Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhaka Inokosha Iripo Kupfuura Dzose

Nhaka Inokosha Iripo Kupfuura Dzose

Nhaka Inokosha Iripo Kupfuura Dzose

AVA pedyo nomugumo woupenyu hwake, muapostora Johani akanga akwegura akanyora kuti: “Handina chikonzero chikuru zvikuru chokuonga kupfuura zvinhu izvi, kuti ndive ndichinzwa kuti vana vangu vanopfuurira kufamba muchokwadi.”—3 Johani 4.

Muapostora uyu akatendeka akanga achitaura nezvevaiva vana vake mupfungwa yezvokunamata. Zvisinei, vabereki vakawanda vangadzokorora mashoko omuapostora wacho. Vakashanda nesimba kurera vana vavo “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha,” uye iye zvino vanofara kuona vana vavo vakura vachi“famba muchokwadi.” (VaEfeso 6:4) Kutaura zvazviri, kudzidzisa vana vako nzira inoenda kuupenyu husingaperi kuvapa nhaka inokosha iripo kupfuura dzimwe dzose. Nokuti kuzvipira kuna Mwari uko kunosanganisira kurarama sezvinodiwa naJehovha kuti vaKristu vaite, “kunobetsera muzvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.”—1 Timoti 4:8.

Jehovha, Baba vakakwana, anokoshesa zvikuru vabereki vanotya Mwari avo vanoedza chaizvo kudzidzisa vana vavo Bhaibheri. Kana vana vacho vakateerera, vanofara zvikuru mukunamata kwechokwadi pamwe chete nevabereki vavo. Vana vakadaro pavanokura, vanoramba vachiyeuka zvinhu zvakanaka izvozvo zvakaitika. Vamwe vanoyeuka nomufaro nguva yokutanga yavakapa hurukuro muChikoro chaMwari Choushumiri. * Kana kuti zvichida vanofunga nezvenguva yavakatanga kugona kuverenga rugwaro rweBhaibheri muushumiri hwepaimba neimba vaine mumwe wevabereki vavo. Vangakanganwa sei vachinzwa vabereki vavo vachiverenga mubhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana kuti KuTerera kunoMudzidzisi muKuru? * Gabriel anoyeuka chimwe chinhu chaaida zvikuru, anoti: “Pandaiva nemakore mana bedzi, zuva nezuva amai vangu vaindiimbira pavainge vachibika. Ndichiri kuyeuka nomufaro mukuru imwe nziyo yoUmambo. Gare gare, yakandibatsira kuona kukosha kwebasa raJehovha.” Zvimwe iwewo unoyeuka rwiyo runonakidza urwo Gabriel anotaura nezvarwo. Inhamba 157 mubhuku renziyo rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo, uye rune musoro unoti “Namata Jehovha Mukati Moupwere.”

Rwiyo rwacho runotanga nokuti: “Pwere dzakamborumbidza Mwari;/Namanzwi dzakarumbidza Jesu.” Chokwadi, paiva nevana vaiva neropafadzo yokushamwaridzana naJesu, uye vangangodaro vakamufadza nounhu hwavo hunozorodza, hwokutendeseka. Jesu akatoshandisa kudzidzisika kwevana somuenzaniso wokuti vadzidzi vake vatevedzere. (Mateu 18:3, 4) Saka vana vane nzvimbo yakakodzera mukunamatwa kwaJehovha. Chokwadi, mashoko orwiyo rwacho anoenderera mberi achiti: “Hungu, vana vangakudza Mwari.”

