Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Toitira Vamwe Here Kana Kuti Torega Kuvaitira?

Toitira Vamwe Here Kana Kuti Torega Kuvaitira?

Toitira Vamwe Here Kana Kuti Torega Kuvaitira?

“USAITIRA vamwe zvausingadi kuti vakuitire.” Chirevo chakakurumbira ichi chinonzi chakataurwa nomumwe mudzidzisi uye muzivi ane mukurumbira wokuChina anonzi Confucius. Nhasi, pashure peanenge makore 2 500, vazhinji vachiri kudavira kuti munhu anenge aita zvaanotarisirwa kana akangorega kuitira vamwe zvakaipa.

Chokwadi, mutemo uyu wetsika waConfucius wakanaka. Asiwo, Bhaibheri rinobudisa imwe pfungwa pamusoro petsika dzevanhu dzokufambidzana kwavo. Kunze kwechivi chinoita zvokutoitwa, kureva kuti, kuitira vamwe vanhu zvakaipa, Bhaibheri rinotaura nezvechivi chokurega kuita zvaunofanira kuita. Mudzidzi wechiKristu Jakobho akanyora kuti: “Kana munhu achiziva kuita zvakarurama asi asingazviiti, chivi kwaari.” (Jakobho 4:17) Pane kungorayira vaKristu kuti vasaitira vamwe zvakaipa, Jesu Kristu akapa zano rinoti: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.”—Mateu 7:12.

Pakutanga Mwari aiva nechinangwa chokuti vanhu vose vaitire vamwe sezvavaizoda kuitirwa. Akapa muenzaniso wakanaka zvikuru pakuratidza kuva nehanya nevamwe vanhu munzira yaakasika nayo vanhu: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” (Genesi 1:27) Izvi zvinoreva kuti Mwari norudo akapa vanhu hana, yaizovatungamirira kuitira vamwe zvavaizoda kuitirwawo, kudai yaizorovedzwa zvakanaka.

Nhasi vazhinji vanotambura vasina tariro uye pasina anovabatsira nemhaka yevanhu vasina hanya nevamwe uye vanongofunga zvakavanakira ivo. Zviri pachena kuti zvinodiwa hakusi kungorega kuitira vamwe zvakaipa uye zvinovakuvadza, asiwo kuvaitira zvakanaka uye zvinovabatsira. Nemhaka yeizvi, Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vamwe nokuzvidira kuti vadzidze nezvetariro inoshamisa iri muShoko raMwari. Pavanoshanyira vavakidzani vavo nemashoko akanaka anobva muBhaibheri, vanoita kudaro murudo, vachiitira vamwe zvavaizoda kuitirwa.