Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Minyengetero Yako Pane Zvaingachinja Here?

Minyengetero Yako Pane Zvaingachinja Here?

Minyengetero Yako Pane Zvaingachinja Here?

NDIANI wedu asina kumbotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma aakanga asingakwanisi kudzora? Bhaibheri rinoratidza kuti muapostora Pauro aiziva kuti munyengetero unogona kuchinja mamiriro ezvinhu iwayo akaoma.

Pauro paakaiswa mujeri zvisina kukodzera muRoma, akakumbira vaainamata navo kuti vamunyengeterere, achiwedzera kuti: “Ndinokurayirai zvikurukuru kuita izvi, kuti ndidzorerwe kwamuri nokukurumidza.” (VaHebheru 13:18, 19) Pane imwe nguva, Pauro akaratidza chivimbo chokuti Mwari aizopindura minyengetero yake kuti akurumidze kusunungurwa. (Firimoni 22) Pauro akakurumidza kusunungurwa achibva atangazve basa rake roumishinari.

Asi munyengetero pane zvaunganyatsochinja here pazvinetso zvako? Zvichida. Zvisinei, yeuka kuti munyengetero hausi tsikawo zvayo yechitendero. Kukurukurirana chaiko naBaba vedu vari kudenga vane rudo uye vane simba. Tinofanira kunzwa takasununguka kutaura zvatinonyatsoda muminyengetero yedu asi tobva tamirira nokushivirira kuti tione kuti Jehovha anopindura sei.

Mwari angasapindura zvakananga minyengetero yose, kana kupindura nguva dzose munzira yatinoda kana kuti panguva yatinotarisira. Somuenzaniso, Pauro akaramba achinyengetera nezvo“munzwa munyama” yake. Mwari haana kubvisa chinetso chaPauro, pasinei nokuti chaiva chii, asi akanyaradza Pauro nemashoko anosimbisa okuti: “Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.”—2 VaKorinde 12:7-9.

Isuwo tinogona kuva nechivimbo chokuti kunyange kana Mwari asingabvisi chimwe chinetso, anogona ku“itawo nzira yokubuda nayo kuti [ti]kwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:13) Nokukurumidza, Mwari achabvisa kutambura kwevanhu kwose. Panguva ino, kunyengetera ku‘Munzwi womunyengetero’ kune zvakungachinja.—Pisarema 65:2.