Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakakomborerwa Vaya Vanopa Mbiri Kuna Mwari

Vakakomborerwa Vaya Vanopa Mbiri Kuna Mwari

Vakakomborerwa Vaya Vanopa Mbiri Kuna Mwari

“Dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, dzicharumbidza zita renyu.”—PISAREMA 86:9.

1. Nei tichikwanisa kupa Mwari mbiri nenzira dzinopfuura zvinokwanisa kuitwa nezvisikwa zvisina upenyu?

JEHOVHA akakodzera kurumbidzwa nezvisikwa zvake zvose. Kunyange zvazvo zvisikwa zvake zvisina upenyu zvichimupa mbiri chinyararire, isu vanhu tinogona kufunga, kunzwisisa, kuonga uye kunamata. Saka munyori wepisarema anotiudza kuti: “Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose; imbirai mukurumbira wezita rake; rumbidzai kudzo yake.”—Pisarema 66:1, 2.

2. Ndivanaani vakateerera murayiro wokupa zita raMwari mbiri, uye nei?

2 Ruzhinji rwevanhu harubvumi kuti kuna Mwari kana kubvuma kumupa mbiri. Zvisinei, munyika 235, avo vari Zvapupu zvaJehovha vanopfuura mamiriyoni matanhatu vanoratidza kuti vanoona “zvaari zvisingaoneki” kuburikidza nezvinhu zvaakasika uye kuti ‘vakanzwa’ uchapupu hwezvakasikwa husinganzwiki. (VaRoma 1:20; Pisarema 19:2, 3) Nokudzidza Bhaibheri, vakasvikawo pakuziva uye kuda Jehovha. Pisarema 86:9, 10 rakafanotaura kuti: “Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, dzicharumbidza zita renyu. Nokuti imi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa; ndimi Mwari woga.”

3. “Boka guru” rinoita sei “basa dzvene masikati nousiku”?

3 Zvakazarurwa 7:9, 15 inorondedzerawo zvakafanana “boka guru” revanamati seriri “kuitira [Mwari] basa dzvene masikati nousiku mutemberi yake.” Hakusi kuti Mwari anorayira chaizvo kuti vashumiri vake vamurumbidze pasina zororo, asi vanamati vake isangano romunyika yose. Saka kana hwava usiku mune dzimwe nyika, vashumiri vaMwari vari kune rumwe rutivi rwepasi vanenge vachiita basa rokupupura. Nokudaro zvinogona kutaurwa kuti zuva harimbonyuri kune avo vanopa mbiri kuna Jehovha. Munguva pfupi iri kutevera “zvinhu zvose zvinofema” zvichasimudza manzwi azvo zvichirumbidza Jehovha. (Pisarema 150:6) Zvisinei, panguva ino, somunhu mumwe nomumwe chii chatingaita kuti tipe mbiri kuna Mwari? Zvinetso zvipi zvatingatarisana nazvo? Uye zvikomborero zvipi zvakamirira vaya vanopa mbiri kuna Mwari? Mukupindura, ngationgororei nhoroondo yeBhaibheri pamusoro pedzinza revaGadhi rorudzi rwaIsraeri.

Chinetso Chekare

4. Idambudziko ripi rakatarisana nedzinza raGadhi?

4 Vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, vedzinza raGadhi rorudzi rwaIsraeri vakakumbira kuti vabvumirwe kugara munyika iri kumabvazuva kweJodhani yakanga yakanakira kuchengeta mombe. (Numeri 32:1-5) Kugara ikoko kwaireva kuti vaizotarisana nezvinetso zvakakomba. Madzinza aiva kumadokero aizodzivirirwa noMupata waJodhani—waizovadzivirira pamauto aida kuvarwisa nechisimba. (Joshua 3:13-17) Zvisinei, nezvenyika dzaiva kumabvazuva kwaJodhani, bhuku rinonzi The Historical Geography of the Holy Land, rakanyorwa naGeorge Adam Smith, rinoti: “Dzose dzakati sandara, hadzina kana chinodzivirira, pamusoro perwenze rukuru rweArabia. Somugumisiro dzakagara dzichingopindirwa nechisimba nevachengeti vezvipfuwo vanotama-tama, vamwe vacho vanouya vari mapoka makuru gore negore vachitsvaka mafuro.”

