Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Kwevanhu Kufadza Mwari

Kutsvaka Kwevanhu Kufadza Mwari

Kutsvaka Kwevanhu Kufadza Mwari

“HAKUNA kumbova nenzanga yevanhu isina kumboziva Mwari, uyo nguva dzose ari mudzori nomusiki wayo. Izvi ndezvechokwadi kunyange munzanga dzinoramba kudavira muna Mwari nemaune.” Ndizvo zvinotaura John Bowker mubhuku rake rinonzi God—A Brief History. Neimwe nzira, kutsvaka Mwari uye kutenderwa naye kwave kuri chinhu chinozivikanwa mutsika dzevanhu. Pasi pose, vakawanda vanoda zvepachokwadi kufadza Mwari. Chokwadi, nzira dzavanoedza kuita nadzo izvi dzinosiyana-siyana maererano nezvavanotenda.

Vamwe vanofunga kuti kurarama upenyu hwakanaka ndiko kunongokosha bedzi kuti utenderwe naMwari. Vamwe vanofunga kuti vanotenderwa naMwari nokuita mabasa okuyamura varombo. Uyezve, mhemberero dzechitendero nedzetsika dzinokosha kumamiriyoni evanhu.

Kune rimwe divi, kune vaya vanotenda kuti havagoni kusvika kuna Mwari—ari kure zvikuru kana kuti akanyanya kubatikana nezvimwe zvinhu zvokusagona kuteerera vanhuwo zvavo. Muzivi Epicurus weGreece yekare anonzi aitenda kuti ‘vanamwari vari kure zvikuru zvokusagona kukukuvadza chero munzira ipi zvayo.’ Kunyange zvakadaro, vakawanda vane pfungwa dzakadaro ndevechitendero. Vamwe vangatopa zvibayiro uye vangatoita tsika dzechivanhu vachifunga kuti vanenge vachifadza madzitateguru avo akafa.

Unofungei? Mwari anonyatsocherechedza zvatinoedza kuita kuti titenderwe naye here? Zvinobvira here kuti tisvike pamwoyo paMwari ndokumufadza?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Courtesy of ROE/Anglo-Australian Observatory, photograph by David Malin