Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Chirevo chaJehovha’ Hachingakundikani

‘Chirevo chaJehovha’ Hachingakundikani

‘Chirevo chaJehovha’ Hachingakundikani

“Ndichaparidza chirevo, chinoti: Jehovha wakati kwandiri: Ndiwe mwanakomana wangu; . . . Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako.”—PISAREMA 2:7, 8.

1. Chinangwa chaMwari nechemarudzi zvakasiyana papi?

JEHOVHA MWARI ane chinangwa nevanhu nepasi. Marudzi anewo chinangwa. Asi zvinangwa izvi zvakasiyana chaizvo! Tinofanira kutarisira izvi, nokuti Mwari anoti: “Denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.” Chinangwa chaMwari chichatozadzika, nokuti anoenderera mberi achiti: “Mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:9-11.

2, 3. Chii chinojekeswa mupisarema rechipiri, asi mibvunzo ipi inomutswa?

2 Kuti chinangwa chaMwari maererano naMambo wake Mesiya chichazadzika kunojekeswa mupisarema rechipiri. Munyori waro, Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare, akafuridzirwa naMwari kufanotaura kuti paizova nenguva inokosha apo marudzi aizoita bope. Vatongi vawo vaizorwa naJehovha Mwari noMuzodziwa wake. Zvisinei, munyori wepisarema akaimbawo kuti: “Ndichaparidza chirevo, chinoti: Jehovha wakati kwandiri: Ndiwe mwanakomana wangu . . . Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, nemigumo yenyika zvive zvako.”—Pisarema 2:7, 8.

3 ‘Chirevo chaJehovha’ chinorevei kumarudzi? Chinei chokuita nevanhu vose zvavo? Chokwadi, izvi zvinorevei kuvaverengi vose vanotya Mwari vepisarema rechipiri?

Marudzi Anoita Bope

4. Ungapfupisa sei pfungwa huru dzePisarema 2:1, 2?

4 Achitaura nezvemabasa emarudzi nevatongi vawo, munyori wepisarema anotanga kuronga rwiyo rwake nokuimba kuti: “Ndudzi dzinoitireiko bope, navanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika anozvigadzira, navabati vanorangana, kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake.”—Pisarema 2:1, 2. *

5, 6. Mapoka emarudzi ‘akaramba achifunga’ zvinhu zvipi “zvisina maturo”?

5 Zvinhu zvipi ‘zvisina maturo zvinoramba zvichifungwa’ nemapoka emarudzi anhasi? Pane kubvuma Muzodziwa waMwari—Mesiya, kana kuti Kristu—marudzi ‘anoramba achifunga,’ kana kuti kufungisisa nezvokuenderera mberi kwesimba rawo. Mashoko aya episarema rechipiri aishandawo muzana remakore rechipiri C.E. apo zviremera zvevaJudha nezvevaRoma zvakashandira pamwe kuti zviuraye Mambo waMwari Akasarudzwa, Jesu Kristu. Zvisinei, kuzadzika kukuru kwakatanga muna 1914 Jesu paakagadzwa saMambo wokudenga. Kubva ipapo, hapana kana sangano rimwe zvaro rezvematongerwe enyika pasi pano rakabvuma Mambo waMwari akagadzwa pachigaro.

6 Chii chairehwa munyori wepisarema paakabvunza kuti ‘mapoka emarudzi aifungirei zvisina maturo’? Chinangwa chavo ndicho chisina maturo; hachina nebasa rose uye hachizobudiriri. Havagoni kuunza rugare nokuyanana zvinodiwa nenyika ino. Asi, vanotosvika pakushora kutonga kwaMwari. Kutaura zvazviri, vakabatana kuti vaite zvechisimba uye vakaungana kuti varwe neWokumusorosoro noMuzodziwa wake. Upenzi hwakadini!

Mambo waJehovha Anokunda

7. Mumunyengetero, vateveri vaJesu vepakutanga vakashandisa sei Pisarema 2:1, 2?

7 Vateveri vaJesu vakashandisira mashoko ePisarema 2:1, 2 kwaari. Vatambudzirwa kutenda kwavo, vakanyengetera kuti: “Changamire Ishe [Jehovha], Ndimi makaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri, uye nomudzimu mutsvene makataura nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi, mushandi wenyu kuti, ‘Marudzi akaitirei mheremhere uye nei vanhu vakafungisisa zvinhu zvisina maturo? Madzimambo epasi akamira uye vatongi vevanhu vakaungana semunhu mumwe kuti varwisane naJehovha uye kuti varwisane nomuzodziwa wake.’ Kunyange zvakadaro, Herodhi [Andipasi] naPondiyo Pirato nevanhu vemamwe marudzi nevanhu vaIsraeri chaizvoizvo vakaunganidzwa muguta rino kuti varwisane nomushandi wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza.” (Mabasa 4:24-27; Ruka 23:1-12) * Chokwadi, muzana remakore rokutanga, vakarangana kuuraya Jesu, mushumiri waMwari akazodzwa. Zvisinei, pisarema iri raizova nokumwe kuzadzika mazana emakore akazotevera.