Nomufambiro wavo wakanaka—pamba, kuchikoro, uye kune dzimwe nzvimbo—vana vakawanda vakaunza rukudzo kuna Mwari nokumhuri dzavo. Chave chiri chikomborero chikuru kwavari kuti vave ne“Vabereki vanoda zvokwadi.” (Dheuteronomio 6:7) Vabereki vanotya Mwari vanoita zvinodiwa naMwari, uyo saBaba vane rudo, anodzidzisa zvisikwa zvake kufamba munzira yazvinofanira kufamba nayo. Uye vanokomborerwa! Sezvavanozodzidzisawo vana vavo vaduku vari mumhuri dzavo, vanofara chaizvo kuva nevana vano‘vateerera.’! (Isaya 48:17, 18) Angélica, panguva ino anoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muMexico, anoti: “Nguva dzose vabereki vangu vaiedza kurarama maererano nemirayiro yeBhaibheri. Izvozvo zvakaita kuti upwere hwangu hunakidze chaizvo. Ndaifara.”

VaKristu ivavo vanobvuma kuti zvinokosha kutarisira zvakanaka nhaka yako yezvokunamata. Zvimwe uri pwere iri kurerwa mumhuri ine tsika dzechiKristu chaidzo. Kana zvakadaro, rwiyo irworwo runokukurudzira kuti: “MaKristu, pwere zvichenesei.” Nguva ichasvika yokuti uzvisarudzire, saka iye zvino “dzidzai kutsamira pana Ja./Musashandira mukurumbira.”

Kana ukakanganisa woisa mukurumbira panzvimbo yokutanga muupenyu hwako, kudzidziswa kwose kwawakaitwa kungava pasina uye unogona kukanganisa zvaunotarisira mune remangwana. Kuda mukurumbira kungakutadzisa kuva akarinda. Vamwe vakaguma vava kushamwaridzana nevaya vasingafariri tsika dzechiKristu, kunyange zvazvo vairatidzika sevanhu vakanaka, vanotokwezva. Izvozvo zvakaratidzwa naTara, mutambi mukuru wepavhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Kufanana naTara, muKristu wose wechiduku anoshamwaridzana nevaya vasingakoshesi kunamata kwechokwadi anozoona kuti pakupedzisira, sezvinotaura rwiyo rwacho, anga“shatiswa nesonganiro.” Zvinoda makore okushingaira kuti munhu ave netsika dzakanaka, asi dzinogona kukanganiswa nenguva duku duku.

Zviri pachena kuti kurarama muchitya Mwari hakusi nyore. Asi rwiyo rwacho sezvarunoenderera mberi, runoti: “pwere rambaiwo makachena,/Mubatire Mwari muzvokwadi,” muchaita hwaro hwakasimba hwokubudirira kwakanaka. Uye “pamunokura muchafarisa.” Muchasvika pakuziva zvakanyanya kuti kunyange muchitarisirwa naJehovha norudo, hapana chingakutadzisai kuita zvakanaka mukuona kwake. Ndiyo nzira yokuva munhu mukuru ane zivo yakakura pakunamata, anotya Mwari. Uyezve, kushandisa nokuchenjera kurerwa kwechiKristu kunokupa mukana wo“kufadza mwoyo waJehovha.” Iropafadzo yakakura zvakadini iyo munhu anogona kuva nayo?—Zvirevo 27:11.

Saka, pwere, rambai muchikoshesa kudzidzisa kunobva kuna Jehovha nokuvabereki venyu vechiKristu. Rudo rwavo rukuru ngarukuitei kuti muite zvinofadza mukuona kwaJehovha. SaJesu Kristu nowechiduku akatendeka Timoti, muchafadza Baba venyu vari kudenga nevabereki venyu vari pasi pano. Uye iwe pachako kana uchizova mubereki, zvimwe uchabvumirana naAngélica, ambotaurwa, uyo anoti: “Kana ndikazombova nomwana, ndichaedza zvakasimba kumuita kuti ade Jehovha kubvira paucheche, kuita kuti uve mwenje unomuvhenekera.” Zvechokwadi, nzira yakarurama inotungamirira kuupenyu husingaperi ndiyo nhaka inokosha iripo kupfuura dzose!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Vaduku nevakuru vakasununguka kuva papurogiramu iyi yokudzidza Bhaibheri inoitwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 4 Mabhuku ataurwa akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.