Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRevhitiko

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRevhitiko

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRevhitiko

GORE harisati rapera kubva pakununurwa kwevaIsraeri muuranda hweIjipiti. Zvino varongwa kuva rudzi rutsva, vari munzira kuenda kuKanani. Chinangwa chaJehovha ndechokuti rudzi rutsvene rugare ikoko. Zvisinei, mararamiro evaKanani nechitendero chavo zvakaipa chaizvo. Saka Mwari wechokwadi anopa ungano yevaIsraeri mirayiro yaizovatsaura kuti vamuitire basa. Mirayiro iyi yakanyorwa mubhuku reBhaibheri raRevhitiko. Bhuku racho rakanyorerwa murenje reSinai nomuprofita Mosesi, sezviri pachena muna 1512 B.C.E., zviitiko zviri mubhuku racho zvakangoitika mumwedzi mumwe chete bedzi. (Eksodho 40:17; Numeri 1:1-3) Jehovha anoramba achikurudzira vanamati vake kuti vave vatsvene.—Revhitiko 11:44; 19:2; 20:7, 26.

Zvapupu zvaJehovha nhasi hazvisi pasi poMutemo wakapiwa naMwari achishandisa Mosesi. Rufu rwaJesu Kristu rwakabvisa Mutemo iwoyo. (VaRoma 6:14; VaEfeso 2:11-16) Zvisinei, mirayiro iri mubhuku raRevhitiko inogona kutibatsira ichitidzidzisa zvakawanda pamusoro pokunamata Mwari wedu, Jehovha.

ZVINOPIWA ZVITSVENE—ZVOKUZVIDIRA UYE ZVAIRAYIRWA

(Revhitiko 1:1–7:38)

Zvimwe zvezvinopiwa nezvibayiro zvoMutemo zvaiva zvokuzvidira, asi zvimwe zvairayirwa. Somuenzaniso, chinopiwa chinopiswa chaiva chokuzvidira. Chaipiwa kuna Mwari chose, sokuzvipira kwakaita Jesu Kristu sechibayiro chorudzikinuro chokuzvidira iye wose zvake. Vaidya vose chibayiro chokuzvidira chokugoverana. Chikamu chacho chaipiwa Mwari paatari, chimwe chacho chaidyiwa nomupristi, uye chimwe chacho neaipa wacho. Ndizvo zvazvakaitawo kuvaKristu vakazodzwa, Chirangaridzo chorufu rwaKristu kudya kunogoveranwa.—1 VaKorinde 10:16-22.

Zvinopiwa zvechivi nezvinopiwa zvemhosva zvairayirwa. Chokutanga chaiyananisira zvivi zvokungokanganisawo, kana kuti usingadi. Chechipiri chaiyananisa munhu naMwari apo kodzero yake yainge yavhiringidzwa, kana kuti chaidzorera dzimwe kodzero kune mutadzi anopfidza—kana kuita zvose. Paivawo nezvinopiwa zvezviyo zvaipiwa kuonga mafashafasha ezvaibva kuna Jehovha. Tinofarira zvinhu zvose izvi nokuti zvibayiro zvakarayirwa musungano yoMutemo zvaireva Jesu Kristu nechibayiro chake kana kuti zvikomborero zvaizobva kwachiri.—VaHebheru 8:3-6; 9:9-14; 10:5-10.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:11, 12—Nei uchi hwakanga husingagamuchirwi naJehovha ‘sechinopiwa chinoitwa nemoto’? Uchi hunotaurwa pano hahungarevi huya hwenyuchi. Kunyange zvazvo hwakanga husingabvumirwi ‘sechinopiwa chinoitwa nemoto,’ hwaivapowo pane ‘zvibereko zvitsva zvemichero yeminda.’ (2 Makoronike 31:5) Sezviri pachena uchi uhwu hwaiva muto, kana kuti manyuchi, emichero. Sezvo hwaigona kuvira, hwakanga husingagamuchirwi sechinopiwa paatari.

