Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Endai Muite Vadzidzi’

‘Endai Muite Vadzidzi’

‘Endai Muite Vadzidzi’

“Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano. Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.”—MATEU 28:18, 19.

1, 2. (a) Jesu akapa vateveri vake basa rei? (b) Mibvunzo ipi ichakurukurwa maererano nemirayiro yaJesu?

RIMWE zuva mumatsutso omuna 33 C.E. muIsraeri, vadzidzi vaJesu vakanga vakaungana pagomo riri muGarireya. Ishe wavo akanga amutswa akanga ava kuda kukwira kudenga, asi asati aenda aiva nechimwe chinhu chinokosha chokuvaudza. Jesu aiva nebasa rokuti vaite. Raiva rei? Vadzidzi vake vakaita sei kwariri? Uye basa iroro rinei chokuita nesu nhasi?

2 Zvakataurwa naJesu zvakanyorwa pana Mateu 28:18-20 zvinoti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano. Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” Jesu akataura nezve“simba rose,” “marudzi ose,” “zvinhu zvose” uye “mazuva ose.” Mirayiro yake inosanganisira zvinhu zvina zviri pamusoro apa inomutsa mibvunzo inokosha, inogona kupfupikiswa mumashoko anoti nei? kupi? chii? uye rini? Ngatikurukurei mibvunzo yacho mumwe panguva. *

“Ndakapiwa Simba Rose”

3. Nei tichifanira kuteerera murayiro wokuita vadzidzi?

3 Kutanga, nei tichifanira kuteerera murayiro wokuita vadzidzi? Jesu akati: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano. Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” Shoko rokuti “naizvozvo” rinoratidza chikonzero chikuru nei tichifanira kuteerera murayiro uyu. Imhaka yokuti Jesu, uyo akapa murayiro wacho, ane “simba rose.” Simba rake rakakura sei?

4. (a) Simba raJesu rakakura sei? (b) Kunzwisisa kwatinoita simba raJesu kunofanira kuchinja sei maonero edu murayiro wokuita vadzidzi?

4 Jesu ane simba paungano yake, uye kubvira muna 1914 ave aine simba paUmambo hwaMwari huchangogadzwa. (VaKorose 1:13; Zvakazarurwa 11:15) Ndiye ngirozi huru uye sezvaakadaro anorayira uto rokudenga remazana emamiriyoni engirozi. (1 VaTesaronika 4:16; 1 Petro 3:22; Zvakazarurwa 19:14-16) Akapiwa simba naBaba vake rokuti aparadze “hurumende dzose nechiremera chose nesimba” zvinoshora mirayiro yakarurama. (1 VaKorinde 15:24-26; VaEfeso 1:20-23) Simba raJesu harigumiri pavapenyu bedzi. Iyewo “mutongi wevapenyu nevakafa” uye ane simba raakapiwa naMwari rokumutsa vaya vakarara murufu. (Mabasa 10:42; Johani 5:26-28) Zvechokwadi murayiro wakapiwa noMunhu akapiwa simba guru rakadaro unofanira kuonekwa sounokosha kupfuura yose. Naizvozvo, tinoteerera nokuremekedza uye nokuzvidira murayiro waKristu wokuti ‘endai muite vadzidzi.’

5. (a) Petro akateerera sei mashoko aJesu? (b) Kuteerera kwaPetro mirayiridzo yaJesu kwakaunza chikomboreroi?

5 Jesu achangotanga ushumiri hwake pasi pano, akadzidzisa vadzidzi vake nenzira inoshamisa kuti kuziva simba rake uye kuteerera mirayiro yake kwaizounza zvikomborero. Akamboudza Petro, aiva mubati wehove kuti: “Enda pakadzika, uye imi varume mudzikise utava hwenyu kuti mubate.” Petro aiva nechokwadi chokuti pakanga pasina hove, saka akaudza Jesu kuti: “Mudzidzisi, usiku hwose tashanda zvakaoma tikasabata chinhu.” Zvisinei, Petro nokuzvininipisa akawedzera kuti: “Asi nemhaka yokurayira kwenyu ndichadzikisa utava.” Petro ateerera murayiro waKristu, akabata “hove zhinjizhinji.” Apererwa, Petro “akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: ‘Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu anoita zvivi.’” Asi Jesu akapindura kuti: “Usatya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” (Ruka 5:1-10; Mateu 4:18) Tinodzidzei munhoroondo iyoyo?

