Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakwegura—Nhengo Dzinokosha Dzoukama Hwedu hwechiKristu

Vakwegura—Nhengo Dzinokosha Dzoukama Hwedu hwechiKristu

Vakwegura—Nhengo Dzinokosha Dzoukama Hwedu hwechiKristu

“Vakasimwa mumba maJehovha vachakura . . . Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo.”—PISAREMA 92:13, 14.

1. Vanhu vakawanda vanoona sei vakwegura?

JEHOVHA anoda vashumiri vake vose vakatendeka, kusanganisira vaya vakwegura. Zvisinei, maererano nokufungidzira kwenyika, gore rimwe nerimwe vanhu vakwegura vanoda kusvika hafu yemiriyoni muUnited States vanobatwa zvisina kufanira kana kuti kuregeredzwa. Mishumo yakafanana inobva pasi pose inoratidza kuti kubatwa zvisina kufanira kwevakwegura chinetso chepasi pose. Rimwe sangano rinotaura nezvechikonzero chikuru chechinetso ichi se“maonero akapararira pakati pevanhu vakawanda . . . okuti vanhu vakwegura havachabatsiri, havasisina zvavanogona kuita uye vava kungoda kutarisirwa chete.”

2. (a) Jehovha anoona sei vashumiri vake vakatendeka vakwegura? (b) Irondedzero ipi inofadza mwoyo yatinowana pana Pisarema 92:12-15?

2 Jehovha Mwari anokoshesa vashumiri vake vakavimbika vakwegura. Anotarira “munhu watiri nechomukati”—manamatiro edu—panzvimbo pezvatisingakwanisi kuita. (2 VaKorinde 4:16) MuShoko rake, Bhaibheri, tinowana vimbiso iyi inofadza mwoyo inoti: “Wakarurama uchamera somuchindwe; uchakura somusidhari paRebhanoni. Vakasimwa mumba maJehovha vachakura muvazhe dzaMwari wedu. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; vachava vanyoro navatsva; kuti vaparidze kuti Jehovha wakarurama.” (Pisarema 92:12-15) Kukurukura ndima idzi kucharatidza zvinhu zvinokosha izvo imi vakwegura mungabatsira nazvo muukama hwechiKristu.

Ku“bereka Zvibereko Pakukwegura”

3. (a) Nei vakarurama vachifananidzwa nemichindwe? (b) Vakwegura vanga‘bereka sei zvibereko pakukwegura’?

3 Munyori wepisarema anofananidza vakarurama nemiti yemichindwe ‘yakasimwa muzvivanze zvaMwari wedu.’ Vano“ramba vachibereka zvibereko pakukwegura.” Haubvumi here kuti iyi ipfungwa inokurudzira? Michindwe inoyevedza, yakati twasu yaionekwa chaizvo muzvivanze zvokuMabvazuva munguva inotaurwa muBhaibheri. Kuwedzera pakuyevedza kwayo, michindwe yaikosheswa pamusana pemichero yayo yakawanda, imwe miti yacho ichiramba ichibereka kwemakore anopfuura zana. * Nokuramba makadyarwa zvakasimba mukunamata kwechokwadi, munogonawo ku“ramba muchibereka zvibereko mubasa rose rakanaka.”—VaKorose 1:10.

4, 5. (a) VaKristu vanofanira kubereka zvibereko zvinokosha zvipi? (b) Ipa mienzaniso yeMagwaro yevakwegura vakabereka ‘zvibereko zvemiromo.’

4 Jehovha anotarisira vaKristu kuti vabereke ‘zvibereko zvemiromo’—mashoko anotaurwa pakumurumbidza uye kuzvinangwa zvake. (VaHebheru 13:15) Izvi zvinoshandawo kwauri somunhu akwegura here? Chokwadi zvinoshanda.

5 Bhaibheri rine mienzaniso yevakwegura vakapupurira zita raJehovha uye zvinangwa zvake vasingatyi. Mosesi akanga atopfuura “makore makumi manomwe” paakarayirwa naJehovha kuti ave muprofita uye mumiririri wake. (Pisarema 90:10; Eksodho 4:10-17) Kukwegura hakuna kuita kuti muprofita Dhanieri arege kupupurira asingatyi nezvouchangamire hwaJehovha. Zvichida Dhanieri aiva nemakore okuma90 paakadanwa naBhershazari kuti adudzire runyoro runoshamisa rwaiva pamadziro. (Dhanieri, chitsauko 5) Uye zvakadini nezvomuapostora Johani akanga akwegura? Nechokumugumo webasa rake renguva refu, akazviwana ava mujeri pedyo nechitsuwa chePatimosi “nemhaka yokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Zvimwe unogona kuyeuka vamwe vanhu vakawanda vomuBhaibheri vakabereka vakwegura ‘zvibereko zvemiromo.’—1 Samueri 8:1, 10; 12:2; 1 Madzimambo 14:4, 5; Ruka 1:7, 67-79; 2:22-32.

