Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hunogutsa Pasinei Nezvinoshungurudza

Upenyu Hunogutsa Pasinei Nezvinoshungurudza

Nyaya Youpenyu

Upenyu Hunogutsa Pasinei Nezvinoshungurudza

YAKATAURWA NAAUDREY HYDE

Ndichiyeuka makore anopfuura 63 ndiri mushumiri wenguva yakazara—makore 59 ndiri padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha—ndinogona kutaura kuti upenyu hwangu hwave huchigutsa. Chokwadi, zvairwadza kuona murume wangu wokutanga achifa zvishoma nezvishoma nekenza uye wechipiri achitambura nemigumisiro yechirwere chinouraya cheAlzheimer. Asi regai ndikuudzei kuti ndakaramba sei ndichifara pasinei nokurasikirwa uku.

NDAKAKURIRA papurazi riri pedyo netaundi reHaxtun mumapani okuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweColorado, pedyo nomuganhu weNebraska. Ndaiva wechishanu pavana vatanhatu vaOrille naNina Mock. Russell, Wayne, Clara, naArdis, vakaberekwa pakati pa1913 na1920, uye ini ndakaberekwa gore rakazotevera racho. Curtis akaberekwa muna 1925.

Muna 1913, Amai vakava Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Nokufamba kwenguva, tose takava Zvapupu.

Upenyu Hwakanaka Papurazi

Baba vakanga vari munhu akasununguka aigamuchira pfungwa itsva. Taiva nemagetsi pazvivako zvedu zvose zvepapurazi, chimwe chinhu chaiva chitsva panguva iyoyo. Taiwanawo zvokudya zvinowanzowanikwa papurazi—mazai aikandirwa nehuku dzedu, mukaka, kirimu, uye ruomba zvaibva pamombe dzedu. Taishandisa mabhiza kurima uye tairima mastrawberry nembatatisi, uyewo gorosi nechibage.

Baba vaiva nepfungwa dzokuti isu vana tose taifanira kudzidza kushanda. Kunyange ndisati ndatanga chikoro, ndakadzidziswa kushanda mumunda. Ndinoyeuka mazuva omuzhizha zuva richibanda, tichisakura miforo yakareba mubindu redu. ‘Ndichazombosvika kwawakaperera here?’ ndaizvibvunza kudaro. Ziya raiyerera nomuviri wangu, uye nyuchi dzaindiruma. Dzimwe nguva, ndaizvinzwira tsitsi nokuti vamwe vechiduku vaisamboshanda zvakadaro. Asi iye zvino kana ndotarira shure pauduku hwangu, ndinofara kuti takadzidziswa kushanda nesimba.

Tose taipiwa mabasa. Ardis aigona kukama mombe kundipfuura, saka basa rangu raiva rokuchenesa danga remabhiza, ndichibudisa mupfudze. Asi taivawo nenguva yokunakidzwa tichiita mitambo. Ini naArdis taitamba bhora romutambo unonzi softball mutimu yokwataigara. Ini ndaikanda bhora, kana kuti ndaitamba panhamba yechitatu, uye Ardis itamba panhamba yokutanga.

Usiku husina kana nekakore kose hwaifadza chaizvo mumapani acho. Zviuru zvenyeredzi zvaindiyeuchidza nezvoMusiki wedu, Jehovha Mwari. Kunyange pandaiva mwana, ndaisifunga nezvePisarema 147:4, rinoti: “[Jehovha] unotara kuwanda kwenyeredzi; unodzipa dzose mazita adzo.” Pane hwakawanda hwousiku uhwu hwakajeka, Judge imbwa yedu, yaiisa musoro wayo pamakumbo angu zvichindiita kuti ndisasurukirwa. Ndaiwanzogara pavharanda redu masikati ndichiyemura minda yakasvibirira yegorosi sezvo mhepo yaivhuvhuta, zvichiita kuti iite seyesirivha.

Muenzaniso Waamai Wakanaka

Amai vangu vaiva mudzimai akazvipira chaizvo. Baba ndivo vaiva musoro wemba, uye Amai vakatidzidzisa kuvaremekedza. Muna 1939 baba vakavawo mumwe weZvapupu zvaJehovha. Taiziva kuti Baba vaitida kunyange zvazvo vaitiita kuti tishande vasingatijaidzi sevana. Kazhinji muchando vaisunga mabhiza votitakura pachireyi. Zvechokwadi tainakidzwa nokuona unyirinyiri hwesinou!