5. Jakobho akakurudzira vedzinza raGadhi kuti vaitei pavaizorwiswa?

5 Dzinza raGadhi raizoita sei paraimanikidzwa zvakadaro? Pachine mazana emakore, muuprofita hwake hwaakataura ava kuda kufa, tateguru wavo Jakobho akafanotaura kuti: “Gadhi uchavambwa nehondo, asi achavavamba pazvitsitsinho zvavo.” (Genesi 49:19) Kana uchitanga kuaona, mashoko iwayo angaita seanoodza mwoyo. Zvisinei, waitova murayiro wokuti vaGadhi vaifanira kudzorerawo. Jakobho akavavimbisa kuti kana vaizodaro, vapambi vaizotiza vanyadziswa, vaGadhi vachivadzingirira vari necheshure shure.

Zvinetso Zvatinotarisana Nazvo Pakunamata Kwedu Nhasi

6, 7. Mamiriro ezvinhu evaKristu nhasi akafanana sei needzinza raGadhi?

6 Kufanana nedzinza raGadhi, nhasi vaKristu vari kutarisana nezvinomanikidza uye mitoro inorema zvenyika yaSatani; hapana kudzivirirwa kwenenji kunoita kuti tisarwisana nazvo. (Jobho 1:10-12) Vakawanda vedu tinofanira kurarama nezvinetso zvokuchikoro, zvokumabasa, uye zvokurera vana. Zvinetso zvomunhu oga hazvifaniri kurerutswawo. Vamwe vanofanira kutsungirira “munzwa munyama” unouya uri urema hwakakomba kana kuti chirwere. (2 VaKorinde 12:7-10) Vamwe vanotambudzwa nokuzvitarisira pasi. “Mazuva akaipa” oukweguru angavhiringidza vaKristu vakura kushumira Jehovha nesimba sezvavaimboita.—Muparidzi 12:1.

7 Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti “tinorwa, . . . nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Tinogara tichiona “mudzimu wenyika,” pfungwa dzokupandukira uye kuora kwetsika zvinosimudzirwa naSatani nemadhimoni ake. (1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2, 3) Kufanana naRoti aitya Mwari, nhasi isuwo tingaodzwa mwoyo nezvinhu zvounzenza zvinotaurwa nokuitwa nevanhu vanenge vakatipota. (2 Petro 2:7) Satani anotirwisawo zvakananga. Satani ari kurwa nevakazodzwa vasara, “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:17) “Mamwe makwai” aJesu anorwiswawo naSatani nokurambidzwa kunamata munyika uye kutambudzwa.—Johani 10:16.

Tokanda Mapfumo Pasi Here Kana Kuti Todzorerawo?

8. Tinofanira kuitei Satani paanotirwisa, uye nei?

8 Tinofanira kuitei patinorwiswa naSatani? Kufanana nedzinza rekare raGadhi, tinofanira kuva vakasimba mune zvokunamata uye kurwisawo tichizviita maererano nemirayiridzo yaMwari. Zvinosuwisa kuti vamwe vakatotanga kuneteswa nezvinomanikidza zvoupenyu, vachiregeredza mitoro yavo mune zvokunamata. (Mateu 13:20-22) Chimwe Chapupu chakataura kuti nei nhamba yevaipinda misangano muungano yacho yaiva yakaderera, chichiti: “Chokwadi hama dzava kuneta. Dzose zvadzo dzinoremerwa nezvinhu zvakawanda mupfungwa.” Chokwadi, nhasi vanhu vane zvikonzero zvakawanda zvinovanetesa. Saka, zviri nyore kuona kunamata Mwari sechimwe chinhu chinomanikidza, mutoro unorema. Asi maonero aya akanaka—kana kuti akarurama—here?

9. Kutakura joko raKristu kunozorodza sei?

9 Chimbofunga zvakataurwa naJesu kumapoka omuzuva rake ayo aiva akaremerwawo nezvinetso zvoupenyu, paakati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai.” Jesu aireva here kuti munhu aizowana zororo nokurega kuita basa raMwari? Kusiyana neizvi, Jesu akati: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu.” Joko isimbi kana kuti danda rinoita kuti munhu kana kuti mhuka ikwanise kutakura mutoro unorema. Saka munhu angadirei kutakura joko rakadaro? Hatina kuto“remerwa” nechekare here? Hungu, asi ndima iyoyo muchiGiriki inogona kutiwo: “Ivai pasi pejoko rangu pamwe chete neni.” Pafunge: Jesu anototi anoda kutibatsira kutakura mutoro wedu! Hatifaniri hedu kuzviita nesimba redu toga.—Mateu 9:36; 11:28, 29, mashoko omuzasi omuNew World Translation Reference Bible; 2 VaKorinde 4:7.

