Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Ringakubatsira Here Kudzidzisa Vana Vako?

Bhaibheri Ringakubatsira Here Kudzidzisa Vana Vako?

Bhaibheri Ringakubatsira Here Kudzidzisa Vana Vako?

RUVA rinonzi orchid rinoyevedza kwazvo, asi rakaoma kuti urikudze. Kuti rikure zvakanaka, unofanira kuchinja tembiricha, chiedza, uye kukura kwemawakaridyara sezvinodiwa. Ruva iri rinoda ivhu nefetiraiza zvakanaka uye rinoparadzwa nyore nyore nezvirwere nezvipembenene. Saka zvakajairika kuti munhu paanenge achiedza kokutanga kurikudza, anokundikana.

Kurera vana kunonetsa uye kwakatooma zvikuru, uye kunofanirawo kunyatsoitwa. Saka zvakajairika kuti vabereki vanzwe sokuti havanyatsokwanisi kurera vana. Vakawanda vanoziva kuti vanoda rubatsiro, sezvinoita uya ari kuda kukudza orchid anofanira kuwana mazano kunyanzvi. Zviri pachena kuti mubereki wose anoda kuwana utungamiriri hwakanakisisa. Utungamiriri hwakadaro hungawanikwepi?

Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku remitemo yokurera vana, Musiki akafuridzira vanyori varo kuti vanyorewo mazano anobatsira panyaya yacho. Bhaibheri rinosimbisa kuita kuti mwana ave nounhu hwakanaka, izvo vakawanda vanofunga kuti zvinoregeredzwa. (VaEfeso 4:22-24) Munyaya iyi, zano romuMagwaro rinotaura chinhu chinokosha nezvedzidzo iri pakati nepakati. Zano rakadaro rakatobatsira zviuru zvevanhu vakarishandisa, pasinei nenguva yavakararama kana kuti tsika dzavo. Nokudaro, kushandisa zano romuMagwaro kungakubatsira kuti ubudirire kudzidzisa vana vako.

Muenzaniso Wevabereki—Dzidziso Yakanakisisa

“Iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti “Usaba,” unoba here? Iwe, unoti “Usaite upombwe,” unoita upombwe here?”—VaRoma 2:21, 22.

Sachigaro weSeoul Board of Education akati: “Kuva nomuenzaniso wakanaka nezviito zvakanaka ndiko kudzidzisa vana kwakanakisisa.” Kana vabereki vasingaratidzi muenzaniso wakanaka pakutaura nomufambiro uye kana vachipa mwana wavo mirayiridzo yakanaka, mwana achakurumidza kufunga kuti vanyengeri. Mashoko evabereki haazoshandi. Somuenzaniso, kana vabereki vachida kudzidzisa vana vavo kutendeseka, ivo pachavo vanofanira kuva vakatendeseka. Kakawanda kana vamwe vabereki vasingadi kupindura runhare, vanoudza mwana wavo kuti ati, “Ndine urombo, baba vangu (kana kuti amai) havapo.” Mwana anoudzwa izvozvo achanyara uye achavhiringika. Nokufamba kwenguva, kana ava mumamiriro ezvinhu asina kunaka, angatanga kureva nhema asingambonyari. Naizvozvo, kana vabereki vachinyatsoda kuti mwana wavo ave munhu akatendeseka, ivo pachavo vanofanira kutaura chokwadi voita maererano nezvavanotaura.

Unoda kudzidzisa mwana wako kuti ataure zvakanaka here? Saka unofanira kuratidza muenzaniso wakanaka. Mwana wako achakurumidza kukutevedzera. Sung-sik, baba vevana vana, anoti: “Ini nomudzimai wangu takasarudza kusashandisa mutauro wakaipa. Tairemekedzana uye taisakwidza manzwi edu kunyange patainge tagumbuka kana kuti tatsamwa. Muenzaniso wakanaka wakashanda zvikuru kupfuura kungotaura. Tinofara kuti vana vedu vanoremekedza uye vanotaura zvakanaka pavanenge vaine vamwe.” Pana VaGaratiya 6:7, Bhaibheri rinoti: “Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” Vabereki vanoda kuti vana vavo vave netsika dzakanaka vanofanira kutanga varatidza kuti ivo pachavo vari kurarama zvinoenderana netsika idzodzo.

Inzwai Makasununguka Kukurukurirana

“Unofanira kushingaira kuadzidzisa [mirayiro yaMwari] vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:7.

Kuwanzoda kushanda maawa okuwedzera kuri kuramba kuchiwedzera. Kana murume nomukadzi vachishanda vose, zvinovhiringidza vana zvikuru. Nguva iyo vabereki vakawanda vanopedza vaine vana vavo iri kuramba ichiderera. Vava kumba, vabereki vanofanira kuita basa repamba nemamwewo mabasa, saka vangave vaneta chaizvo. Mumamiriro ezvinhu akadaro, mungaramba sei muchikurukurirana nevana venyu? Mikana yokukurukurirana ingamuka kana iwe nomwana wako mukaita mabasa epamba pamwe chete. Mumwe musoro wemhuri wakatotengesa TV, achiitira kuti ave nenguva yakawanda yokukurukura nevana vake. Anoti: “Pakutanga vana vakafinhwa, asi sezvo ndaitamba navo mitambo yepuzzle uye taitaura nezvemabhuku anonakidza, vakatanga kuzvifarira.”

Zvinokosha kuti vana vajaire kukurukurirana nevabereki vavo vachiri vaduku. Vakasadaro, kana vana vayaruka uye zvichida vatarisana nezvinetso, havazofungi nezvevabereki vavo seshamwari dzavangakwanisa kutaura nadzo. Ungavabatsira sei kuti vataure zviri mumwoyo yavo? Zvirevo 20:5 inoti: “Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera.” Nokushandisa mibvunzo ichaita kuti vanzwe mafungiro evana vavo, yakadai sokuti “Unofungei?” vabereki vanogona kukurudzira vana vavo kuti vataure zvavanofunga uye manzwiro avanoita.

Uchaitei kana mwana wako akakanganisa zvakakomba? Ndiyo nguva yaanoda kubatwa nomutsa. Dzora hasha dzako paunenge uchiteerera mwana wako. Vamwe baba vanotaura izvi nezvenzira yavanobata nayo mamiriro ezvinhu akadaro: “Vana pavanokanganisa, ndinoedza kuti ndisagumbuke zvakanyanya. Ndinogara pasi ndoteerera zvavanenge vachida kutaura. Ndinoedza kunzwisisa mamiriro acho ezvinhu. Pandinoona kuti handikwanisi kudzora hasha dzangu, ndinomboti mirei kusvikira ndadzikama.” Kana ukadzora hasha dzako woteerera, kururamisa kwaunoita kuchagamuchirwa nyore nyore.

Kuranga Kunoitwa Norudo Kunokosha

“Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”VaEfeso 6:4.

Kuti uwane migumisiro yakanaka, mapiro aunoita chirango chorudo anokosha. Vabereki ‘vangatsamwisa vana vavo’ sei? Kana chirango chisingaenderani nokukomba kwechikanganiso kana kuti chikapiwa nenzira yehasha kwazvo, vana vachachiramba. Nguva dzose chirango chinofanira kupiwa norudo. (Zvirevo 13:24) Kana ukataurirana nevana vako, vachaziva kuti uri kuvaranga nokuti unovada.—Zvirevo 22:15; 29:19.

Asiwo, zvakanaka kuti vana varwadziwe nezvakaipa zvavanenge vaita. Somuenzaniso, kana mwana akaitira mumwe munhu zvakaipa, unofanira kumumanikidza kukumbira ruregerero. Kana akatyora mitemo yemhuri, ungamurambidza zvimwe zvinhu zvaanofarira kuitira kuti usimbise kuti kuchengeta mutemo kunokosha.

Zvakanaka kupa chirango panguva yakakodzera. Muparidzi 8:11 inoti: “Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.” Saizvozvowo, vana vakawanda vachaedza kuona kuti kana vakaita misikanzwa havarangwi here. Saka kana wangomunyevera kuti akakanganisa acharangwa, iva nechokwadi chokuita zvaunenge wataura.

Nhandaro Yakanaka Inokosha

[Pane] nguva yokuseka . . . nenguva yokupembera.”—Muparidzi 3:1, 4.

Nguva yokuzorora nenhandaro yakanaka, yakadzikama zvinokosha mukukura kwepfungwa nomuviri zvomwana. Vabereki pavanotandara nevana vavo, ukama hwemhuri hunosimbiswa uye vana vanonzwa vakachengeteka. Inhandaro dzipi idzo nhengo dzemhuri dzingava nadzo pamwe chete? Kana ukava nenguva yokufunga pamusoro pazvo, unogona kuwana zvinhu zvakawanda zvakanaka zvokuita. Pane mitambo inotambirwa kunze, yakadai sokuchovha mabhasikoro, mitambo yebhora, yakadai setenisi, nhabvu, nevolleyball. Uye fungidzira kunakidzwa kungaita mhuri kana ikaridza zviridzwa zvemimhanzi pamwe chete. Kushanyira nzvimbo dziri pedyo muine mhuri kunoona chisiko kungaguma nezvinhu zvisingakanganwiki.

Panguva dzakadaro, vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kuona nhandaro zvakanaka. Mumwe murume wechiKristu ane vanakomana vatatu akati: “Ndinotandarawo nevana vangu kana zvichibvira. Somuenzaniso, pavanenge vachitamba mitambo yepakombiyuta, ndinovabvunza kuti zvinoitwa sei. Pavanoitsanangura vachifara, ndinotora mukana wacho kutaura nezvengozi dzevaraidzo dzisina kunaka. Ndakacherechedza kuti havadi varaidzo dzisina kunaka.” Chokwadi, vana vanofadzwa nokutandara semhuri havawanzotariri purogiramu dzepaterevhizheni, mavhidhiyo, mafirimu, uye mitambo yepaIndaneti inoratidza chisimba, unzenza, uye kushandisa zvinodhaka.

Batsira Vana Vako Kusarudza Shamwari Dzakanaka

“Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.

Vamwe baba vechiKristu vakabudirira kurera vana vana vakati: “Kusarudza kwavanoita shamwari kunokosha zvikuru. Shamwari imwe chete yakaipa inogona kuparadza basa rose rakanaka rawakaita.” Kuti vabatsire vana vavo kusarudza shamwari dzakanaka, vaivabvunza nokuchenjera mibvunzo yakaita seyokuti: Ndiani shamwari yako yapedyo? Nei uchimuda? Chii chaunoda kutevedzera paari? Mumwe mubereki anoronga kuti vana vake vakoke shamwari dzavo dzapedyo kumba kwake. Anodziongorora ozopa vana vake utungamiriri hwakakodzera.

Zvinokoshawo kudzidzisa vana kuti vanogona kushamwaridzana nevamwe vanhu vakura uyewo nevezera ravo. Bum-sun, baba vane vanakomana vatatu, anoti: “Ndinobatsira vana vangu kunzwisisa kuti shamwari hadzingofaniri kuva dzezera rimwe chete, asi dzinogona kusiyana sezvakanga zvakaita Dhavhidhi naJonatani vomuBhaibheri. Chaizvoizvo, ndinokoka vaKristu vemazera akasiyana-siyana kuti vatandare nevana vangu. Nokuda kweizvi, vana vanoshamwaridzana nevanhu vakawanda vasiri vezera ravo.” Kushamwaridzana nevanhu vakura vane muenzaniso wakanaka kunopa vana mukana wokudzidza zvinhu zvakawanda.

Unogona Kubudirira Kudzidzisa Vana

Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa muUnited States, vabereki vakawanda vakaedza kudzidzisa vana vavo pashoma nepashoma unhu hwakadai sokuzvidzora, kuzviranga, uye kutendeseka havana kunyanya kubudirira. Nei izvozvo zvakaoma kwazvo? Amai vakapindura kuongorora kwacho vakati: ‘Chinosuruvarisa ndechokuti nzira bedzi yokudzivirira nayo vana ndeyokuvakiyira mumba worega kumbovabvumira kuenda munyika.’ Vaifunga kuti iye zvino vana vari kukurira munharaunda yakaipa kupfuura nakare kose. Mumariro ezvinhu akadai, chaizvoizvo zvinobvira here kubudirira kurera vana?

Kudai waida kukudza orchid asi uchinetseka kuti ringaoma, waizoora mwoyo. Kana nyanzvi yokurima maorchid ikakupa mazano akanaka okurima yobva yati nechivimbo, “Uchabudirira kana ukaita seizvi,” unonzwa wazorodzwa chaizvo! Jehovha, Chiremera Chikuru pakukura kwevanhu, anopa mazano enzira dzakanakisisa dzokurera vana. Anoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Paunodzidzisa vana maererano nezano reBhaibheri, zvichida ungafara kuona vana vako vachikura vachiva vanhu vakura vakavimbika, vane hanya nevamwe, vane tsika. Zvadaro vachadiwa nevanhu asi kupfuura zvose naJehovha, Baba vedu vokudenga.