6. Jehovha ave achishandisa sei “vakwegura” kuprofita mumazuva ano okupedzisira?

6 Achidzokorora mashoko omuprofita wechiHebheru Joere, muapostora Petro akazivisa kuti: “‘Nemazuva okupedzisira,’ Mwari anodaro, ‘Ndichadurura mumwe womudzimu wangu panyama yemarudzi ose [kusanganisira “vakwegura”], . . . uye vachaprofita.’” (Mabasa 2:17, 18; Joere 2:28) Saizvozvowo, mumazuva ano okupedzisira, Jehovha ave achishandisa nhengo dzakwegura dzeboka revakazodzwa uye dze“mamwe makwai” kuzivisa zvinangwa zvake. (Johani 10:16) Vamwe veava vave vachibereka nokutendeka zvibereko zvoUmambo kwemakumi emakore.

7. Enzanisira kuti vakwegura vanoramba sei vachibereka zvibereko zvoUmambo pasinei noutano husina kunaka.

7 Funga nezvaSonia, uyo akava muparidzi woUmambo wenguva yakazara muna 1941. Pasinei nokutambura nechirwere chisingaperi kwenguva refu, aigara achiitisa zvidzidzo zveBhaibheri pamusha pake. “Kuparidza mashoko akanaka chinhu chandinofanira kuita muupenyu hwangu,” akatsanangura kudaro Sonia. “Chaizvoizvo, ndihwo upenyu hwangu. Handidi kurega kuparidzira.” Kasiri kare, Sonia nomukoma wake, Olive, vakaudza Janet, airwara nechirwere chisingaperi wavakaona muimba inosvikira varwere pachipatara nezveshoko retariro riri muBhaibheri. Amai vaJanet, muKaturike chaiye, vakafadzwa kwazvo norudo rwakaratidzwa mwanasikana wavo zvokuti vakabvuma kudzidza Bhaibheri uye iye zvino vari kufambira mberi zvakaisvonaka. Ungawana mikana yakadaro here kuti ubereke zvibereko zvoUmambo?

8. Karebhi akanga ava kukwegura akavimba sei naJehovha, uye vaKristu vakwegura vangatevedzera sei muenzaniso wake?

8 Nokushanda nesimba mubasa rokuparidza Umambo pasinei nezvinetso zvokukwegura, vaKristu vakwegura vanotevera tsoka dzomuIsraeri akatendeka, Karebhi, uyo akafamba naMosesi murenje kwemakore makumi mana. Karebhi aiva nemakore 79 paakayambuka Rwizi rwaJodhani achipinda muNyika Yakapikirwa. Pashure pokurwa muuto rinokunda reIsraeri kwemakore matanhatu, aigona kunge akagutsikana nezvaakanga aimboita kare ndokusazoitazve chimwe chinhu. Asi haana kudaro, akakumbira basa rakaoma rokutora “maguta makuru ane masvingo” munharaunda ine makomo yeJudha, nzvimbo yaigarwa nevaAnaki, varume vahombe zvikuru. Achibatsirwa naJehovha, Karebhi aka“vadzinga, sezvakataurwa naJehovha.” (Joshua 14:9-14; 15:13, 14) Iva nechokwadi chokuti Jehovha anewe, sezvo akavawo naKarebhi, sezvaunoramba uchibereka zvibereko zvoUmambo wakwegura. Uye kana ukaramba wakatendeka, achakupa nzvimbo munyika yake itsva yaakapikira.—Isaya 40:29-31; 2 Petro 3:13.

“Vachava Vanyoro Navatsva”

9, 10. VaKristu vakura vangaramba sei vaine utano hwakanaka mukutenda uye vakasimba mune zvokunamata? (Ona bhokisi riri papeji 13.)

9 Achitaura nezvokubereka zvibereko kwevashumiri vaJehovha vakwegura, munyori wepisarema akaimba kuti: “Wakarurama uchamera somuchindwe; uchakura somusidhari paRebhanoni. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; vachava vanyoro navatsva.”—Pisarema 92:12, 14.

