Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubuda Mumakomba Erima Kuenda Kumakomo eSwiss Alps

Kubuda Mumakomba Erima Kuenda Kumakomo eSwiss Alps

Nyaya Youpenyu

Kubuda Mumakomba Erima Kuenda Kumakomo eSwiss Alps

YAKATAURWA NALOTHAR WALTHER

Pashure pokunge ndapedza makore matatu akareba ndiri mumakomba erima mumajeri echiKomonisiti okuEast Germany, ndakanga ndichida chaizvo kuravidza kunaka kworusununguko uye kushamwaridzana nemhuri yangu.

ZVISINEI, ndakanga ndisina kugadzirira kuona kushamisika kwomwanakomana wangu aiva nemakore matanhatu, Johannes. Kwemakore matatu akanga apfuura, akanga asina kumboona baba vake. Kwaari ndaingova mumwe munhuwo zvake.

Kusiyana nomwanakomana wangu, ini ndakanga ndawana ushamwari hworudo nevabereki vangu. Mumusha wedu wokuChemnitz, Germany, kwandakaberekerwa muna 1928, maiva noushamwari. Baba vangu vaitaura vakasununguka kusafarira kwavo chitendero. Vaiyeuka kuti muHondo Yenyika I, varwi vaiva “vaKristu” vaishuvira varwi vokune rimwe divi “Krisimasi Yakanaka” musi waDecember 25, asi vachizotangazve kuurayana zuva raitevera. Kwavari, chitendero chaiva musimboti wounyengeri.

Kuora Mwoyo Kunotsiviwa Nokutenda

Zvinofadza ndezvokuti handina kuora mwoyo. Hondo Yenyika II yakapera ndiine makore 17, uye ndakapona nepaburi retsono kuti ndiendeswe kuhondo. Kunyange zvakadaro, ndainetseka nemibvunzo inovhiringidza yakaita seyokuti, ‘Nei vanhu vachiurayana kudai? Ndingavimba naani? Ndingawana kupi kuchengeteka kwechokwadi?’ KuEast Germany, kwataigara, kwakatanga kutongwa neSoviet. Vavariro dzevaKomonisiti dzokuda kururamisira, kuti pave nokuenzana, kubatana, uye ukama hune rugare dzakafadza vaya vakanga vaneta nokuparadza kwehondo. Munguva pfupi yaitevera vakawanda vevanhu ava vaiva pachokwadi vaizoodzwa mwoyo zvakakomba—panguva ino, kwete nechitendero, asi nezvematongerwe enyika.

Panguva yandaitsvaka mhinduro dzinonzwisisika vamwe amaiguru vangu, avo vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakataura neni nezvezvavaitenda. Vakandipa bhuku rinotsanangura Bhaibheri rakaita kuti ndide kuverenga chitsauko chose chaMateu 24—kokutanga kubvira nakubvira. Ndakashamisika netsanangudzo dzinonzwisisika uye dzinogutsa dzaiva mubhuku racho, dzairatidza nguva yedu ‘somugumo wegadziriro yezvinhu’ uye dzairatidza honzeri huru yezvinetso zvevanhu.—Mateu 24:3; Zvakazarurwa 12:9.

Munguva pfupi yakatevera ndakagamuchira mabhuku akawanda eZvapupu zvaJehovha, uye pandaiaverenga, ndakaziva kuti ndakanga ndawana chokwadi chandakanga ndichitsvaka nomwoyo wose. Zvaifadza kuziva kuti Jesu Kristu akanga agadzwa pachigaro kudenga muna 1914 uye kuti aizokurumidza kubvisa masangano asiri aMwari kuitira kuti ape zvikomborero kuvanhu. Kana ndirini, chimwe chinhu chikuru chandakaziva rwaiva rudzikinuro rwandakanzwisisa zvakajeka. Rwakandibatsira kunyengetera kuna Jehovha Mwari nomwoyo wose, ndichikumbira kukanganwirwa. Ndakabayiwa mwoyo nokukoka kwomutsa kunowanika pana Jakobho 4:8 kunoti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”

