Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tungamirirwa naMwari Mupenyu

Tungamirirwa naMwari Mupenyu

Tungamirirwa naMwari Mupenyu

“Mutendeukire kuna Mwari mupenyu, akaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.”—MABASA 14:15.

1, 2. Nei zvakakodzera kuziva Jehovha sa“Mwari mupenyu”?

MUAPOSTORA Pauro naBhanabhasi vaporesa mumwe murume muRistra, Pauro akavimbisa vaiona kuti: “Nesuwo tiri vanhu vasina simba sezvamakangoitawo, uye tiri kukuzivisai mashoko akanaka, kuti imi mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, akaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.”—Mabasa 14:15.

2 Ichokwadi kuti Jehovha haasi chidhori chisina upenyu, asi ndi“Mwari mupenyu”! (Jeremia 10:10; 1 VaTesaronika 1:9, 10) Pane kungova mupenyu, Jehovha ndiye Akatipa upenyu. “Iye anopa vanhu vose upenyu nokufema nezvinhu zvose.” (Mabasa 17:25) Anofara kutiona tichinakidzwa noupenyu, iye zvino uye munguva yemberi. Pauro akawedzera kuti Mwari haana “kuzvisiya asina uchapupu pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu zvikuru kusvika pakuzara nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.

3. Nei tingavimba nokutungamirira kwaMwari?

3 Kufarira kunoita Mwari upenyu hwedu kunotipa chikonzero chokuvimba nokutungamirira kwake. (Pisarema 147:8; Mateu 5:45) Vamwe vangasavimba nokutungamirira kwake kana vakawana murayiro weBhaibheri wavasinganzwisisi kana kuti unoratidzika sounodzvinyirira. Zvisinei, kuvimba nokutungamirira kwaJehovha kwakaratidza kuti kuchenjera. Kuenzanisira: Kunyange kana muIsraeri akanga asinganzwisisi mutemo wokusabata chitunha, aibatsirwa nokuuteerera. Kutanga, kuteerera kwake kwaimuswededza pedyo naMwari mupenyu; chechipiri, zvaimubatsira kusabatwa nezvirwere.—Revhitiko 5:2; 11:24.

4, 5. (a) Nguva yechiKristu isati yasvika, Jehovha akapa murayiro upi pamusoro peropa? (b) Tinoziva sei kuti murayiro waMwari pamusoro peropa une chokuita nevaKristu?

4 Zvakafanana nomurayiro waMwari pamusoro peropa. Akaudza Noa kuti vanhu vasadya ropa. Zvadaro muMutemo, Mwari akazivisa kuti kushandiswa kweropa kwaitenderwa bedzi kwaiva kwepaatari—kuti vakanganwirwe zvivi. Nemirayiro iyoyo, Mwari akanga achitanga hwaro hwokushandiswa kweropa kwakakwirira—kuponeswa kwoupenyu norudzikinuro rwaJesu. (VaHebheru 9:14) Chokwadi, Mwari akapa mirayiro iyi achiitira kuti zvitifambire zvakanaka. Achitaura nezvaGenesi 9:4, nyanzvi yeBhaibheri yomuzana remakore rechi19, Adam Clarke, akanyora kuti: “Murayiro uyu [wakapiwa Noa] uchiri kunyatsoteererwa nevaKristu vokumabvazuva . . . Mutemo wairambidza kudyiwa kweropa, nokuti wakataura nezveropa raizodeurirwa chivi chenyika; uye muurongwa hwechiKristu, harifaniri kudyiwa, nokuti nguva dzose rinofanira kuonekwa serinomiririra ropa rakadeurwa nokuda kwokuregererwa kwezvivi.”

5 Nyanzvi iyi ingave yaitaura nezveevhangeri yokutanga, kana kuti mashoko akanaka pamusoro paJesu. Izvozvo zvinosanganisira kutumira kwaMwari Mwanakomana wake kuti atifire, kudurura ropa rake kuti tiwane upenyu husingaperi. (Mateu 20:28; Johani 3:16; VaRoma 5:8, 9) Mashoko iwayo aibatanidzawo murayiro wakazopiwa wokuti vateveri vaKristu varege ropa.