6. (a) Nhoroondo pamusoro pokubata hove kunoshamisa inoratidzei nezvokuteerera kunodiwa naJesu? (b) Tingatevedzera sei Jesu?

6 Jesu haana kupa Petro, Andireya, nevamwe vaapostora basa rokuti va“ve vabati vevanhu,” ivo vasati vabata hove idzi nenzira inoshamisa, asi pashure pacho. (Mako 1:16, 17) Zviri pachena kuti Jesu akanga asingadi kuteerera kwokungoteerawo. Akapa varume vacho chikonzero chakasimba chokuti nei vaifanira kumuteerera. Sezvo kuteerera murayiro waJesu wokudzikisa utava hwavo kwakaita kuti vabate hove zhinjizhinji, saka kuteerera murayiro waJesu woku‘bata vanhu’ kwaizounza zvikomborero zvikuru. Vaine kutenda kwakazara, vaapostora vakabvuma. Nhoroondo yacho inoguma ichiti: “Vakadzosa magwa kunyika yakaoma, vakasiya zvinhu zvose vakamutevera.” (Ruka 5:11) Nhasi, sezvatinokurudzira vamwe kuti vaitewo basa rokuita vadzidzi, tinotevedzera Jesu. Hatidi kuti vanhu vangoitawo zvavo sezvatinovaudza, asi tinovapa zvikonzero zvakasimba zvokuti vateerere murayiro waKristu.

Zvikonzero Zvinotendisa uye Vavariro Dzakakodzera

7, 8. (a) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zveMagwaro zvokuparidza Umambo nokuita vadzidzi? (b) Rugwaro rupi runonyanya kukukurudzira kuti urambe uchiita basa rokuparidza? (Onawo mashoko omuzasi.)

7 Tinoita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi nokuti tinoziva simba raKristu. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zveMagwaro zvokuita basa iroro zvatingaudza vaya vatinoda kuti vachinjire kumabasa akanaka? Ona zvinotevera zvakataurwa neZvapupu zvakatendeka zvinoverengeka zvokunyika dzakasiyana-siyana, uye cherechedza kuti magwaro aripo anotsigira sei mashoko avo.

8 Roy, akabhabhatidzwa muna 1951 akati: “Pandakazvitsaurira kuna Jehovha, ndakavimbisa kumushumira nguva dzose. Ndinoda kuchengeta shoko rangu.” (Pisarema 50:14; Mateu 5:37) Heather, akabhabhatidzwa muna 1962 akati: “Pandinofunga zvose zvandakaitirwa naJehovha, ndinoda kuratidza kuti ndinomuonga nokumushumira nokutendeka.” (Pisarema 9:1, 9-11; VaKorose 3:15) Hannelore, akabhabhatidzwa muna 1954 akati: “Nguva imwe neimwe patinenge tiri muushumiri, tinotsigirwa nengirozi—iropafadzo yakadini!” (Mabasa 10:30-33; Zvakazarurwa 14:6, 7) Honor, akabhabhatidzwa muna 1969 akati: “Panosvika nguva yaJehovha yokutonga, handidi kuti chero munhu upi zvake ari munharaunda yangu azopomera Jehovha neZvapupu zvake sevairegeredza oti, ‘Handina kumbonyeverwa!’” (Ezekieri 2:5; 3:17-19; VaRoma 10:16, 18) Claudio, akabhabhatidzwa muna 1974 akati: “Patinenge tichiparidza, tinenge ‘tichionekwa naMwari’ uye tiri ‘pamwe naKristu.’ Chimbofungidzira! Patinenge tiri muushumiri, tinenge tiine Shamwari dzedu dzepamwoyo.”—2 VaKorinde 2:17. *

9. (a) Nhoroondo yokubata hove kwaPetro nevamwe vaapostora inozivisei pamusoro pechikonzero chakakodzera chokuteerera Kristu? (b) Chii chiri chikonzero chakakodzera chokuteerera Mwari naKristu nhasi, uye nei?