10 Ungaramba sei wakasimba mune zvokunamata pasinei nokukwegura? Chinoita kuti muchindwe urambe wakasvibirira kwegore rose, kuwana mvura yakakwana. Newewo unogona kuwana simba mumvura yechokwadi cheBhaibheri nokudzidza kwaunoita Shoko raMwari uye nokusonganirana nesangano rake. (Pisarema 1:1-3; Jeremia 17:7, 8) Kuva kwako akasimba mune zvokunamata kunoita kuti uve mudziyo unokosha kune vaunonamata navo. Ngatimboonai kuti izvi zvakava zvechokwadi sei kune muPristi Mukuru Jehoyadha akanga akwegura.

11, 12. (a) Jehoyadha akaita basa rei rinokosha munhau youmambo hweJudha? (b) Jehoyadha akashandisa sei chinzvimbo chake kutsigira kunamata kwechokwadi?

11 Zvimwe Jehoyadha akanga ava nemakore anopfuura zana Mambokadzi Ataria aiva neshungu dzokutonga paakabvuta chigaro chenyika yeJudha kuburikidza nokuponda vazukuru vake. Jehoyadha aiva akwegura aigona kuitei? Kwemakore matanhatu, iye nomudzimai wake vakavanza Jehoashi mutemberi, mugari wenhaka akanga asara iye oga. Zvadaro, nenzira inoshamisa, Jehoyadha akazivisa kuti Jehoashi aiva nemakore manomwe ava mambo uye akaita kuti Ataria aurayiwe.—2 Makoronike 22:10-12; 23:1-3, 15, 21.

12 Somureri wamambo, Jehoyadha akashandisa chinzvimbo chake kutsigira kunamata kwechokwadi. “Akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha.” Varayirwa naJehoyadha, vanhu vakaputsa imba yamwari wenhema Bhaari ndokubvisa atari dzayo, zvidhori zvayo, nevapristi vayo. Jehoashi akaita kuti mabasa epatemberi atangezve achitungamirirwa naJehoyadha uye akaita basa raidiwa chaizvo rokugadziridza temberi. “Jehoashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ake ose, aakadzidziswa nawo nomuprista Jehoyadha.” (2 Makoronike 23:11, 16-19; 24:11-14; 2 Madzimambo 12:2) Paakafa ava nemakore 130, Jehoyadha akavigwa zvinoremekedzeka pamwe chete nemadzimambo nokuti “wakanga aitira Mwari neimba yake zvakanaka pakati paIsraeri.”—2 Makoronike 24:15, 16.

13. VaKristu vakwegura vanga‘itira sei Mwari wechokwadi neimba yake zvakanaka’?

13 Zvichida utano husina kunaka kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu zvingaita kuti zvaunoita zvive zvishoma pakutsigira kunamata kwechokwadi. Kunyange kana izvi zvakadaro, uchiri kukwanisa ku‘itira Mwari wechokwadi neimba yake zvakanaka.’ Unogona kushingairira imba yaJehovha mune zvokunamata nokupinda uye nokuitawo chimwe chinhu pamisangano yeungano uye nokuitawo ushumiri hwomumunda pose paunogona. Kuda kwako kugamuchira zano reBhaibheri uye kutsigira kwako nokuvimbika “muranda akatendeka, akangwara” uye ungano zvichasimbisa ukama hwechiKristu. (Mateu 24:45-47) Unogonawo kukurudzira vaunonamata navo kuva no“rudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaHebheru 10:24, 25; Firimoni 8, 9) Uye uchabatsira vamwe kana ukaita maererano nezano romuapostora Pauro, rinoti: “Varume vakura ngavave vane tsika dzine mwero, vemwoyo wose, vane pfungwa dzakanaka, vane utano [“simba,” An American Translation] mukutenda, murudo, nomukutsungirira. Saizvozvowo vakadzi vakura ngavave vanozvibata sezvakakodzera vanhu vatsvene, vasingacheri, vasingaitwi varanda newaini yakawanda, vadzidzisi vezvakanaka.”—Tito 2:2-4.

14. Vave vari vatariri vechiKristu kwenguva refu vangaitei kutsigira kunamata kwechokwadi?

14 Washumira somukuru muungano kwemakore akawanda here? “Shandisa zvisina udyire uchenjeri hwawakawana mumakore ose aya,” ndiro zano rinopiwa nomumwe ave ari mukuru muungano kwenguva yakareba. “Ipawo vamwe mamwe mabasa, uye udzawo zvakaitika kwauri kune vamwe vanoda kudzidza . . . Ona mikana ine vamwe yokukwanisa kuita zvinhu. Iwedzere uye ikudziridze. Gadzirira remangwana rako.” (Dheuteronomio 3:27, 28) Kufarira kwako kwechokwadi basa roUmambo riri kuramba richiwedzera kuchaguma nokubatsirwa kwevakawanda muukama hwedu hwechiKristu.