6. Mirayiro ipi pamusoro peropa yakapiwa vaKristu, uye nei?

6 Unotoziva kuti Mwari akapa vaIsraeri mazana emirayiro. Jesu afa, vadzidzi vake vakanga vasingamanikidzwi kuchengeta mitemo iyoyo yose. (VaRoma 7:4, 6; VaKorose 2:13, 14, 17; VaHebheru 8:6, 13) Zvisinei, nokufamba kwenguva mubvunzo wakamuka pamusoro penyaya inokosha—kudzingiswa kwevanhurume. Vakanga vasiri vaJudha asi vachida kubatsirwa neropa raKristu vaifanira kudzingiswawo here, kuratidza kuti vakanga vachiri pasi poMutemo? Muna 49 C.E., Dare Rinodzora rechiKristu rakakurukura nhau yacho. (Mabasa, chitsauko 15) Vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vaapostora nevarume vakuru vakagumisa kuti kudzingiswa kwairayirwa kwakaguma noMutemo. Kunyange zvakadaro, zvimwe zvezvaidiwa naMwari zvakaramba zvichishanda kuvaKristu. Mutsamba yakanyorerwa ungano, dare rinodzora rakati: “Mudzimu mutsvene nesu tasarudza kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kweizvi zvinhu zvakafanira, kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, zvinhu zvakadzipwa uye ufeve. Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi, muchabudirira.”—Mabasa 15:28, 29.

7. Zvinokosha sei kuti vaKristu ‘varege ropa’?

7 Zviri pachena kuti dare rinodzora raiona ‘kurega ropa’ sokwaikosha kungofanana nokurega tsika younzenza kana kunamata zvidhori. Izvi zvinoratidza kuti kurambidzwa kweropa kunokosha. VaKristu vanoramba vachinamata zvidhori kana kuita unzenza vasingapfidzi “havazogari nhaka yeumambo hwaMwari”; “mugove wavo uchava . . . rufu rwechipiri.” (1 VaKorinde 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8; 22:15) Cherechedza kusiyana kwazvakaita: Kusateerera murayiro waMwari pamusoro poutsvene hweropa rinopa upenyu kungaguma nokufa zvachose. Kuremekedza chibayiro chaJesu kunogona kutungamirira kuupenyu husingaperi.

8. Chii chinoratidza kuti vaKristu vekare vaikoshesa zvikuru murayiro waMwari pamusoro peropa?

8 VaKristu vekare vakanzwisisa sei uye vakaitei nezvomurayiro waMwari pamusoro peropa? Yeuka mashoko aClarke anoti: “Muurongwa hwechiKristu, harifaniri kudyiwa, nokuti nguva dzose rinofanira kuonekwa serinomiririra ropa rakadeurwa nokuda kwokuregererwa kwezvivi.” Nhau dzakaitika dzinosimbisa kuti vaKristu vekare vaikoshesa zvikuru nhau iyi. Tertullian akanyora kuti: “Chimbofunga nezvevaya vaiva nenyota yokukara, pashoo yaiitwa munhandare, vaichingidzira ropa rematsotsi akaipa . . . voenda naro kuti vanorapa tsviyo dzavo.” Kusiyana nevahedheni vaidya ropa, Tertullian akati nezvevaKristu, “ropa remhuka haritombowanikwi pazvokudya [zvavo] . . . Pamunoedza vaKristu munovapa masoseji akazara neropa. Chokwadi, munotoziva kuti mutemo wavo hautenderi.” Chokwadi, pasinei nokutyisidzirwa norufu, vaKristu vaisadya ropa. Murayiro waMwari waikosha kwazvo kwavari.

9. Kurega ropa kwaisanganisira chii kunze kwokusaridya zvakananga?

9 Vamwe vangafungidzira kuti dare rinodzora raingotaura nezvokuti vaKristu vaisafanira kudya kana kunwa ropa zvakananga kana kuti kudya nyama isina kubudiswa ropa kana zvokudya zvakasanganiswa neropa. Ichokwadi kuti ichi ndicho chinhu chokutanga chairehwa nomurayiro waMwari kuna Noa. Uye murayiro wevaapostora wakarayira vaKristu ‘kurega zvinhu zvakadzipwa,’ nyama yasaririra ropa. (Genesi 9:3, 4; Mabasa 21:25) Zvisinei, vaKristu vekare vaiziva kuti pane zvakawanda zvaibatanidzwa. Dzimwe nguva ropa raidyiwa nokuda kwokurapa. Tertullian akati vamwe vahedheni vaidya ropa vachiedza kurapa tsviyo. Uye ropa ringave raishandiswawo zvimwe zvinhu sokurapa hosha kana kuti kwainzi kuvandudza utano. Saka, kurega ropa kwevaKristu kwaisanganisira kusarishandisa nezvikonzero ‘zvokurapa.’ Vairamba vachidaro kunyange kana zvaiisa upenyu hwavo pangozi.

