Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuita Kuti Mwari Afare

Unogona Kuita Kuti Mwari Afare

Unogona Kuita Kuti Mwari Afare

CHAIZVOIZVO tingagona kuchinja manzwiro aMwari here? Mwari anogona kufara here? Imwe rondedzero yeduramazwi yeshoko rokuti “Mwari” ndi“wokumusorosoro kana kuti musiki wezvinhu zvose.” Zvakadini kana kuva wechokwadi kwake kunoshamisa kwaingova simbawo zvaro? Tingatarisira simba risiri munhu kuti rifare here? Kwete. Zvisinei, ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvaMwari.

“Mwari Mudzimu,” akadaro Jesu Kristu. (Johani 4:24) Mudzimu upenyu hwakasiyana nohwevanhu. Kunyange zvazvo usingaonekwi nemaziso evanhu, mudzimu une muviri—“womudzimu.” (1 VaKorinde 15:44; Johani 1:18) Richishandisa kutaura kwokufananidzira, Bhaibheri rinotaura nezvaMwari seane maziso, nzeve, maoko, nezvimwewo. * Uyewo Mwari ane zita—Jehovha. (Pisarema 83:18) Saka Mwari womuBhaibheri munhu womudzimu. (VaHebheru 9:24) “Ndiye Mwari mupenyu, naMambo wokusingaperi.”—Jeremia 10:10.

Somunhu chaiye mupenyu, Jehovha anokwanisa kufunga uye kuita zvinhu. Anoratidza unhu uye manzwiro, kuda uye kusada. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rakazara nemashoko anoratidza zvinhu zvinomufadza kana kuti zvisingamufadzi. Nepo vanamwari nezvidhori zvakaitwa nevanhu zvichingoratidza muitiro kana kuti unhu hwevanozviita, Mwari wemasimba ose, Jehovha, ndiye Muvambi chaiye wemanzwiro aakaisa muvanhu.—Genesi 1:27; Isaya 44:7-11.

Hapana mubvunzo kuti Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Haangofariri mabasa ake okusika chete, asi anofarirawo kuita chinangwa chake. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha anozivisa, kuti: “Ndichaita zvose zvandinoda . . . Ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.” (Isaya 46:9-11) Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha ngaafarire mabasa ake.” (Pisarema 104:31) Asi pane chimwewo chinoita kuti Mwari afare. Anoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu.” (Zvirevo 27:11) Chimbofunga kuti izvi zvinorevei—tinogona kuita kuti Mwari afare!

Zvatingaita Kuti Mwoyo waMwari Ufare

Ona kuti Noa, musoro wemhuri akaita sei kuti mwoyo waJehovha ufare. Noa “wakawana tsitsi pamberi paJehovha” nokuti “wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake.” Kusiyana chaizvo nevanhu vakaipa vomunguva iyoyo, kutenda uye kuteerera kwaNoa zvaifadza Mwari kwazvo zvokuti zvaigona kunzi “Noa wakafamba naMwari.” (Genesi 6:6, 8, 9, 22) “Nokutenda Noa . . . akaratidza kutya Mwari akavaka areka kuti aponese imba yake.” (VaHebheru 11:7) Jehovha akafadzwa naNoa achibva amukomborera iye nemhuri yake nokuvaponesa panguva iyoyo yakanga isina kugadzikana yenhau yevanhu.

Tateguru Abrahama ainyatsozivawo manzwiro aJehovha. Kunyatsoziva kwake mafungiro aMwari kwakanyatsova pachena apo Jehovha akamuudza kuti maguta eSodhoma neGomora aizoparadzwa nemhaka youipi hwawo. Abrahama ainyatsoziva Jehovha zvokuti akagumisa kuti zvakanga zvisingafungiki kuti Mwari aizoparadza vanhu vakarurama pamwe chete nevakaipa. (Genesi 18:17-33) Kwapera makore akati, achiteerera nhungamiro yaMwari, Abrahama “akaita sokunge akanga atopa Isaka,” nokuti “akarangarira kuti Mwari akanga achikwanisa kumumutsa kunyange kubva kuvakafa.” (VaHebheru 11:17-19; Genesi 22:1-18) Abrahama ainzwisisa kwazvo manzwiro aMwari uye akaratidza kutenda kwakasimba kwakadaro uye kuteerera zvokuti “akasvika pakunzi ‘shamwari yaJehovha.’”—Jakobho 2:23.

Mumwe murume akaedza kuita kuti mwoyo waMwari ufare aiva Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare. Nezvake, Jehovha akati: “Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese, munhu anodiwa nemwoyo wangu, achaita zvinhu zvose zvandinoda.” (Mabasa 13:22) Asati asangana nehofori, Goriyati, Dhavhidhi akavimba zvakakwana naMwari akaudza Mambo Sauro wevaIsraeri kuti: “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFristia uyu.” Jehovha akakomborera kuvimba kwaDhavhidhi Naye, achiita kuti Dhavhidhi auraye Goriyati. (1 Samueri 17:37, 45-54) Dhavhidhi aisangoda bedzi kuti zviito zvake ‘zvifadze pamberi paJehovha asiwo mashoko omuromo wake nokurangarira kwomwoyo wake.’—Pisarema 19:14.

