Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Yambukirai Kuno Mutibetsere’

‘Yambukirai Kuno Mutibetsere’

Mushumo Wevazivisi voUmambo

‘Yambukirai Kuno Mutibetsere’

MUNA July 2000, muAustria, Germany, uye Switzerland, Zvapupu zvinotaura chiGerman zvakakumbirwa kuti zvitamire kuBolivia. Nei? Nokuti vanhu vanogara mumapurazi akavakidzana ari kure neSanta Cruz, Bolivia, nemakiromita 300, vechitendero cheMennonite vanotaura chiGerman vakaratidza kufarira Bhaibheri zvikuru.

Zvapupu zvinenge 140 zvakabvuma pazvakakumbirwa. Vamwe vakaenda ikoko kwemavhiki mashomanana, vamwe kwegore kana kupfuura. Pavakaita izvozvo, vakaratidza mafungiro akafanana neemamishinari omuzana rokutanga remakore ayo akateerera chikumbiro chokuti: “Yambukirai kuMakedhoniya mutibetsere.”—Mabasa 16:9, 10.

Zvakamboita sei kushanda mundima iyoyo? Mumwe mukuru ari muungano yeko anotsanangura kuti: “Kushanyira rimwe remapurazi 43 evanhu vechitendero cheMennonite kunogona kutora maawa masere muchifamba nomunzira dzisina tara muri mumotokari dzakagadzirirwa kufamba munzira dzakadaro. Kuti musvike nzvimbo dziri kure zvikuru zvinowanzoda mazuva mana uye kutorara mumatende humwe usiku. Asi chokwadi zvinenge zvaitwa zvakakodzera nokuti vanhu ava havasati vambonzwa mashoko akanaka.”

Pakutanga, vanhu vakawanda vechitendero cheMennonite vakanga vasingadi kushanyirwa. Asi kuramba vachishanyirwa kwakavabatsira kuona kuti Zvapupu zvacho zvaishanyirei. Somuenzaniso, mumwe murimi akataura kuti akanga achiverenga magazini yeMukai! kwegore rimwe. Akabva atizve: “Ndinoziva kuti vanhu vakawanda kuno havabvumirani nezvamunotaura, asi ndinodavira kuti ichokwadi.” Pane rimwe purazi, mumwe murume akati: “Vamwe vavakidzani vangu vanoti muri vaprofita venhema, vamwe vanoti mune chokwadi. Ndinoda kuzvionera ndoga.”

Iye zvino muBolivia mava neungano inotaura chiGerman, ine vaparidzi 35, kusanganisira vaevhangeri 14 venguva yakazara. Pari zvino, vanhu 14 vaimbova muchitendero cheMennonite vava vazivisi voUmambo, uye vamwe vapfumbamwe vari kupinda misangano nguva dzose. Mumwe murume ati kurei uyo akabhabhatidzwa munguva pfupi yapfuura akati: “Tinoona zvakajeka kutungamirira kwaJehovha. Akatuma, hama nehanzvadzi dzine ruzivo, dzinotaura chiGerman kuti dzizotibatsira. Tinoonga kwazvo.” Mwanasikana womurume wacho ane makore 17, uyo akabhabhatidzwawo, akawedzera kuti: “Kuva nechido kwehama nehanzvadzi dzechiduku dzakauya kuno kunoita kuti tide kudzitevedzera. Vakawanda vavo mapiyona, vanopedza nguva yavo nemari yavo kuti vabatsire vamwe. Zvinoita kuti ndidewo kuita izvozvo.”

Chokwadi, vaya vakabvuma ‘kuyambuka’ kunobatsira vari kuwana mufaro mukuru nokugutsikana.