Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamiriro Ako Ezvinhu Anodzora Upenyu Hwako Here?

Mamiriro Ako Ezvinhu Anodzora Upenyu Hwako Here?

Mamiriro Ako Ezvinhu Anodzora Upenyu Hwako Here?

MAMIRIRO ezvinhu anoodza mwoyo nezvinetso zviri kwose kwose ‘munguva dzino dzinonetsa.’ (2 Timoti 3:1) Zvimwe zvinetso zvingava zvenguva pfupi uye pakupedzisira zvinozopera. Zvimwe zvinoramba zviripo kwemwedzi yakawanda kana kuti kunyange kwemakore. Somugumisiro, vakawanda vanonzwa sezvakaita munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akachema kuna Jehovha achiti: “Madambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo; haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.”—Pisarema 25:17.

Uri kurwisana nezvinetso zvakakomba here? Kana zvakadaro, unogona kubatsirwa uye kukurudzirwa neBhaibheri. Ngatimboongororai nezvoupenyu hwevashumiri vaviri vakatendeka vaJehovha avo vakabudirira kukunda zvinetso zvakaoma: Josefa naDhavhidhi. Nokuongorora zvavakaita pavaitambudzika, tinogona kudzidza zvidzidzo zvatinogona kushandisa zvichatibatsira kukunda zvinetso zvakafanana nhasi.

Vakasangana Nezvinetso Zvakakomba

Paakazosvika makore 17, Josefa akanga ava nechinetso chakakomba mumhuri yake. Vakoma vake vakaona kuti baba vavo Jakobho, ‘vaida Josefa kupfuura vakoma vake vose.’ Naizvozvo, “vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.” (Genesi 37:4) Tinogona kufungidzira kufunganya uye kuzvidya mwoyo kwakava naJosefa zvakonzerwa nemamiriro aya ezvinhu. Pakupedzisira, ruvengo rwevakoma vaJosefa rwakakura kwazvo zvokuti vakamutengesa kuti ave muranda.—Genesi 37:26-33.

Paaiva muranda muIjipiti, Josefa aifanira kuramba unzenza uhwo mudzimai watenzi wake aida kuita naye. Agumbuka kuti akanga arambwa, akapomera Josefa kuti akanga aedza kumubata chibharo. “Akamupinza mutorongo,” uko “vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, akasungwa nemaketani amatare.” (Genesi 39:7-20; Pisarema 105:17, 18) Uyu unofanira kunge waiva muedzo wakakura kwazvo! Kwemakore anenge 13, Josefa akanga ari muranda kana kuti musungwa nechikonzero chokusaruramisira kwaakaitirwa nevamwe, kusanganisira vomumhuri yake pachake.—Genesi 37:2; 41:46.

Dhavhidhi womuIsraeri yakare akasanganawo nemiedzo paakanga achiri jaya. Kwemakore anoverengeka, akamanikidzwa kurarama somupoteri, achivhimwa semhuka naMambo Sauro. Upenyu hwaDhavhidhi hwaiva mungozi nguva dzose. Pane imwe nguva, akaenda kumupristi Ahimereki kuti awane zvokudya. (1 Samueri 21:1-7) Paakaziva kuti Ahimereki akanga abatsira Dhavhidhi, Sauro akarayira kuti Ahimereki aurayiwe pamwe chete nevapristi vose nemhuri dzavo. (1 Samueri 22:12-19) Unogona kufungidzira here kurwadziwa kwakaita Dhavhidhi kuti akanga akonzera dambudziko iri kunyange asina kuita nemaune?

Funga nezvemakore okutambudzika uye okubatwa zvisina kunaka ayo Josefa naDhavhidhi vakatsungirira. Nokuongorora zvavakaita mumamiriro ezvinhu akaoma, tinogona kudzidza zvidzidzo zvinokosha. Ngatimboongororai zvinhu zvitatu zvakakodzera kutevedzera pavarume ava.

Usachengeta Pfundepfunde uye Usava Nehasha

Kutanga, varume vakatendeka ava vakaramba kubatwa mumusungo wokuva nehasha uye wokuchengeta pfundepfunde. Josefa paaiva mutorongo, zvingadai zvakava nyore kuti aitire vakoma vake pfundepfunde nezvokumutengesa kwavakaita, pamwe achifungidzira kutsiva kwaaizoita dai aizovaonazve. Tinoziva sei kuti Josefa akaramba mafungiro akaipa akadaro? Chimbofunga zvaakaita paakava nomukana wokutsiva vakoma vake avo vakanga vauya kuIjipiti kuzotenga zvokudya. Nhoroondo yacho inoti: “Josefa akabva kwavari, akachema; . . . Josefa akarayira [varanda vake] kuti midziyo yavo [vakoma vake] izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo.” Gare gare, paakanga ava kutuma vakoma vake kuti vauye nababa vavo kuIjipiti, Josefa akavakurudzira nemashoko anoti: “Musatukana munzira.” Mumashoko nezviito, Josefa akaratidza kuti akanga asina kurega hasha nepfundepfunde zvichiparadza upenyu hwake.—Genesi 42:24, 25; 45:24.

