Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera

Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera

Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera

‘Ropa raKristu, richachenesa hana dzedu pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene.’—VAHEBHERU 9:14.

1. Chii chinoratidza kuti tinokoshesa upenyu zvikuru?

KUDAI waizobvunzwa kuti upenyu hwako hunokosha zvakadini, waizoti chii? Tinokoshesa upenyu zvikuru—hwedu nohwevamwe. Kuratidza izvozvo, tingaenda kuna chiremba kunorapwa patinenge tichirwara kana kuti kunoongororwa nguva nenguva. Tinoda kuramba tiri vapenyu uye takagwinya. Kunyange vakawanda vakwegura kana kuti vakaremara havadi kufa; vanoda kuramba vari vapenyu.

2, 3. (a) Zvirevo 23:22 inotaura nezvechii chatinofanira kuita? (b) Mwari anobatanidzwa papi pane zvatinofanira kuita zvinotaurwa pana Zvirevo 23:22?

2 Kukoshesa kwaunoita upenyu kune zvakunoita paukama hwako nevamwe. Somuenzaniso, Shoko raMwari rinorayira kuti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” (Zvirevo 23:22) Ku“teerera” kunoreva zvinopfuura kungonzwa mashoko; chirevo ichi chinoreva kunzwa kwava kuteerera. (Eksodho 15:26; Dheuteronomio 7:12; 13:18; 15:5; Joshua 22:2; Pisarema 81:13) Shoko raMwari rinopa chikonzero chipi chokuteerera? Hakusi kungoti baba naamai vako vakura kudarika iwe kana kuti vane ruzivo rwakakura. Chikonzero chinopiwa ndechokuti “vakakubereka.” Dzimwe shanduro dzinoshandura ndima iyi dzichiti: “Teerera baba vako vakakupa upenyu.” Zvinonzwisisika kuti kana uchikoshesa upenyu hwako, unonzwa uine zvaunofanira kuitira akakupa upenyu ihwohwo.

3 Chokwadi, kana uri muKristu wechokwadi, unoziva kuti Jehovha ndiye chaiyeiye Akakupa upenyu. Naye ‘une upenyu’; unogona ku“famba,” kuita sechisikwa chipenyu; uye zvino ‘uripo’ uye unogona kufunga kana kuti kuronga remangwana, kusanganisira upenyu husingaperi. (Mabasa 17:28; Pisarema 36:9; Muparidzi 3:11) Maererano naZvirevo 23:22, zvakanaka ku“teerera” Mwari nokutendeseka, uchida kunzwisisa uye kuita maererano nemaonero aanoita upenyu pane kusarudza kukoshesa upenyu neimwe nzira.

Remekedza Upenyu

4. Pakutanga-tanga munhau yevanhu, kuremekedza upenyu kwakava sei nhau inokosha?

4 Pakutanga-tanga munhau yevanhu, Jehovha akaratidza pachena kuti haana kubvumira vanhu kurarama (kana kuti kushandisa zvisiri izvo) upenyu nokuda kwechikonzero chipi zvacho. Akafufutirwa nehasha dzegodo, Kaini akagumisa upenyu husina mhosva hwomunun’una wake Abheri. Unofunga kuti Kaini aiva nekodzero here yokusarudza izvozvo pamusoro poupenyu? Mwari haana kufunga kudaro. Akadana Kaini kuti azvidavirire achiti: “Waiteiko? Inzwi reropa romunun’una wako rinodanidzira kwandiri panyika.” (Genesi 4:10) Ona kuti ropa raAbheri raiva panyika raimiririra upenyu hwake, hwakanga hwadimburirwa panzira noutsinye, uye raichema kuna Mwari kuti atsive.—VaHebheru 12:24.

5. (a) Mwari akarambidzei muzuva raNoa, uye zvaishanda kuna vanaani? (b) Kurambidza ikoko kwaiva danho rinokosha mupfungwai?

5 Mafashamo apera, vanhu vakatangazve patsva vachingova mweya misere. Pane zvakataurwa kuvanhu vose, Mwari akazivisa zvakawanda maererano nokukoshesa kwaanoita upenyu neropa. Akati vanhu vaigona kudya nyama yemhuka, asi akavarambidza izvi: “Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema. Asi nyama, kana iine upenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.” (Genesi 9:3, 4) Vamwe vaJudha vanotaura kuti izvozvo zvaireva kuti vanhu vakanga vasingafaniri kudya nyama kana ropa remhuka ichiri mhenyu. Asi nokufamba kwenguva zvakazova pachena kuti pano Mwari akanga achirambidza kudya ropa nokuda kwokutsigira upenyu. Uyezve, murayiro waMwari nokuna Noa waiva danho guru mukuita chinangwa Chake chinobatanidza ropa—chinangwa chaizoita kuti vanhu vawane upenyu husingaperi.

6. Nokuna Noa, Mwari akasimbisa sei maonero Ake kukosha kwoupenyu?

6 Mwari akaenderera mberi achiti: “Ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsvaka; ndicharitsvaka pazvipenyu zvose, ndichatsvaka upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu. Ani naani unoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari wakaita munhu nomufananidzo wake.” (Genesi 9:5, 6) Unogona kuona kubva pane izvi zvakataurirwa mhuri yose yomunhu kuti Mwari anoona ropa romunhu serinomiririra upenyu hwake. Musiki anopa munhu upenyu, uye hapana anofanira kugumisa upenyu ihwohwo, hunomiririrwa neropa. SaKaini, kana mumwe munhu akaponda, Musiki ane kodzero yo“kutsvaka” upenyu hwemhondi yacho.

7. Nei tichifanira kufarira zvakataurwa naMwari kuna Noa nezveropa?

7 Nokutaura kwake, Mwari akanga ari kurayira vanhu kuti vasashandisa ropa zvisina kunaka. Wakamboshamisika here kuti nei zvakadaro? Hungu, nei Mwari aiona ropa zvakadaro? Chaizvoizvo, mhinduro yacho ine chokuita neimwe yedzidziso dzinonyanyokosha dziri muBhaibheri. Ndiyo musimboti chaiwo weshoko rechiKristu, kunyange zvazvo machechi akawanda achisarudza kuifuratira. Ndeipi dzidziso iyoyo, uye upenyu hwako, zvaunosarudza, uye zvaunoita zvinobatanidzwa sei?

Ropa—Ringashandiswa Sei?

8. MuMutemo, Jehovha akarambidzei pakushandisa ropa?

8 Jehovha akapa mashoko okuwedzera pamusoro poupenyu neropa paakapa Israeri bumbiro roMutemo. Paaiita izvi, akatora rimwe danho rokuzozadzika kwechinangwa chake. Zvimwe unotoziva kuti Mutemo waida kupiwa kwezvibayiro kuna Mwari, zvakadai sezviyo, mafuta, newaini. (Revhitiko 2:1-4; 23:13; Numeri 15:1-5) Paivawo nezvibayiro zvemhuka. Mwari akati nezveizvi: “Upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paatari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo. Naizvozvo ndakati kuvana vaIsraeri: Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa.” Jehovha akawedzera kuti kana mumwe munhu, akadai somuvhimi kana kuti murimi, akauraya mhuka kuti adye, aifanira kubudisa ropa orifushira nevhu. Pasi chitsiko chetsoka dzaMwari, uye nokudira ropa pasi, munhu aibvuma kuti upenyu hwakanga huri kudzorerwa kuMupi woUpenyu.—Revhitiko 17:11-13; Isaya 66:1.

9. Ropa raingoshandiswei sezviri muMutemo, uye izvi zvaiitirwei?

9 Mutemo iwoyo waisangova tsikawo zvayo yechitendero isina zvainoreva kwatiri. Waona here kuti nei vaIsraeri vaisafanira kudya ropa? Mwari akati: “Naizvozvo ndakati kuvana vaIsraeri: Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa.” Chii chaiva chikonzero? “Ndakakupai [ropa] paatari, kuti riyananise mweya yenyu.” Unoona here kuti izvi zvinopa nzwisiso yokuti nei Mwari akaudza Noa kuti vanhu vaisafanira kudya ropa? Musiki akasarudza kuona ropa serinoreva chimwe chinhu chakakwirira, achingorisiyira kuti rive nokushanda kumwe chete kunokosha, kwaizogona kuponesa upenyu hwevazhinji. Raizoita basa rinokosha rokufukidza zvivi (kuyananisa). Saka, muMutemo, kushandisa ropa kwaibvumirwa bedzi naMwari kwaiva kwepaatari kwokuyananisa upenyu hwevaIsraeri vaitsvaka kukanganwirwa naJehovha.

10. Nei ropa remhuka raitadza kuita kuti zvivi zvikanganwirwe zvakakwana, asi zvibayiro zvairayirwa noMutemo zvaipa chiyeuchidzo chipi?

10 Pfungwa iyi haina kusiyana nechiKristu. Achitaura nezvoMutemo uyu wakaitwa naMwari, muapostora Pauro wechiKristu akanyora kuti: “Zvinenge zvinhu zvose zvinocheneswa neropa maererano noMutemo, uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunoitika.” (VaHebheru 9:22) Pauro akaratidza pachena kuti zvibayiro zvaidiwa hazvina kuita kuti vaIsraeri vave vanhu vakakwana, vasina zvivi. Akanyora kuti: “Nezvibayiro izvi pane kuyeuchidzwa kwezvivi gore negore, nokuti hazvibviri kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.” (VaHebheru 10:1-4) Kunyange zvakadaro, zvibayiro zvakadaro zvaikosha. Zvaiyeuchidza vaIsraeri kuti vaiita zvivi uye vaida chimwezve chinhu kuti vakanganwirwe zvakakwana. Asi kana ropa raimiririra upenyu hwemhuka raitadza kufukidza zvakakwana zvivi zvevanhu, paizova nerimwe ropa raigona kuzviita here?

Mhinduro yoMupi Woupenyu

11. Tinoziva sei kuti zvibayiro zveropa remhuka zvaitaura nezvechimwe chinhu?

11 Mutemo waitaura chaizvoizvo nezvechimwe chinhu chinoshanda zvikuru mukuitwa kwokuda kwaMwari. Pauro akabvunza kuti: “Zvino, nei Mutemo wakavapo?” Akapindura kuti: “Wakawedzerwa kuti kudarika kuoneke, kusvikira mbeu ichisvika iyo yakanga yaitirwa chipikirwa; uye wakapiwa nokungirozi noruoko rwomurevereri” Mosesi. (VaGaratiya 3:19) Uyezve, Pauro akanyora kuti: “Mutemo . . . une mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya, asi kwete zvinhu zvacho chaizvoizvo.”—VaHebheru 10:1.

12. Nezveropa, tingaona sei kuziviswa kwechinangwa chaMwari?

12 Mukupfupikisa, yeuka kuti muzuva raNoa Mwari akarayira kuti vanhu vaigona kudya nyama yemhuka kuti vatsigire upenyu, asi vaisagona kudya ropa. Nokufamba kwenguva, Mwari akati “upenyu hwenyama huri muropa.” Chokwadi, akasarudza kuona ropa serinomiririra upenyu ndokuti: “Ndakakupai [ropa] paatari, kuti riyananisire mweya yenyu.” Zvisinei, paizova nokumwe kuziviswa kunoshamisa kwechinangwa chaMwari. Mutemo waimiririra zvinhu zvakanaka zvaizouya. Zvipi?

13. Nei rufu rwaJesu rwaikosha?

13 Chinhu ichocho chine chokuita norufu rwaJesu Kristu. Unoziva kuti Jesu akatambudzwa ndokuzorovererwa. Akafa setsotsi. Pauro akanyora kuti: “Kristu, patakanga tichiri vasina simba, akafira vanhu vasingadi Mwari panguva yakatemwa. . . . Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira.” (VaRoma 5:6, 8) Nokutifira, Kristu akapa rudzikinuro rwokufukidza zvivi zvedu. Rudzikinuro irworwo ndiwo musimboti weshoko rechiKristu. (Mateu 20:28; Johani 3:16; 1 VaKorinde 15:3; 1 Timoti 2:6) Izvi zvinei chokuita neropa noupenyu, uye upenyu hwako hunobatanidzwa sei?

14, 15. (a) Kumwe kushandurwa kunoitwa VaEfeso 1:7 kunongosimbisa rufu rwaJesu chete sei? (b) Chii chiri pana VaEfeso 1:7 chingasiyiwa?

14 Mamwe machechi anosimbisa rufu rwaJesu, nhengo dzawo dzinotaura mashoko akadai sokuti “Jesu akandifira.” Ona kuti dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura sei VaEfeso 1:7, iyo inoti: “Maari uye nokufa kwake tinosunungurwa, kureva kuti, kubviswa kwezvitadzo zvedu.” (The American Bible, raFrank Scheil Ballentine, 1902) “Tinosunungurwa nokufa kwaKristu, uye zvivi zvedu zvinoregererwa.” (Today’s English Version, 1966) “Nomaari uye naye Kristu uye nechibayiro choupenyu hwake takasunungurwa, kusunungurwa kunoreva kuregererwa kwezvivi.” (The New Testament, raWilliam Barclay, 1969) “Zvivi zvedu zvinoregererwa uye tinosunungurwa norufu rwaKristu.” (The Translator’s New Testament, 1973) Unogona kuona kusimbiswa kworufu rwaJesu mushanduro idzi. ‘Asi,’ vamwe vangati, ‘rufu rwaJesu runokosha zvechokwadi. Saka, chii chiri kushayikwa mushanduro idzi?’

15 Chaizvoizvo, kudai waingova neshanduro idzodzi chete, waigona kutadza kuona pfungwa inokosha zvikuru, uye izvi zvaigona kukutadzisa kunzwisisa zvakakwana mashoko eBhaibheri. Shanduro dzakadaro dzinodzikatidza chokwadi chokuti rugwaro rwokutanga-tanga rwaVaEfeso 1:7 rune shoko rechiGiriki rinoreva “ropa.” Saka, maBhaibheri mazhinji, akadai seShanduro yeNyika Itsva, anoshandura zvakarurama mashoko acho chaiwoiwo epakutanga okuti: “Naye tinosunungurwa norudzikinuro neropa raiye, hungu, kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano nepfuma yomutsa wake usina kufanirwa.”

16. Kushandurwa kwokuti “ropa raiye” kunofanira kutipa pfungwa ipi?

16 Kushandurwa kwokuti “ropa raiye” kune zvakunoreva zvikuru uye kunofanira kuita kuti tifunge zvakawanda. Zvakawanda zvaidiwa zvinopfuura rufu, kunyange rufu rwomunhu akakwana Jesu. Akazadzika chaimiririrwa noMutemo, kunyanya paZuva Rokuyananisira. Pazuva iroro rinokosha, mhuka dzakagara dzataurwa dzaibayirwa. Zvadaro mupristi mukuru aienda nerimwe reropa radzo mukamuri reNzvimbo Tsvene tsvene yetebhenekeri kana kuti temberi, oripa kuna Mwari, sokunge kuti ari pamberi pake.—Eksodho 25:22; Revhitiko 16:2-19.

17. Jesu akazadzika sei zvaimiririrwa neZuva Rokuyananisira?

17 Jesu akazadzika zvakanga zvichimiririrwa neZuva Rokuyananisira, sezvakatsanangurwa naPauro. Kutanga, akataura kuti mupristi mukuru muIsraeri aipinda Munzvimbo Tsvene tsvene kamwe chete pagore neropa raainopa “nokuda kwake uye nokuda kwezvivi zvevanhu zvokusaziva.” (VaHebheru 9:6, 7) Maererano nezvaiitika izvozvo, amutswa sechisikwa chomudzimu, Jesu akaenda kudenga chaiko. Sechisikwa chomudzimu, asina muviri wenyama neropa, aigona kuenda pamberi “paiye Mwari nokuda kwedu.” Akapa Mwari chii? Kwete chimwe chinhu chinobatika asi chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Pauro akaenderera mberi achiti: “Pakauya Kristu somupristi mukuru . . . , akapinda, aiwa, kwete neropa rembudzi nerenzombe duku, asi neropa rake pachake, kamwe chete zvechigarire munzvimbo tsvene akatiwanira kununurwa kusingaperi. Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe . . . zvichitsvenesa kusvikira nyama yachena, ropa raKristu, uyo akazvipa nomudzimu usingaperi asina gwapa kuna Mwari, richachenesa zvikuru sei hana dzedu pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene?” Chokwadi, Jesu akapa Mwari kukosha kweropa roupenyu hwake.—VaHebheru 9:11-14, 24, 28; 10:11-14; 1 Petro 3:18.

18. Nei zvinotaura Bhaibheri pamusoro peropa zvichifanira kukosha kuvaKristu nhasi?

18 Chokwadi ichi chaMwari chinotibvumira kunzwisisa zvinhu zvose zvinoshamisa zvezvinotaurwa neBhaibheri pamusoro peropa—nei Mwari achiriona sezvaanoita, kuti isu tinofanira kuriona sei, uye nei tichifanira kuremekedza zvinorambidzwa naMwari pamusoro pokushandiswa kweropa. Pakuverenga mabhuku eMagwaro echiKristu echiGiriki, uchawana ndima dzakawanda dzinotaura nezveropa raKristu. (Ona bhokisi.) Dzinojekesa kuti muKristu woga woga anofanira kutenda “muropa rake” iye Jesu. (VaRoma 3:25) Kukanganwirwa kwedu uye kuva kwedu norugare naMwari kunongobvira bedzi “neropa raakadeura” iye Jesu. (VaKorose 1:20) Chaizvoizvo izvi ndezvechokwadi nezvevaya vakaita sungano inokosha naJesu yokutonga naye kudenga. (Ruka 22:20, 28-30; 1 VaKorinde 11:25; VaHebheru 13:20) Izvozvowo ndezvechokwadi nezve“boka guru revanhu” nhasi, avo vachapona pa“kutambudzika kukuru” kuri kuuya vowana upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Nenzira yokufananidzira, ‘vanogeza nguo dzavo refu muropa reGwayana.’—Zvakazarurwa 7:9, 14.