Zvakadini nesu? Tingafadza Jehovha sei? Kana tikaziva nezvemanzwiro aMwari, tichaziva zvokuita kuti tifadze mwoyo waMwari. Saka sezvatinoverenga Bhaibheri, zvinokosha kuti tiedze kudzidza nezvemanzwiro aMwari kuitira kuti ‘tizadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu kuti tifambe zvakafanira Jehovha tichimufadza kwazvo.’ (VaKorose 1:9, 10) Zivo inotibatsirawo kuva nokutenda. Izvi zvinokosha nokuti kana ‘pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ (VaHebheru 11:6) Chokwadi, nokuedza nepatinogona napo kuva nokutenda kwakasimba uye nokuita kuti upenyu hwedu huenderane nokuda kwaJehovha, tinogona kuita kuti mwoyo wake ufare. Panguva imwe chete, tinofanira kungwaririra kuti tisarwadzisa mwoyo waJehovha.

Usarwadzisa Mwari

Muenzaniso wokurwadzisa kwatingaita Jehovha unowanikwa munhoroondo inotaura nezvemazuva aNoa. Panguva iyoyo, “nyika yakanga izere nokumanikidzana. Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.” Mwari akanzwa sei paaiongorora uipi uye kumanikidzana kana kuti chisimba chacho? Bhaibheri rinoti, “Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake.” (Genesi 6:5, 6, 11, 12) Mwari akazvidemba mukuti mufambiro wevanhu wakanga waipa kwazvo zvokuti akanga achinja mafungiro pamusoro pechizvarwa chakaipa chaivapo Mafashamo asati aitika. Nokuda kwokusafadzwa kwake noupi hwavo, Mwari akanga asisaiti soMusiki wevanhu asi somuparadzi wavo.

Jehovha akarwadziwawo apo vanhu vake chaivo, rudzi rwekare rwaIsraeri, vakaramba vachifuratira manzwiro ake uye nhungamiro yake ine rudo. Munyori wepisarema akachema achiti: “Vakamumukira murenje kazhinji sei, nokumunzwisa shungu muchiwunde! Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, vakadzivisa Mutsvene waIsraeri.” Asi, “akanga ane nyasha huru, wakavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza; zvirokwazvo, kazhinji wakadzora kutsamwa kwake.” (Pisarema 78:38-41) Kunyange zvazvo vaIsraeri vaipandukira vaifanira kutambura migumisiro yokutadza kwavo, Bhaibheri rinotiudza kuti “pakutambudzika kwavo kwose naiyewo [Mwari] wakanga achitambudzika.”—Isaya 63:9.

Pasinei nouchapupu hwakakwana hwokunzwirwa tsitsi naMwari, vanhu veIsraeri “vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.” (2 Makoronike 36:16) Pakupedzisira, kuomesa kwavo mitsipa kwokupandukira kwaka“chemedza mweya wake mutsvene” kusvika pakuti Jehovha haana kuzovatendera. (Isaya 63:10) Zvakaguma nei? Nenzira yakarurama Mwari akarega kuvadzivirira, uye vakawirwa nenjodzi vaBhabhironi pavakakurira Judha ndokuparadza Jerusarema. (2 Makoronike 36:17-21) Zvinosuruvarisa kwazvo vanhu pavanosarudza kurarama upenyu hwokutadza hunotsamwisa uye hunorwadza Musiki wavo!

Bhaibheri rinotisiya tisina kana mubvunzo kuti Mwari anorwadziwa kwazvo nomufambiro usina kururama. (Pisarema 78:41) Zvinhu zvinotsamwisa—kunyange zvinosemesa— kuna Mwari zvinosanganisira kudada, kureva nhema, kuponda, kuita zvemashiripiti, kufembera, kunamata madzitateguru, unzenza, ungochani, kusatendeseka pakati pevakaroorana, makunakuna, uye kudzvinyirirwa kwevarombo.—Revhitiko 18:9-29; 19:29; Dheuteronomio 18:9-12; Zvirevo 6:16-19; Jeremia 7:5-7; Maraki 2:14-16.

Jehovha anonzwa sei pamusoro pokunamata zvidhori? Eksodho 20:4, 5 inoti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira.” Nei? Nokuti chidhori “chinonyangadza pamberi paJehovha.” (Dheuteronomio 7:25, 26) Muapostora Johani akanyevera kuti: “Vana vaduku, zvichenjererei pazvidhori.” (1 Johani 5:21) Uye muapostora Pauro akanyora kuti: “Vanodiwa vangu, tizai kunamata zvidhori.”—1 VaKorinde 10:14.

