Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutarisira Vakwegura—Mutoro wechiKristu

Kutarisira Vakwegura—Mutoro wechiKristu

Kutarisira Vakwegura—Mutoro wechiKristu

“Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira bvudzi renyu rachena.”—ISAYA 46:4.

1, 2. Kutarisira kunoita Baba vedu vokudenga kwakasiyana sei nokunoita vabereki vevanhu?

VABEREKI vakazvipira vanorera vana vavo kubvira muucheche, muuduku, nomukuyaruka. Kunyange kana vechiduku vakura vavawo nemhuri dzavo, vanababa navanaamai vavo vanoramba vachivatarisira uye vachivatsigira norudo.

2 Kunyange zvazvo zvinoitira vanhu vana vavo zviine pazvinogumira, Baba vedu vokudenga vanokwanisa kutarisira nokutsigira vashumiri vavo vakatendeka nguva dzose. Achitaura nevanhu vake vakasarudzwa vekare, Jehovha akati: “Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira bvudzi renyu rachena.” (Isaya 46:4) Aya mashoko anokurudzira zvakadini kune vaKristu vakwegura! Jehovha haasiyi vaya vanoramba vakavimbika kwaari. Asi anovimbisa kuvatarisira, kuvatsigira uye kuvatungamirira muupenyu hwavo hwose, kunyange paukweguru.—Pisarema 48:14.

3. Chii chichakurukurwa munyaya ino?

3 Tinogona sei kutevedzera kuva nehanya kworudo kwaJehovha kune vakwegura? (VaEfeso 5:1, 2) Ngatikurukurei nzira idzo vana, vatariri veungano, uye vaKristu vamwe nevamwe vangatarisira nadzo zvinodiwa zvenhengo dzakwegura dzoukama hwedu hwomunyika yose.

Mutoro Wedu Sevana

4. Vana vechiKristu vane mutoro wei kuna vabereki vavo?

4 “Kudza baba vako naamai vako.” (VaEfeso 6:2; Eksodho 20:12) Neaya mashoko ari nyore anobva muMagwaro echiHebheru asi achireva zvakadzama, muapostora Pauro akayeuchidza vana nezvomutoro wavainawo kuna vabereki vavo. Asi mashoko aya anoshanda sei pakutarisira vakwegura? Muenzaniso unobaya mwoyo womunguva yakatangira chiKristu uchatibatsira kupindura mubvunzo uyu.

5. (a) Chii chinoratidza kuti Josefa akanga asina kukanganwa mabasa ake emhuri? (b) Zvinorevei kukudza vabereki vedu, uye Josefa akaratidza muenzaniso wakanaka sei mune izvi?

5 Kweanodarika makore 20, Josefa haana kumbobvira ataura nababa vake vakanga vakwegura, tateguru Jakobho. Zvisinei, zviri pachena kuti Josefa akanga achiri kuda Jakobho senhengo yemhuri. Kutaura zvazviri, Josefa paakataura kuti aiva ani kuvakoma vake, akabvunza kuti: “Baba vangu vachiri vapenyu here?” (Genesi 43:7, 27; 45:3) Panguva iyoyo, nyika yeKanani yaiva munzara huru. Nokudaro, Josefa akatumira shoko kuna baba vake, achiti: “Burukirai kwandiri, musanonoka; mugare panyika yeGosheni, mugova pedyo neni . . . Ndichakuchengetaipo.” (Genesi 45:9-11; 47:12) Chokwadi, kukudza vabereki vakwegura kunosanganisira kuvachengetedza uye kuvatarisira mune zvokunyama pavanenge vasingakwanisi kuzvitarisira. (1 Samueri 22:1-4; Johani 19:25-27) Josefa akagamuchira uyu mutoro nomufaro.

6. Josefa akaratidza sei rudo rwechokwadi kuna baba vake, uye tingatevedzera sei muenzaniso wake?

6 Achikomborerwa naJehovha, Josefa akanga ava mumwe wevanhu vakapfuma uye vane simba chaizvo vomuIjipiti. (Genesi 41:40) Asi haana kumbofunga kuti aikosha chaizvo kana kuti akanga akabatikana zvikuru zvokutadza kukudza baba vake vakanga vava nemakore 130. Paakanzwa kuti Jakobho (kana kuti Israeri) akanga ava kusvika, “Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosongana naIsraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.” (Genesi 46:28, 29) Kuvagamuchira kwakadai kwaipfuura kungovaremekedzawo zvako. Josefa aida chaizvo baba vake vakanga vakwegura uye haana kunyara kuratidza kuti aivada. Kana tiine vabereki vari kukwegura, tinoratidzawo here kuti hatina kuomera pakuvada kwedu?