Zvisinei, Amai ndivo vakatidzidzisa kuti tide Mwari uye kuti tiremekedze Bhaibheri. Takadzidza kuti zita raMwari ndiJehovha uye kuti ndiye Anopa upenyu. (Pisarema 36:9; 83:18) Takadzidzawo kuti akatipa mirayiro, isiri yokutitorera mufaro, asi yokuti tibatsirwe. (Isaya 48:17) Amai vaigarotisimbisira kuti tine basa chairo rokuita. Takadzidza kuti Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mateu 24:14.

Mumazuva iwayo, pose pandaisvika kumba ndichibva kuchikoro uye amai vasipo pamba, ndaienda kunovatsvaka. Pane imwe nguva, ndava nemakore matanhatu kana kuti manomwe, ndakavaona vari mushedhi inochengeterwa zvinhu. Kwakabva kwatanga kunaya chaizvo. Takanga tiri kunzvimbo yokumusoro inochengeterwa uswa hwezvipfuwo, uye ndakavabvunza kana Mwari akanga ava kuunza mamwe Mafashamo. Vakandisimbisira kuti Mwari akanga apikira kuti aisazomboparadzazve nyika neboporodzi. Ndinoyeukawo kazhinji ndichimhanyira kuimba yepasi, sezvo kwaigara kuchiva nemhepo yakasimba kwazvo.

Kunyange pandakanga ndisati ndazvarwa, Amai vakanga vaita basa rokuparidza. Pane boka revanhu raisangana pamba pedu, vose vaiva netariro yokugara naKristu kumatenga. Kunyange zvazvo Amai vakanga vakaomerwa nokuparidza pamba nemba, kuda kwavo Mwari ndiko kwakaita kuti vakurire kutya kwavo. Vakanga vakatendeka kusvikira musi wavakafa, pana November 24, 1969, vava nemakore 84. “Amai, muri kuenda kudenga, uye muchava nevaya vamunoziva,” ndakazevezera munzeve dzavo. Ndakafara chaizvo kuti ndaigona kuva naAmai panguva iyoyo ndokuvaudza chivimbo chandaiva nacho! Zvinyoronyoro vakati, “Unondikurudzira kwazvo.”

Takatanga Kuparidza

Muna 1939, Russell akava piyona, sokudanwa kunoitwa vaparidzi venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Akapayona ari kuOklahoma neNebraska kusvikira muna 1944 paakazodanwa kuti anoshumira ari padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, (rinonzi Bheteri), kuBrooklyn, New York. Ini ndakatanga kupayona musi waSeptember 20, 1941, uye ndakashanda munzvimbo dzakasiyana-siyana muColorado, Kansas, neNebraska. Makore iwayo oupiyona aifadza kwazvo kwete bedzi nokuti ndaigona kubatsira vanhu kudzidza nezvaJehovha asiwo ndakadzidza kuvimba naye.

Panenge panguva iyo Russell akatanga kupayona, Wayne akanga ari kukoreji yaiva kumhenderekedzo yokumabvazuva pashure pokunge amboshanda kunyika kwekanguva. Gare gare, akakokwa kuBheteri. Akashumira ari paKingdom Farm kwenguva yakati pedyo neIthaca, muNew York. Ikoko, vairima zvokudya zvemhuri duku yepapurazi apa pamwe chete nezvevashandi vanenge 200 vokuBheteri yokuBrooklyn. Wayne akashandisa unyanzvi noruzivo rwake mubasa raJehovha kusvikira afa muna 1998.

Mukoma wangu Ardis akaroorwa naJames Kern, uye vakava nemhuri yevana vashanu. Akafa muna 1997. Mumwe mukoma wangu Clara, ave akavimbika kuna Jehovha kusvikira nhasi, uye pandinenge ndiri pazororo ndichiri kumushanyira kumba kwake muColorado. Hanzvadzi yedu yokupedzisira Curtis, akauya kuBheteri rokuBrooklyn pakati pokuma1940. Aityaira motokari yaienda nokudzoka kuKingdom Farm yakatakura zvinhu zvakasiyana-siyana uye zvirimwa. Haana kumboroora, uye akafa muna 1971.