‘Vanoparidza Kuti Jehovha Wakarurama’

15. VaKristu vakwegura vano‘paridza sei kuti Jehovha wakarurama’?

15 Vashumiri vaMwari vakwegura vanoita basa ravo vachifara ‘rokuparidza kuti Jehovha wakarurama.’ Kana uri muKristu akwegura, mashoko ako nezviito zvinogona kuratidza vamwe kuti ‘Jehovha ndiro Dombo rako, maari hamuna kusarurama.’ (Pisarema 92:15) Muchindwe unopupurira wakanyarara unhu hwakanaka chaizvo hwoMusiki wawo. Asi Jehovha akakupa ropafadzo yokuti upupurire nezvake kune vaya vari kugamuchira kunamata kwechokwadi zvino. (Dheuteronomio 32:7; Pisarema 71:17, 18; Joere 1:2, 3) Nei izvi zvichikosha?

16. Muenzaniso upi uri muBhaibheri unoratidza kukosha ‘kwokuparidza kuti Jehovha wakarurama’?

16 Mutungamiriri wevaIsraeri Joshua paakanga “akwegura, ava namakore mazhinji, . . . akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo,” uye akavayeuchidza nezvokururama kwezviito zvaMwari. Akati: “Hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” (Joshua 23:1, 2, 14) Kwenguva yakati, mashoko aya akasimbisa kutsunga kwevanhu kuti varambe vakatendeka. Zvisinei, pashure pokunge Joshua afa, ‘rumwe rudzi rwakamuka rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsraeri. Vana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari.’—Vatongi 2:8-11.

17. Jehovha ave achibata sei nevanhu vake mazuva ano?

17 Kuvimbika kweungano yechiKristu yomuzuva ranhasi hakutsamiri pauchapupu hwemashoko anotaurwa nevashumiri vaMwari vakwegura. Asi, kutenda kwedu muna Jehovha nezvipikirwa zvake kunosimbiswa patinonzwa isu pachedu nhoroondo dze“basa guru” raave achiitira vanhu vake mumazuva ano okupedzisira. (Vatongi 2:7; 2 Petro 1:16-19) Kana wave uchisonganirana nesangano raJehovha kwemakore akawanda, ungayeuka nguva apo kwakanga kuine vazivisi voUmambo vashomanana munharaunda kana kuti munyika yako kana kuti apo basa rokuparidza raishorwa kwazvo. Nokufamba kwenguva, wakaona Jehovha achibvisa zvimwe zvipingamupinyi ‘ndokukurumidzisa’ kuwedzera kwevaparidzi voUmambo. (Isaya 54:17; 60:22) Wakacherechedza kujekeswa kwechokwadi cheBhaibheri uye wakaona kufambira mberi kwokunatsiridzwa kwechikamu chinooneka chesangano raMwari. (Zvirevo 4:18; Isaya 60:17) Unotsvaka kukurudzira vamwe here nokuvaudza zvakaitika kwauri zvine chokuita nokururama kwemabasa aJehovha? Mugumisiro wakanaka uye unosimbisa wakadini ungava neizvi paukama hwechiKristu!

18. (a) Enzanisira mugumisiro wenguva refu ‘wokuparidza kuti Jehovha wakarurama.’ (b) Iwe pachako wakaona sei kururama kwaJehovha?

18 Zvakadini nezvenguva apo wakaona kutarisira kwaJehovha kworudo nenhungamiro muupenyu hwako? (Pisarema 37:25; Mateu 6:33; 1 Petro 5:7) Imwe hanzvadzi yakwegura inonzi Martha yaiwanzokurudzira vamwe ichiti: “Pasinei nezvingaitika, musambosiya Jehovha. Achakutsigirai.” Zano iri rakabatsira Tolmina zvikuru, mumwe wevaidzidza Bhaibheri naMartha uyo akabhabhatidzwa mukutanga kwema1960. Tolmina anoyeuka kuti, “Pakafa murume wangu, ndakaora mwoyo zvikuru, asi mashoko iwayo akaita kuti nditsunge kusarovha musangano kana mumwe zvawo. Uye Jehovha akandisimbisa chaizvo kuti ndipfuurire.” Tolmina akapa zano rakafanana kune vakawanda vaave achidzidza navo Bhaibheri kwemakore. Chokwadi, nokukurudzira uye nokurondedzera mabasa aJehovha akarurama, ungaita zvakawanda kuti usimbise kutenda kwevaunonamata navo.