7. Nei Jakobho aida kunovigwa kuKanani?

7 Kuzvipira kwaJakobho kuna Jehovha kwakaramba kwakasimba kusvikira afa. (VaHebheru 11:21) Pamusana pokutenda kwake muzvipikirwa zvaMwari, Jakobho akakumbira kuti azonovigwa kuKanani. Josefa akakudza baba vake nokuteerera chikumbiro ichi, pasinei nokuti zvaizodya mari yakati wandei uye raizova basa guru.—Genesi 47:29-31; 50:7-14.

8. (a) Chii chinonyanya kutiita kuti titarisire vabereki vakwegura? (b) Mumwe mushumiri wenguva yakazara akaitei kuti atarisire vabereki vake vakanga vari kukwegura? (Ona bhokisi riri papeji 17.)

8 Chii chakaita kuti Josefa atarisire baba vake? Kunyange zvazvo rudo nepfungwa yokunzwa aine chikwereti nomunhu akanga amupa upenyu uye akanga amurera zvaiva zvikonzero zvacho, hapana mubvunzo kuti Josefa aivawo nechido chikuru chokufadza Jehovha. Ndizvo zvatinofanirawo kuita. Pauro akanyora kuti: “Kana chirikadzi ine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kudzidza kuva netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba mavo uye varambe vachiripa muripo wakafanira kuvabereki vavo navanasekuru, nokuti izvi zvinofadza pamberi paMwari.” (1 Timoti 5:4) Zvechokwadi, kuda Jehovha uye kumutya kwokuremekedza zvichatiita kuti titarisire vabereki vari kukwegura, pasinei zvapo nokuti kuzviita kungave kwakaoma sei. *

Kuratidza Kunoita Vakuru Kuti Vane Hanya

9. Ndiani akagadzwa naJehovha kuti afudze boka, kusanganisira vaKristu vakwegura?

9 Pedyo nokuguma kwoupenyu hwake hurefu, Jakobho akataura nezvaJehovha sa“Mwari wakandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi.” (Genesi 48:15) Nhasi, Jehovha anofudza vashumiri vake vepasi achishandisa vatariri vechiKristu, kana kuti vakuru, vachitungamirirwa noMwanakomana wake, Jesu Kristu, “mufudzi mukuru.” (1 Petro 5:2-4) Vatariri vangatevedzera sei Jehovha sezvavanotarisira nhengo dzakwegura dzeboka?

10. Chii chakaitwa kuti vaKristu vakwegura vabatsirwe mune zvokunyama? (Ona bhokisi riri papeji 19.)

10 Ungano yechiKristu ichangotangwa, vaapostora vakagadza “varume vanomwe vanopupurirwa . . . vazere nomudzimu nouchenjeri” kuti vatarisire “kugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva” pakati pechirikadzi dzechiKristu dzaishayiwa. (Mabasa 6:1-6) Gare gare, Pauro akarayira mutariri Timoti kuti anyore chirikadzi dzachembera dzaiva nomuenzaniso wakanaka pakati pevaiva vakakodzera kubatsirwa mune zvokunyama. (1 Timoti 5:3, 9, 10) Saizvozvowo, vatariri veungano nhasi vanotarisira nokuzvidira kubatsirwa kwevaKristu vakwegura pazvinenge zvichidiwa. Zvisinei, zvakawanda zvinodiwa pakutarisira vakatendeka vakwegura.