9 Nhoroondo inoreva nezvokubata hove kunoshamisa inoratidzawo kukosha kwokuva nevavariro yakakodzera yokuteerera Kristu—rudo. Petro paakati, “Ibvai kwandiri, . . . nokuti ndiri munhu anoita zvivi,” Jesu haana kubva, uye kuti haana kupa Petro mhosva yechivi chero chipi zvacho. (Ruka 5:8) Jesu haana kutombotsoropodza Petro nokumukumbira kubva kwaari. Pane kudaro, Jesu akapindura nomutsa achiti: “Usatya.” Kutya kusina kunaka kwaizova chikonzero chakaipa chokuteerera Kristu. Asi, Jesu akaudza Petro kuti iye neshamwari dzake vaizoshanda sevabati vevanhu. Nhasi, isuwo hatishandisi kutya kana kuti mamwe manzwiro akaipa akadai sokunzwa uine mhaka uye nyadzi, kunyengetedza vamwe kuti vateerere Kristu. Kuteerera nomwoyo wose bedzi kwakavakirwa pakuda Mwari naKristu ndiko kunoita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Mateu 22:37.

“Muite Vanhu Vamarudzi Ose Vadzidzi”

10. (a) Mashoko api anoreva nezvomurayiro waJesu wokuita vadzidzi aizoreva basa guru kuvadzidzi vake? (b) Vadzidzi vakaita sei kumurayiro waJesu?

10 Mubvunzo wechipiri unomuka pamusoro pomurayiro waKristu ndewokuti, Basa rokuita vadzidzi iri rinofanira kuitirwa kupi? Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” Nguva youshumiri hwaJesu isati yasvika, vanhu vemarudzi vaigamuchirwa kana vakauya kuIsraeri kuzoshumira Jehovha. (1 Madzimambo 8:41-43) Jesu pachake akaparidzira zvikurukuru kuvaJudha chaivo, asi zvino akaudza vateveri vake kuti vaende kuvanhu vemarudzi ose. Chaizvoizvo, nzvimbo dzokubata hove, kana kuti ndima yokuparidzira, yevadzidzi vake yainge ichigumira pa“dziva” duku—vaJudha chaivo—asi nokukurumidza yaizosanganisira “gungwa” rose revanhu. Kunyange zvazvo kuchinja uku kwaizoreva basa guru kuvadzidzi, vakateerera murayiridzo waJesu nomwoyo wose. Makore asingasviki 30 Jesu afa, muapostora Pauro aigona kunyora kuti mashoko akanaka akanga aparidzwa kwete kuvaJudha bedzi asi “pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

11. Kuwedzera kupi ‘kwenzvimbo dzokubata hove’ kwakaitika kubvira pakutanga kwezana remakore rechi20?

11 Munguva pfupi ichangopfuura, kuwedzera kwakafanana kwendima yokuparidza kwakaoneka. Pakutanga kwezana remakore rechi20, ‘nzvimbo dzokubata hove’ dzaingowanikwa munyika shomanana. Asi, vateveri vaKristu panguva iyoyo vakatevedzera muenzaniso wevaKristu vomuzana remakore rokutanga vachibva vawedzera nomwoyo wose ndima yavaiparidza. (VaRoma 15:20) Pakazosvika mavambo ema1930, vakanga vachiita vadzidzi munyika dzinenge zana. Nhasi, ‘nzvimbo dzedu dzokubata hove’ dzawedzera munyika 235.—Mako 13:10.

“Pandimi Dzose”

12. Uprofita hunowanikwa pana Zekaria 8:23 hunosimbisa chinetso chipi?

12 Kuita vadzidzi mumarudzi ose kwakaoma kwete bedzi nokuti ndima yakakura asiwo nokuti pane mitauro yakawanda. Achishandisa muprofita Zekaria, Jehovha akafanotaura kuti: “Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu uri muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Mukuzadzika kukuru kwouprofita uhwu, “munhu uri muJudha” anomiririra vasara vevaKristu vakazodzwa, nepo “varume vane gumi” vanomiririra “boka guru revanhu.” * (Zvakazarurwa 7:9, 10; VaGaratiya 6:16) Boka guru iri revadzidzi vaKristu raizowanikwa mumarudzi akawanda, uye sezvakataurwa naZekaria, vaizenge vachitaura mitauro yakasiyana-siyana. Nhau dzemazuva ano dzevanhu vaMwari dzinoratidza izvozvo here zvokuita vadzidzi? Hungu, dzinodaro.