2:13—Nei ‘zvinopiwa zvose’ zvaifanira kurungwa nomunyu? Izvi zvaisaitirwa kuti chibayiro chacho chinake. Pasi pose, munyu unoshandiswa sechinhu chinochengetedza. Zvichida wairungiswa zvinopiwa nokuti waimiririra kusaipa uye kusaora.

Zvatinodzidza:

3:17. Sezvo mafuta aionekwa sechikamu chakanakisisa kana kuti chakakora, sezviri pachena kurambidzwa kuadya kwaisimbisira vaIsraeri kuti chikamu chakanakisisa chaiva chaJehovha. (Genesi 45:18) Izvi zvinotiyeuchidza kuti tinofanira kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu.—Zvirevo 3:9, 10; VaKorose 3:23, 24.

7:26, 27. VaIsraeri vaisafanira kudya ropa. Maererano nemaonero aMwari, ropa rinomiririra upenyu. Revhitiko 17:11, inoti “Nokuti upenyu hwenyama huri muropa.” Kusadya ropa uchiri mutemo wevanamati vechokwadi nhasi.—Mabasa 15:28, 29.

VAPRISTI VATSVENE VANOTANGA

(Revhitiko 8:1–10:20)

Ndivanaani vakanzi vaite mabasa okubayira uye okupa zvinopiwa? Vapristi ndivo vakanzi vaite mabasa aya. Sezvakarayirwa naMwari, Mosesi akaita mutambo wokugadza Aroni, mupristi mukuru, uye wevanakomana vake vana, vaizova vapristi vaduku. Sezviri pachena mutambo wacho wakaita mazuva manomwe, uye vapristi vacho vakatanga kuita mabasa avo zuva rakatevera.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

9:9—Kudurura ropa muzasi meatari uye kuriisa pazvinhu zvakasiyana-siyana kunorevei? Izvi zvairatidza kuti Jehovha agamuchira ropa nechikonzero chokuyanana. Urongwa hwose hwokuyanana hwaivakirwa paropa. “Zvinenge zvinhu zvose zvinocheneswa neropa maererano noMutemo,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunoitika.”—VaHebheru 9:22.

10:1, 2—Chii chingave chakabatanidzwa muchivi chevanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu? Pashure pokunge Nadhabhi naAbhihu vaita zvisina kukodzera pakuita mabasa avo oupristi, Jehovha akarambidza vapristi kushandisa waini kana kuti doro rinodhaka pavainge vachishanda patebhenekeri. (Revhitiko 10:9) Izvi zvinoratidza kuti vanakomana vaviri vaAroni vangave vaive vakadhakwa panguva iri kutaurwa pano. Zvisinei, chikonzero chaicho chokufa kwavo chaiva chokupa “moto usina kutenderwa [naJehovha] waasina kurayira.”

Zvatinodzidza:

10:1, 2. Vashumiri vaJehovha vane mutoro nhasi vanofanira kuita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Uyezve, havafaniri kuzvikudza pavanoita mabasa avo.

10:9. Hatifaniri kuita mabasa atinopiwa naMwari takadhakwa nedoro.

KUNAMATA KUTSVENE KUNODA RUCHENO

(Revhitiko 11:1–15:33)

Mirayiro yezvokudya, yemhuka dzakachena nedzisina kuchena yakabatsira vaIsraeri munzira mbiri. Mirayiro iyi yakavadzivirira pakutapukirwa noutachiona hunokuvadza uye yakasimbisa kusiyana kwavo nevamwe vanhu vakanga vakavapoteredza. Mimwe mirayiro yaiva nechokuita nokusachena kwaikonzerwa nezvitunha, kuzvinatsa kwevakadzi pashure pokusununguka, zvinhu zvine chokuita nemaperembudzi, uye kusachena kunobuda panhengo dzevarume nedzevakadzi. Vapristi vaifanira kutarisira nyaya dzaiva nechokuita nevaya vakanga vasisina kuchena.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