Ropa Somushonga

10. Ndedzipi dzimwe nzira dziri kushandiswa nadzo ropa mukurapa, zvichimutsa mubvunzo upi?

10 Kushandisa ropa pakurapa zvino kwapararira. Kuwedzera ropa kwaiitwa kare kwaiva kweropa rose—raitorwa pamunhu anenge asarudza kuripa, rochengetwa, rozopiwa murwere, zvimwe munhu ainge akuvara kuhondo. Nokufamba kwenguva, vanotsvakurudza vakadzidza kupatsanura ropa vachiriisa muzvinhu zvikuru zvinoriumba. Vanachiremba vaigona kuita kuti ropa ravanowana rishande kuvarwere vakawanda nokuvawedzera zvinhu zvinoriumba chete, zvimwe plasma kumunhu akuvara uye masero matsvuku kune mumwewo. Kutsvakurudza kwakaramba kuchiitwa kwakaratidza kuti chimwe chezvinhu zvinoriumba, chakadai seplasma yeropa, chinogona kupatsanurwa kuti pave nezvikamu zviduku zvakasiyana-siyana, zvinogona kupiwa kunyange kuvarwere vakawanda. Matanho okuita izvi achiri kuenderera mberi, uye kumwe kushandiswa kwezvikamu zvapatsanurwa kuri kutaurwa nezvako. MuKristu anofanira kuzviona sei? Akatsunga kusambobvuma kuwedzerwa ropa, asi chiremba wake anomukurudzira kubvuma chikamu chikuru chimwe, zvichida masero matsvuku eropa rakachengetwa. Kana kuti mushonga wacho ungasanganisira chikamu chapatsanurwa chimwe chete chakabviswa muzvinhu zvikuru zvinoriumba. Mushumiri waMwari angasarudza sei panyaya dzakadaro, achifunga nezvokuti ropa idzvene uye kuti ropa raKristu ndiro rinoponesa upenyu zvikuru?

11. Mune zvokurapa, ndeapi ave ari maonero akarurama eZvapupu pamusoro peropa kwenguva refu?

11 Makumi emakore akapfuura Zvapupu zvaJehovha zvakaita kuti zvazvinodavira zvizivikanwe. Somuenzaniso, zvakanyora nyaya yakazobudiswa muThe Journal of the American Medical Association (November 27, 1981; ikazobudiswazve mubhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, mapeji 27-9). * Nyaya yacho yakatora mashoko kubva mubhuku raGenesi, Revhitiko, naMabasa. Yakati: “Nepo idzi ndima dzisingataurwi mumashoko ezvokurapa, Zvapupu zvinodzirangarira sedzinorambidza kuisirwa ropa rose, maRBC [masero matsvuku eropa] akaunganidzwa, uye plasma, pamwe chete nokushandiswa kwemaWBC [masero machena eropa] uye maplatelet.” Bhuku rinonzi Emergency Care ra2001, pasi pomusoro unoti “Zvinoumba Ropa,” rakati: “Ropa rinoumbwa nezvikamu zvakawanda zvinoti: plasma, masero eropa matsvuku nemachena, uyewo maplatelet.” Saka, maererano nenhau dzezvokurapa, Zvapupu zvinoramba kuwedzerwa ropa rose kana kuti zvinhu zvipi nezvipi zvikuru zvinoriumba.

12. (a) Ndezvipi zvakatsanangurwa maererano nezvikamu zviduku zvakapatsanurwa zvichibviswa muzvinhu zvikuru zvinoumba ropa? (b) Mamwe mashoko pamusoro penyaya iyi angawanikwa kupi?

