Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Akatidzidzisa Kuremekedza Chitendero Chake’

‘Akatidzidzisa Kuremekedza Chitendero Chake’

‘Akatidzidzisa Kuremekedza Chitendero Chake’

MUMWE weZvapupu zvaJehovha wokupurovhinzi yeRovigo, Italy, akaziva kuti aiva nekenza uye upenyu hwake hwaiva pangozi. Pashure pokuva muchipatara kanoverengeka, achingokumbira kuti arapwe pasina kuwedzerwa ropa, akazopedzisira ava kubatsirwa ari kumba navanamukoti vaibva pamusha wevanoyamura vanhu vane kenza.

Kutenda kwakasimba nechido chokushandira pamwe chete zvomurwere uyu ane makore 36 zvakayemurwa chaizvo nevanamukoti vaimurapa. Asati afa nekenza yacho, mumwe mukoti aimurapa akanyora mumagazini yavanamukoti pamusoro pezvaaiona paairapa murwere waakati Angela.

“Angela anonakidza uye anoda kurarama. Anoziva nezvemamiriro ake ezvinhu uye nezvourwere hwake hwakakomba, uye sezvatingaita tose, ari kutsvaka kuti chii chingaitwa, angarapwa sei, kana kuti mushonga wacho. . . . Isu vanamukoti takamuziva zvishoma nezvishoma. Haana kumbobvira aramba rubatsiro rwedu. Asi, kusununguka kwaAngela kwakaita kuti zvinhu zvose zvive nyore. Zvaifadza kuenda kunomutarisira, sezvo taiziva kuti yaiva nguva yokunoona munhu kwaye uye yokuti tose tibatsirwe. . . Takakurumidza kuona kuti chitendero chake chaizova chipingamupinyi pakumurapa.” Ndomanzwiro aaiita nokuti iye pachake aifunga kuti Angela aifanira kuwedzerwa ropa, iro raakaramba.—Mabasa 15:28, 29.

“Senyanzvi dzezvokurapa, takaudza Angela kuti takanga tisingabvumirani nechisarudzo chake, asi achitibatsira, takanzwisisa kuti upenyu hwairevei kwaari. Takanzwisisawo kuti iye nemhuri yake vaikoshesa chitendero chavo. Angela haana kukanda mapfumo pasi. Haana kukurirwa nourwere. Ane ushingi. Anoda upenyu, kurwisa kuti ararame, uye kuramba ari mupenyu. Akazivisa kutsunga kwake, zvaaitenda. Akatsunga zvatisingawanzoiti, uye hatina kutenda kwakasimba sokwake. . . . Angela akatidzidzisa kukosha kwokuremekedza chitendero chake, chimwe chinhu chakasiyana zvikuru nemitemo yedu yokurapa. . . . Tinodavira kuti zvatakadzidziswa naAngela zvinokosha zvikuru, nokuti tinosangana nevanhu vakasiyana-siyana, mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, zvitendero zvakasiyana-siyana, uye tinogona kudzidza uye kupa chimwe chinhu kumunhu wose watinorapa.”

Nyaya yemagazini yacho yakazosimbisa Code of Professional Ethics for Italian Nurses, yakabvumwa muna 1999, iyo inoti: “Mukoti anoita mabasa ake, achifunga chitendero chomunhu, tsika, pamwe chete nedzinza uye kuti murume kana kuti mukadzi.” Pane dzimwe nguva, zvingava zvakaoma kuti vanachiremba navanamukoti varemekedze zvinotendwa nomurwere, asi vaya vanoda kuita kudaro vanokosheswa.

Zvinosarudzwa neZvapupu zvaJehovha pamusoro poutano hwazvo nemarapirwo zvinenge zvanyatsofungwa. Vanofungisisa zvinotaurwa neMagwaro, sezvaratidzwa nenyaya yaAngela, havaomesi musoro. (VaFiripi 4:5) Pasi pose, nyanzvi dzoutano dziri kuwedzera dzava kuda kuremekedza hana dzevarwere vari Zvapupu.