12:2, 5—Nei kubereka mwana kwaiita kuti mukadzi ave ‘asina kuchena’? Nhengo dzokubereka nadzo dzakaitwa kuti dzibudise munhu mupenyu akakwana. Zvisinei, nokuda kwemigumisiro yechivi chatakagara nhaka, upenyu husina kukwana uye hunotadza hwakapfuudzwa kuvana. Nguva pfupi ‘yokusachena’ nokuda kwokubereka mwana, uyewo nokuda kwezvimwe zvinhu, zvakadai sokuva kumwedzi uye kubuda kwourume, yaiita kuti vagare vachiziva chivi chakagarwa nhaka. (Revhitiko 15:16-24; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Mirayiro yokunatswa yaidiwa yaizobatsira vaIsraeri kunzwisisa kudiwa kwechibayiro chorudzikinuro kuti chipedze kutadza kwevanhu chodzorera kukwana kwavo. Saka Mutemo wakava ‘muperekedzi wavo uchivatungamirira kuna Kristu.’—VaGaratiya 3:24.

15:16-18—‘Kubuda kwourume’ kunotaurwa mundima idzi chii? Zviri pachena kuti izvi zvinoreva zvinhu zvinobuda usiku pamwe chete nezvinobuda panorara murume nomukadzi.

Zvatinodzidza:

11:45. Jehovha Mwari mutsvene uye anorayira kuti vaya vanomuitira basa dzvene vave vatsvene. Vanofanira kuramba vari vatsvene voramba vakachena mumuviri uye mune zvokunamata.—2 VaKorinde 7:1; 1 Petro 1:15, 16.

12:8. Jehovha akabvumira varombo kuti vape shiri panzvimbo pegwai rinodhura sechibayiro chinopiwa. Ane hanya nevarombo.

UTSVENE HUNOFANIRA KUCHENGETEDZWA

(Revhitiko 16:1–27:34)

Zvibayiro zvezvivi zvinokosha zvikuru zvaipiwa paZuva Rokuyananisa regore negore. Nzombe yaibayirwa vapristi uye dzinza raRevhi. Mbudzi yaibayirwa mamwe madzinza asiri evapristi vaIsraeri. Imwe mbudzi yairegwa ichienda kurenje pashure pokunge zvivi zvevanhu zvarevererwa pairi. Mbudzi mbiri idzi dzaionekwa sechinopiwa chimwe chete chechivi. Zvose izvi zvairatidza kuti Jesu Kristu aizobayirwa uyewo oenda nezvivi.

Mirayiro pamusoro pokudya nyama uye yezvimwewo zvinhu inotisimbisira kudiwa kwoutsvene patinonamata Jehovha. Saka vapristi vaifanira kuramba vari vatsvene. Mitambo mitatu yegore negore yaiva nguva yokufara chaizvo neyokuonga Musiki. Jehovha akapawo vanhu vake mirayiro yaiva nechokuita nokushandisa zita rake dzvene zvisina kufanira, kuchengetwa kweMasabata uye kweJubheri, zvokuita nevarombo, uye kubatwa kwevaranda. Zvikomborero zvaizowanikwa nokuteerera Mwari zvinosiyaniswa nokutukwa kwaizovapo nechikonzero chokusateerera. Panewo mirayiro pamusoro pezvinopiwa maererano nemhiko uye kukosha kwazvo, mhuka dzinotanga kuberekwa, nokupa chose chegumi kuti chive ‘chimwe chinhu chitsvene kuna Jehovha.’

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

16:29—VaIsraeri vaifanira ‘kutambudza mweya yavo’ sei? Izvi zvaiitwawo paZuva Rokuyananisa, zvaiva nechokuita nokutsvaka kukanganwirwa zvivi. Zviri pachena kuti kuzvinyima zvokudya panguva iyoyo kwaiva kwakabatana nokubvuma chivi. Saka, kunenge kuti ‘kutambudza mweya’ kwaireva kuzvinyima zvokudya.