11. Jesu akati chii nezvechirikadzi yaishayiwa yakapa chipo chiduku?

11 Ava kunopedza ushumiri hwake hwepasi, Jesu akagara pasi patemberi “akatanga kucherechedza kudonhedzera mari kwaiita boka revanhu mumidziyo yokuisa mari.” Asi pane mumwe munhu waakatarisisa. Nhoroondo yacho inoti: “Imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika ikadonhedzera mari mbiri duku, dzaikosha zvishoma kwazvo.” Jesu akashevedza vadzidzi vake akavaudza kuti: “Zvechokwadi ndinoti kwamuri chirikadzi iyi iri murombo yadonhedzera kupfuura vose vadonhedzera mari mumidziyo yokuisira mari; nokuti vose vadonhedzera vachibvisa pane yavo yemuraudzo, asi iye, pakushayiwa kwake adonhedzera yose yaaiva nayo, inomuraramisa.” (Mako 12:41-44) Kana totaura nezvemari, chipo chechirikadzi yacho chaiva chiduku, asi Jesu aiziva kuti Baba vake vokudenga vanokoshesa sei kuzvipira kwakadaro kwemwoyo wose. Pasinei zvapo nezera rechirikadzi iyoyo yaiva murombo, Jesu akaona zvayakaita.

12. Vakuru vangaratidza sei kuonga zvinoitwa nevaKristu vakwegura?

12 SaJesu, vatariri vechiKristu vanoona zvinoitwa nevakwegura kuti vatsigire kunamata kwechokwadi. Vakuru vane chikonzero chokurumbidza vakwegura nokuita kwavo ushumiri, nokuva nezvavanoita pamisangano, nokukurudzira kwavo kwakanaka muungano, uye nokutsungirira kwavo. Shoko remwoyo wose rokukurudzira rinogona kubatsira vakwegura kuwana “chisakiso chokufara zvikuru” mubasa ravo dzvene, nokudaro vorega kuora mwoyo nokuenzanisa zvavanoita nezvinoitwa nevamwe vaKristu kana kuti nezvavakaita pachavo.—VaGaratiya 6:4.

13. Vakuru vangashandisa zvipo noruzivo zvevakwegura munzira dzipi?

13 Vakuru vanogona kubvuma kukosha kwokutsigira kunoitwa nevaKristu vakwegura nokushandisa muenzaniso wavo uye unyanzvi hwavo. Vakwegura vane muenzaniso wakanaka vangashandiswa pano neapo mumienzaniso kana kuti kubvunzurudza. Mumwe mukuru anoti, “Vateereri vanonyatsoteya nzeve voteerera pandinobvunzurudza hama kana kuti hanzvadzi yakwegura yakarerera vana muchokwadi.” Vakuru vomune imwe ungano vanotaura kuti imwe hanzvadzi inopayona ine makore 71 yave ichibudirira mukubatsira vaparidzi voUmambo kuti vave venguva dzose mubasa romumunda. Inovakurudzirawo kuita “zvinhu zvinodiwa,” zvakadai sokuverenga Bhaibheri uye rugwaro rwezuva vobva vafungisisa pane zvavanenge vaverenga.

14. Rimwe dare revakuru rakaratidza sei kuonga mumwe mutariri akwegura?

14 Vakuru vanokoshesawo zvinoitwa nevamwe vatiriri vakwegura. José, uyo ane makore okuma70 uye ave achishanda somukuru kwemakumi emakore munguva pfupi yapfuura akavhiyiwa uye ronda racho raiva guru kwazvo. Munguva refu yokunaya, akafunga nezvokurega ropafadzo yake yokushumira somutariri anotungamirira. “Zvakaitwa nevamwe vakuru zvakandishamisa,” anodaro José. “Pane kubvuma zvandakanga ndavaudza, vakandibvunza kuti rubatsiroi runoshanda rwandaida kuti ndirambe ndichiita mabasa angu.” Achibatsirwa nomumwe mukuru wechiduku, José, akakwanisa kuramba achishumira nomufaro ari mutariri anotungamirira, uye izvi zvave zviri chikomborero kuungano. Mumwe mukuru anoti: “Hama dzinoonga basa raJosé somukuru. Dzinomunoda uye dzinomuremekedza nokuda kworuzivo rwake uye muenzaniso wake wokutenda. Anoita kuti ungano yedu ibudirire.”

Kutarisirana

15. Nei vaKristu vose vachifanira kufarira kugara zvakanaka kwevakwegura vari pakati pavo?

15 Havasiri bedzi vana vane vabereki vakwegura uye vashumiri vakagadzwa vanofanira kuva nehanya nevakwegura. Achienzanisa ungano yechiKristu nomuviri womunhu, Pauro akanyora kuti: “Mwari akabatanidza muviri, achipa kukudzwa kukuru zvikuru kurutivi rwaishayiwa, kuti parege kuva nokupesana mumuviri, asi kuti mitezo yawo itarisirane zvakafanana.” (1 VaKorinde 12:24, 25) Kuti ungano yechiKristu ishande yakabatana, nhengo imwe neimwe inofanira kuva nehanya nokugara zvakanaka kwevainonamata navo, kusanganisira vakwegura.—VaGaratiya 6:2.

