Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvakanaka Munguva Yokushayiwa

Kuita Zvakanaka Munguva Yokushayiwa

Kuita Zvakanaka Munguva Yokushayiwa

“NGATIITIREI vose zvakanaka,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro, “asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinoshingaira nepazvinogona napo kushandisa nheyo iyoyo yomutemo muupenyu hwazvo, zvichiitira vanhu vose zvakanaka, zvikurukuru hama dzazvo dzechiKristu. Izvi zvinoonekwa kakawanda munguva dzokushayiwa. Ngatimboongororai mienzaniso yakaitika munguva pfupi yapfuura inobva munyika nhatu.

Muna December 2002, dutu rine simba rakaparadza Guam, nemhepo yaimhanya kupfuura makiromita 300 paawa. Misha mizhinji yakaputswa, mimwe ikaparadzwa zvachose. Ungano dzemo dzakaronga zvikwata zvokuchenesa kuti dzibatsire mhuri dzeZvapupu dzakanga dzine zvinhu zvakawanda zvakaparadzwa. Bazi reGuam rakatumira zvinhu nevanhu kuti vanogadzira misha yakanga yaparadzwa, uye bazi reHawaii rakatsigira. Pashure pevhiki shomanana, boka revavezi rakasvika richibva kuHawaii kuti rizobatsira basa rokuvakazve, uye dzimwe hama dzakatora zororo pamabasa adzo kuti dzivabatsire. Kuda kushanda pamwe chete kwakapupura kune vose vaiva munharaunda yacho.

Mune mumwe musha womuguta reMandalay, Myanmar, kwakaitika moto pedyo neImba yoUmambo. Pedyo nepo paiva neimba yeimwe hanzvadzi yakanga isingachaiti basa nemhuri yayo. Mhepo yaivhuvhuta yakananga kumba kwehanzvadzi yacho, saka yakamhanya kuimba yoUmambo kunokumbira kubatsirwa. Panguva iyoyo, imba yoUmambo yacho yakanga ichigadziriswa, saka paiva nehama dzakawanda. Dzakashamiswa kuona hanzvadzi yacho nokuti dzakanga dzisingazivi kuti yaigara munzvimbo iyoyo. Nokukurumidza, hama dzacho dzakabatsira kuisa midziyo yemhuri yacho pakachengeteka. Murume wacho, uyo akanga asiri Chapupu, paakanzwa kuti kwainge kwaitika moto, akamhanya kumba kwake ndokuona hama dzichibatsira mhuri yake. Ashamisika uye achionga, akazorodzwawo nokuti mbavha dzinowanzoba mumamiriro ezvinhu akadaro. Kuita nomutsa uku kwakaitwa nehama kwakakurudzira hanzvadzi yacho nomwanakomana wayo kuwadzanazve neungano yechiKristu, uye iye zvino vava kupinda misangano yose.

Mugore rebasa rapfuura, vakawanda muMozambique vakava nenzara pamusana pokusanaya zvakanaka kwemvura uye kusakura zvakanaka kwezvirimwa. Hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yomunharaunda iyoyo yakakurumidza kubatsira nokupa zvokudya kune vaishayiwa. Zvokudya zvacho zvaipiwa paDzimba dzoUmambo, dzimwe nguva pashure pemisangano yeungano. Imwe hanzvadzi isina murume yakati: “Ndakauya kumusangano ndakaora mwoyo, ndisingazivi kuti vana vangu ndaizovapei kana tadzoka kumba.” Kubatsira kworudo kwakaitwa nehama kwakaikurudzira. “Kwandiri zvakanga zvakafanana nokumutswa kuvakafa!” yakadaro.

Zvapupu zvacho ‘zvinoitawo zvakanaka’ mune zvokunamata nokuudza vamwe mashoko eBhaibheri anonyaradza uye etariro. Zvinodavira zvaidavirwawo nomumwe murume wekare akanga akachenjera, uyo akati: “Asi ani naani unonditeerera [uchenjeri hwaMwari] uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.”—Zvirevo 1:33.

[Mifananidzo iri papeji 31]

1, 2. Kupiwa kwezvokudya kune vanoshayiwa muMozambique

3, 4. Dutu muGuam rakaparadza misha yakawanda

[Kwazvakatorwa]

Mwana, nechokuruboshwe: Andrea Booher/FEMA News Photo; mukadzi, nechepamusoro: AP Photo/Pacific Daily News, Masako Watanabe