10. Kupa kwedu Mwari mbiri kunoguma nei?

10 Patinotakura joko rokuva vadzidzi, tinenge tichirwisana naSatani. Jakobho 4:7 inovimbisa kuti: “Dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.” Izvi hazvirevi kuti zviri nyore kuzviita. Kushumira Mwari kunotoda kushanda nesimba. (Ruka 13:24) Asi pana Pisarema 126: 5 Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro.” Chokwadi, tinonamata Mwari anoonga. Ndiye “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose,” uye anokomborera vaya vanomupa mbiri.—VaHebheru 11:6.

Kupa Mwari Mbiri Sevaparidzi voUmambo

11. Ushumiri hwomumunda hunoshanda sei sechinodzivirira pakurwisa kwaSatani?

11 Jesu akarayira kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” Basa rokuparidza ndiyo nzira huru yokupa nayo Mwari “chibayiro chokurumbidza.” (Mateu 28:19; VaHebheru 13:15) Kuita kuti ‘tsoka dzedu dzipfeke kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare’ ndechimwe chinhu chinokosha pa“nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo”—kuzvidzivirira kwedu pakurwisa kwaSatani. (VaEfeso 6:11-15) Kurumbidza Mwari muushumiri hwomumunda inzira yakaisvonaka yokusimbisa nayo kutenda kwedu. (2 VaKorinde 4:13) Kunotibatsira kuita kuti pfungwa dzedu dzisafunga zvakaipa. (VaFiripi 4:8) Kushandawo muushumiri hwomumunda kunoita kuti tiwadzane zvinokurudzira nevamwe vatinonamata navo.

12, 13. Kushanda muushumiri hwomumunda nguva dzose kunogona sei kubatsira mhuri? Ipa muenzaniso.

12 Basa rokuparidza rinogonawo kuva basa rinobatsira mhuri. Zvechokwadi, vechiduku vanoda nhandaro yakanaka. Zvisinei, nguva inopedzwa nemhuri muushumiri hwomumunda haifaniri kuva inonetesa. Vabereki vanogona kuita kuti inakidze nokurovedza vana vavo kuti vabudirire pavanenge vari muushumiri. Vaduku havanakidzwi here nezvinhu zvavanonyatsogona? Vabereki vanogona kubatsira vechiduku kuwana mufaro muushumiri, nokuratidza kuva nomwero, kwete kutarisira zvavasingakwanisi.—Genesi 33:13, 14.

13 Uyezve, mhuri inorumbidza Mwari pamwe chete inosimbisa ukama hwayo. Chimbofunga nezveimwe hanzvadzi yakasiyiwa nomurume wayo asingatendi uye yakasiyirwa vana vashanu. Yakabva yasangana nechinetso chokuti yakanga yava kufanira kushanda uye kupa vana vayo zvokunyama. Yakakurirwa nezvinetso here zvokuti yakarega kubatsira vana vayo mune zvokunamata? Inoyeuka kuti: “Ndaishingairira kudzidza Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri uye ndaiedza kushandisa zvandaiverenga. Ndaienda nevana kumisangano uye muushumiri hwepasuo nesuo nguva dzose. Zvandaiita izvi zvakaguma nei? Vana vacho vose vari vashanu vakabhabhatidzwa.” Kushanda zvikuru muushumiri kunogonawo kukubatsira pane zvaunoita kurera vana vako “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEfeso 6:4.

14. (a) Vechiduku vangapa sei mbiri kuna Mwari kana vari kuchikoro? (b) Chii chinogona kubatsira pwere kuti ‘dzisanyara nemashoko akanaka’?

14 Vechiduku, kana muchigara munyika mazvinobvumirwa nomutemo kupupura, munopa Mwari mbiri nokupupura kuchikoro, kana kuti munobvumira kuti kutya vanhu kukudzivisei here? (Zvirevo 29:25) Chimwe Chapupu chine makore 13 muPuerto Rico chinonyora kuti: “Handina kumbobvira ndanyara kuparidza kuchikoro nokuti ndinoziva kuti ichi ichokwadi. Ndiri mukirasi, ndinogara ndichisimudza ruoko uye kutaura zvandinenge ndadzidza muBhaibheri. Pandinenge ndine nguva, ndinoenda kuraibhurari ndoverenga bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku.” * Jehovha akakomborera zvaanoita here? Iye anoti: “Dzimwe nguva vandinodzidza navo vanondibvunza mibvunzo uye kunyange kundikumbira kuti vawanewo mabhuku avo.” Kana wanga usiri kuita izvi, zvichida unoda kuzviratidza “zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana” nokushingairira kudzidza uri woga. (VaRoma 12:2) Kana wava nechokwadi chokuti zvawadzidza ndezvechokwadi, hauzombo“nyari nemashoko akanaka.”—VaRoma 1:16.