13. (a) Zvii zvave zvichiitika nezvemitauro pavanhu vaMwari vemazuva ano? (b) Boka romuranda akatendeka rave richiitei kuzvinodiwa zvinoramba zvichiwedzera zvezvokudya zvomudzimu mumitauro yakasiyana-siyana? (Taurawo zviri mubhokisi rakanzi “Mabhuku Emapofu.”)

13 Muna 1950 mutauro waamai weZvapupu zvaJehovha zvinenge zvitatu muzvishanu zvoga zvoga pasi pose waiva Chirungu. Pakazosvika 1980 nhamba yacho yakanga yachinja kusvika kuZvapupu zvinenge zviviri muzvishanu, uye nhasi mutauro waamai weChapupu chimwe bedzi muzvishanu zvoga zvoga Chirungu. Boka romuranda akatendeka, akangwara rakaita sei nezvokuchinja uku kwemitauro? Nokupa zvokudya zvomudzimu mune mimwe mitauro inoramba ichiwedzera. (Mateu 24:45) Somuenzaniso, muna 1950 mabhuku edu aibudiswa mumitauro 90, asi nhasi nhamba iyoyo yakwira kusvika kuinenge 400. Pane zvakabuda here pakutarisira vanhu vemitauro yakasiyana-siyana? Hungu! Avhareji yevanhu vanenge 5 000 ‘vanobva pandimi dzose’ vanova vadzidzi vaKristu vhiki imwe neimwe yegore! (Zvakazarurwa 7:9) Uye kuwedzera kwacho kuri kuenderera mberi. Mune dzimwe nyika “utava” huri kuunza hove dzakawanda!—Ruka 5:6; Johani 21:6.

Ushumiri Hunogutsa—Ungahuitawo Here?

14. Tingabatsira sei vaya vari mundima yedu vanotaura mutauro wokumwe? (Taurawo zviri mubhokisi rakanzi “Mutauro Wemasaini uye Kuita Vadzidzi.”)

14 Munyika dzakawanda dzoKumadokero, kusvika kwevanotama kwakaunza chinetso chokuita vadzidzi vevanhu ‘vemitauro yose’ kuvanhu vomunyika imomo. (Zvakazarurwa 14:6) Tingabatsira sei vaya vari mundima yedu vanotaura mumwe mutauro? (1 Timoti 2:4) Tinogona kuita sokuti tiri kushandisa zvokubatisa hove zvakakodzera. Govera vanhu vakadaro mabhuku ari mumutauro wavanotaura. Kana zvichibvira, ronga kuti Chapupu chinotaura mutauro wavo chivashanyire. (Mabasa 22:2) Kuita urongwa uhwu zvino kwava nyore, sezvo Zvapupu zvakawanda zvakadzidzira mumwe mutauro kuitira kuti zvibatsire vanhu vokune dzimwe nyika kuva vadzidzi vaKristu. Mishumo inoratidza kuti kubatsira munzira iyi kunogutsa.

15, 16. (a) Mienzaniso ipi inoratidza kuti zvinogutsa kubatsira vaya vanotaura mutauro wokumwe? (b) Tingafunga nezvemibvunzo ipi maererano nebasa mumunda womutauro wokumwe?

15 Chimbofunga nezvemienzaniso miviri yokuNetherlands, uko kuparidza Umambo kwakarongwa kuri kuitwa mumitauro 34. Mumwe murume nomudzimai wake vari Zvapupu vakazvipira kuenda kunodzidza Bhaibheri nevanhu vakatamirako vachibva kuPoland. Vanhu vacho vakafarira zvikuru zvokuti murume wacho akanzwa achida kuderedza basa rake rokunyika kuti ave nerimwe zuva pavhiki rokuti adzidze Bhaibheri nevaya vairatidza kufarira. Pasina nguva, vaviri ava vakanga vava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinodarika 20 vhiki imwe neimwe. Vakati: “Ushumiri hwedu hunoita kuti tifare zvikuru.” Vanodzidzisa vanhu Bhaibheri vanonyanya kufara apo vaya vanonzwa chokwadi cheBhaibheri mumitauro yavo vanonzwa vachida kutaura kuonga kwavo. Somuenzaniso, pamusangano wakaitwa mumutauro wokuVietnam, mumwe murume akwegura akasimuka ndokukumbira mvumo yokuti ataure. Misodzi yakati yangarara mumaziso ake, akaudza Zvapupu zvacho kuti: “Ndinokutendai nokuedza kwenyu kwamuri kuita kuti mudzidze mutauro wangu wakaoma. Ndinofara zvikuru kudzidza zvinhu zvakawanda zvinoshamisa kubva muBhaibheri ndakwegura.”

