Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kusarudza Chitendero Chipi?

Unofanira Kusarudza Chitendero Chipi?

Unofanira Kusarudza Chitendero Chipi?

‘ZVITENDERO zvakasiyana inzira dzakangosiyana dzinoenda kunzvimbo imwe chete. Chokwadi, kunongova naMwari mumwe chete, handizvo here?’ Mashoko aya anotaurwa nevakawanda vanofunga kuti kunyange zvazvo kuwadzana nechimwe chitendero kuchikosha, hazvina hazvo basa kuti unosarudza kupinda chitendero chipi.

Paunotanga kunzwa mafungiro aya, angaita seane musoro, zvachiri chokwadi kuti kuna Mwari mumwe chete bedzi, Wemasimbaose. (Isaya 44:6; Johani 17:3; 1 VaKorinde 8:5, 6) Zvisinei, hatigoni kurerutsa misiyano iri pachena—kunyange kupesana—zviri pakati pemapoka akawanda ezvitendero ayo anozviti ari kushumira Mwari wechokwadi. Anosiyana zvikuru pane zvaanoita, zvaanotenda, zvaanodzidzisa, uye zvaanoda. Misiyano yacho yakakura zvikuru zvokuti vaya vechimwe chitendero kana kuti boka vanowana zvakaoma kunzwisisa kana kugamuchira zvinodzidziswa kana kuti kudavirwa nevamwe.

Ukuwo Jesu akati: “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Kunamata Mwari nechokwadi kunoreva here kungobvuma pfungwa dzakawanda dzinopesana pamusoro pokuti Mwari ndiani, zvinangwa zvake ndezvipi, uye kuti anoda kunamatwa sei? Zvine musoro here kudavira kuti Mwari Wemasimbaose haana basa nemanamatiro atinomuita?

VaKristu Vechokwadi Kare uye Zvino

VaKristu vomuzana rokutanga remakore dzimwe nguva vaiva nepfungwa dzakasiyana pamusoro pezvimwe zvinhu. Somuenzaniso, achitaura nezvevaya vaiva muKorinde, muapostora Pauro akati: “Ndakaziviswa pamusoro penyu, hama dzangu, neveimba yaKiroe, kuti pakati penyu pane kukakavadzana. Zvandinoreva ndeizvi, kuti mumwe nomumwe wenyu anoti: ‘Ndiri waPauro,’ ‘Asi ini waAporosi,’ ‘Asi ini waKefasi,’ ‘Asi ini waKristu.’”—1 VaKorinde 1:11, 12.

Pauro akaona misiyano iyi seyakanga isinganyanyi kukosha here? Munhu mumwe nomumwe aingotevera nzira yake pachake kuti aponeswe here? Kana! Pauro akapa zano rokuti: “Ndinokurayira, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwe mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga.”—1 VaKorinde 1:10.

Zvechokwadi, kubatana mukutenda hakugoni kuvapo nokumanikidzwa. Kunovapo bedzi kana vanhu vakanyatsoongorora zvinhu vosvika uye vobvumirana pane zvavanenge vawana. Saka, kudzidza woga Shoko raMwari uye chido chomwoyo wose chokushandisa zvinenge zvadzidzwa matanho anokosha kuti pave nokubatana kwakataurwa naPauro. Kubatana kwakadaro kungawanika here? Sezvataona, kwenguva yakareba Mwari ave achishanda nevanhu seboka. Zvinobvira here kuziva boka iroro nhasi?

Zvakanakira Kuwadzana Neboka Rakanaka

Munyori wepisarema Dhavhidhi akambobvunza kuti: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutende renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene?” Chokwadi iwoyo mubvunzo unoda kufunga. Dhavhidhi akapindura kuti: “Uyo, unofamba asina mhosva, unoita zvakarurama, unotaura zvokwadi mumwoyo make.” (Pisarema 15:1, 2) Kunzwisisa zvakarurama Bhaibheri kuchaita kuti munhu akwanise kuziva chitendero chinoita izvozvo zvinodiwa naMwari. Ipapo, nokuwadzana neboka iroro, munhu achava noushamwari hunovaka nevanhu vanonamata Mwari vakabatana uye “nomudzimu nechokwadi.”

Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza kuti zvinobvira kuti vanhu vabatane pane zvavanotenda uye pane zvavanoita kunyange munyika yanhasi isina kubatana. Pakati pazvo pane vaimbova nhengo dzakawanda dzezvitendero zvakasiyana-siyana nemapoka emadzinza. Zvimwe Zvapupu zvaimbodavira kuti Mwari haazivikanwi kana kuti zvaidavira kuti haako. Vamwewo vakanga vasingafungisisi nezvechitendero. Muzvitendero izvi zvakasiyana-siyana, tsika, uye uzivi ndimo makabva vanhu vava muchitendero chakabatana izvo zvisingawanikwi munyika yanhasi.

