuti akazodziviswa kuuraya mwanakomana wake chaizvoizvo. (Genesi 22:1-14) Zvisinei, zvakaitwa naAbrahama pane izvi zvinotibatsira kuona kuti zvaifanira kunge zvakaoma sei kuna Jehovha Mwari kuti ‘ape Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.’—Johani 3:16; Mateu 20:28.

Kutenda muna Mwari kwakaita kuti zvive pachena kuna Abrahama kuti mugari wenhaka yezvakapikirwa naJehovha aisafanira kuroora munhu ainamata vanamwari venhema vomuKanani. Mubereki anotya Mwari aigotendera sei kuti mwana wake aroore munhu asingashumiri Jehovha? Saka Abrahama akatsvakira Isaka mukadzi akakodzera pakati pehama dzake dzaiva kuMesopotamia, kure nemakiromita 800. Mwari akakomborera izvozvo nokuratidza kuti Rebheka ndiye aiva mukadzi waakanga asarudza kuti ave mukadzi waIsaka uye azova mbuya vaMesiya. Chokwadi, Jehovha aka“ropafadza Abrahama pazvinhu zvose.”—Genesi 24:1-67; Mateu 1:1, 2.

Zvikomborero Zvemarudzi Ose

Abrahama naSara vaiva nomuenzaniso wakanaka mukutsungirira miedzo uye mukutenda zvipikirwa zvaMwari. Kuzadzika kwezvipikirwa zvakadaro kune zvakunoita patariro isingaperi yevanhu, nokuti Jehovha akavimbisa Abrahama kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.”—Genesi 22:18.

Chokwadi, Abrahama naSara vakanga vasina kukwana, sezvatakangoitawo. Zvisinei, pavaijekerwa nezvaidiwa naMwari, vaibva vangoteerera—pasinei nezvaizoitika. Saka Abrahama anoyeukwa se“shamwari yaJehovha” uye Sara ‘somukadzi mutsvene akanga aine tariro muna Mwari.’ (Jakobho 2:23; 1 Petro 3:5) Kana tikavavarira kutevedzera kutenda kwaAbrahama naSara, nesuwo tinogona kuva noushamwari hunokosha naMwari. Tinogonawo kubatsirwa nezvipikirwa zvinokosha izvo Jehovha akaita kuna Abrahama.—Genesi 17:7.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pamusana pokutenda kwavo, Jehovha akakomborera Abrahama naSara nomwanakomana vakwegura

[Mufananidzo uri papeji 28]

Muenzaniso waAbrahama unotibatsira kuona kuti zvairevei kuna Jehovha kubvumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe kuti afe