Chido Changu—Basa repaBheteri

Vakoma vangu vakanga vatoenda kuBheteri, uye chaiva chido changu kunoshandawo ikoko. Ndine chokwadi chokuti muenzaniso wavo wakanaka ndiwo wakaita kuti ndikokwe. Kuteerera amai vangu vachitaura nezvenhoroondo yesangano raMwari uye ndichizvionera ndoga kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri pamusoro pemazuva okupedzisira zvakaita kuti ndive nechido chokushanda paBheteri. Ndakapika kuna Jehovha mumunyengetero kuti kana aizoita kuti ndishande paBheteri, ndaisazombobva kunze kwokuti ndaiva nomutoro wechiKristu wokutarisira.

Ndakasvika paBheteri musi waJune 20, 1945, uye ndakanzi ndishande somuchenesi wedzimba. Ndaiva nemakamuri 13 andaichenesa, aine mibhedha 26 yandaifanira kuwaridza, uye mokufamba namo, masitepisi, uye mahwindo zvokuchenesa. Basa racho rainge rakaoma. Zuva nezuva ndiri pabasa ndaigarotaura nechomumwoyo kuti, ‘Zvechokwadi, waneta, asi uri paBheteri, imba yaMwari!’

Ndichangotanga kushanda paBheteri, ndakaita chimwe chinhu chinosekesa kwazvo. Sezvo ndakakurira kumaruwa, ndakanga ndisingambozivi kuti dumbwaiter chii, chinhu chaitakuriswa zvinhu kubva pane humwe uriri zvichienda pane humwe. Sezvineiwo, rimwe zuva mumwe munhu akandifonera kubasa achiti, “Ungandidzikisirawo dumbwaiter here?” Munhu wacho akabva aisa foni pasi, saka ndakashaya kuti ndoitei. Asi ndakabva ndafunga kuti imwe yehama dzaigara pauriri hwandaishandira akanga ari hweta. Saka ndakagogodza pasuo rake ndikabva ndati kwaari, “Vari kukuda mukicheni.”

Kuroorwa naNathan Knorr

Kubvira kuma1920, vashandi vepaBheteri vaida kuroora vaikumbirwa kusiya Bheteri vonoita basa roUmambo vari kune imwewo nzvimbo. Asi pakutanga kwema1950, vanhu vashomanana vakanga vashanda paBheteri kwenguva refu vaibvumirwa kuroora vachigara. Saka apo Nathan H. Knorr, uyo panguva iyoyo akanga achitungamirira basa roUmambo hwenyika yose akaratidza kundifarira, ndakafunga kuti, ‘Heuno achagara paBheteri!’

Nathan aiva nemabasa akawanda mukutarisira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha. Saka akava akatendeseka kwazvo kwandiri, achindipa zvikonzero zvakawanda nei ndaifanira kufungisisa ndisati ndabvuma kuroorwa naye. Mumazuva iwayo, aifamba chaizvo achishanyira mapazi eZvapupu zvaJehovha munyika yose uye ainge asipo kwemasvondo anoverengeka panguva imwe. Saka akatsanangura kuti taizomboparadzana kwenguva refu.

Somusikana wechiduku, ndairota nezvokuroorwa mumatsutso ndoenda kuzororo revachangobva kuchata kuzvitsuwa zvePacific zveHawaii. Asi zvakazoitika ndezvokuti takaroorana mumwaka wechando, musi waJanuary 31, 1953, uye masikati oMugovera iwoyo neSvondo yacho takanga tiri muNew Jersey. Musi woMuvhuro takatanga basa. Zvisinei, vhiki imwe chete gare gare, takazoenda kuzororo riya.

Shamwari Inoshanda Nesimba

Nathan aiva nemakore 18 paakasvika paBheteri muna 1923. Akadzidziswa basa nomazvo nevanhu vaiva noruzivo vakadai saJoseph F. Rutherford, aitungamirira basa reZvapupu, uye Robert J. Martin, aiva maneja wekwaidhindirwa mabhuku. Hama Martin pavakafa muna September 1932, Nathan akabva ava maneja wekwaidhindirwa mabhuku. Gore rakatevera, Hama Rutherford vakaenda naNathan pavaishanyira mapazi eZvapupu zvaJehovha okuEurope. Muna January 1942 apo Hama Rutherford vakafa, Nathan akapiwa basa rokutarisira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha.