‘Musuo Wakazaruka’ Webasa

15, 16. “Musuo muhombe webasa” wakapindwa nevamwe vaKristu chii, uye zvikomborero zvipi zvakavapo?

15 Muapostora Pauro akanyora kuti akanga azarurirwa “musuo muhombe webasa.” (1 VaKorinde 16:9) Mamiriro ako ezvinhu angakubvumira here kuti uwedzere basa rako? Somuenzaniso, kushanda muushumiri hwoupiyona hwenguva dzose kana kuti hwebetsero, kunoda kupedzera maawa 70 kana kuti 50 pamwedzi mubasa rokuparidza. Zvinotarisirwa kuti mapiyona aongwe nedzimwe hama dzawo dzechiKristu nokuda kwebasa rawo rokutendeka. Asi kupedza kwavanoita nguva yakawanda vari muushumiri hakuvaiti kuti vanzwe vachipfuura hama nehanzvadzi dzavo. Asi vanokudziridza pfungwa yakakurudzirwa naJesu, yokuti: “Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.”—Ruka 17:10.

16 Kupayona kunoda kuti uzvirange, uve akarongeka, uye ude kurega zvimwe zvinhu. Zvisinei, zvikomborero zvacho zvakakodzera. “Kukwanisa kubata zvakarurama Shoko raMwari rechokwadi chikomborero chaicho,” anodaro mumwe piyona wechiduku anonzi Tamika. “Paunopayona, unoshandisa Bhaibheri kakawanda kwazvo. Iye zvino pandinoenda pasuo nesuo, ndinogona kufunga nezvemagwaro akakodzera muridzi wemba mumwe nomumwe.” (2 Timoti 2:15) Mumwe piyona anonzi Mica, anoti: “Kuona kuti chokwadi chinoita sei paupenyu hwevanhu ndechimwe chikomborero chinoshamisa.” Imwe pwere inonzi Matthew inotaurawo nezvomufaro wo“kuona mumwe munhu achiuya muchokwadi. Hapana mumwe mufaro unogona kutsiva uyu.”

17. Mumwe muKristu akakurira sei kusafarira kupayona?

17 Ungafungawo nezvokuita basa rokupayona here? Pamwe ungada kudaro asi unonzwa sokuti haukwanisi. “Ndakanga ndisingafariri kupayona,” inobvuma kudaro imwe hanzvadzi yechiduku inonzi Kenyatte. “Ndakanga ndisingafungi kuti ndinogona. Ndakanga ndisingazivi kuti ndinogadzirira sei kutanga kutaura nomunhu kana kubatsira kuti munhu afunge ndichishandisa Magwaro.” Zvisinei, vakuru vakaita kuti imwe hanzvadzi inopayona ine zivo ishande naye. “Zvainakidza kushanda nehanzvadzi yacho,” anoyeuka kudaro Kenyatte. “Izvozvo zvakaita kuti ndide kupayona.” Kana ukakurudzirwa uye kurovedzwa, pamwe iwe uchadawo kupayona.

18. Zvikomborero zvipi zvingauya kune vaya vanoita basa roumishinari?

18 Kupayona kungaita kuti uwane dzimwe ropafadzo dzebasa. Somuenzaniso, vamwe vakaroorana vangakwanisa kudzidziswa semamishinari anozotumwa kunoparidza kune dzimwe nyika. Mamishinari anofanira kujaira nyika itsva, zvichida mutauro mutsva, tsika itsva, uye zvokudya zvitsva. Asi zvikomborero zvacho zvinoita kuti zvipingamupinyi izvozvo zvive zvinhu zvisingakoshi. Mildred, uyo agara nebasa roumishinari muMexico, anoti: “Handina kumbodemba kuti ndakasarudzirei kuva mumishinari. Chinhu chandaida kubvira ndichiri kasikana.” Akawana zvikomborero zvipi? “Kumusha kwedu zvaiva zvakaoma kuwana munhu wokudzidza naye Bhaibheri. Kuno, ndakava nevadzidzi vanosvika vana vakatanga ushumiri panguva imwe chete!”

19, 20. Basa repaBheteri, basa rokushandira munyika dzakawanda, uye Chikoro Chokurovedza Vashumiri zvakaita sei kuti vakawanda vakomborerwe?