12 Nyaya yacho yezvokurapa inoenderera mberi ichiti: “Nzwisiso yorudzidziso yeZvapupu hairambidzi chose chose kushandiswa kwezvinhu [zvikamu zvapatsanurwa] zvakadai sealbumin, maglobulin anodzivirira kutapurwa nehosha, nemirimo yehemophilia; Chapupu chimwe nechimwe chinofanira kusarudza somunhu oga kana icho chichigona kugamuchira izvozvi.” Kubva muna 1981, zvikamu zvakapatsanurwa zvakawanda (zvikamu zviduku zvakaparadzaniswa zvichibviswa muchimwe nechimwe chezvikamu zvina zvikuru zvinoriumba) zvakanzi zvinogona kushandiswa pakurapa. Maererano neizvi, Nharireyomurindi yaJune 15, 2000, yakapa mashoko anobatsira pamusoro uri munyaya inoti: “Mibvunzo Inobva Kuvaravi.” Kuti mamiriyoni evaverengi vemazuva ano abatsirwe, mhinduro yacho iri kudzokororwa pamapeji 29-31 emagazini ino. Inopa mashoko akadzama neanonzwisisika, asi uchaona kuti zvainotaura zvinowirirana nepfungwa dzinokosha dzakabudiswa muna 1981.

Basa Rehana Yako

13, 14. (a) Hana chii, uye inopinda papi panhau yeropa? (b) Mwari akapa vaIsraeri murayiro upi pamusoro pokudya nyama, asi mibvunzo ipi ingangodaro yakamuka?

13 Mashoko aya anoda kuti munhu ashandise hana yake. Nei? VaKristu vanobvuma nezvokudiwa kwokutevera murayiro waMwari, asi mune mamwe mamiriro ezvinhu munhu anofanira kuzvisarudzira achitungamirirwa nehana. Hana mano atakaberekwa tiinawo okukoshesa nookusarudza zvinhu, kazhinji panhau dzine chokuita netsika. (VaRoma 2:14, 15) Zvisinei, unoziva kuti hana dzakasiyana. * Bhaibheri rinotaura kuti vamwe vane ‘hana dzisina simba,’ kureva kuti dzevamwe dzakasimba. (1 VaKorinde 8:12) VaKristu vakasiyana pakufambira mberi kwavakaita mukudzidza zvinodiwa naMwari, pakuziva kufunga kwake, uye pakushandisa izvozvo pavanenge vachisarudza. Tinogona kuenzanisira izvi nevaJudha uye nezvenyaya yokudya nyama.

14 Bhaibheri rakajeka pakuti munhu anoteerera Mwari haafaniri kudya nyama isina kubudiswa ropa. Izvozvo zvaikosha kwazvo zvokuti kunyange apo masoja echiIsraeri akanga afa nenzara ndokutanga kudya nyama isina kubudiswa ropa, akava nemhosva huru, kana kuti chivi. (Dheuteronomio 12:15, 16; 1 Samueri 14:31-35) Kunyange zvakadaro, mibvunzo ingangove yakamuka. MuIsraeri paaiuraya gwai, aifanira kukurumidza zvakadini kubudisa ropa raro? Aifanira kucheka pahuro pemhuka yacho here kuti abudise ropa? Aifanira kurirembedza here akasunga makumbo aro okumashure? Kwenguva yakareba sei? Aizoita sei nemombe huru? Kunyange pashure pokubudisa ropa, rimwe raisara munyama. Aigona kudya nyama yakadaro here? Ndiani aizosarudza?

15. Vamwe vaJudha vakaita sei maererano nokudyiwa kwenyama, asi Mwari akarayirei?

15 Fungidzira muJudha anoshingaira achitarisana nemibvunzo yakadai. Aigona kunge akafunga kuti zvakanaka kurega kudya nyama inotengeswa pamusika, sezvaizongoitawo mumwe aizorega kudya nyama kana aifungidzira kuti yakambopirwa kuzvidhori. Vamwe vaJudha vangadaro vaizodya nyama pashure bedzi pokunge vatevera tsika dzokubvisa ropa. * (Mateu 23:23, 24) Unofungei nezvemanzwiro akadaro akasiyana-siyana? Uyezve, sezvo Mwari akanga asingadi zviito zvakadaro, zvaizova zvakakodzera here kuti vaJudha vatumire mibvunzo yakawanda kudare revadzidzisi vavo kuti vazive zvokuita pamubvunzo mumwe nomumwe? Kunyange zvazvo tsika iyoyo yakatanga muchiJudha, tinogona kufara kuti Jehovha haana kurayira vanamati vechokwadi kuti vasarudze nezveropa vachiita izvozvo. Mwari akapa murayiro unokosha pamusoro pokuurayiwa kwemhuka dzakachena uye kubudisa ropa radzo, asi haana kutaura zvinopfuura izvozvo.—Johani 8:32.