16 Saka, hazvishamisi kuti vaya vanoshumira muungano dzemitauro yokumwe vanogutsikana chaizvo. Mumwe murume nomudzimai wake vokuBritain vakati: “Ushumiri mundima yomutauro wokumwe ndechimwe chezvinhu zvinofadza zvikuru chatakava nacho mumakore edu 40 ebasa roUmambo.” Ungagadziridza mamiriro ezvinhu zvako here kuti uitewo ushumiri uhwu hunonakidza kwazvo? Kana uchiri kuenda kuchikoro, ungadzidza mutauro wokumwe here kuti ugadzirire ushumiri uhwu? Kuita kudaro kungakutungamirira kunzira youpenyu yakazara nezvikomborero. (Zvirevo 10:22) Wadii kukurukura izvi nevabereki vako?

Kusiyanisa Nzira Dzedu

17. Tingaparidzira sei vanhu vakawanda mundima yeungano yedu?

17 Zvinonzwisisika kuti mamiriro ezvinhu haabvumiri vakawanda vedu kukanda “utava” hwedu mundima dzomutauro wokumwe. Zvisinei, tingakwanisa kuparidzira vanhu vakawanda kupfuura zvatinoita iye zvino mundima yeungano yedu. Sei? Nokusiyanisa, kwete shoko redu, asi nzira dzedu. Munzvimbo dzakawanda nhamba inoramba ichiwedzera yevanhu inogara munzvimbo dzinochengetedzwa zvikuru. Vamwe vakawanda vanenge vasiri pamba patinoshanya tichiita ushumiri hwepamba nemba. Saka tingada kukanda “utava” hwedu panguva dzakasiyana-siyana uye munzvimbo dzakasiyana-siyana. Nokuita kudaro tinotevedzera Jesu. Akatsvaka nzira dzokutaura nevanhu munzira dzakasiyana-siyana.—Mateu 9:9; Ruka 19:1-10; Johani 4:6-15.

18. Kupupurira munzvimbo dzakasiyana-siyana kwakaratidza sei kuva kunobudirira? (Taurawo zviri mubhokisi rakanzi “Kudzidza Navanamuzvinabhizimisi.”)

18 Mune dzimwe nzvimbo dzenyika, kupupurira kwose kungawanikwa vanhu inzira inokosha yokuita vadzidzi. Vadzidzisi veBhaibheri vane ruzivo vave vachiwedzera kupupurira munzvimbo dzakasiyana-siyana. Kunze kwokuita ushumiri hwepamba nemba, vaparidzi zvino vanopupurira panhandare dzendege, mumahofisi, muzvitoro, mokupaka motokari, pazviteshi zvemabhazi, pamigwagwa, mumapaka, kumhenderekedzo dzegungwa, nokumwewo. Zvapupu zvakawanda zvichangobva kubhabhatidzwa muHawaii zvakatanga kuonekwa kunzvimbo dzakadaro. Kusiyanisa nzira dzedu kunotibatsira kuita zvizere murayiro waJesu wokuita vadzidzi.—1 VaKorinde 9:22, 23.

19. Zvinhu zvipi zvatakarayirwa naJesu zvichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Basa raJesu rokuita vadzidzi raisangosanganisira mashoko pamusoro pokuti nei uye kupi kwatinofanira kuita basa iroro asiwo pamusoro pokuti chii chatinofanira kuparidza uye kuti tinofanira kuramba tichidaro kusvikira rini. Zvinhu zviviri izvi zvatakarayirwa naJesu zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Tichakurukura mibvunzo miviri yokutanga munyaya ino. Miviri yokupedzisira ichakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 8 Zvimwe zvikonzero zvokuparidza zvinowanikwa pana Zvirevo 10:5; Amosi 3:8; Mateu 24:42; Mako 12:17; VaRoma 1:14, 15.