Nathan aiva munhu aitarira zviri mberi, nguva dzose achifanoronga nezvokukura kwomunguva yemberi. Vamwe vaifunga kuti izvi zvakanga zvisina kunaka, sezvo mugumo wenyika ino waifungirwa kuti wakanga wava pedyo zvikuru. Kutaura zvazviri, imwe yehama dzakaona zvairongwa naNathan yakamubvunza kuti: “Chii ichi Hama Knorr? Hamuna kutenda here?” Akapindura kuti: “Hungu, ndinako, asi kana kuguma kukasauya nokukurumidza sezvatinotarisira, tinenge takagadzirira.”

Chimwe chezvinhu izvo Nathan aida zvikuru kwaiva kutanga chikoro chemamishinari. Saka musi waFebruary 1, 1943, chikoro chemamishinari chakatangwa papurazi huru iya paishanda hanzvadzi yangu Wayne. Kunyange zvazvo chikoro chacho chaisanganisira kudzidza Bhaibheri chaizvo kweinenge mwedzi mishanu, Nathan akava nechokwadi chokuti vadzidzi vacho vaimbofaranukawo. Mumakirasi okutanga-tanga, aitambawo mitambo yebhora, asi gare gare haana kuzodaro achityira kukuvara zvaizoita kuti atadze kupinda kokorodzano dzomuchirimo. Akasarudza kuva refuri. Vadzidzi vainakidzwa paaityora mirayiro zviri pachena achifevhera vadzidzi vaibva kune dzimwe nyika.

Kufamba naNathan

Ndakazotangawo kuenda kune dzimwe nyika naNathan. Ndainakidzwa nokukurukurirana nevashandi vepaBheteri nemamishinari. Ndakazvionera ndoga rudo nokuzvipira kwavo, uye ndakadzidza nezvemashandiro avo ezuva nezuva uye mararamiro munyika dzavaishumira vari. Kwemakore akawanda, ndave ndichigamuchira tsamba dzinoratidza kuonga kushanya ikoko.

Pandinoyeuka kushanya ikoko ndinofunga nezvezviitiko zvakawanda. Somuenzaniso, patakaenda kuPoland, pane hanzvadzi mbiri dzaizevezerana ini ndiripo. Ndakadzibvunza kuti, “Nei muri kuzevezerana?” Dzakakumbira ruregerero dzichitsanangura kuti dzakanga dzajaira kuzevezerana sezvo basa reZvapupu zvaJehovha rainge risingabvumirwi muPoland uye dzimba dzavo dzakaiswa michina inotapa manzwi.

Hanzvadzi Adach ndomumwe wevakashumira muPoland basa rarambidzwa. Vaiva nebvudzi rakapemwa uye rimwe rakati vharei pahuma. Pane imwe nguva vakapenengura bvudzi rainge rakavhara pahuma ndokundiratidza vanga rakadzika, rakanga riri rokurohwa nomutambudzi. Ndakashamisika chaizvo kuzvionera migumisiro youtsinye hwaifanira kutsungirirwa nehama nehanzvadzi dzedu.

Nzvimbo yechipiri yandinofarira kunze kwepaBheteri, iHawaii. Ndinoyeuka kokorodzano yakaitwa ikoko muguta reHilo muna 1957. Chaiva chiitiko chikuru, uye vakapinda vainge vakawanda kudarika Zvapupu zvomunzvimbo iyoyo. Meya weguta iroro akatogamuchira Nathan achimutora somushanyi anokosha. Vakawanda vakauya kuzotikwazisa, vachitishongedza muhuro nemaruva.

Imwe kokorodzano inonakidza yakaitwa muNuremberg, kuGermany, muna 1955, yakaitirwa pane yaimbonzi nhandare yaHitler. Zvinonyatsozivikanwa kuti Hitler akanga apikira kuparadza vanhu vaJehovha muGermany, asi zvino nhandare iyi yakanga yazara neZvapupu zvaJehovha! Misodzi yakangotanga kuti mokoto mokoto ndikasagona kuzvidzora. Chikuva chaiva chikuru uye necheshure kwacho paiva nembiru hombe dzinokwana 144. Ndaiva pachikuva uye ndaigona kuona nhandare yose huru yevanhu vanopfuura 107 000. Nechemberi-mberi kwaiva kure chaizvo zvokuti ndakanga ndisinganyatsooni mutsetse wokupedzisira.