19, 20. (a) Nei Mwari akasarudza kurambidza kushandiswa kweropa, uye tinofanira kunzwa sei nezvazvo? (b) Tinofanira kufarira kuziva chii?

19 Zviri pachena kuti ropa rine zvarinoreva zvinokosha mukuona kwaMwari. Rinofanira kukoshawo kwatiri. Musiki, uyo ane hanya noupenyu, ane kodzero yokurambidza vanhu zvavanoita neropa. Mukuva nehanya zvikuru kwake kunyange noupenyu hwedu, akasarudza kuti ropa ringoshanda munzira imwe inokosha zvikuru, nzira bedzi inoita kuti pave noupenyu husingaperi. Nzira iyoyo inobatanidza ropa raJesu rinokosha. Tinogona kuonga chaizvo kuti Jehovha Mwari akatiitira zvakanaka achishandisa ropa—ropa raJesu—muiyi nzira yokuponesa upenyu! Uye tinofanira kuonga Jesu chaizvo nokutideurira ropa rake sechibayiro! Chokwadi, tinogona kunzwisisa manzwiro omuapostora Johani paakati: “Kuna iye anotida nowakatisunungura pazvivi zvedu neropa rake—uye akatiita kuti tive umambo, vapristi kuna Mwari wake uye Baba vake—hungu, mbiri nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.”—Zvakazarurwa 1:5, 6.

20 Mwari wedu wokuchenjera kwose uye Mupi Woupenyu, kwenguva refu akanga achifunga nezvokushanda uku kunoponesa upenyu. Saka, tingabvunza kuti, ‘Izvi zvinei chokuita nezvatinosarudza uye zvatinoita?’ Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

Ungapindura Sei?

• Chii chatingadzidza nezvemaonero anoita Mwari ropa kubva munhoroondo yaAbheri naNoa?

• MuMutemo, Mwari akarambidzei pakushandisa ropa, uye nei?

• Jesu akazadzika sei zvaimiririrwa neZuva Rokuyananisira?

• Ropa raJesu ringaponesa sei upenyu hwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 18]

IROPA RIPI RINOPONESA UPENYU?

“Zvichenjererei imi neboka rose, iro mudzimu mutsvene wakakugadzai kuva vatariri pariri, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.”—Mabasa 20:28.

“Naizvozvo, sezvo zvino takanzi takarurama nemhaka yeropa rake, tichaponeswa nemaari zvikuru kwazvo pahasha.”—VaRoma 5:9.

“Makanga musina tariro uye makanga musina Mwari munyika. Asi zvino muri pamwe naKristu Jesu imi maimbova kure zvikuru makasvika pakuva pedyo nemhaka yeropa raKristu.”—VaEfeso 2:12, 13.

“Mwari akaona zvakanaka kuti kuzara kwose kugare maari, uye naye ayananisezve kwaari zvimwe zvinhu zvose nokuita rugare neropa raakadeura padanda rokutambudzikira.”—VaKorose 1:19, 20.

“Naizvozvo, hama, . . . tine kusatya kwokupinda munzvimbo tsvene neropa raJesu.”—VaHebheru 10:19.

“Hamuna kununurwa nezvinhu zvinoora . . . pamufambiro wenyu usina zvibereko wamakagamuchira netsika yakabva kumadzitateguru enyu. Asi neropa rinokosha, rakafanana neregwayana risina gwapa uye risina ruvara, iro raKristu.”—1 Petro 1:18, 19.

“Kana tiri kufamba muchiedza sezvo iye ari muchiedza, tinogoverana, uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pachivi chose.”—1 Johani 1:7.

“Makafanirwa kutora mupumburu ndokuzarura zvisimbiso zvawo, nokuti makaurawa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva mudzinza rose nendimi nevanhu norudzi.”—Zvakazarurwa 5:9.

“Mupomeri wehama dzedu akandirwa pasi . . . Uye vakamukunda nemhaka yeropa reGwayana uye nemhaka yeshoko rokupupura kwavo.”—Zvakazarurwa 12:10, 11.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Achishandisa Mutemo, Mwari akajekesa kuti ropa rinogona kushanda pakukanganwirwa kwezvivi

[Mufananidzo uri papeji 17]

Neropa raJesu, upenyu hwevakawanda hwaigona kuponeswa