Nzira Yokuwana Nayo Upenyu Hurefu uye Hunofadza
Nzira Yokuwana Nayo Upenyu Hurefu uye Hunofadza
“VAMWE vanhu vanoti munhu wose anoda kukura; asi hapana anoda kukwegura. Vanhu vakawanda vava kusvika pazera romudyandigere vanotarisira kuva nenguva yakawanda uye mitoro mishoma. Asi vanotya kuva vasina chinangwa uye vasingabatsiri. Vanotyawo kuva voga, kuva vasingafari, uye kuva vane utano husina kunaka.
Saka, chii chinokosha pakuva noupenyu hunofadza? Shamwari dzakanaka uye mhuri ine rudo vanobatsira kuita kuti vose vaduku nevakuru vafare. Asi zvinoitwa nevamwe kubatsira munhu akwegura handizvo bedzi zvinokosha. Zvinogona kuitirwa vamwe nomunhu akwegura ndizvo zvinotonyanya kukosha.
Nguva refu yokuongorora vakaroorana vanosvika 423 vakwegura yakaratidza kuti “kuitawo chimwe chinhu kuupenyu hwevamwe vanhu kungabatsira kurebesa upenyu hwedu pachedu.” Stephanie Brown, uyo akatungamirira kuongorora kwacho, anotsanangura kuti: “Zvakawanikwa izvi zvinoratidza kuti hazvisi zvatinowana muukama zvinoita kuti kuva pamwe chete nevamwe kubatsire; asi zvatinopa.” Kupa kwakadaro kungasanganisira kubatsira vamwe basa repamba, kutarisira vana, kuitawo tumwe tumabasa, kugovera chokufambisa, kana kuti kuteerera mumwe munhu anoda kutaura.
Anenge makore 2 000 apfuura, Jesu Kristu akati: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Nzira yokuwana nayo upenyu hurefu uye hunofadza haiitwi nokuva nemari yakawanda kubhengi kana kuti nemishonga uye zvokudya zvinodzivisa kukwegura. Asi, inoitwa nokuramba uchiita mabasa uye uchizvipa nguva, uye simba rokuvandudza upenyu hwevamwe.
Zvisinei, zvichatoda zvakawanda zvinopfuura kuita kuti tisakwegura, tisarwara, uye tisafa. Umambo hwaMwari bedzi ndihwo huchabvisa zvinhu zvakadaro. Pakutonga kwahwo, kurwara kuchabviswa uye kunyange “rufu haruchazovipo.” (Zvakazarurwa 21:3, 4; Isaya 33:24) Kutaura zvazviri, vanhu vanoteerera vachararama nokusingaperi vachifara muparadhiso pasi pano. (Ruka 23:43) Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuudza vamwe nzira iyi yakavakirwa paBhaibheri yokuwana nayo upenyu hurefu uye hunofadza.