Taigona kunzwa kuvimbika kwehama dzedu dzomuGermany uye simba ravakanga vapiwa naJehovha pavaitambudzwa nevatongi vechiNazi. Zvakasimbisa kutsunga kwedu kuva vakavimbika uye kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha. Nathan akapa hurukuro yokupedzisira, uye pamugumo wayo, akasimudzira ruoko vateereri achivaoneka. Vakabva vasimudzawo hengechepfu dzavo vachimuoneka. Waiita somunda une maruva akanaka chaizvo.

Chimwewo chisingakanganwiki kwaiva kushanya kwedu kuPortugal muna December 1974. Taiva pamusangano wokutanga weZvapupu zvomuLisbon pashure pokunge basa redu rabvumirwa zviri pamutemo. Rakanga ramborambidzwa kwemakore 50! Kunyange zvazvo panguva iyoyo munyika macho maingova nevaparidzi voUmambo 14 000, vanodarika 46 000 vaivapo pamisangano miviri yakaitwa. Zvakandichemedza hama padzakati: “Hatichafaniri kuvandazve. Tasununguka.”

Kubvira mumazuva angu okufamba naNathan kusvika nhasi, ndinofarira kupupurira zvisina kurongwa—mundege, mumaresitorendi—uye kupupurira mumugwagwa. Nguva dzose ndinotakura mabhuku saka ndinenge ndakagadzirira. Pane imwe nguva patainge takamirira ndege yakange yanonoka, mumwe mukadzi akandibvunza kwandaishanda. Izvi zvakatungamirira kukukurukurirana naye uye vamwe vainge vakatipoteredza vachiteerera. Basa repaBheteri uye rokuparidzira zvaindiita kuti ndirambe ndichishingaira uye ndichifara chaizvo.

Kurwara uye Kuonekana Kunokurudzira

Muna 1976, Nathan akarwara nekenza, uye ini, nemhuri yeBheteri takamubatsira kuti akwanise kurarama nechirwere chacho. Pasinei nokuti simba rakanga riri kupera, taikokera kukamuri redu nhengo dzehofisi dzemapazi akasiyana-siyana pasi pose panguva iyoyo dzaiva dzauya kuzodzidza kuBrooklyn. Ndinoyeuka kushanya kwaDon naEarlene Steele, Lloyd naMelba Barry, Douglas naMary Guest, Martin naGertrud Poetzinger, Pryce Hughes, nevamwe vakawanda. Vaiwanzotiudza zvakaitika zvokunyika yavo. Ndakafadzwa chaizvo nezvakaitika zvine chokuita nokutsiga kwehama dzedu dzaiva dzarambidzwa.

Nathan paakaziva kuti akanga ave pedyo nokufa, akandipa mazano akanaka okuti ndigone kurarama ndiri chirikadzi. Akati: “Takava nomuchato unofadza. Vanhu vakawanda havamboiti izvozvo.” Chinhu chimwe chakaita kuti muchato wedu ufadze kwaiva kufunga kwaNathan. Somuenzaniso, pataisangana nevakasiyana-siyana mukufamba kwedu, aiti kwandiri: “Audrey, kana pane dzimwe nguva ndisingakuudzi kuti ndivanaani, imhaka yokuti ndinenge ndakanganwa mazita avo.” Ndakafara chaizvo kuti akanga afanondiudza.

Nathan akandiyeuchidza kuti: “Kana tafa, tariro yedu ndeyechokwadi, uye hatizomborwadziwi zvekare.” Zvadaro akandikurudzira kuti: “Tarira mberi, nokuti ikoko ndiko kune mubayiro wako. Usafunga zvakapfuura—kunyange zvazvo uchiramba uine ndangariro yazvo. Uchapora nokufamba kwenguva. Usatsamwa wozvinzwira tsitsi. Fara kuti wakava nomufaro nezvikomborero izvi. Pashure penguva yakati, uchaona kuti ndangariro dzichakufadza. Ndangariro chipo chatakapiwa naMwari.” Akatizve: “Ramba wakabatikana—edza kushandisa upenyu hwako kuitira vamwe chimwe chinhu. Izvi zvichakubatsira kuwana mufaro muupenyu.” Pakupedzisira, musi waJune 8, 1977, Nathan akapedza upenyu hwake hwepasi pano.