^ ndima 12 Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro pokuzadzika kwouprofita huno, ona Nharireyomurindi yaMay 15, 2001, peji 12, uye bhuku rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose, Bhuku 2, peji 408, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Nei tichiparidza Umambo nokuita vadzidzi uye tinenge tichivavarirei?

• Vashumiri vaJehovha nhasi vakaita zvavakarayirwa naJesu zvokuita vanhu vemarudzi ose vadzidzi kusvikira papi?

• Tingasiyanisa sei ‘nzira dzedu dzokubata hove,’ uye nei tichifanira kuita izvozvo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10]

Mabhuku Emapofu

Albert mukuru wechiKristu uye mushumiri wenguva yakazara anogara kuUnited States. Ibofu. Kushandisa mabhuku eBhaibheri eBraille kunomubatsira kubudirira zvikuru muushumiri hwake, kusanganisira mabasa ake somutariri webasa. Ari kuita sei basa rake reungano?

“Hatina kumbova nomutariri anobudirira zvikuru pabasa iri muungano yedu saAlbert,” anodaro James, mutariri anotungamirira. Mumakore ose apfuura, Albert ndomumwe wemapofu anenge 5 000 muUnited States akawana mabhuku eBhaibheri eBraille muChirungu neSpanish. Kutaura zvazviri, kubvira muna 1912, boka romuranda akatendeka rakabudisa mabhuku akasiyana-siyana eBraille anopfuura zana. Pachishandiswa michina yemazuva ano, nzvimbo dzokudhindira dzeZvapupu zvaJehovha panguva ino dzinobudisa mamiriyoni emapeji gore rimwe nerimwe mumitauro inopfuura gumi otumirwa kunyika dzinopfuura 70. Unoziva mumwe munhu angabatsirwa nemabhuku eBhaibheri anogadzirirwa mapofu here?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

Mutauro Wemasaini uye Kuita Vadzidzi

Zviuru zveZvapupu pasi pose, kusanganisira pwere dzakawanda dzinoshingaira, zvakadzidza mutauro wemasaini kuti zvibatsire matsi kuva vadzidzi vaKristu. Saka, muBrazil moga, matsi 63 dzakabhabhatidzwa mugore rimwe richangopfuura uye Zvapupu zviri matsi 35 ikoko zvino zvinoshumira sevaparidzi venguva yakazara. Pasi pose, pane ungano dzomutauro wemasaini dzinopfuura 1 200 kusanganisira mapoka. Dunhu bedzi romutauro wemasaini muRussia, kana toreva nezvokukura kwedunhu, ndiro rakakura kupfuura ose pasi pose, rinobatanidza nyika yose yeRussia!

[Bhokisi riri papeji 12]

Kudzidza Navanamuzvinabhizimisi

Pachaishanyira vanhu vemabhizimisi mumahofisi avanoshandira, chimwe Chapupu muHawaii chakasangana nomukuru mukuru wekambani inotakura zvinhu. Kunyange zvazvo akanga akabatikana, murume wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri kwemaminitsi 30 pavhiki muhofisi yake. Musi weChitatu woga woga mangwanani, anoudza vashandi kuti vasaunza nhare kwaari kuti iye anyatsodzidza. Chimwe Chapupu muHawaii chinodzidza Bhaibheri kamwe pavhiki nomuridzi weimwe shopu inogadzirwa shangu. Vanodzidzira pakaunda yeshopu yacho chaipo. Panopinda munhu anoda kugadzirirwa shangu dzake, Chapupu chacho chinosuduruka. Paanobuda, vanotangazve kudzidza.

Mukuru mukuru uya nomuridzi weshopu yeshangu vakaonekwa nokuti Zvapupu zvakatanga kukanda “utava” hwazvo munzvimbo dzakasiyana-siyana. Ungafunga nezvenzvimbo dziri mundima yeungano yako kwaungawana vanhu vasingawanzowanikwi pamba here?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Unogona kundoshanda mundima yomutauro wokumwe here?