8. Pisarema 2:3 rinoshanda sei kumarudzi anhasi?

8 Israeri yekare payaiva nomutongi aiva munhu, saDhavhidhi, marudzi echihedheni nevatongi vakaungana pamwe chete kuti varwise Mwari nomuzodziwa wake akagadzwa pachigaro. Asi zvakadini nenguva yedu? Marudzi anhasi haadi kuita zvinodiwa naJehovha naMesiya. Saka, anoratidzwa seanoti: “Ngatidambure zvisungo zvavo, ngatirase mabote avo abve kwatiri.” (Pisarema 2:3) Zvirambidzo zvose zvinoiswa naMwari noMuzodziwa wake zvaizoshorwa nevatongi nemarudzi. Chokwadi, kuedza kwose kudambura zvisungo zvakadaro ndokurasa mabote iwayo kuchave kusina maturo.

Jehovha Anovadadira

9, 10. Nei Jehovha achidadira marudzi?

9 Jehovha haana hanya nokuedza kwose kwevatongi vemarudzi kuti vagadze uchangamire hwavo. Pisarema rechipiri rinoenderera mberi richiti: “Iye, ugere kudenga-denga, uchaseka; Ishe uchavadadira.” (Pisarema 2:4) Mwari anoenderera mberi nechinangwa chake sokunge kuti vatongi ava havasi chinhu. Anoseka kuvirima kwavo obva avadadira. Ngavazvikudze nezvezvavanofunga kuita. Kuna Jehovha chiseko zvacho. Anoseka kushora kwavo kusina basa.

10 Kumwewo zvako mumapisarema ake, Dhavhidhi anotaura nezvevanhu vari vavengi uye marudzi obva aimba kuti: “Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsraeri, mukai mushanyire vahedheni vose; musanzwira tsitsi mudariki upi noupi wakaipa. Vanodzoka madekwana, vanouudza sembwa, vanopota neguta. Tarirai, vanodzvova nemiromo yavo; minondo iri pamiromo yavo; nokuti vanoti: Ndianiko unganzwa? Asi imi Jehovha muchavaseka; muchadadira vahedheni vose.” (Pisarema 59:5-8) Jehovha anoseka kuzvikudza nokuvhiringidzika kwemarudzi muupenzi hwawo hwokurwisana naye.

11. Chii chinoitika marudzi paanoedza kudzivisa chinangwa chaMwari?

11 Mashoko ePisarema rechipiri anosimbisa kutenda kwedu kuti Mwari anogona kupedza chinetso chipi nechipi. Tinogona kuva nechivimbo chokuti nguva dzose anoita kuda kwake uye haambosiyi vashumiri vake vakavimbika. (Pisarema 94:14) Saka, chii chinoitika marudzi paanoedza kurwisana nechinangwa chaJehovha? Maererano nepisarema iri, Mwari “uchataura kwavari pakutsamwa kwake,” sokunge nokutinhira kukuru kwemabhanan’ana. Uyezve, “pahasha dzake huru,” sokunge kuti nokupenya kukuru kwemheni, acha“vavhundutsa.”—Pisarema 2:5.

Mambo waMwari Anogadzwa

12. Pisarema 2:6 rinotaura nezvokugadza pachigaro choumambo kupi?

12 Hapana mubvunzo kuti zvinotaurwazve naJehovha achishandisa munyori wepisarema zvinovhiringidza marudzi. Mwari anozivisa kuti: “Kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.” (Pisarema 2:6) Gomo reZioni raiva chikomo chaiva muJerusarema apo Dhavhidhi akagadzwa samambo weIsraeri yose. Asi Mambo Mesiya haazogari pachigaro chokutonga muguta iroro kana kuti kumwewo pasi pano. Kutaura zvazviri, Jehovha akatogadza Jesu Kristu paGomo reZioni rokudenga saMambo Mesiya wake akasarudzwa.—Zvakazarurwa 14:1.

13. Jehovha akaita sungano ipi noMwanakomana wake?

13 Mambo Mesiya zvino anotaura. Anoti: “Ndichaparidza chirevo; chinoti: Jehovha [Mwari uyo akaita sungano yoUmambo noMwanakomana wake] wakati kwandiri: Ndiwe mwanakomana wangu; nhasi ndakakubereka.” (Pisarema 2:7) Kristu akataura nezvesungano yoUmambo paakaudza vaapostora vake kuti: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.”—Ruka 22:28, 29.