19:27—Murayiro ‘wokusagera bvudzi riri kumativi emisoro’ kana kuti ku“sashatsa nhivi” dzendebvu unorevei? Zviri pachena kuti mutemo uyu wakapiwa kudzivisa vaJudha kudimburira ndebvu dzavo kana kuti bvudzi ravo nenzira yaizoita kuti vatevedzere dzimwe tsika dzevahedheni. (Jeremia 9:25, 26; 25:23; 49:32) Zvisinei, murayiro waMwari waisareva kuti vaJudha vakanga vasingakwanisi kudimburira ndebvu dzavo kana kuti bvudzi rokumeso zvachose.—2 Samueri 19:24.

25:35-37—Zvainge zvakaipa nguva dzose here kuti vaIsraeri vareve mubereko? Kana mari yacho yaikwereteswa nechinangwa chebhizimisi, aikweretesa wacho aigona kureva mubereko. Zvisinei, mutemo wairambidza kureva mubereko pachikwereti chainge chapiwa kuyamura murombo. Kuwana purofiti pamuvakidzani ari kutambura kwainge kwakaipa.—Eksodho 22:25.

26:19—‘Matenga anogona sei kuva sesimbi uye nyika semhangura’? Pamusana pokushayiwa mvura, matenga epanyika yeKanani aizooneka sesimbi yakaomarara, yakasimba. Pasina mvura, nyika yaizova noruvara runopenya rwakaita sorwemhangura.

26:26—Chii chinorehwa ‘nevakadzi gumi vanobika chingwa muovheni imwe chete’? Kazhinji, mukadzi mumwe nomumwe aizoda ovheni yake oga yezvose zvaaida kubika. Asi mashoko aya aireva kushayikwa kwezvokudya zvokuti ovheni imwe yaizokwana kuti vakadzi gumi vabikire zvose zvavaida. Uyu mumwe wemigumisiro yakafanotaurwa yokukundikana kuramba vari vatsvene.

Zvatinodzidza:

20:9. Kuvenga nokuvirimira vamwe zvainge zvakaipa sokuponda mukuona kwaJehovha. Saka mutongo waakapa wokutuka vabereki newokuponda zvakanga zvakafanana. Izvi hazvifaniri kutikurudzira kuva norudo nevatinonamata navo here?—1 Johani 3:14, 15.

22:32; 24:10-16, 23. Zita raJehovha harifaniri kuzvidzwa. Asi tinofanira kurumbidza zita rake torinyengeterera kuti ritsveneswe.—Pisarema 7:17; Mateu 6:9.

ZVINOITWA NEBHUKU RAREVHITIKO PAKUNAMATA KWEDU

Zvapupu zvaJehovha nhasi hazvisi pasi poMutemo. (VaGaratiya 3:23-25) Zvisinei, sezvo zvinotaurwa mubhuku raRevhitiko zvichitipa nzwisiso yemaonero aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana, rine zvarinoitawo pakunamata kwedu.

Sezvaunoverenga Bhaibheri vhiki nevhiki uchigadzirira Chikoro chaMwari Choushumiri, hapana mubvunzo kuti uchafadzwa kwazvo nechokwadi chokuti Mwari wedu anoda kuti vashumiri vake vave vatsvene. Bhuku iri rinogona kukukurudzira kuti upe Wokumusorosoro zvakanakisisa zvako, uchiramba uri mutsvene kuti arumbidzwe.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Zvibayiro zvaipiwa muMutemo zvaireva Jesu Kristu nechibayiro chake

[Mufananidzo uri papeji 22]

Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa waiva nguva yokufara chaizvo

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mitambo yegore negore, yakadai soMutambo Wematumba, yaiva nguva yokupa zvipo zvokutenda Jehovha