Pasinei nokufarira nomwoyo wose kwandaiita chitendero changu chandakanga ndichangobva kuwana, pakutanga vabereki vangu nehanzvadzi yangu vakanga vasingadi kubvuma zvandaivaudza. Zvisinei, izvi hazvina kuderedza chido changu chokupinda misangano yechiKristu yaiitwa neboka duku reZvapupu pedyo neChemnitz. Zvakandishamisa kuti vabereki vangu nehanzvadzi yangu vakaenda neni kumusangano wandakatanga kuenda! Maiva mumwaka wechando muna 1945/46. Gare gare, boka rechidzidzo cheBhaibheri parakaumbwa muHarthau, kwataigara, mhuri yedu yakatanga kupinda misangano nguva dzose.

“Ndiri Mwanana Hangu”

Kudzidza chokwadi chomuBhaibheri chinokosha uye kugara ndichiwadzana nevanhu vaJehovha kwakaita kuti nditsaurire upenyu hwangu kuna Jehovha, uye ndakabhabhatidzwa musi waMay 25, 1946. Zvakandigutsa kuti vomumhuri yedu vakafambirawo mberi mune zvokunamata, uye nokufamba kwenguva vose vari vatatu vakava Zvapupu zvakatendeka. Hanzvadzi yangu ichiri nhengo inoshingaira mune imwe yeungano dziri muChemnitz. Amai nababa vangu vakashumira nokutendeka kusvikira vafa mumwe muna 1965 uye mumwe muna 1986.

Kwapera mwedzi mitanhatu ndabhabhatidzwa, ndakatanga kushumira sapiyona chaiye. Izvi zvakava kutanga kwoupenyu hwokushumira “mumwaka wakafanira, mumwaka unotambudza.” (2 Timoti 4:2) Nokukurumidza pakava nemikana mitsva yebasa. Munzvimbo yaiva kure kumabvazuva kweGermany kwaidiwa vaevhangeri venguva yakazara. Ini neimwe hama takanyora tsamba tichikumbira kuti tishandire ikoko, asi ndaifunga kuti ndakanga ndisingakwanisi nokuti ndakanga ndisina kumbozviita uye ndakanga ndisati ndakura kuti ndiite basa guru rakadaro. Sezvo ndaiva nemakore 18 chete, ndakanzwa sezvakaita Jeremia uyo akati: “Haiwa, . . . Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” (Jeremia 1:6) Pasinei nokutya kwandaiita, hama dzaiva nomutoro nomutsa dzakasarudza kundipa mukana wacho. Saka, takanzi tinoshandira kuBelzig, guta duku riri muruwa rweBrandenburg.

Kuparidza mundima iyoyo kwakanga kwakaoma kwazvo, asi kwakandidzidzisa munzira inokosha. Nokufamba kwenguva, vanamuzvinabhizimisi vechikadzi vakakurumbira vanoverengeka vakagamuchira shoko roUmambo uye vakava Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei, zvavakasarudza kuita zvakapesana netsika dzakanga dzakadzika midzi uye kutya zvaiva munzanga yacho duku yokumaruwa. Vafundisi vechiKaturike nevechiPurotesitendi vakatishora zvakasimba uye vakatipomera nhema mubasa redu rokuparidza. Asi kuvimba nokutungamirira nokudzivirira kwaJehovha kwakaita kuti tikwanise kubatsira vanhu vaifarira vanoverengeka kuti vagamuchire chokwadi.

Kushorwa Kunowedzera

Gore ra1948 rakaunza zvikomborero uye matambudziko akanga asingatarisirwi. Kutanga, ndakakumbirwa kunopayona kuRudolstadt, Thuringia. Ikoko ndakasvika pakuziva hama nehanzvadzi dzakawanda dzakatendeka, uye ndakafara kushamwaridzana nadzo. Ndakatowana chimwe chikomborero chikuru muna July gore iroro. Ndakaroora Erika Ullmann, mumwe mukadzi wechiduku wechiKristu akatendeka anoshingaira wandakanga ndaziva kubvira panguva yandakatanga kupinda misangano muUngano yeChemnitz. Takatanga kuita basa roupiyona muHarthau, guta rokumusha kwangu. Zvisinei, nokufamba kwenguva, Erika akatadza kupfuurira mubasa renguva yakazara nemhaka yezvinetso zvoutano nezvimwewo zvikonzero.