16. Nei vaKristu vangava nemaonero akasiyana pamusoro pokubvuma jekiseni rechikamu chiduku chakapatsanurwa chinobva muchinhu chikuru chinoumba ropa?

16 Sezvataurwa mundima 11 ne12, Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi kuwedzerwa ropa rose kana kuti zvikamu zvaro zvina zvikuru zvinoriumba—plasma, masero matsvuku, masero machena, uye maplatelet. Zvakadini nezvikamu zviduku zvakapatsanurwa kubva pachinhu chikuru chinoriumba, zvakadai semaserum ane masoja omuviri anorwisa zvirwere kana kuti anorwisa uturu hwenyoka? (Ona peji 30 ndima 4.) Vamwe vakagumisa kuti zvikamu zviduku zvakadaro zvakapatsanurwa hazvisisiri ropa, saka hazvibatanidzwi mumurayiro wo‘kurega ropa.’ (Mabasa 15:29; 21:25; peji 31, ndima 1) Izvozvo ndizvo zvavasarudza. Hana dzevamwe dzingavaita kuti varambe zvose zvinowanikwa muropa (remhuka kana kuti revanhu), kunyange chikamu chiduku duku chakapatsanurwa kubva pane chimwe chezvinhu zvikuru zvinoriumba. * Vamwewo vangabvuma majekiseni epuroteni yeplasma kuti irwise zvirwere kana kuti kurwisa uturu hwenyoka, asi vangaramba zvimwe zvikamu zviduku zvakapatsanurwa. Uyezve, zvimwe zvinopatsanurwa pachimwe chezvinhu zvikuru zvina zvinoumba ropa, zvingave zvakanyatsofanana nechinhu chikuru ichi pamashandiro uye zviine basa rokutsigira upenyu mumuviri zvokuti vaKristu vazhinji vanozviramba.

17. (a) Hana yedu ingatibatsira sei kana tatarisana nenyaya dzezvikamu zviduku zvakapatsanurwa zveropa? (b) Nei kusarudza pamusoro penyaya iyi kuchikosha kwazvo?

17 Zvinotaura Bhaibheri pamusoro pehana zvinobatsira patinenge tava kusarudza munyaya dzakadaro. Danho rokutanga nderokudzidza zvinotaura Shoko raMwari uye kuedza kurishandisa kugadziridza hana yako. Izvozvo zvichakugadzirira kusarudza zvinoenderana nomurayiro waMwari pane kubvunza mumwe munhu kuti akusarudzire. (Pisarema 25:4, 5) Nezvokubvuma zvikamu zviduku zvakapatsanurwa, vamwe vakafunga kuti: ‘Iyi inhau yehana, saka hazvina kusiyana.’ Ikoko kufunga kwakaipa. Chokwadi chokuti dzimwe nhau ndedzehana hachirevi kuti hadzikoshi. Dzinogona kunge dzichikosha chaizvo. Chimwe chikonzero ndechokuti zvinogona kuvhiringidza vanhu vane hana dzakasiyana nedzedu. Izvi tinozviona kubva muzano raPauro nezvenyama ingave yakambopirwa kuzvidhori ndokuzotengeswa mumusika. MuKristu anofanira kufunga nezvokungwarira ‘kukuvadza hana dzisina simba.’ Kana akagumbura vamwe, anga‘paradza, hama yake yakafirwa naKristu’ wotadzira Kristu. Saka, kunyange zvazvo nhau dzine chokuita nezvikamu zviduku duku zvakapatsanurwa dziri dzokuzvisarudzira, zvatinenge tasarudza izvozvo zvinofanira kukosheswa kwazvo.—1 VaKorinde 8:8, 11-13; 10:25-31.

18. MuKristu angadzivisa sei kugomadza hana yake pane zvaanosarudza pamusoro peropa?

18 Chimwe chinhu chokufunga nezvacho chinosimbisa kukosha kwezvatinosarudza pamusoro peropa. Chinhu ichocho ndechokuti zvawasarudza zvichaitei pauri. Kana kugamuchira kwako chikamu chiduku chakapatsanurwa kuchizonetsa hana yako yakarovedzwa neBhaibheri, unofanira kuiteerera. Uyewo haufaniri kufuratira zvaunoudzwa nehana yako nokuti mumwe munhu akuudza kuti, “Zvakanaka kuzvigamuchira; vakawanda ndozvavakaita.” Yeuka kuti mamiriyoni evanhu mazuva ano vanofuratira hana dzavo, vodzigomadza, vachidzibvumidza kureva nhema kana kuti kuita zvimwe zvinhu zvakaipa vasingazvidembi. Chokwadi vaKristu vanofanira kudzivisa kuita zvinhu zvakadaro.—2 Samueri 24:10; 1 Timoti 4:1, 2.