Saizvozvowo, Dhavhidhi haana kuchengetera Mambo Sauro pfundepfunde. Dhavhidhi akava nomukana wokuuraya Sauro kaviri. Asi, varume vake pavakamukurudzira kuti amuuraye, Dhavhidhi akati: “[“Handingambofungi zvakadaro, mukuona kwaJehovha,” NW] kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.” Dhavhidhi akasiyira Jehovha nyaya yacho, achiudza varume vake kuti: “NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya; zvimwe zuva rake rokufa richasvika, zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.” Gare gare, Dhavhidhi akatonyora rwiyo rwemariro aSauro nomwanakomana waSauro Jonatani. Kufanana naJosefa, Dhavhidhi haana kubvuma kukundwa nepfundepfunde.—1 Samueri 24:3-6; 26:7-13; 2 Samueri 1:17-27.

Tinoramba takatsamwa uye kuchengeta pfundepfunde here patinorwadziwa nokumwe kusaruramisira? Izvi zvinogona kuitika nyore nyore. Kana tikabvuma kuti tidzorwe nemanzwiro edu, zvinoguma zvaitika zvingatikuvadza zvikuru kudarika kusaruramisira kwacho. (VaEfeso 4:26, 27) Kunyange zvazvo tingava nezvishoma zvatingaita pane zvinoitwa nevamwe kana kusatombova nazvo, isu tinogona kudzora zvatinoita. Zviri nyore kusachengeta pfundepfunde uye kusava nehasha kana tichitenda kuti Jehovha achatarisira zvinhu zvacho munguva yake yakakodzera.—VaRoma 12:17-19.

Ita Zvakanakisisa Zvaunogona Mumamiriro Ako Ezvinhu

Chidzidzo chechipiri chatinogona kuwana ndechokuti tisarega mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kuita zvatinofanira kuita. Tinganyanya kubatikana nezvinhu zvatisingagoni kuita zvokuti tinotadza kufunga nezvezvatinogona kuita. Chokwadi, mamiriro edu ezvinhu anobva atanga kutidzora. Izvi zvaigona kunge zvakaitika kuna Josefa. Asi, akasarudza kuita zvakanakisisa zvaaigona mumamiriro ake ezvinhu. Paaishanda somuranda, Josefa “akawana nyasha kwaari [tenzi wake], akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake.” Josefa akaita zvakafanana paaiva mutorongo. Nemhaka yechikomborero chaJehovha uye kushanda nesimba kwaJosefa, “mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo.”—Genesi 39:4, 21-23.

Mumakore ayo Dhaivhidhi akararama somupoteri, akaitawo zvakanakisisa zvaaigona mumamiriro ake ezvinhu. Paaigara murenje reParani, iye nevarume vake vakadzivirira mapoka emakwai aNabhari pamakororo. “Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku nemasikati,” akadaro mumwe wevafudzi vaNabhari. (1 Samueri 25:16) Gare gare, paakanga achigara kuZikragi, Dhavhidhi akapamba maguta evavengi vaIsraeri aiva kumaodzanyemba, achibva achengetedza miganhu yeJudha.—1 Samueri 27:8; 1 Makoronike 12:20-22.

Tinofanira kushanda nesimba zvikuru kuti tiite zvakanakisisa mumamiriro edu ezvinhu here? Kunyange zvazvo kuita izvozvo kungava kwakaoma, tinogona kubudirira. Achifunga nezvoupenyu hwake, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakadzidza kugutsikana, mumamiriro ezvinhu ose andinenge ndiri. . . . Muzvinhu zvose uye mumamiriro ezvinhu ose ndakadzidza nzira yokuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvakawanda uye kushayiwa.” Pauro akasvika sei pakuona upenyu nenzira iyi? Nokuramba achivimba naJehovha. Akabvuma kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:11-13.