Iyoyo yaiva nguva yakaoma kuvanhu vaJehovha. Dhipatimendi Revashandi muChemnitz rakaita kuti kadhi rangu randaitenga naro zvokudya risashande, nechinangwa chokundimanikidza kuti ndirege basa rokuparidza uye kuti nditsvake basa renguva yakazara kunyika. Hama dzine mutoro dzakashandisa zvakaitika kwandiri kuti dzikumbire kuti tizivikanwe zviri pamutemo neHurumende. Izvi zvakarambwa, uye musi waJune 23, 1950, ndakatongerwa kugara mujeri kwemazuva 30 kana kuti ndaitofanira kubhadhara faindi. Takakwirira chisarudzo chacho, asi dare repamusoro rakaramba, uye ndakaendeswa kujeri.

Izvi zvaingoratidza kuti kushorwa kwaizowedzera uye kuti mberi kwaizouya matambudziko. Gare gare mwedzi usati watombopera, muna September 1950, pashure pokutaura mashoko aisvibisa zita redu nokushandisa zvinobudisa nhau, vatongi vechiKomonisiti vakarambidza basa redu. Nemhaka yokuti taiwedzera nokukurumidza uye kuti taiva tisina kwatakarerekera, takaonekwa sesangano retsori raiva nengozi rokuMadokero, raiita “basa risinganzwisisiki” richihwanda nezita rechitendero. Pazuva chairo ratakarambidzwa, mudzimai wangu akabereka mwanakomana wedu Johannes, pamba, ini ndiri mujeri. Pasinei nokuramba kwakaita nyamukuta, mapurisa eState Security akapinda mukamuri redu nechisimba uye akatsvaka uchapupu hwaizoatsigira pane zvaaipomera. Zvechokwadi, hapana chavakawana. Kunyange zvakadaro, vakabudirira nokuisa tsori muungano yedu. Izvi zvakaita kuti hama dzose dzaiva nomutoro dzisungwe, kusanganisira ini, muna October 1953.

Mumakomba Erima

Pashure pokunge tasungwa uye tatongerwa kugara mujeri kwemakore aibvira pamatatu kusvika kumatanhatu, takabatana nehama dzedu dzinoverengeka dzaiva mumakomba erima aisemesa eOsterstein Castle, muZwickau. Pasinei nemamiriro ezvinhu ainge akaipisisa ikoko, zvaifadza chaizvo kuwadzana nehama dzakanga dzine ruzivo. Kushayiwa kwedu rusununguko hakuna kutishayisa zvokudya zvomudzimu. Kunyange zvazvo takanga tazvidzwa uye tarambidzwa kunamata nehurumende, Nharireyomurindi yaiwana nzira yokupinda nayo mujeri uye muzvitokisi zvedu chaizvo! Sei?

Dzimwe hama dzaipiwa basa rokunoshandira mumigodhi yemarasha, kwadzaisangana neZvapupu zvaiva zvisiri mujeri izvo zvaizodzipa magazini. Hama dzacho dzaibva dzapinza magazini mujeri muchivande uye nouchenjeri dzaikwanisa kusvitsa kwatiri tose zvokudya zvomudzimu zvataida zvikuru. Ndakafara zvikuru uye ndakakurudzirwa kuona kutarisira kwaJehovha nokutungamirira kwake!

Gore ra1954 rava kunopera, takachinjirwa kujeri raizivikanwa serakaipisisa muTorgau. Zvapupu zvaiva ikoko zvakafara kutigamuchira. Kutozosvika panguva iyoyi, zvakanga zvaramba zvakasimba mune zvokunamata nokudzokorora mashoko azvaiyeuka omumagazini ekare eNharireyomurindi. Ichokwadi kuti zvaida kwazvo zvokudya zvitsva zvomudzimu! Zvino rakanga rava basa redu rokudziudzawo zvimwe zvatakanga tadzidza tiri kuZwickau. Asi taigona sei kuita izvozvo sezvo tairambidzwa zvakasimba kukurukurirana pakufamba kwedu zuva nezuva? Chokwadi, hama dzakanga dzatipa mazano akanaka okuzviita, uye ruoko rwaJehovha rune simba rwaiva nesu. Izvi zvakatidzidzisa kukosha kwokudzidza nokufungisisa Bhaibheri nokushingaira patinenge takasununguka uye tichine mukana wokudaro.

