Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tingashungurudza sei mudzimu mutsvene waMwari, sezvo usiri munhu?

Aiva muapostora Pauro akanyora kuti: “Musashungurudza mudzimu mutsvene waMwari.” (VaEfeso 4:30) Vamwe vanoona mashoko aya sechiratidzo chokuti mudzimu mutsvene munhu. Zvisinei, kakawanda mabhuku o“mutariri akatendeka” ave achipa uchapupu hweMagwaro nohwenhau dzakaitika hwokuti vaKristu vekare vakanga vasingaoni mudzimu mutsvene somunhu kana kuti samwari akaenzana noWokumusorosoro somumwe wevanonzi vanamwari Vatatu. * (Ruka 12:42) Saka Pauro akanga asingatauri nezvomudzimu mutsvene waMwari somunhu.

Mudzimu mutsvene waMwari isimba rake risingaoneki rinoita basa. (Genesi 1:2) Jesu aifanira kubhabhatidza “nomudzimu mutsvene,” sokungobhabhatidza kwaiita Johani nemvura. (Ruka 3:16) Papendekosti ya33 C.E., vadzidzi vanenge 120 “vakazadzwa nomudzimu mutsvene”—zviri pachena kuti havana kuzadzwa nomunhu. (Mabasa 1:5, 8; 2:4, 33) Vakazodzwa ivavo vakagamuchira tariro yokudenga, uye mudzimu waMwari wakavatungamirira muupenyu hwokuva vakatendeka. (VaRoma 8:14-17; 2 VaKorinde 1:22) Mudzimu wakaita kuti pave nezvibereko zvaMwari uye wakavabatsira kudzivisa “mabasa enyama” aizoita kuti vasafarirwa naMwari.—VaGaratiya 5:19-25.

Kana tiri vashumiri vaMwari vane tariro yepasi pano, hatina kuzodzwa nomudzimu mutsvene. Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nomudzimu waMwari wakangoenzana nowevaya vane tariro yokudenga. Saka, nesuwo tinogona kushungurudza mudzimu wacho. Asi sei?

Kana tikasateerera zano reMagwaro rakanyorwa mudzimu mutsvene uchitungamirira, tinogona kutanga kuva nounhu hungazoita kuti titadzire mudzimu nemaune, tirasikirwe nokufarirwa naJehovha, uye pakupedzisira toparadzwa. (Mateu 12:31, 32) Tingave tisiri kuita chivi chakakomba, asi tingave tichitorasika, zvoita kuti tipedzisire tafamba mugwara rinopesana nomudzimu. Mumamiriro ezvinhu akadaro, tinenge tichishungurudza mudzimu mutsvene.

Saka, tingadzivisa kushungurudza mudzimu waMwari sei? Tinotofanira kudzora pfungwa dzedu nezviito zvedu. Mutsamba yake kuvaEfeso, chitsauko 4, muapostora Pauro akataura nezvokurega tsika yokureva nhema, kuramba wakatsamwa, usimbe, uye kutaura zvakaipa. Kana takapfeka “unhu hutsva” asi tichizvibvumira kudzokera shure kuzvinhu zvakadaro, tinenge tichiitei? Tinenge tichipesana nezano rakafuridzirwa reShoko raMwari, Bhaibheri. Nokuita izvi, tinenge tichishungurudza mudzimu mutsvene.

Muchitsauko 5 chavaEfeso, tinoverenga zano raPauro rokudzivisa kufarira kwakaipa ufeve. Muapostora wacho anokurudzirawo vatinonamata navo kuti vadzivise mufambiro unonyadzisa uye majee anonyadzisira. Kana tisingadi kushungurudza mudzimu mutsvene waMwari, tinofanira kuyeuka izvi patinosarudza varaidzo. Nei tingafarira zvinhu zvakadaro nokutaura nezvazvo, kuverenga nezvazvo, uye kuzviona pazvinoratidzwa paterevhizheni kana kuti kune imwewo nzvimbo?

Chokwadi, tingashungurudza mudzimu mune dzimwewo nzira. Mudzimu waJehovha unoita kuti muungano muve norugare, asi ngatitii taparadzira guhwa rinokuvadza kana kuti kukurudzira kuti muungano muve nemapoka. Tingave tisiri kuita zvinopesana nokutungamirira kwomudzimu kwokuti pave nokubatana here? Zviri pachena kuti tinenge tichishungurudza mudzimu mutsvene, sevaya vakakonzera mapoka muungano yeKorinde. (1 VaKorinde 1:10; 3:1-4, 16, 17) Tinenge tichishungurudzawo mudzimu kana tikasaremekedza nemaune varume vakagadzwa nomudzimu vari muungano.—Mabasa 20:28; Judha 8.

