Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanoenda Sevashandi Vokukohwa Vanoshingaira!

Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanoenda Sevashandi Vokukohwa Vanoshingaira!

Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanoenda Sevashandi Vokukohwa Vanoshingaira!

“KUKOHWA kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mateu 9:37, 38) Mashoko iwayo aikosha chaizvo kukirasi yechi116 yevaipedza kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi sezvavaigadzirira kuenda kubasa ravo roumishinari.

Musi woMugovera, March 13, 2004, vanhu 6 684 vakaungana paWatchtower Educational Center muPatterson, New York, uye mune dzimwe nzvimbo mavaiona purogiramu yacho paterevhizheni, kirasi yacho payaipiwa mazano okuonekana uye kukurudzirwa. Tose zvedu tinogona kubatsirwa nezano rakapiwa sezvatinoshanda nokushingaira mukukohwa kwomudzimu.

Mashoko okuzarura aTheodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora uye iyewo akapedza kudzidza mukirasi yechinomwe yeGiriyedhi, akasimbisa mashoko aJesu okuti: “Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” (Mateu 28:19, 20) Izvozvo zvakanga zvakakodzera chaizvo, sezvo vakapedza kudzidza vari kutumirwa kunoshanda munyika 20! Akayeuchidza vadzidzi kuti murayiridzo unobva muShoko raMwari wakavashongedzera zvizere kuti vave vashandi vanoshingaira mukukohwa kwomudzimu kunokosha zvikuru.—Mateu 5:16.

Nzira Yokuva Vashandi Vokukohwa Vanobudirira

Mukurukuri wokutanga papurogiramu yacho aiva Robert Wallen, ave achishanda zvakanyanya neChikoro cheGiriyedhi kwemakore akawanda. Achikurukura hurukuro yaiti, “Zvakanakira Tsitsi,” akaudza vadzidzi kuti: “Tsitsi mutauro unogona kunzwiwa kunyange nematsi uye unogona kuonekwa kunyange nebofu.” Jesu ainyatsoziva kurwadziwa kwevamwe uye aitsvaka kukuderedza. (Mateu 9:36) Vadzidzi vachawana mikana yakawanda yokuita saizvozvo—mubasa rokuparidza, muungano, mumusha wemamishinari, uye mumhuri dzavo. Mukurukuri wacho akakurudzira vadzidzi, achiti: “Kunaka kwetsitsi ngakuoneke muupenyu hwenyu pamunoshumira vamwe. Unhu hwenyu hwakanakisisa huchanyatsooneka mukurarama kwenyu kwezuva nezuva mumusha wemamishinari. Naizvozvo, ivai vakatsunga kuzvipfekedza tsitsi.”—VaKorose 3:12.

Gerrit Lösch, nhengo yeDare Rinodzora uye akapedza kudzidza mukirasi yechi41 yeGiriyedhi, akatevera kukurukura musoro unoti “Vazivisi Voruponeso.” (Isaya 52:7) Kuti vanhu vaponeswe panoparadzwa nyika ino, vanofanira kupinza zivo yakarurama inobva muShoko raMwari, vozivisa pachena kutenda kwavo, uye vobhabhatidzwa. (VaRoma 10:10; 2 Timoti 3:15; 1 Petro 3:21) Zvisinei, chikonzero chikuru chokuzivisa ruponeso hachisi chokungoponesa vanhu asi chokuita kuti Mwari arumbidzwe. Naizvozvo, Hama Lösch vakakurudzira mamishinari anotarisirwa vachiti: “Endesai shoko roUmambo kumigumo yepasi, mova vaparidzi voruponeso vanoshingaira, kuti Jehovha arumbidzwe.”—VaRoma 10:18.

Lawrence Bowen, murayiridzi weGiriyedhi akabvunza mubvunzo wokuti, “Unoratidza Sei Chiedza Chomudzimu?” Akataura nezvemashoko aJesu ari pana Mateu 6:22 ndokukurudzira vaipedza kudzidza kuti vachengete ziso ravo “rakanaka” kuti “varatidze chiedza chomudzimu chinokudza Jehovha uye chinobatsira vanhu.” Kubvira pakutanga kwoushumiri hwake, Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana munhau iyi nokuramba achiita kuda kwaMwari. Kufungisisa zvinhu zvinoshamisa zvaakanga adzidziswa naBaba vake mudenga kwakabatsira Jesu kutsungirira miedzo yaSatani murenje. (Mateu 3:16; 4:1-11) Jesu akaratidza kuti aivimba naJehovha zvakakwana mukuita zvaakanga anzi naMwari aite. Saizvozvowo, kuti akurire zvinetso zviri mberi, mamishinari anofanira kuramba aine tsika dzakanaka dzokudzidza Bhaibheri uye kuvimba naJehovha zvizere.

Mark Noumair, murayiridzi weGiriyedhi uyewo akapedza kudzidza mukirasi yechi77 yeGiriyedhi, akagumisa hurukuro idzi dzaitevedzana, nomusoro waiti, “Zvino Tarirai Tiri Pamaoko Enyu.” (Joshua 9:25) Akakurudzira vadzidzi kutevedzera mafungiro evaGibhiyoni vekare. Kunyange zvazvo Gibhiyoni raiva “guta guru, . . . navarume varo vose vakanga vane simba,” vaGibhiyoni havana kukumbira kuremekedzwa kana kutarisira kuti zvinhu zviitwe nenzira yavo. (Joshua 10:2) Vakashanda nokuzvidira se“vatemi vehuni navateki vemvura” vachitungamirirwa nevaRevhi mukutsigira kunamatwa kwaJehovha. (Joshua 9:27) Chaizvoizvo, vaipedza kudzidza vakati kuna Joshua Mukuru, Jesu Kristu, “Zvino Tarirai Tiri Pamaoko Enyu.” Zvino, sezvavanotanga basa ravo kune dzimwe nyika, vanofanira kugamuchira chero basa ravanopiwa naJoshua Mukuru.