Tsvaka Kufarirwa naMwari

Mwari “une ukama navakarurama.” Vaya “vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.” (Zvirevo 3:32; 11:20) Kusiyana neava, vaya vanoramba vachigumbura Mwari nokuomesa musoro kana kuti nokuzvidza manzwiro ake akarurama vachakurumidza kuva vanhu vasingafarirwi naye. (2 VaTesaronika 1:6-10) Chokwadi, achakurumidza kugumisa uipi hwose hwakapararira kwazvo nhasi.—Pisarema 37:9-11; Zefania 2:2, 3.

Zvisinei, Bhaibheri rinonyatsojekesa kuti Jehovha “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Anoda chaizvo kuratidza rudo rwake kune vanhu vakarurama vanomuda pane kuratidza kusafarira kwake vaya vanosarudza kuva vasingachinjiki. Jehovha ‘haafariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake.’—Ezekieri 33:11.

Saka hapana anoda kutsamwirwa naJehovha. “Jehovha ane rudo rukuru kwazvo uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Uchivimba zvizere nemanzwiro aMwari, unogona ‘kukandira kufunganya kwako kwose paari.’ (1 Petro 5:7) Iva nechokwadi chokuti vaya vanoita kuti mwoyo waMwari ufare vane tariro yakaisvonaka yokufarirwa naye uye youshamwaridzani. Saka, iye zvino tinofanira kukurumidzira zvikuru kupfuura nakare kose kuti ‘tirambe tichiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe.’—VaEfeso 5:10.

Zvinoshamisa zvakadini kuti, nomutsa wake usina kufanirwa, Mwari akazivisa unhu hwake hwakaisvonaka uye manzwiro ake! Uye unogona kuita kuti mwoyo wake ufare. Kana uchida kuita kudaro, tinokukurudzira kuona Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako. Vachafara kukuratidza zvavakaona kuti zvinobatsira uye zvinokwanisika, pakuedza kwavo kufadza Mwari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona bhokisi rinoti “Nei Bhaibheri Richitaura nezvaMwari Somunhu?”

[Bhokisi riri papeji 7]

Nei Bhaibheri Richitaura nezvaMwari Somunhu?

Sezvo ‘Mwari ari Mudzimu,’ hatigoni kumuona nemaziso edu. (Johani 4:24) Saka Bhaibheri rinoshandisa kutaura kwokufananidzira kwakadai sefananidzo, madimikira, uye zvinhu zvisiri vanhu zvinotaurwa sevanhu kutibatsira kunzwisisa simba raMwari, ukuru hwake, uye mabasa ake. Saka kunyange zvazvo tisingazivi kuti muviri waMwari womudzimu wakaita sei, Bhaibheri rinotaura nezvaMwari seane maziso, nzeve, zvanza, maoko, minwe, tsoka, nemwoyo.—Genesi 8:21; Eksodho 3:20; 31:18; Jobho 40:9; Pisarema 18:9; 34:15.

Kutaura kwakadaro kwokurondedzera hakurevi kuti muviri waMwari womudzimu une nhengo dzakafanana nedzomuviri wevanhu. Zvinhu zvisiri vanhu zvinotaurwa sevanhu hazvifaniri kunzwisiswa sezvazviri chaizvo. Zvinongobatsira vanhu kunzwisisa Mwari zviri nani. Pasina kutaura kwakadaro kwokufananidzira, zvaizova zvakaoma, kana kuti zvisingatombobviri, kuti rondedzero ipi neipi yaMwari inzwisiswe nevanhuwo zvavo. Zvisinei, izvozvo hazvirevi kuti vanhu ndivo vakaita zvokufungidzira unhu hwaJehovha Mwari. Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti munhu akasikwa mumufananidzo waMwari—kwete kuti Mwari mumufananidzo womunhu. (Genesi 1:27) Nemhaka yokuti vanyori veBhaibheri va“kafuridzirwa naMwari,” kurondedzera kwavanoita unhu hwaMwari chaizvoizvo ndiko kurondedzerwa kwounhu hwake—unhu chaihwoihwo hwaakaisa mumwero wakasiyana-siyana muvanhu vake vaakasika. (2 Timoti 3:16, 17) Pane kuti Mwari ave nounhu hwevanhu, chaizvoizvo vanhu ndivo vane unhu hwaMwari.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Noa akafarirwa naMwari

[Mufananidzo uri papeji 5]

Abrahama ainzwisisa manzwiro aMwari

[Mufananidzo uri papeji 6]

Dhavhidhi akavimba naJehovha zvakakwana

[Mufananidzo uri papeji 7]

Sezvaunoverenga Bhaibheri, unogona kudzidza zvaungaita kuti Mwari afare

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Courtesy of Anglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin