Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvakasikwa Zvinozivisa Mbiri yaMwari!

Zvinhu Zvakasikwa Zvinozivisa Mbiri yaMwari!

Zvinhu Zvakasikwa Zvinozivisa Mbiri yaMwari!

‘Kudenga-denga kunoparidzira mbiri yaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.’—PISAREMA 19:1.

1, 2. (a) Nei vanhu vasingagoni kuona kubwinya kwaMwari zvakananga? (b) Vakuru 24 vanopa sei mbiri kuna Mwari?

“HAUNGAONI chiso changu, nokuti hakuna munhu ungandiona, akazorarama.” (Eksodho 33:20) Jehovha akanyevera Mosesi achidaro. Nokuti tiri vanhu venyama vasina kusimba, hatingararami kana tikaona kubwinya kwaMwari zvakananga. Zvisinei, pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akaoneswa Jehovha ari pachigaro Chake chinobwinya.—Zvakazarurwa 4:1-3.

2 Kusiyana nevanhu, zvisikwa zvakavimbika zvomudzimu zvinogona kuona chiso chaJehovha. Pakati pazvo pane “vakuru makumi maviri nevana” vakaonekwa naJohani pane zvaakaratidzwa zvokudenga, avo vanomiririra vane 144 000. (Zvakazarurwa 4:4; 14:1-3) Vanoita sei pavanoona kubwinya kwaMwari? Maererano naZvakazarurwa 4:11, vanozivisa kuti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”

Nei Vasina “Chokuzvipembedza Nacho”

3, 4. (a) Nei kutenda muna Mwari kusingapesani nesayenzi? (b) Pane dzimwe nguva, chii chinoita kuti vanhu varege kudavira muna Mwari?

3 Unonzwa uchida kupa mbiri kuna Mwari here? Ruzhinji rwevanhu harudaro, vamwe vanotoramba kuti Mwari ariko. Somuenzaniso, imwe nyanzvi yezvenyeredzi yakanyora kuti: “NdiMwari here akapindira uye akagadzira zvinhu zvose kuti isu tibatsirike? . . . Ifungidziro inonakidza. Zvisinei ndinofunga kuti kuzvinyengedza. . . . Kuti ndiMwari akazviita hakugutsi.”

4 Kutsvakurudza kwesayenzi kune pakunogumira—kunongogumira pazvinhu izvo vanhu vanogona kuona kana kuti kudzidza. Kunongova dzidziso kana kuti kufungidzira. Sezvo ‘Mwari ari Mudzimu,’ haagoni kuongororwa zvakananga nesayenzi. (Johani 4:24) Naizvozvo, kuramba kutenda muna Mwari nokuti sayenzi haitsigiri izvozvo, kuzvikudza. Mumwe musayendisiti anonzi Vincent Wigglesworth wepaCambridge University akataura kuti sayenzi pachayo inotoda “kutenda.” Pakudii? “Inovakirwa pakutenda kwakasimba kwokuti zvinhu zvinongoitika zvoga zvinoitika maererano ne‘mitemo yakasikwa yakadaro.’” Naizvozvo kana mumwe munhu akaramba kudavira muna Mwari, haasi kungochinjanisa kutenda achitora kumwe here? Pane dzimwe nguva, kusatenda muna Mwari kunoratidzika sokuti kungoramba nemaune kutarisana nechokwadi. Munyori wepisarema akati: “Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa unoti: Haangabvunzi. Ndangariro dzake dzose dzinoti: Hakuna Mwari.”—Pisarema 10:4.

5. Nei kusadavira kuti Mwari ariko kusingapembedzwi?

5 Zvisinei, kudavira kuti kuna Mwari hakusi kungotenda zvinhu zvisina uchapupu, nokuti kune uchapupu hwakawanda kwazvo hwokuti Mwari ariko. (VaHebheru 11:1) Imwe nyanzvi yezvenyeredzi Allan Sandage yakati: “Ndinoona zvisingambobviri kuti kurongeka kwakadaro [kwezvinhu zvose zvakasikwa] kwakabva pazvinhu zvisina kurongeka. Panofanira kuva nechaironga. Kwandiri, Mwari haanzwisisiki, asi ndiye tsananguro yechishamiso chezvinhu zviripo, kuti nei paine zvinhu panzvimbo pokuti pasave nezvinhu.” Muapostora Pauro akataurira vaKristu vomuRoma kuti Mwari “zvaari zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika, nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake, zvokuti [vasingatendi] havana pembedzo.” (VaRoma 1:20) Kubvira “pakusikwa kwenyika”—kunyanya kubva pakusikwa kwevanhu vakangwara, vaigona kuziva kuti Mwari ariko—zvave zviri pachena kuti kune Musiki ane simba guru, Mwari akakodzera kuti tizvipire kwaari. Saka vaya vanokundikana kubvuma mbiri yaMwari havapembedzwi. Zvisinei, zvakasikwa zvinopa uchapupu hwei?

Zvinhu Zvakasikwa Zvinopa Mbiri Kuna Mwari

6, 7. (a) Matenga anozivisa sei mbiri yaMwari? (b) Matenga akabudisa ‘rwonzi rwokuyeresa’ nechinangwa chei?

6 Pisarema 19:1 rinopindura richiti: ‘Kudenga-denga kunoparidzira mbiri yaMwari; uye denga rinoratidza basa remaoko ake.’ Dhavhidhi akanzwisisa kuti nyeredzi nedzimwe nyika dzinoonekwa mudenga, zvaipa uchapupu husingarambiki hwokuti Mwari ane mbiri ariko. Anoenderera mberi achiti: “Musi mumwe unotaurira mumwe musi, uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.” (Pisarema 19:2) Zuva nezuva uye usiku hwoga hwoga, matenga anoratidza uchenjeri hwaMwari nesimba rokusika. Zvinoita sokuti mashoko okurumbidza Mwari ‘anobva’ kumatenga.

7 Zvisinei, kuti tinzwe uchapupu uhwu zvinoda kuti tinzwisise. “Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki.” Asi uchapupu hwematenga husingatauri hune simba. “Rwodzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, namashoko azvo kumugumo wenyika.” (Pisarema 19:3, 4) Zvinoita sokuti matenga akabudisa ‘rwonzi rwokuyeresa’ kuti ave nechokwadi chokuti uchapupu hwawo husingatauri hwazadza pasi pose.

8, 9. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoshamisa nezvezuva?

8 Dhavhidhi anozorondedzerawo chimwe chishamiso chezvakasikwa naJehovha, achiti: “Wakagadzirira zuva tende mukati mazvo [matenga anooneka]. Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, rinofara semhare kumhanya nenzira yaro. Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; hakuna chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.”—Pisarema 19:4-6.

9 Kana tichienzanisa nedzimwe nyeredzi, zuva rakangokura zviri pakati nepakati. Asi, inyeredzi inoshamisa, inoita kuti dzimwe nyeredzi dzinotenderera pairi dziite sezvinhu zviduku duku. Rimwe bhuku rinotaura kuti zuva rinorema “matani ane mabhiriyoni maviri emabhiriyoni emabhiriyoni” (kureva 2 ane mazero 27)—99,9 muzana youremu hwenyeredzi dzedu dzose! Simba raro rinokweva rinobvumira kuti pasi ritenderere riri kure nemakiromita anosvika mamiriyoni 150 risingaendi kure nezuva kana kuswedera pedyo zvakanyanya. Chikamu chiduku duku chesimba rezuva ndicho chinosvika pano pasi, asi ichocho chinokwana kutsigira upenyu.

10. (a) Zuva rinopinda nokubuda sei mu“tende” raro? (b) Rinomhanya sei se“mhare”?

10 Munyori wepisarema anotaura nezvezuva nenzira yokufananidzira, achirifananidza ne“mhare” inomhanya ichibva kune rimwe jengachenga ichienda kune rimwe masikati yozozorora usiku mu“tende.” Nyeredzi huru iyoyo painonyura mujengachenga, kana tichiona tiri pano pasi inoita seyaenda mu“tende,” sokunge yanozorora. Mangwanani, inoita seinongobuda kamwe kamwe ichipenya zvakajeka se“chikomba chinobuda mumba macho.” Somufudzi, Dhavhidhi ainyatsoziva kutonhora zvikuru kunoitika usiku. (Genesi 31:40) Aiyeuka kukurumidza kudziyiswa kwaaiitwa nemwaranzi yezuva uye nyika yakanga yakamupoteredza. Zviri pachena kuti zuva rakanga risina kuneta no“rwendo” rwaro rurefu rwokubva kumabvazuva kuenda kumavirira asi rakanga rakaita se“mhare,” ragadzirira kudzokorora rwendo rwacho.

Nyeredzi Dzinoshamisa Nemapoka Enyeredzi

11, 12. (a) Chii chinoshamisa pamusoro pokuenzanisa nyeredzi nejecha regungwa kunoita Bhaibheri? (b) Chadenga chingava chakakura zvakadini?

11 Asina teresikopu, Dhavhidhi aigona kuona zviuru zvishomanana bedzi zvenyeredzi. Zvisinei, maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa nguva pfupi yapfuura, nhamba yenyeredzi dzomuchadenga dzinokwanisa kuonekwa neteresikopu dzemazuva ano i70 sextillion—7 ane mazero 22! Jehovha akaratidza kuti nyeredzi dzakawanda kwazvo paakaenzanisa nhamba yacho ne“jecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.”—Genesi 22:17.

12 Kwemakore, nyanzvi dzezvenyeredzi dzakaona zvairondedzerwa se“nharaunda duku dzinopenya dzine madzerere, dzisingaoneki zvakajeka.” Masayendisiti aifungidzira kuti “madzerere” aya zvinhu zvaiva muGwara redu Renzou. Muna 1924, zvakaonekwa kuti chaiva pedyo zvikuru nemadzerere aya anonzi Andromeda, rakanga richitova boka renyeredzi—makore okufamba kwechiedza anenge mamiriyoni maviri! Iye zvino masayendisiti anofungidzira kuti kune mabhiriyoni emapoka enyeredzi, rimwe nerimwe rine zviuru—dzimwe nguva mabhiriyoni—enyeredzi. Asi, Jehovha “unotara kuwanda kwenyeredzi; unodzipa dzose mazita adzo.”—Pisarema 147:4.

13. (a) Chii chinoshamisa nezvezvinyamutanhatu? (b) Zviri pachena sei kuti masayendisiti haazivi “mitemo yokudenga”?

13 Jehovha akabvunza Jobho kuti: “Ko iwe ungasunga sumbu rechinyamutanhatu, kana kusunungura zvisungo zveorioni here?” (Jobho 38:31) Chinyamutanhatu iboka renyeredzi rinoita serinobudisa patani inonyatsooneka. Kunyange zvazvo nyeredzi dzacho dzingava kure nakure zvikuru, kana munhu achiona ari pasi pano, dzinongoramba dziri padziri. Nemhaka yokuti dzine nzvimbo chaidzo dzisingachinji, nyeredzi “inhungamiro dzinobatsira vafambi, vanenge vachidzidziswa kufamba nezvitundumuseremusere, uye kuziva nyeredzi.” (The Encyclopedia Americana) Asi, hapana anonyatsonzwisisa ‘zvisungo’ zvinobatanidza zvinyamutanhatu. Chokwadi, masayendisiti achiri kutadza kupindura mubvunzo wakabvunzwa pana Jobho 38:33, unoti: “Iwe unoziva mitemo yokudenga here?”

14. Kuparadzaniswa kwechiedza kunoshamisa munzira ipi?

14 Masayendisiti haagoni kupindura mumwezve mubvunzo wakabvunzwa Jobho wokuti: “Chiedza chinoparadzaniswa nomutoo upiko?” (Jobho 38:24) Mumwe munyori akati mubvunzo uyu pamusoro pechiedza “mubvunzo wakadzama musayenzi yemazuva ano.” Kusiyana neizvi, vamwe vazivi vechiGiriki vaifunga kuti chiedza chaibva muziso romunhu. Mazuva ano, masayendisiti akafunga kuti chiedza chinoumbwa notunhu tuduku duku. Vamwe vakafunga kuti chinofamba sezvinoita masaimasai. Nhasi, masayendisiti anofunga kuti chiedza chinoita semasaisai uye sekanhu kaduku. Kunyange zvakadaro, kuti chiedza chakaita sei uye ‘kuzviparadzanisa kwachinoita’ hazvisati zvava kunyatsonzwisiswa.

15. Kufanana naDhavhidhi, tinofanira kunzwa sei patinofungisisa nezvematenga?

15 Kufungisisa zvose izvi kunoita kuti munhu anzwe sezvakaita munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akati: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?”—Pisarema 8:3, 4.

Pasi Nezvisikwa Zviri Pariri Zvinopa Mbiri Kuna Jehovha

16, 17. Zvisikwa “zviri makadzika” zvinorumbidza sei Jehovha?

16 Pisarema 148 rinotaura dzimwe nzira dzinoshandiswa nezvinhu zvakasikwa kuzivisa mbiri yaMwari. Pis 148 Ndima 7 inoti: “Rumbidzai Jehovha imi vapasi, imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika.” Chokwadi, “zviri makadzika” zvizere nezvishamiso zvinoratidza uchenjeri hwaMwari nesimba. Hove inonzi blue whale ine avhareji youremu hwematani 120—kufanana nouremu hwenzou 30! Mwoyo wayo chete unorema makirogiramu anopfuura 450 uye unogona kupomba makirogiramu anenge 6 400 eropa mumuviri wayo wose! Zvikara zvikuru izvi zvomugungwa zvinofamba zvishoma nezvishoma uye zvichingoregwedeka mumvura here? Nyangwe. Zvino“tenderera nenyanza” zvichimhanya zvinoshamisa chaizvo, unodaro mushumo weEuropean Cetacean Bycatch Campaign. Kumwe kuongorora kwakaitwa nesatellite kwakaratidza kuti “imwe hove yakanga yafamba makiromita anopfuura 16 000 mumwedzi 10.”

17 Imwe hove inonzi bottle-nosed dolphin inowanzoita chamunyurududu mamita 45, asi chamunyurududu chakaitwa nedolphin chinozivikanwa chakadzika zvikuru kusvika mamita 547! Hove iyi inogona sei kuita chamunyurududu chakadaro yorega kufa? Mwoyo wayo unenge uchirova zvishoma painenge ichiita chamunyurududu, uye ropa rinoendeswa kumwoyo, mapapu nouropi. Uyewo, tsandanyama dzayo dzine makemikari anochengetedza oxygen. Maelephant seal nemasperm whale anogona kuita chamunyurududu achitonyanya kuenda pakadzika. “Pane kuti akuvadzwe nesimba remvura,” inodaro magazini inonzi Discover, “anorega simba iri richiita kuti mapapu awo asashanda zvachose.” Anochengeta oxygen yakawanda yaanoda mutsandanyama dzawo. Zviri pachena kuti zvisikwa izvi uchapupu hunooneka hwouchenjeri hwaMwari ane simba zvikuru!

18. Mvura yomugungwa inoratidza sei uchenjeri hwaJehovha?

18 Kunyange mvura yomugungwa inoratidza uchenjeri hwaJehovha. Magazini inonzi Scientific American inoti: “Pamamita 100 okutanga emvura yomunyanza, donhwe rimwe nerimwe remvura iyi rine zviuru zvezvinhu zvinomera zvisingaonekwi nemaziso zvinenge zvakayangarara zvinonzi phytoplankton.” “Zvinhu zvinomera izvi zvisingaoneki nemaziso” zvinochenesa mhepo yedu nokubvisa mabhiriyoni ematani ecarbon dioxide. Phytoplankton inobudisa inopfuura hafu yeoxygen yatinofema.

19. Moto nesinou zvinoita sei zvinodiwa naJehovha?

19 Pisarema 148:8, rinoti: “Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; dutu guru, rinoita zvaakareva.” Chokwadi, Jehovha anoshandisawo zvinhu zvisina upenyu zvakasikwa kuti aite kuda kwake. Chimbofunga nezvomoto. Mumakumi emakore apfuura, moto unopisa masango waionekwa sounongoparadza chete. Iye zvino vatsvakurudzi vanofunga kuti moto unoita basa rinokosha pazvinhu zvipenyu nezvakazvipoteredza, uchibvisa miti inenge yachembera kana kuti yava kufa, uchiita kuti mbeu dzakawanda dzimere, kuita kuti ivhu riorere, uye chaizvoizvo uchideredza njodzi yokubakazve kwemoto unopisa masango. Sinou inokoshawo, inodiridza nokuisa fetiraiza muvhu, inozadza nzizi, uye inodzivirira miti nemhuka pachando.

20. Makomo nemiti zvinobatsira sei vanhu?

20 “Makomo nezvikomo zvose; miti inobereka, nemisidhari yose,” rinodaro Pisarema 148:9. Makomo makuru uchapupu hwesimba guru raJehovha. (Pisarema 65:6) Asiwo anobatsira. Mumwe mushumo weInstitute of Geography muBern, kuSwitzerland, unoti: “Nzizi huru dzose dziri munyika dzinotangira mumakomo. Inopfuura hafu yevanhu inorarama nemvura inobva mumakomo . . . ‘Masvingo emvura’ aya anokosha pakugara zvakanaka kwevanhu.” Kunyange muti unowanika kwose kwose unopa mbiri kuMusiki wawo. Mumwe mushumo weUnited Nations Environment Programme unotaura kuti miti “inokosha pakugara zvakanaka kwevanhu vari munyika dzose . . . Mhando dzakawanda dzemiti dzinokosha zvikuru mune zvoupfumi sezvadzinowanisa zvinhu zvakadai sematanda, michero, nzungu, masiridzi uye namo. Munyika yose, mabhiriyoni maviri evanhu anoshandisa huni pakubika uye semarasha.”

21. Tsanangura kuti shizhawo zvaro rinoratidza sei uchapupu hwokuti rakagadzirwa zvine uchenjeri.

21 Uchapupu hwomusiki ane uchenjeri hunooneka pamagadzirirwo chaiwo akaitwa muti. Chimbofunga nezveshizhawo zvaro. Kunze kwaro kune namo inoita kuti risasvava. Mukati maro nechokumusoro kune masero akawanda ane chloroplasts. Iwaya ane chlorophyll, inotora simba rechiedza. Negadziriro inonzi photosynthesis, mashizha anogadzira zvokudya. Mvura inokwidzwa kumusoro nemidzi yomuti yoendeswa kumashizha ne“gadziriro inofambisa mvura” yakaoma kunzwisisa. Zviuru zve“mavharuvhu” maduku duku (anonzi stomata) ari pasi peshizha anovhurika nokuvharika, achipinza carbon dioxide. Chiedza chinopa simba rokuita kuti mvura necarbon dioxide zvisangane zvobudisa macarbohydrates. Muti wacho zvino unogona kudya zvokudya zvaunenge wagadzira. Asi, zvokudya izvi zvinogadzirwa chinyararire uye zvakanaka. Pane kusvibisa mhepo, muti wacho unobudisa oxygen!

22, 23. (a) Dzimwe shiri nemhuka dzepanyika dzinokwanisa kuita zvimwe zvinhu zvipi zvinoshamisa? (b) Ndeipizve mimwe mibvunzo yatichada kukurukura?

22 “Mhuka, nezvipfuwo zvose; zvinokambaira neshiri dzinobhururuka,” rinodaro Pisarema 148:10. Mhuka dzakawanda dzepanyika nezvisikwa zvinobhururuka zvinokwanisa kuita zvinhu zvinoshamisa. Shiri inonzi Laysan albatross inogona kubhururuka madaro makuru (pane imwe nguva makiromita 40 000 mumazuva 90 chete). Kadhiidhii kokuAmerica kanoita rwendo rwokubva kuNorth kusvika kuSouth America, kachibhururuka kwemaawa anopfuura 80 kasina kumbomira. Ngamera haichengeti mvura munyundwa sezvaimbofungwa, asi mudumbu rayo, zvichiita kuti irambe iine mvura mumuviri wayo kwenguva yakareba. Saka hazvishamisi kuti mainjiniya anonyatsocherechedza mhuka paanogadzira michina nezvinhu zvitsva. “Kana uchida kugadzira chimwe chinhu chichanyatsoshanda zvakanaka . . . uye chichaenderana nezvakachipoteredza chisingakuvadzi zvinhu zvacho,” anodaro mumwe munyori anonzi Gail Cleere, “zvingangoita kuti uchawana muenzaniso wakanaka kune zvimwe zvakasikwa.”

23 Zvechokwadi zvinhu zvakasikwa zvinozivisa mbiri yaMwari! Kubvira kumatenga azere nenyeredzi kusvika kumiti nemhuka, chimwe nechimwe chine marumbidzire achinoita Musiki wacho. Asi zvakadini nesu vanhu? Tingabatana sei nezvinhu zvakasikwa mukurumbidza Mwari?

Unoyeuka Here?

• Nei vaya vanoramba kuti kuna Mwari vasingapembedzwi?

• Nyeredzi nenyika dzomuchadenga zvinopa sei mbiri kuna Mwari?

• Mhuka dzomugungwa nedzepanyika dzinopa sei uchapupu hwokuti pane Musiki ane rudo?

• Zvinhu zvisina upenyu zvakasikwa zvinoita sei zvinodiwa naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Masayendisiti anofungidzira kuti uwandu hwenyeredzi dzinooneka i70 “sextillion”!

[Kwazvakatorwa]

Frank Zullo

[Mufananidzo uri papeji 12]

Hove inonzi “bottle-nosed dolphin”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Sinou

[Kwazvakatorwa]

snowcrystals.net

[Mufananidzo uri papeji 13]

Shiri duku inonzi “Laysan albatross”