Kuroorwa naGlenn Hyde

Nathan akanga andiudza kuti ndaigona kurarama munguva yakapfuura nendangariro dzangu kana kuti ndaigona kutanga upenyu hutsva. Saka muna 1978, pashure pokunge ndatamira kuWatchtower Farms muWallkill, New York, ndakaroorwa naGlenn Hyde, munhu akanaka kwazvo pachiso, akanyarara, uye munyoro. Asati ava Chapupu, aimboshanda muZvikepe zvehondo United States payairwa neJapan.

Glenn aishandira mukamuri raiva neinjini rechikepe chePT (patrol torpedo). Pamusana poruzha rweinjini, akapedzisira asisanyatsonzwi. Hondo yapera, akashanda basa rokudzimura moto. Kwemakore aivhurumuka pamusana pezvakanga zvaitika muhondo. Akadzidza chokwadi cheBhaibheri kune munyori wake, akamupupurira zvisina kurongwa.

Gare gare, muna 1968, Glenn akadanwa kuBheteri kuti anoshanda somudzimuri wemoto kuBrooklyn. Pakazowana Watchtower Farms injini dzemoto, akatamisirwako muna 1975. Nokufamba kwenguva, akarwara nechirwere cheAlzheimer. Pashure pokunge taroorana kwemakore gumi, Glenn akafa.

Ndaizoita sei? Uchenjeri hwandakanga ndapiwa naNathan paakanga ava kufa hwakandinyaradzazve. Ndakaramba ndichiverenga zvaakanga andinyorera nezvouchirikadzi. Ndichiri kuudza vamwe vanofirwa nevarume vavo, naivowo vakanyaradzwa nemazano aNathan. Chokwadi, zvakanaka kutarira mberi sezvaakandikurudzira.

Ukama Hwehama Hunokosha

Shamwari dzinodiwa dzemhuri yeBheteri ndidzo dzakabatsira kuti ndive anofara, uye anogutsikana. Mumwe wacho ndiEsther Lopez, akapedza kudzidza muna 1944 mukirasi yechitatu yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Akadzoka kuBrooklyn muna February 1950 kuzoshandurira mabhuku edu eBhaibheri muSpanish. Kazhinji apo Nathan ainge asipo, Esther ndiye aive shamwari yangu yepedyo. Naiyewo ari paWatchtower Farms. Iye zvino ave nemakore epakati pokuma90, ave ndonda uye ari kutarisirwa kunotarisirwa varwere vedu pano.

Pahama dzangu dzepedyo, Russell naClara ndivo bedzi vachiri vapenyu. Russell ane makore anodarika 90 uye ari kushumira akatendeka paBheteri kuBrooklyn. Ndiye mumwe wevakatanga kutenderwa kuramba vari paBheteri pashure pokuroora. Muna 1952, akaroora Jean Larson, aishandawo paBheteri. Hanzvadzi yaJean, Max, akauya kuBheteri muna 1939 akatsiva Nathan somutarisiri wekwaidhindirwa mabhuku muna 1942. Nanhasi Max ane nzvimbo yomutoro paBheteri, kusanganisira kutarisira mudzimai wake anodiwa, Helen, anorwara nenhetemwa.

Pandinoyeuka makore anodarika 63 ndiri mubasa raJehovha renguva yakazara, ndinogona kutaura kuti upenyu hwangu hwave huchigutsa zvechokwadi. Bheteri wakava musha wangu, uye ndichiri kushumira pano nomwoyo unofara. Ndinoonga vabereki vangu vakatidzidzisa kukosha kwokushanda uye chido chokushumira Jehovha. Asi chinoita kuti upenyu hugutse ukama hwedu hwakanaka uye tariro yokurarama nehama nehanzvadzi dzedu muparadhiso pasi pano, tichishumira Musiki wedu Mukuru, Mwari bedzi wechokwadi, Jehovha, nokusingaperi.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vabereki vangu pazuva romuchato wavo muna June 1912

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Russell, Wayne, Clara, Ardis, ini, naCurtis muna 1927

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndakamira pakati paFrances naBarbara McNaught, pandaipayona muna 1944

[Mufananidzo uri papeji 25]

PaBheteri muna 1951. Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Ini, Esther Lopez, nomuroora wangu, Jean

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Nathan nevabereki vake

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Nathan muna 1955

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndiina Nathan muHawaii

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiine murume wangu wechipiri, Glenn