Zvakaitika uye Kubvunzurudza

“Nyatsovhurai Magwaro” ndiwo waiva musoro wehurukuro yakakurukurwa kuboka revadzidzi naWallace Liverance, akapedza kudzidza mukirasi yechi61 yeGiriyedhi uye ari mumwe wevarayiridzi. Vakarondedzera uye vakaenzanisira zvakaitika zvavakava nazvo muushumiri hwomumunda pavaidzidza muchikoro chacho. Zvaiva pachena kuti kudzidza kwavo Magwaro zvikuru mumwedzi mishanu kwakanga kwasvika pamwoyo yavo uye kwavakurudzira kuudza vamwe zvavakanga vadzidza. (Ruka 24:32) Mumwedzi mishanu yekosi yacho, mumwe mudzidzi akakwanisa kuudza munun’una wake zvaakanga achidzidza. Izvi zvakakurudzira munu’nuna wacho kuti atsvake ungano yokwaanogara ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Zvino ava muparidzi asina kubhabhatidzwa.

Zvakaitika izvi zvapera, Richard Ashe naJohn Gibbard vakabvunzurudza vashumiri vaJehovha vakatendeka vanoverengeka vave vachishanda kwenguva refu, kusanganisira vatariri vanofambira vakanga vachidzidziswa kunyatsoita basa ravo paWatchtower Educational Center. Vaiva vadzidzi vemakirasi okutanga eChikoro cheGiriyedhi. Mumwe akati Hama Knorr vakanga vataura izvi mukirasi: “KuGiriyedhi muchadzidza chaizvo. Asi kana mukazvikudza, tichange takundikana. Tinoda kuti muve nomwoyo une rudo.” Hama dzinofambira dzakakurudzira vaiva mukirasi iyi yaipedza kudzidza kuti vafarire vanhu, kuti vabate nevamwe sezvaiita Kristu, uye kuti vabvume nokuzvininipisa chero basa ravanopiwa. Hapana mubvunzo kuti kushandisa zano iri kuchabatsira mamishinari matsva kubudirira mumabasa awo.

Endai Sevashandi Vokukohwa Vanoshingaira!

Vateereri vakava nomukana wokuteerera Stephen Lett, imwe nhengo yeDare Rinodzora. Akapa hurukuro inokosha yepurogiramu yacho, yaiti “Endai Sevashandi Vokukohwa Vanoshingaira!” (Mateu 9:38) Mukukohwa chaiko, nguva yokukohwa ipfupi. Zvinoda kuti vakohwi vashande nesimba. Zvinokosha zvikuru sei munguva yomugumo wenyika ino! Mukukohwa kukuru kwomudzimu, upenyu huri mungozi. (Mateu 13:39) Hama Lett vakakurudzira vaipedza kudzidza kuti ‘vasave nousimbe pabasa ravo’ asi kuti ‘vapise nomudzimu’ uye kuti ‘vashandire Jehovha’ mukukohwa uku kusingazombodzokororwizve. (VaRoma 12:11) Mukurukuri wacho akataura mashoko aJesu okuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” (Johani 4:35) Akabva akurudzira vaipedza kudzidza vacho kuti varatidze kushingaira mubasa rokukohwa nokuedza zvepachokwadi kuenda kune vanhu panguva nenzvimbo yavanowanikwa uye nokushandisa mikana yose kupupurira zvisina kurongwa. Kusvinurira mikana yokupupurira kunogona kuita kuti ubudirire. Jehovha ndiMwari anoshingaira, uye anotitarisira tose kuti timutevedzere uye kuti tishande nesimba mukukohwa kwomudzimu.—2 Madzimambo 19:31; Johani 5:17.

Vachigumisa purogiramu yacho, Hama Jaracz, vaiva sachigaro, vakaverenga kwaziso dzaibva kuhofisi dzemapazi anoverengeka ndokupa vadzidzi madhipuroma avo. Mumwe wevakapedza kudzidza akaverenga tsamba yekirasi yacho yairatidza kuonga zvikuru kudzidziswa kwavakanga vaitwa. Zviri pachena kuti purogiramu yokupedza kudzidza yekirasi yechi116 yakaita kuti vose vaivapo vawedzere kutsunga kuenda sevashandi vokukohwa vanoshingaira.

[Bhokisi riri papeji 25]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 6

Nyika dzavakatumirwa: 20

Vadzidzi: 46

Avhareji yezera: 34,2

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 17,2

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13,9

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kirasi Yechi116 Yevakapedza Zvidzidzo paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Ceansu, R.; Sparks, T.; Piña, C.; Turner, P.; Cheney, L. (2) Suardy, M.; Sjöqvist, Å.; Amadori, L.; Smith, N.; Jordan, A.; Boissonneault, L. (3) Matlock, J.; Ruiz, C.; Dular, L.; Vigneron, M.; Henry, K. (4) Sjöqvist, H.; Laux, J.; Ruzzo, J.; Gustafsson, K.; Boissonneault, R.; Jordan, M. (5) Henry, D.; Turner, D.; Kirwin, S.; Florit, K.; Ceansu, S. (6) Amadori, S.; Cheney, J.; Ross, R.; Nelson, J.; Ruiz, J.; Vigneron, M. (7) Florit, J.; Matlock, D.; Ross, B.; Laux, C.; Ruzzo, T.; Dular, D.; Kirwin, N. (8) Gustafsson, A.; Nelson, D.; Suardy, W.; Piña, M.; Smith, C.; Sparks, T.