Nguva Yokuita Zvisarudzo Zvinokosha

Tichibatsirwa naJehovha, takaramba takasimba. Takatoshamiswawo zvikuru kuti vanoverengeka vedu takaregererwa mhosva dzedu pakupera kwa1956. Zvakaoma kurondedzera kufara kwatakaita pakazarurwa magedhi ejeri! Panguva iyoyo, mwanakomana wangu akanga ava nemakore matanhatu, uye ndakafara zvikuru kuvazve nomudzimai wangu uye kurera mwana wedu pamwe chete. Kwenguva yakati Johannes aindiona somumwe munhuwo zvake, asi takakurumidza kuva shamwari.

Zvapupu zvaJehovha muEast Germany zvaiva nenguva yakaoma kwazvo. Kuvengerwa ushumiri hwedu hwechiKristu uko kwakaramba kuchiwedzera, uye kusava kwedu nokwatakarerekera zvaireva kuti taifanira kugara tichingotya—upenyu hwakanga hwakazara nenjodzi, kufunganya, uye kunetseka. Saka ini naErika taifanira kunyengetera nokunyatsoongorora mamiriro edu ezvinhu, uye takaona zvakanaka kutama kuti tigare kwaiva nemamiriro ezvinhu ari nani kuitira kuti tirege kuvhiringidzwa nokuzvidya mwoyo. Taida rusununguko rwokunamata Jehovha uye kuramba tiine vavariro dzokunamata.

Muchirimo cha1957, mumwe mukana wakavapo wokuti titamire kuStuttgart, West Germany. Basa rouevhangeri rakanga risina kurambidzwa ikoko, uye taigona kuwadzana nehama dzedu takasununguka. Vakatitsigira zvikuru norudo. Takapedza makore manomwe neungano yaiva muHedelfingen. Mumakore iwayo, mwanakomana wedu akatanga kuenda kuchikoro uye akafambira mberi. Muna September 1962, ndakawana ropafadzo yokupinda Chikoro choUshumiri choUmambo kuWiesbaden. Ikoko ndakakurudzirwa kuti nditame pamwe chete nemhuri yangu kuti ndiende kunoshandira kwaidiwa vadzidzisi veBhaibheri vanotaura chiGerman. Izvi zvaisanganisira dzimwe nzvimbo dzeGermany neSwitzerland.

Kuenda Kumakomo eSwiss Alps

Saka, muna 1963 takatamira kuSwitzerland. Takarayirwa kunoshanda neimwe ungano duku muBrunnen, pedyo neLake Lucerne yakaisvonaka, pakati pemakomo eSwiss Alps. Zvaiita sokunge takanga tava muparadhiso. Taifanira kujaira chiGerman chaitaurwa ikoko, mararamiro omunzvimbo iyoyo, uye mafungiro evanhu vacho. Kunyange zvakadaro, takanakidzwa nokushanda uye kuparidza pakati pevanhu vanoda rugare. Takapedza makore 14 tiri muBrunnen. Mwanakomana wedu akakurira ikoko.

Muna 1977, ndava kuda kusvitsa makore 50, takakokwa kunoshanda paBheteri romuSwitzerland muThun. Takaiona seropafadzo yatakanga tisingatarisiri uye takabvuma kukokwa kwacho tichionga zvikuru. Ini nomudzimai wangu takashanda paBheteri kwemakore mapfumbamwe, atinoyeuka seanokosha kwazvo muupenyu hwedu hwechiKristu uye akatibatsira kukura mumudzimu. Takafarawo kuparidza nevaparidzi vomunharaunda iyoyo yeThun nedzimwe nzvimbo dzaiva pedyo, nguva dzose tichiona “mabasa anoshamisa” aJehovha, makomo makuru ane sinou eBernese Alps.—Pisarema 9:1.