Mirira Jehovha

Chidzidzo chechitatu ndechokuti pane kushandisa nzira dzisiri dzomuMagwaro kuti tichinje mamiriro edu ezvinhu, tinofanira kumirira Jehovha. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka mumativi ose, pasina chamunoshayiwa.” (Jakobho 1:4) Kutsungirira kunofanira kubvumirwa kuti “kupedze basa rakwo” nokutsungirira kwatinoita muedzo kusvika wapera tisingashandisi nzira dzisiri dzomuMagwaro kuti ukurumidze kupera. Zvadaro kutenda kwedu kuchaedzwa kwonatswa, uye simba rakwo rinochengetedza richaoneka. Josefa naDhavhidhi vaitsungirira nenzira yakafanana. Havana kuedza kugadzirisa zvinhu nenzira dzingasafadza Jehovha. Asi, vakaita zvakanakisisa zvavaigona mumamiriro avo ezvinhu. Vakamirira Jehovha, uye vakawana zvikomborero nokuita kudaro! Jehovha akavashandisa vose kuti vanunure uye vatungamirire vanhu vake.—Genesi 41:39-41; 45:5; 2 Samueri 5:4, 5.

Isuwo tingasangana nemamiriro ezvinhu ayo angatiedza kuti tigadzirise zvinhu nenzira dzisiri dzomumagwaro. Somuenzaniso, wakaodzwa mwoyo here nokuti hausati wawana wokuroorana naye akakodzera? Kana zvakadaro, dzivisa muedzo upi noupi wokusateerera murayiro waJehovha wokuroora “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39) Une zvinetso mumba mako here? Pane kukundwa nemafungiro enyika ayo anokurudzira kuparadzana nokurambana, gadzirisai zvinetso zvenyu munguva idzodzo dzakaoma muri pamwe chete. (Maraki 2:16; VaEfeso 5:21-33) Zviri kukuomera here kutarisira mhuri yako nemhaka yemamiriro ezvemari? Kumirira Jehovha kunosanganisira kusaita mabasa asiri epamutemo kana kuti asina kuvimbika kuti uedze kuwana mari. (Pisarema 37:25; VaHebheru 13:18) Chokwadi, tose zvedu tinofanira kushanda nesimba kuti tiite zvakanakisisa zvatinogona mumamiriro edu ezvinhu uye kuramba tichiita chimwe chinhu chichaita kuti Jehovha atikomborere. Patinenge tichidaro, ngatitsungei kumirira Jehovha kuti anyatsogadzirisa mamiriro acho ezvinhu.—Mika 7:7.

Jehovha Achakutsigira

Kufungisisa kuti vanhu vomuBhaibheri vakadai saJosefa naDhavhidhi vakabudirira sei kubata nokuora mwoyo uye mamiriro ezvinhu akaoma kunogona kutibatsira. Kunyange zvazvo nyaya dzavo dzichirondedzerwa mumapeji mashomanana eBhaibheri, vakaedzwa kwemakore akawanda. Zvibvunze kuti: ‘Vashumiri vaMwari vakadaro vakabvuma sei mamiriro avo ezvinhu sezvaakanga ari? Vakaramba sei vachifara? Unhu hupi hwavaifanira kuva nahwo?’

Zvakanakawo kuti tifunge nezvokutsungirira kwevashumiri vaJehovha vemazuva ano. (1 Petro 5:9) Magazini eNharireyomurindi neMukai! anobudisa nyaya dzakawanda dzoupenyu gore roga roga. Unoverenga uye unofungisisa mienzaniso yevaKristu ivava vakatendeka here? Uyezve, muungano dzedu mune vaya vari kutsungirira vakatendeka mamiriro ezvinhu asingafadzi. Unogara uchitaura navo uye unodzidza kwavari pamisangano yeungano here?—VaHebheru 10:24, 25.

Kana uri kunetswa nemamiriro ezvinhu akaoma, iva nechivimbo chokuti Jehovha ane hanya newe uye achakutsigira. (1 Petro 5:6-10) Shanda nesimba kuti usabvumira mamiriro ako ezvinhu kudzora upenyu hwako. Tevedzera mienzaniso yaJosefa, Dhavhidhi, uye yevamwe nokusachengeta pfundepfunde, nokuita zvakanakisisa zvaunogona mumamiriro ako ezvinhu, uye nokumirira Jehovha kuti anyatsogadzirisa mamiriro acho ezvinhu. Swedera pedyo naye nomunyengetero uye nokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata. Nenzira iyi, iwewo uchafara kunyange munguva dzakaoma.—Pisarema 34:8.

[Mufananidzo uri papeji 20, 21]

Josefa akaita zvakanakisisa zvaaigona mumamiriro ake ezvinhu

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dhavhidhi akamirira Jehovha kuti agadzirise zvinetso zvake