Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuva neChechi Yaunopinda Here?

Unofanira Kuva neChechi Yaunopinda Here?

Unofanira Kuva neChechi Yaunopinda Here?

‘HANDIFANIRI kuva nechechi yandinopinda kana kugara ndichienda kuchechi kuti nditende muna Mwari!’ Ndiwo mafungiro anoita vanhu vakawanda nezvokuva nhengo yechechi kana yesangano ripi neripi rechitendero. Zvechokwadi, vamwe vanoti vanonzwa vari pedyo zvikuru naMwari pavanenge vari panze vachinakidzwa nechisiko kudarika pavanenge vari kuminamato yechitendero kuchechi. Nhasi, zvakajairika kuti kuwadzana nerimwe boka rechitendero kana sangano hachisi chinhu chinodiwa kuti utende muna Mwari.

Zvisinei, vamwe vanofunga zvakasiyana zvachose. Vanoti, kuti munhu afarirwe naMwari, kuva nhengo yechechi uye kuendako zvinodiwa, uye zvinotokosha. Saka nyaya yokuti zvinonyatsokosha here kuwadzana nechitendero kana kuti kwete haisi yokungoda kuziva uwandu hwevanhu vanopinda chitendero chete kana kuti yokudzidza nezvacho. Chero zvazvingava, sezvo ukama hwedu naMwari huchibatanidzwa, hazvingavi nomusoro here kuona maonero anoita Mwari nyaya yacho? Saka chii chatingadzidza muShoko rake Bhaibheri, panyaya iyi?

Mabatiro Akaita Mwari Nevanhu Kare

Makore anoda kusvika 4 400 apfuura, mafashamo aiparadza kwazvo akarova nyika yose. Chiitiko ichocho hachina kukanganwika nyore nyore, uye marudzi evanhu munyika yose akataura nezvacho munhoroondo dzawo dzokutanga. Kunyange zvazvo dzakasiyana mune mamwe mashoko, nyaya idzi dzine zvakawanda zvadzakafanana, kusanganisira chokwadi chokuti vanhu vashomanana chete nedzimwe mhuka ndizvo zvakapona.

Vanhu vakapona paMafashamo vakangoita rombo rakanaka zvokuti vakangoerekana vapukunyuka kuparadza kwacho here? Nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti hazvina kudaro. Chaizvoizvo, Mwari haana kuudza munhu oga oga nezvokuuya kweMafashamo acho. Asi, akaudza Noa, uyo akazonyeverawo vamwe vake nezvokuuya kweBoporodzi.—Genesi 6:13-16; 2 Petro 2:5.

Kuti munhu apone zvaienderana nokutsigira kwake boka iri rainge rakabatana uye nokuda kugamuchira nhungamiro yaMwari yaakapa Noa. Kunyange mhuka dzaiva muareka dzakapona paMafashamo acho dzakaramba dzakabatana neboka iri. Noa akapiwa mirayiridzo yakajeka yokuti aite urongwa hwakakodzera hwokuchengetedza upenyu hwemhuka dzacho.—Genesi 6:17–7:8.

Kwapera mazana emakore, vazukuru vaNoa vana vomwanakomana wake Shemi vakava varanda muIjipiti. Asi, chinangwa chaMwari chaiva chokuvasunungura uye kuvapinza munyika yaakanga apikira tateguru wavo Abrahamu. Zvakare, izvi hazvina kuudzwa munhu oga oga asi zvakatanga kuudzwa vaya vakanga vasarudzwa kuva vatungamiriri vavo—Mosesi nomukoma wake, Aroni. (Eksodho 3:7-10; 4:27-31) Pashure pokunge vaya vaimbova varanda vasunungurwa seboka muIjipiti, vakapiwa Mutemo waMwari paGomo reSinai uye vakaitwa rudzi rwaIsraeri.—Eksodho 19:1-6.

VaIsraeri vaigona kununurwa somunhu mumwe nomumwe kana bedzi vaiwadzana neboka rakanga raumbwa naMwari uye vaizotevera nhungamiro yevatungamiriri vakagadzwa veboka iri. VaIjipiti vakatotenderwawo kuwadzana neboka iri raitungamirirwa naMwari zvaioneka. VaIsraeri pavakabva muIjipiti, vanhu ava vakaenda navo, vachibva vawanawo tarisiro yokukomborerwa naMwari.—Eksodho 12:37, 38.

Zvadaro, muzana rokutanga remakore, Jesu akatanga basa rake rokuparidza, achiunganidza vanhu pamwe chete kuti vave vadzidzi vake. Aishanda navo seboka, kunyange zvazvo aivabata nenzira yorudo somunhu mumwe nomumwe maererano nemamiriro avo ezvinhu. Kuvaapostora vakatendeka 11, Jesu akati: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:28, 29) Gare gare, mudzimu mutsvene waMwari wakauya pavadzidzi pavakanga vari pamwe chete seboka.—Mabasa 2:1-4.

Mienzaniso iyi inonyatsoratidza kuti Mwari akagara achishanda nevanhu vake seboka rakarongwa kubvira kare. Vanhu vashomanana avo Mwari akashanda navo pachake—Noa, Mosesi, Jesu, nevamwe—kutaura zvazviri, vakashandiswa Naye kuti mumwe nomumwe ataure neboka raaiwadzana naro. Hapana chikonzero chokudavira kuti Mwari anoshanda nevashumiri vake zvakasiyana mazuva ano. Zvechokwadi, izvi zvinomutsa mumwe mubvunzo wokuti: Zvakakwana here kuwadzana neboka rechitendero chero ripi zvaro? Tichaongorora mubvunzo uyu unokosha munyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Mwari ave achishanda nevanhu vake seboka rakarongwa kubvira kare