Kutama Zvekare

Kutanga kwa1986 takatama zvekare. Takakumbirwa kunoshanda semapiyona chaiwo mundima yainge yakakura kwazvo yeUngano yeBuchs yaiva kumabvazuva kweSwitzerland. Zvekare, taifanira kuchinja kuti tijairane nemamwe mararamiro akasiyana. Zvisinei, tichikurudzirwa nechido chedu chokushumira Jehovha chero kwataizoshandiswa zvakanaka, takashanda munzvimbo iyi itsva, uye takakomborerwa. Dzimwe nguva, ndinombotsiva vatariri vanofambira, ndichishanyira nokusimbisa ungano. Patopera makore gumi nemasere, uye takava nezviitiko zvokuparidza zvakawanda zvinopa mufaro munzvimbo iyi. Ungano iri muBuchs yakura, uye tinofara kusangana muImba yoUmambo yakaisvonaka, yakatsaurirwa makore mashanu apfuura.

Jehovha akatitarisira munzira dzakawanda zvikuru. Takapedza chikamu chakanaka choupenyu hwedu tiri muushumiri hwenguva yakazara, asi hatina kumboshayiwa chinhu. Tinofara uye tinogutsikana kuona mwanakomana wedu, mudzimai wake, nevana vavo, nemhuri dzevana vavo, vachifamba vakatendeka munzira yaJehovha.

Ndichitarisa shure, ndinofunga kuti zvechokwadi, takashumira Jehovha “mumwaka wakafanira, mumwaka unotambudza.” Kuramba ndichivavarira ushumiri hwechiKristu kwakandibudisa mumakomba erima emajeri echiKomonisiti kuenda kumakomo akaisvonaka eSwiss Alps. Ini nemhuri yangu hatina kumbozvidemba kana kamwe chete zvako.

[Bhokisi riri papeji 28]

“Vanhu Vakatongwa Kaviri” Vanomira Vakasimba Pakutambudzwa

Mukutonga kweGerman Democratic Republic (GDR), iyo inozivikanwawo seEast Germany, Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvoga zvakadzvinyirirwa noutsinye. Zvakanyorwa zvinoratidza kuti Zvapupu zvinopfuura 5 000 zvakaendeswa kumisasa yechibharo uye nzvimbo dzousungwa nokuda kwoushumiri uye kusava nokwazvakarerekera kwechiKristu.—Isaya 2:4.

Vamwe vacho vakarondedzerwa se“vanhu vakatongwa kaviri.” Vamwe vavo vanenge 250 vakaiswa mumisasa yevasungwa yevaNazi uye mumajeri. Zvadaro, muma1950, vakateverwa ndokusungwa neStasi, State Security Service yeGDR. Mamwe majeri akatoshandiswawo kaviri nemapurisa eNazi uye eStasi—kutanga semajeri evaNazi uye gare gare semajeri eStasi.

Mumakore gumi okutanga okutambudzwa zvakasimba, kubvira muna 1950 kusvika muna 1961, Zvapupu zvinokwana 60—varume nevakadzi—zvakafira mujeri nemhaka yokusabatwa zvakanaka, kusawana zvokudya zvakakwana, kurwara, uye kukwegura. Zvapupu gumi nezviviri zvakatongerwa kugara mujeri kwoupenyu hwazvo hwose uye gare gare izvi zvakazochinjwa kuva makore 15 mujeri.

Nhasi, pane raichimbova dzimbahwe reStasi muBerlin, pane nzvimbo yechigarire inotaura nezvenhoroondo yemakore 40 okutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha muEast Germany. Mifananidzo nenyaya dzevanhu zviripo ipapo zvinopa uchapupu hwakajeka hwoushingi uye simba mune zvokunamata zvakaratidzwa neZvapupu zvakanga zvakatendeka pakutambudzwa.

[Mepu iri papeji 24, 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

EAST GERMANY

Rudolstadt

Belzig

Torgau

Chemnitz

Zwickau

[Mufananidzo uri papeji 25]

Osterstein Castle, muZwickau

[Kwazvakatorwa]

Fotosammlung des Stadtarchiv Zwickau, Deutschland

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiine mudzimai wangu, Erika