16. Tingaratidza sei kufarira vakwegura patinopinda misangano yechiKristu?

16 Misangano yechiKristu inopa mukana wakanaka wokuratidza kufarira kwedu vakwegura. (VaFiripi 2:4; VaHebheru 10:24, 25) Tinowana nguva yokukurukura nevakwegura pamisangano yakadaro here? Kunyange zvazvo zvingave zvakakodzera kubvunza nezvoutano hwavo, ‘tingapa chipo chomudzimu,’ zvichida nokuvaudza chakaitika chinobatsira kana kuti pfungwa yomuMagwaro here? Sezvo vamwe vakwegura vasingagoni kunyatsofamba, waizova mutsa kuenda kwavari pane kuvatarisira kuuya kwatiri. Kana vaine chinetso chokunzwa, tingada kutaura zvishoma nezvishoma uye kunyatsodudza mashoko. Kuti “pave nokukurudzirana” kwechokwadi, tinofanira kunyatsoteerera zvinotaurwa nomunhu akwegura.—VaRoma 1:11, 12.

17. Tingaratidza sei kuti tine hanya nevaKristu vakwegura vanongogara vari pamisha yavo?

17 Zvakadini kana vamwe vakwegura vasingakwanisi kupinda misangano yechiKristu? Jakobho 1:27 inoratidza kuti mutoro wedu “kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.” Rimwe shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kutarisira” rinoreva “kushanya.” (Mabasa 15:36) Vakwegura vanofarira chaizvo kushanyirwa nesu! Paaiva mujeri muRoma munenge muna 65 C.E., “murume akura,” Pauro akazviwana ava oga zvake. Aipanga kuona Timoti waaishanda naye ndokunyora kuti: “Ita nepaunogona napo kuti uuye kwandiri nokukurumidza.” (Firimoni 9; 2 Timoti 1:3, 4; 4:9) Kunyange zvazvo vasiri vasungwa chaivo, vakwegura vanongogara vari pamisha yavo nokuda kwezvinetso zvoutano. Chaizvoizvo vangave vachiti, ‘Ndapota, edza nepaunogona napo kundishanyira nokukurumidza.’ Tiri kuteerera here kukumbira kwakadaro?

18. Kushanyira kwedu vakwegura kunobatsirei?

18 Usamborerutsa kubatsira kunoita kushanyira hama kana kuti hanzvadzi yechiKristu yakwegura. MuKristu ainzi Onesiforasi paaiva muRoma, akanyatsotsvaka Pauro, akamuwana, uye ‘akazogara achimuzorodza.’ (2 Timoti 1:16, 17) Imwe hanzvadzi yakwegura, inoti: “Ndinofarira kupedza nguva ndiine vechiduku.” “Chandinonyanya kufarira ndechokuti vanondibata somumwe womumhuri mavo. Zvinondikurudzira zvikuru.” Mumwe muKristu akwegura anoti: “Ndinofara chaizvo kana mumwe munhu akanditumira kadhi, akandiridzira runhare kwemaminitsi mashomanana, kana kuti akandishanyira kwekanguva. Zvinozorodza chaizvo.”

Jehovha Anokomborera Vaya Vane Hanya

19. Zvikomborero zvipi zvinobva pakutarisira vakwegura?

19 Kuva nehanya nevakwegura kunoguma nezvikomborero zvakawanda. Iropafadzo kushamwaridzana nevakwegura uye kushandisa zivo yavainayo nezvakaitika kwavari. Vanhu vane hanya vanowana mufaro mukuru unobva pakupa, pamwe chete nepfungwa yokupedza chimwe chinhu uye rugare rwomumwoyo zvinovapo nokuita mutoro wavo womuMagwaro. (Mabasa 20:35) Uyezve, vaya vane hanya nevakwegura havafaniri kutya kuti ivo vachazosiyiwa kana vakwegura. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo.”—Zvirevo 11:25.

20, 21. Jehovha anoona sei vaya vane hanya nevakwegura, uye tinofanira kutsunga kuitei?