19. Pakusarudza nezvenyaya dzinobatanidza ropa, tinofanira kunyanya kufunga nezvei?

19 Mhinduro yakabudiswazve iri pamapeji 29-31 yava kunopera, inoti: “Chokwadi chokuti mafungiro uye zvisarudzo zvehana zvingasiyana chingareva kuti nyaya yacho haikoshi here? Kwete. Inokosha.” Izvozvo zvinonyanya kukosha nokuti ukama hwako na“Mwari mupenyu” hunobatanidzwa. Ukama ihwohwo ndihwo bedzi hunotungamirira kuupenyu husingaperi, hwakavakirwa pasimba reropa raJesu rakadeurwa. Kudziridza kukoshesa kwaunoita ropa pamusana pezviri kuitwa naMwari achirishandisa—kuponesa upenyu. Pauro akanyora nomazvo kuti: “Makanga musina tariro uye makanga musina Mwari munyika. Asi zvino muri pamwe naKristu Jesu imi maimbova kure zvikuru makasvika pakuva pedyo nemhaka yeropa raKristu.”VaEfeso 2:12, 13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Pane imwe nguva Pauro nevamwe vaKristu vana, vakaenda kutemberi kuti vanozvichenesa sezvaidiwa netsika. Mutemo wakanga usingachashandi, asi Pauro akaita sezvaakarayirwa nevarume vakuru muJerusarema. (Mabasa 21:23-25) Zvisinei, vamwe vaKristu vangadaro vakafunga kuti vaisafanira kupinda mutemberi kana kuti kuita zvinhu zvakadaro. Panguva iyoyo hana dzainge dzakasiyana, kunyangewo nanhasi.

^ ndima 15 Encyclopaedia Judaica inobudisa pachena mitemo “yakaoma uye yainyatsotsanangurwa” pamusoro penyama “yaibvumirwa.” Inotaura kuti nyama inofanira kugara mumvura kwemaminitsi mangani, kuti inofanira kubomha sei iri papuranga, kutsetseka kwomunyu unoiswa pairi, uye kuti inofanira kugezwa mumvura inotonhora kangani.

^ ndima 16 Chinhu chikuru kana kuti chinonyanya kushanda mune mamwe majekiseni mubatanidzwa wezvinhu zvakasiyana-siyana zvisingabvi muropa. Asi mune zvimwe zviitiko chikamu chiduku chakapatsanurwa chakadai sealbumin, chinogona kubatanidzwa.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaOctober 1, 1994.

Ungayeuka Here?

• Mwari akapa Noa, vaIsraeri, uye vaKristu murayiro upi pamusoro peropa?

• Panyaya yeropa, chii chinorambwa zvachose neZvapupu zvaJehovha?

• Kugamuchira zvikamu zviduku zvakapatsanurwa zveropa kubva muchinhu chikuru chinoriumba inhau yehana mupfungwai, asi chii chazvisingarevi?

• Pakusarudza, nei kufunga nezvoukama hwedu naMwari kuchifanira kuuya pakutanga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 22]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

PATIMIRE PANHAU YEROPA

ROPA ROSE

▾ ▾ ▾ ▾

HATIGAMUCHIRI Masero Masero Maplatelet Plasma

matsvuku machena

VAKRISTU ▾ ▾ ▾ ▾

VANOZVISARUDZIRA Zvikamu Zvikamu Zvikamu Zvikamu

zvakapa- zvakapa- zvakapa- zvakapa-

tsanurwa tsanurwa tsanurwa tsanurwa

pamasero pamasero pama- paplasma

matsvuku machena platelet

[Mufananidzo uri papeji 20]

Dare rinodzora rakagumisa kuti vaKristu vanofanira ‘kurega ropa’

[Mufananidzo uri papeji 23]

Usafuratira hana yako kana uchifanira kusarudza nezvokushandisa chikamu chiduku chakapatsanurwa cheropa