Chinoita kuti pave nokubatana kwakadaro iShoko raMwari, Bhaibheri. Zvechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti hazvigoni kumanikidza vamwe kuti vaite nenzira yakati. Asi zvinoonga ropafadzo yokukurudzira vamwe kuti vadzidze kubva muBhaibheri kuitira kuti vavakire zvisarudzo zvavo munyaya dzokunamata pahwaro ihwohwo hwakasimba. Nenzira iyi, vakawanda kwazvo vanogona kutaurawo zvakanakira kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.”

Nhasi, ngozi yokubatwa mumusungo wezvinhu zvinokuvadza nezvinonyengera yakakura. Kusarudza shamwari dzakanaka kunokosha. Bhaibheri rinoti “fambidzana newakachenjera, ugova wakachenjerawo” uye “songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Kuwadzana nevanamati vaMwari vechokwadi kunodzivirira. Saka Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Zvechokwadi chikomborero apo shamwari dzechokwadi, hama nehanzvadzi dzokumudzimu dzinobatsirana norudo kuita mitoro yadzo pamberi paMwari!

Ottmar anoratidza kuti maonero aya ndeechokwadi. Kunyange akarererwa mumhuri yeKaturike muGermany, achiri muduku akarega kuenda kuchechi yacho. Anotsanangura kuti: “Pose pandaienda kuchechi, zvaingofanana nokusaenda nokuti ndaingodzoka pasina chandabatsirwa nacho.” Kunyange zvakadaro, akaramba achitenda muna Mwari. Pashure pacho akaonana neZvapupu zvaJehovha uye akatenda kuti izvo vashumiri vechokwadi vaMwari. Akaona zvakakodzera kuwadzana nazvo. Iye zvino anoti: “Zvandiri kushingaira musangano riri munyika yose, ndine rugare mupfungwa nomumwoyo. Ndiri kuramba ndichibatsirwa kuti ndive nezivo yakarurama kwazvo yeBhaibheri. Izvozvo zvinokosha kwazvo kwandiri.”

Kukokwa Kwevaya Vari Kutsvaka

Vanhu vane mafungiro akafanana vanoshanda pamwe chete seboka vanogona kuita basa ravo zvakanaka kwazvo kupfuura vanoshanda vakazvimirira somunhu mumwe nomumwe. Somuenzaniso, mirayiridzo yaJesu yokuonekana nevateveri vake yaiva yokuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Basa iroro raizoitwa sei zvinogutsa dai pakanga pasina nhungamiro kana sangano? Munhu aizoteerera sei zvinorayirwa neMagwaro dai aizoedza kushumira Mwari akazvimirira?

Gore rakapera, munyika yose Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri, mabhuku maduku, nemabhurocha zvinosvika 91 933 280 uyewo magazini 697 603 247, zvichiendesera mazana emamiriyoni evanhu vari munyika 235 mashoko anobva muShoko raMwari. Izvi chokwadi uchapupu hwakakura hwokuti zvinoitwa neboka rakabatana, rakanyatsorongwa zvinogona kuita zvakawanda kupfuura zvingaitwa nomunhu mumwe chete asina vanomubatsira!

Kuwedzera pane kuparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa Bhaibheri pachena zvichibatsira vanhu kuti vawane nzwisiso yakadzama yezvinodiwa naMwari. Gore rakapera, paavhareji, vanhu 5 726 509 vakadzidziswa Bhaibheri vhiki roga roga somunhu mumwe kana kuti vari mapoka. Uyu murayiridzo weBhaibheri wakabatsira mamiriyoni akawanda evanhu kuti awane pokutsamira pakasimba paanosarudza zvokunamata. Unokumbirwa kuti udzidze zvinodiwa naMwari sokunyorwa kwazvakaitwa muBhaibheri. Wadaro unogona kusarudza zvaunoda.—VaEfeso 4:13; VaFiripi 1:9; 1 Timoti 6:20; 2 Petro 3:18.

Kana uchida kufadza Mwari, kuva nechitendero chaunowadzana nacho kunokosha—asi kwete neboka rechitendero kana sangano chero ripi zvaro. Unofanira kusarudza chitendero chako uchishandisa zivo yakarurama yeBhaibheri, kwete kungoomerera padzidziso dzisiri dzechokwadi kana zvinongotaurwa nevanhu. (Zvirevo 16:25) Dzidza zvinodiwa nechitendero chechokwadi. Enzanisa izvozvo nezvaunodavira. Wadaro sarudza zvakarurama.—Dheuteronomio 30:19.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvapupu zvaJehovha zvakabatana munyika isina kubatana