Jehovha Anokoshesa Vanhu Vakwegura Vakatendeka

19, 20. (a) Jehovha anoona sei mabasa anoitwa nevashumiri vake vakwegura? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Nyika yanhasi, isingaongi, hainyanyi kufunga vanhu vakwegura. (2 Timoti 3:1, 2) Pavanoyeukwa, kazhinji-kazhinji imhaka yezvavakaita kare—zvavaiva, pane zvavari iye zvino. Asi Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.” (VaHebheru 6:10) Kutaura zvazviri, Jehovha Mwari anoyeuka mabasa ako ekare okutendeka. Asi anokukoshesawo nokuda kwezvaunoramba uchiita mubasa rake. Chokwadi, anoona vanhu vakwegura vakatendeka sevanobereka zvibereko, vane utano hwakanaka pakunamata, uye vaKristu vakasimba—uchapupu hwechokwadi hwesimba rake.—VaFiripi 4:13.

20 Unoona vaKristu vaya vakwegura semaonerwo avanoitwa naJehovha here? Kana zviri izvo, uchakurudzirwa kuvaratidza rudo rwako. (1 Johani 3:18) Nyaya inotevera ichakurukura nzira dzinobatsira dzokuratidza nadzo rudo rwakadaro pakutarisira zvinodikanwa zvavo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Chisumbu chimwe nechimwe chemichero yemichindwe chingava nezviuru zvemichero uye chingarema makirogiramu 8 kana kuti kupfuura. Mumwe munyori anofungidzira kuti “muti mumwe nomumwe wo[muchindwe] unobereka zvibereko uchave wabereka matani maviri kana kuti matatu emichero yemichindwe somubhadharo kuvaridzi vawo paunenge uchirarama.”

Ungapindura Sei?

• Vakwegura ‘vanobereka zvibereko’ sei?

• Nei kusimba mune zvokunamata kwevakwegura kuri chinhu chinokosha?

• Vakwegura ‘vangaparidza sei kuti Jehovha wakarurama’?

• Nei Jehovha achikoshesa vashumiri vake venguva refu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 13]

Chakavaita Kuti Varambe Vaine Utano Hwakanaka Mukutenda

Chii chakabatsira vave vari vaKristu kwenguva yakareba kuti varambe vaine utano hwakanaka mukutenda uye kuti varambe vaine simba mune zvokunamata? Hezvino zvakataurwa nevamwe:

“Zvinokosha zvikuru kuverenga magwaro anotaura nezvokuva kwedu noukama naJehovha. Usiku hwakawanda, ndinodzokorora Pisarema 23 ne91.”—Olive, akabhabhatidzwa muna 1930.

“Ndinotoona kuti ndavapo pose panopiwa hurukuro dzorubhabhatidzo dzose uye ndinonyatsoteerera sokunge kuti ndini ndiri kubhabhatidzwa. Kuramba ndichiyeuka kuzvitsaurira kwangu rave riri danho rinokosha kuti ndirambe ndakatendeka.”—Harry, akabhabhatidzwa muna 1946.

“Kunyengetera zuva nezuva kunokosha—tichikumbira kubatsirwa naJehovha nguva dzose, kuti atidzivirire, uye kuti atikomborere, ‘timutende panzira dzedu dzose.’” (Zvirevo 3:5, 6)—Antônio, akabhabhatidzwa muna 1951.

“Kuteerera zvakaitika zvevaya vachiri kushumira Jehovha vakatendeka pashure pemakore akawanda zvikuru kunondipa simba rokutsunga kuti ndirambe ndakavimbika uye ndakatendeka kwaari.”—Joan, akabhabhatidzwa muna 1954.

“Zvinokosha kusanyanyozvifunga. Zvatiinazvo takazviwana nomutsa waMwari usina kufanirwa. Kuva nemaonero aya kunoita kuti tirambe takatarira kwakakodzera kunobva zvokudya zvomudzimu zvinodiwa kuti titsungirire kusvika kumugumo.”—Arlene, akabhabhatidzwa muna 1954.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Vakwegura vanobereka zvibereko zvoUmambo zvinokosha

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kusimba mune zvokunamata kwevakwegura chinhu chinokosha