Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Nzizi Ngadziuchire”

“Nzizi Ngadziuchire”

Runako Rwechisiko chaJehovha

“Nzizi Ngadziuchire”

TARIRA pamepu yenyika, uye munzvimbo dzakawanda, uchaona mitsetse inozvonyongoka ichidzika nenyika. Mitsetse iyi inopfuura nomumapani, magwenga, nomumatondo. Inozvonyongoka nomumipata, nomumakoronga akadzika chaizvo, nomumasango. (Habhakuki 3:9) Mitsetse iyi inzizi, itsinga dzoupenyu dzepasi redu. Hova dzakadaro dzinopupurira uchenjeri nesimba zvoMusiki wepasi, Jehovha. Sezvatinodziona, tinonzwa sezvakaita munyori wepisarema akaimba kuti: “Nzizi ngadziuchire; namakomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro; pamberi paJehovha.”—Pisarema 98:8, 9. *

Nzizi dzakanyatsobatana nenhau yevanhu. Bhaibheri rinotaura nezvenzizi huru ina dzaiparadzana dzichibva murwizi rwaibuda muEdheni. (Genesi 2:10-14) Kumwe kwokubudirira kwenzanga yokutanga-tanga kwakatangira mumipata yakaorera yenzizi dzinoti Tigirisi neYufratesi kuMiddle East. Kubudirira kukuru kwakaitwa kuti kubvire neHwang River kuChina, Ganges neIndus kumaodzanyemba kweAsia, uye Nire kuIjipiti.

Saka, zvinonzwisisika kuti munhu agara achishamiswa noukuru, nokuwanda, uye norunako rwenzizi. Rwizi rwaNire rweIjipiti runoyerera kweanenge makiromita 6 670. Rwizi rwakasiyana uye rwakakura kupfuura dzimwe nzizi ndiAmazon rwokuSouth America. Kunyange zvazvo dzimwe nzizi dzakakura, dzimwe dzakanaka chaizvo, seTone River ruri kuJapan, rudiki chaizvo asi rune mvura inoerera ichimhanya.

Chii chinoita kuti rwizi ruerere? Neshoko rimwe chete, igiravhiti. Igiravhiti inoita kuti mvura iyerere ichibva kwakakwirira ichienda kwakadzikira. Padzimwe nguva izvi zvinoguma nemapopoma. Richirondedzera kuratidzwa uku kwesimba norunako, Bhaibheri rinoti: “Jehovha, nzizi dzakanzwisa, nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.”—Pisarema 93:3.

“Ndiani anotuma hova dzemvura inonaya?” Jehovha akabvunza Jobho, munhu aitya Mwari. (Jobho 38:25, Contemporary English Version) Chokwadi, mvura yose inobva kupi? Mhinduro yacho inosanganisira urongwa hwakaoma kunzwisisa hwokutenderera kunoita mvura. Mvura yepasi inogara ichitenderera zvichikonzerwa nesimba rezuva uye negiravhiti. Mvura painosimuka yokwira semhepo, inoenda mumurengarenga. Pakupedzisira, inotonhora yova tumadonhwe tudikidiki tunobva twaumba makore. Nokufamba kwenguva, tumadonhwe utwu tunozodzoka pasi twava sinou kana kuti mvura inonaya. Yakawanda yemvura inochengetwa mumakungwa, nyanza, nzizi, mazizaya akakura kwazvo, polar icecaps (nzvimbo dzinongova chando choga choga kumusoro nezasi kwepasi redu), uye pasi penyika.

Nezvokutenderera uku kunoshamisa, Bhaibheri rinoti: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.” (Muparidzi 1:7) Jehovha, Mwari ane uchenjeri husingaperi uye anotarisira norudo, ndiye bedzi aigona kutanga kutenderera kwakadaro. Uye kuronga kwounyanzvi kwakadaro kunotiudzei nezvaMwari pamusoro pezvaari? NdiMwari ane uchenjeri hukuru uye anotarisira norudo.—Pisarema 104:13-15, 24, 25; Zvirevo 3:19, 20.

Pasinei nokukura kwadzakaita uye kuwanda kwadzo, nzizi dzine mvura shomanana pamvura inogona kunwiwa yenyika. Kunyange zvakadaro, dzinokosha pakutsigira upenyu. Bhuku rinonzi Water, rinoti “Upenyu hwevanhu hwaisazombobvira pamwero muduku kana kuti mukuru kudai taisakwanisa kuwana kana kuti kuchengetedza mvura.” “Zvakaitwa nomunhu maererano neizvi zvakaumba kubudirira kwenhau yomunhu.”

Kwezviuru zvemakore, nzizi dzakatipa mvura yokunwa neyokudiridzisa. Ivhu rakaorera riri mumhenderekedzo dzenzizi dzakawanda rakanakira kurima. Ona kuti pfungwa iyi inotaurwa sei mukukomborera vashumiri vaJehovha: “Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho, nedzimba dzako, iwe Israeri! Vakatasanurwa semipata, seminda kunhivi dzorwizi, samagavakava akasimwa naJehovha, semichindwe pedyo nemvura.” (Numeri 24:5, 6) Nzizi dzinobatsirawo kuraramisa mhuka dzakadai semadhadha negava zvaunoona pano. Kutaura zvazviri, kana tikadzidza zvakawanda nezvenzizi, zvinobva zvatotiita kuti tiwedzere kuonga Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004, May/June.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

Iguaçú Falls, iri pamuganhu weArgentina neBrazil, iri pakati pemapopoma akafara kudarika mamwe ose. Yakafara anopfuura makiromita matatu. Iri mumasango akanaka anonaya mvura, uye inoumbwa neanenge mapopoma maduku 300. Anenge makiyubhiki mita 10 000 emvura anodonhera pasi sekondi yoga yoga mumwaka wokunaya kwemvura.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Tone River, Japan