14. Nei zvinganzi Jesu ane kodzero isingakwikwidzwi yokuva mambo?

14 Sezvakafanotaurwa pana Pisarema 2:7, Jehovha akabvuma Jesu soMwanakomana Wake paakabhabhatidzwa uye nokumumutsira kuupenyu hwomudzimu. (Mako 1:9-11; VaRoma 1:4; VaHebheru 1:5; 5:5) Chokwadi, Mambo woUmambo hwokudenga ndiye Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi. (Johani 3:16) Somuzukuru weimba youmambo waMambo Dhavhidhi, Jesu ane kodzero isingakwikwidzwi yokuva mambo. (2 Samueri 7:4-17; Mateu 1:6, 16) Maererano nepisarema iri, Mwari anoudza Mwanakomana wake kuti: “Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, nemigumo yenyika zvive zvako.”—Pisarema 2:8.

15. Nei Jesu achikumbira marudzi senhaka yake?

15 Mambo—Mwanakomana waMwari oga—ane nzvimbo iri pedyo zvikuru naJehovha. Jesu ndiye munhu akaedzwa, akatendeka, uye akavimbika waJehovha. Uyezve, Jesu ane nhaka seDangwe raMwari. Kutaura zvazviri, Jesu Kristu “ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, dangwe rezvisikwa zvose.” (VaKorose 1:15) Zvaanongofanira kuita chete kukumbira uye Mwari ‘anomupa ndudzi ive nhaka yake, nemigumo yenyika zvive zvake.’ Jesu anokumbira izvi somunhu ano‘farira kwazvo zvinhu zvine chokuita nevanakomana vevanhu’ uye nokuda kwake zvikuru kuita zvinodiwa naBaba vake vokudenga pasi pano nokuvanhu.—Zvirevo 8:30, 31.

Chirevo chaJehovha Kumarudzi

16, 17. Maererano nePisarema 2:9, chii chichaitirwa marudzi?

16 Sezvo pisarema rechipiri riri kuzadzika iye zvino, panguva yokuvapo kwaJesu Kristu kusingaoneki, chii chichaitika kumarudzi? Nokukurumidza Mambo achazivisa chirevo chaMwari chinoti: “Muchavapwanya [marudzi] netsvimbo youtare; muchavaputsanya sehari yomuumbi.”—Pisarema 2:9.

17 Tsvimbo dzemadzimambo dzomunguva yekare dzaiva zviratidzo zvesimba roumambo. Dzimwe tsvimbo dzaiitwa nesimbi, seiyi inotaurwa nezvayo mupisarema rino. Kutaura kwokufananidzira kunoshandiswa pano kunoratidza kuti zvichava nyore sei kuti Kristu Mambo aparadze marudzi. Kurova kune simba zvikuru netsvimbo yesimbi kwaizoputsa-putsa mudziyo wevhu womuumbi, kuuparadza zvachose.

18, 19. Kuti atenderwe naMwari, madzimambo epasi anofanira kuitei?

18 Vatongi vemarudzi vanofanira kupupurira kuparadza zvachose kwakadaro here? Aiwa, nokuti munyori wepisarema anovatetererera nemashoko aya: “Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; munyeverwe, imi vatongi venyika.” (Pisarema 2:10) Madzimambo anokumbirwa kuti anyatsoteerera, anzwisise. Anofanira kuziva kuti zvirongwa zvawo hazvina maturo, kusiyana nezvichaitwa noUmambo hwaMwari kubatsira vanhu.

19 Kuti atenderwe naMwari, madzimambo epasi anofanira kuchinja maitiro awo. Anorayirwa kuti “shumirai Jehovha nokutya, mufare muchidedera.” (Pisarema 2:11) Zvakadini kana aizoita izvozvo? Pane kuita bope kana kuti kushungurudzika mupfungwa, anogona kufarira tarisiro dzezvaachaitirwa naMambo Mesiya. Zvaizova zvakanaka kuti madzimambo arege kudada nokuzvikudza kwaanoita pakutonga kwawo. Uyezve, anotofanira kuchinja nokukurumidza oratidza kunzwisisa ukuru hwokutonga kwouchangamire hwaJehovha husina chinoenzana nahwo uye simba risingadzivisiki raMwari neraMambo wake Mesiya.

“Svetai Mwanakomana”

20, 21. Zvinorevei ‘kusveta mwanakomana’?