20 Jehovha anokomborera vana vanotya Mwari, vatariri, uye vamwe vaKristu vane hanya nokutarisira kusina udyire zvinodiwa zvevakwegura vavanonamata navo. Pfungwa yakadaro inoenderana nechirevo ichi chinoti: “Unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha; uchamuripira basa rake rakanaka.” (Zvirevo 19:17) Kana rudo ruchiita kuti tiitire nyasha vakaderera nevarombo, Mwari anoona kupa kwakadaro kuva chikwereti chaanozobhadhara nezvikomborero. Anotibhadharawo nokuda kwokutarisira vakwegura vatinonamata navo norudo, vazhinji vavo vanotova ‘varombo mune zvenyika asi vari vapfumi mukutenda.’—Jakobho 2:5.

21 Rupo rwaMwari rwaanobhadhara rwakanaka sei! Runosanganisira upenyu husingaperi. Kuvashumiri vaJehovha vakawanda, zvichareva upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano, umo migumisiro yechivi chokuberekwa nacho ichabviswa uye vakatendeka vakwegura vachadzorerwa simba ravo rouduku. (Zvakazarurwa 21:3-5) Patinenge tichimirira nguva iyoyo yakakomborerwa, ngatirambei tichiita mutoro wedu wechiKristu wokutarisira vakwegura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kuti uwane mazano anobatsira okutarisira vabereki vakwegura, ona Mukai! yaFebruary 8, 1994, mapeji 3-10.

Ungapindura Sei?

• Vana vangakudza sei vabereki vakwegura?

• Vakuru vangaratidza sei kuti vanoonga nhengo dzakwegura dzeboka?

• VaKristu vamwe nevamwe vangaratidza sei kuti vanofarira vakwegura zvechokwadi?

• Zvikomborero zvipi zvinovapo nokutarisira vaKristu vakwegura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 17]

Vabereki Vake Pavaida Kubatsirwa

Philip akanga achishanda somushandi wokuvaka akazvipira muLiberia muna 1999 paakagamuchira mashoko okuti baba vake vakanga vachirwara zvakaipisisa. Aine chokwadi chokuti amai vake vaisazokwanisa kuvatarisira vari voga, akasarudza kudzokera kumusha kuti anoronga nezvokurapisa baba vake.

Philip anoyeuka, kuti: “Zvakanga zvisiri nyore kudzoka, asi ndakafunga kuti kutarisira vabereki vangu kwaiva mutoro wokutanga.” Mumakore matatu akatevera, akatamisira vabereki vake kune musha uri nani, uye achibatsirwa nevaKristu vaainamata navo, akachinja magariro kuti akwanise kutarisira zvinodiwa chaizvo zvababa vake.

Zvino amai vaPhilip vava kugona kutarisira zviri nyore zvinetso zvakakomba zvoutano zvababa vake. Munguva pfupi yapfuura, Philip akabvuma kukokwa kwaakaitwa kuti azoshanda somuzvipiri pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muMacedonia.

[Bhokisi riri papeji 19]

Havana Kurega Kumutarisira

Ada, muKristu ane makore 85 wokuAustralia, paakanga ava ndonda inongogara pamusha, vakuru veungano vakaronga kuti abatsirwe. Vakaronga boka revaainamata navo kuti vamubatsire. Hama nehanzvadzi idzi dzakafara kuita mabasa akadai sokuchenesa, kuwacha, kubika, nokuita tumwewo tumabasa.

Kubatsira ikoko kwakatangwa anenge makore gumi apfuura. Kusvika iye zvino, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 30 zvave zvichibatsira kutarisira Ada. Zvinoramba zvichimushanyira, zvichimuverengera mabhuku eBhaibheri, zvinoramba zvichimuudza nezvokufambira mberi pakunamata kwevaya vari muungano uye zvinonyengetera pamwe chete naye nguva dzose.

Mumwe mukuru wechiKristu womuungano yacho akati: “Avo vanotarisira Ada vanoiti iropafadzo kumubatsira. Vakawanda vakakurudzirwa nebasa rake rokutendeka kwemakumi emakore, uye havatomboregi kufunga nezvokumutarisira.”

[Mufananidzo uri papeji 16]

Tine rupo here pakuratidza rudo rwedu kuvabereki vakwegura?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vose vari muungano vangaratidza kuti vanoda vakwegura vavanonamata navo