Saka, zviri pachena kuti kuchenjera kufunga nezvemaonero edu uye nezvezviito zvedu maererano nezvatinoziva kuti ndiko kutungamirira kwomudzimu mutsvene sezvinoratidzwa muBhaibheri uye muungano yechiKristu. Ngativeiwo vano“nyengetera nomudzimu mutsvene,” tichibvuma kutungamirirwa nawo uye nguva dzose tichiita maererano nezvinotaurwa muShoko raMwari rakafuridzirwa. (Judha 20) Ngatitsungei kusambofa tashungurudza mudzimu asi nguva dzose utitungamirire kuti zita raJehovha dzvene rikudzwe.

Jesu Kristu akaenzanisa kuoma kwazvakaita kuti mupfumi apinde muUmambo nengamera iri kuedza kupinda nepaburi retsono. Jesu aifunga nezvengamera chaiyoiyo uye tsono chaiyoiyo yokusonesa here?

PaMagwaro matatu anotaura mashoko aya maviri acho akanyatsofanana. Maererano nenhoroondo yaMateu, Jesu akati: “Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” (Mateu 19:24) Saizvozvowo, Mako 10:25 inoti: “Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”

Mamwe mabhuku anoti “buri retsono” raiva suo duku raiva parimwe remasuo makuru eJerusarema. Painge pakavharwa suo guru usiku, duku racho raigona kuzarurwa. Zvinofungidzirwa kuti ngamera yaikwanisa kupinda nepariri. Izvi ndizvo zvaifungwa naJesu here?

Zviri pachena kuti hazvisi izvo. Sezvinooneka, Jesu akanga achitaura nezvetsono yokusonesa. Sezvo tsono dzakagadzirwa nemapfupa uye nesimbi zvekare kare dzakawanikwa munzvimbo iyoyo, dzinofanira kunge dzaive midziyo yaizivikanwa yomumba. Ruka 18:25 inosiya pasina kana mubvunzo pamashoko aJesu, nokuti inoti akati: ‘Chaizvoizvo, zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono yokusonesa pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.’

Vanyori vemaduramazwi vakasiyana-siyana vanobvumirana nokushandura kwokuti “tsono yokusonesa” sezviri muShanduro yeNyika Itsva yeChirungu. Shoko rechiGiriki re‘tsono’ riri pana Mateu 19:24 naMako 10:25 (rha·phisʹ) rinotorwa pashoko rechiito rinoreva kuti “kusona.” Uye shoko rechiGiriki rinowanikwa pana Ruka 18:25 (be·loʹne) rinoshandiswa kureva tsono chaiyoiyo inoshandiswa pakuvhiya. Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinoti: “Pfungwa yokushandisira ‘buri retsono’ kureva masuo maduku inenge yazvino uno; hapana chinoratidza kuti kare yaivapo. Chinangwa chaIshe mumashoko aya ndechokuratidza kuti hazvibviri kuvanhu uye hapana chikonzero chokuedza kuti kuoma kwazvakaita kuve nyore nokutaura kuti tsono hairevi tsono chaiyoiyo inozivikanwa.”—1981, Volume 3, peji 106.

Vamwe vanoti mundima idzi “ngamera” inofanira kushandurwa kuti “tambo.” MuchiGiriki shoko rinoreva tambo (kaʹmi·los) nerinoreva ngamera (kaʹme·los) akafanana. Zvisinei, shoko rechiGiriki re“ngamera” kwete re“tambo” ndiro rinowanikwa pana Mateu 19:24 mumanyoro ekare kare aripo echiGiriki eEvhangeri yaMateu (Sinaitic, Vatican No. 1209, uye Alexandrine). Zvinonzi Mateu pakutanga akanyora Evhangeri yake muchiHebheru uye zvichida iye pachake ndiye akaishandurira muchiGiriki. Ainyatsoziva zvakataurwa naJesu saka akashandisa shoko rakakodzera.

Saka Jesu aireva tsono yokusonesa chaiyoiyo uye ngamera chaiyoiyo. Akanga achishandisa izvi kusimbisa kusambobvira kwechimwe chinhu. Asi Jesu aireva here kuti hapana mupfumi aizombokwanisa kupinda muUmambo? Aiwa, nokuti mashoko aJesu aisafanira kutorwa sezvaari chaizvo. Akanga achishandisa gudziramukanwa kuenzanisira kuti sezvo ngamera chaiyoiyo isingagoni kupinda nepaburi retsono yokusonesa, hazvibviri kuti mupfumi apinde muUmambo kana akaramba akaomerera kuupfumi hwake uye akasaisa Jehovha panzvimbo yokutanga muupenyu hwake.—Ruka 13:24; 1 Timoti 6:17-19.

Jesu akataura mashoko aya jaya mupfumi richangobva kuramba ropafadzo huru yokuva muteveri waJesu. (Ruka 18:18-24) Munhu akapfuma anoda pfuma yake kupfuura zvinhu zvine chokuita nokunamata haatarisiri kuwana upenyu husingaperi muUmambo. Asi vamwe vanhu vakapfuma vakatova vadzidzi vaJesu. (Mateu 27:57; Ruka 19:2, 9) Saka munhu akapfuma anoziva zvaanoda pakunamata uye anotsvaka kubatsirwa naMwari anogona kuponeswa naMwari.—Mateu 5:3; 19:16-26.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona bhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.