Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ndiye Anokonzera Zvinetso Zvedu Here?

Mwari Ndiye Anokonzera Zvinetso Zvedu Here?

Mwari Ndiye Anokonzera Zvinetso Zvedu Here?

MWANASIKANA waMarion akura paakakuvara uropi zvakaipisisa, Marion akaita zvaizoitwa nevakawanda vedu. * Akanyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe. “Handiyeuki imwe nguva yandati ndambonzwa ndisingabatsiri uye ndasiyiwa,” anodaro Marion. Gare gare, urwere hwomwanasikana wake hwakawedzera kuipa, uye Marion akatanga kusava nechokwadi chokuvapo kwaMwari. “Nei izvi zvakanga zvichiitika?” akabvunza kudaro. Aisagona kunzwisisa kuti sei Mwari ane rudo uye ane hanya aigona kumusiya.

Zvakaitika kuna Marion hazvishamisi. Vanhu vasingaverengeki pasi pose vakanzwa sokuti vasiyiwa naMwari panguva dzavaida kubatsirwa. “Ndichiri kunetseka ‘nemibvunzo yokuti nei nhai MWARI,’” anodaro Lisa pashure pokupondwa kwomuzukurukomana wake. “Handisati ndanyatsorasikirwa nokutenda kwangu muna Mwari, asi zvechokwadi kwachinja.” Uyewo, pashure penjodzi yaanga asingambotarisiri yomwanakomana wake mucheche, mumwe mukadzi akati: “Mwari haana kumbondinyaradza pane zvakaitika. Haana kumbondipa chiratidzo chokuti anondida kana kuti anondinzwira tsitsi.” Akatizve: “Handimbofi ndakakanganwira Mwari.”

Vamwe vanotsamwira Mwari pavanocherechedza nyika yakavapoteredza. Vanoona nyika dzakazara nourombo nenzara, vapoteri vasina tariro, vana vasingaverengeki vakaitwa nherera neAIDS, uye mamiriyoni evanhu vanotambudzwa nezvimwe zvirwere. Izvi uye dzimwe njodzi padzinoitika, vakawanda vanopomera Mwari nokuita kwake seasina hanya nazvo.

Zvisinei, chokwadi ndechokuti Mwari haana mhosva yezvinetso zvinotambudza vanhu. Kutaura zvazviri, pane zvikonzero zvinokosha zvokudavira kuti Mwari nokukurumidza achagadzirisa kukuvadzwa kuri kuitwa mhuri dzevanhu. Tinokukumbira kuti uvhure nyaya inotevera uone kuti Mwari ane hanya nesu chaizvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.