19 Zvikomborero zvakawanda zvinowanikawo nevaya vanoshanda paBheteri pamahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha. Sven, imwe hama yechiduku iri kushumira muGermany, inotaura nezvebasa rayo repaBheteri ichiti: “Ndinonzwa kuti ndiri kuita chimwe chinhu chinokosha zvechigarire. Ndingadai ndakashandisa unyanzvi hwangu kunyika. Asi zvingadai zvakaita sokuti ndiri kubhenga mari mubhengi rava kuda kubhuroka.” Chokwadi, kushanda somuzvipiri asingabhadharwi kunotoda kuzvipira. Asi Sven anoti: “Paunoenda kumba, unoziva kuti zvose zvawaita zuva iroro waitira Jehovha. Uye izvozvo zvinoita kuti unzwe ‘zvakanaka.’”

20 Dzimwe hama dzakawana chikomborero chokushanda munyika dzakawanda, dzichishanda pakuvakwa kwemapazi okune dzimwe nyika. Vamwe vakaroorana avo vakashanda kunyika dzokunze dzinokwana sere vakanyora kuti: “Hama dzokuno dzakanaka kwazvo. Zvichatirwadza mwoyo kubva kuno—‘kurwadziwa’ mwoyo zvekare kechisere. Takanakidzwa zvikuru!” Kunewo Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Icho chinorovedza mune zvokunamata hama dzinokwanisa dzinenge dzisina kuroora. Mumwe akachipinda akanyora kuti: “Zvakandiomera kuwana nzira yokukutendai nayo nokuda kwechikoro ichocho chakaisvonaka. Nderipi rimwe sangano raizoita zvakawanda kudaro kuti rirovedze hama?”

21. Zvinetso zvipi zvinosangana nevaKristu vose mubasa ravo kuna Mwari?

21 Chokwadi, misuo yakawanda yebasa yakazaruka. Ichokwadi kuti vakawanda vedu hatikwanisi kushumira paBheteri kana kune imwe nyika. Jesu pachake akabvuma kuti vaKristu vaizobereka “zvibereko” zvine uwandu hwakasiyana-siyana nokuda kwemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. (Mateu 13:23) Saka chinetso chedu sevaKristu ndechokushandisa zvinobudirira kwazvo mamiriro edu ezvinhu—kuita zvakawanda mubasa raJehovha sezvinobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu. Patinodaro, tinenge tichipa mbiri kuna Jehovha, uye tinogona kuvimbiswa kuti anofadzwa kwazvo nazvo. Chimbofunga nezvaEthel, imwe hanzvadzi yechikuru iri mumusha unochengeterwa vakwegura. Nguva dzose anopupurira kuvamwe vake vanogara mumusha waanogara uye anopupurirawo nenhare. Pasinei nokuti pane zvaasingakwanisi kuita, anoita basa rake nemweya wake wose.—Mateu 22:37.

22. (a) Ndedzipi dzimwe nzira dzokuwedzera dzatingapa nadzo mbiri kuna Mwari? (b) Inguva yakaisvonaka yakadini iri mberi kwedu?

22 Kunyange zvakadaro, yeuka kuti kuparidza inongova nzira imwe chete yatinopa nayo mbiri kuna Jehovha. Nokuratidza muenzaniso wakanaka mumufambiro wedu uye chitarisiko patinenge tiri kubasa kwedu, kuchikoro, uye kumba, tinoita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Zvirevo 28:20 inovimbisa kuti: “Munhu wakatendeka uchava namaropafadzo mazhinji.” Saka tinofanira ‘kudyara zvakawanda’ mubasa redu kuna Mwari, tichiziva kuti tichakohwa zvikomborero zvakawanda. (2 VaKorinde 9:6) Tikaita kudaro, ichava ropafadzo yedu kuva vapenyu panguva iyoyo apo “zvinhu zvose zvinofema” zvichapa Jehovha mbiri yakamukodzera zvikuru!—Pisarema 150:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Vanhu vaMwari vanoshumira sei Jehovha “masikati nousiku”?

• Dzinza raGadhi rakasangana nechinetso chipi, uye izvozvo zvinodzidzisei vaKristu nhasi?

• Ushumiri hwomumunda hunoshanda sei sechinodzivirira pakurwisa kwaSatani?

• ‘Isuo ripi rakazaruka’ rakapindwa nevamwe, uye vakawana zvikomborero zvipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Sokurwisa kwakaita vaGadhi mapoka evapambi, vaKristu vanofanira kurwisawo pavanorwiswa naSatani

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tinowana ushamwari hunokurudzira muushumiri hwomumunda

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kupayona kungaita kuti tiwane dzimwe ropafadzo dzebasa, dzinosanganisira:

1. Kushandira munyika dzakawanda

2. Basa repaBheteri

3. Basa roumishinari