20 Pisarema rechipiri zvino rinokoka netsitsi vatongi vemarudzi. Pane kuungana achishora, anorayirwa kuti: “Svetai Mwanakomana, [Jehovha Mwari] arege kutsamwa, mufire panzira, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.” (Pisarema 2:12a) Changamire Ishe Jehovha anofanira kuteererwa paanopa chirevo. Mwari paakagadza Mwanakomana wake pachigaro, vatongi venyika vaifanira kurega ‘kufunga zvisina maturo.’ Vaifanira kubva vangobvuma Mambo wacho vomuteerera zvizere.

21 Nei vaifanira ‘kusveta mwanakomana’? Pisarema rino parakanyorwa, kusveta kwaiva chiratidzo choushamwari uye kwaishandiswa kugamuchira vaenzi mumusha momunhu, mavaigamuchirwa. Kusveta kwaigonawo kuva chiito chokuvimbika kana kuti kutendeseka. (1 Samueri 10:1) Mundima ino yePisarema rechipiri, Mwari ari kurayira marudzi kuti asvete, kana kuti agamuchire Mwanakomana wake saMambo akazodzwa.

22. Vatongi vemarudzi vanofanira kuteerera nyevero ipi?

22 Vaya vanoramba kubvuma chiremera chaMambo waMwari akasarudzwa vanotuka Jehovha. Vanoramba uchangamire hwaJehovha hwapose pose uye chiremera chake nemano ake okusarudza Mambo wevanhu ari mutongi anopfuura vose. Vatongi vemarudzi vachaona kuti hasha dzaJehovha dzichavakurira kamwe kamwe, pavanenge vachiedza kuita zvirongwa zvavo. “Hasha dzake dzingakurumidza kumuka,” kana kuti kuputika nokukurumidza zvisingadzivisiki. Vatongi vemarudzi vanofanira kugamuchira nyevero iyi vachifara voita maererano nayo. Kuita kudaro kunoreva upenyu.

23. Nguva ichiripo yokuti vanhu vaite chii?

23 Pisarema iri rinonakidza rinoguma richiti: “Vakakomborerwa vose vanovimba naye [Jehovha].” (Pisarema 2:12b) Nguva ichiripo yokuti vanhu vawane kuchengeteka. Izvozvo ndezvechokwadi kunyange nezvevatongi vamwe nevamwe vave vachitsigira zvirongwa zvemarudzi. Vanogona kutizira kuna Jehovha, uyo vanhu vanogona kupotera kwaari pasi pokutonga kwoUmambo. Asi vanofanira kuita chimwe chinhu Umambo hwaMesiya husati hwaparadza marudzi anoshora.

24. Tingararama sei upenyu hunogutsa zvikuru kunyange munyika ino yatambudzika?

24 Kana tichishingaira kudzidza Magwaro toshandisa zano rawo muupenyu, tinogona kurarama upenyu hunogutsa zvikuru kunyange iye zvino munyika yatambudzika. Kushandisa zano reMagwaro kunoguma noukama hwemhuri hunofadza uye kusununguka pazvinetso zvakawanda nokutya zvakazara munyika ino. Kutevera nhungamiro dzeBhaibheri kunotipa chivimbo chokuti tiri kufadza Musiki. Changamire Wezvose zvakasikwa bedzi ndiye anogona kuvimbisa “upenyu huno nehuchauya” pashure pokunge abvisa pasi pano vaya vanoshora zvinhu zvakarurama nokuramba kutonga kwoUmambo.—1 Timoti 4:8.

25. Sezvo ‘chirevo chaJehovha’ chisingakundikani, chii chatingatarisira kuti chiitike munguva yedu?

25 ‘Chirevo chaJehovha’ hachikundikani. SoMusiki wedu, Mwari anoziva zvakanakira vanhu uye achaita chinangwa chake kuti akomborere vanhu vanoteerera norugare, kugutsikana, uye kuchengeteka kusingaperi muUmambo hwoMwanakomana wake anodiwa. Nezvenguva yedu, muprofita Dhanieri akanyora kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, . . . Ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Naizvozvo, zvechokwadi yava nguva yoku‘sveta Mwanakomana’ ndokushumira Changamire Ishe, Jehovha!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Pakutanga, Mambo Dhavhidhi akanga ari “muzodziwa,” uye “madzimambo enyika” aiva vatongi veFiristiya vakaunganidza mauto avo kuti vamurwise.

^ ndima 7 Dzimwe ndima dzeMagwaro echiKristu echiGiriki dzinoratidzawo kuti Jesu ndiye Muzodziwa waMwari anotaurwa mupisarema rechipiri. Izvi zvinoonekwa nokuenzanisa Pisarema 2:7 naMabasa 13:32, 33 uye VaHebheru 1:5; 5:5. Onawo Pisarema 2:9 naZvakazarurwa 2:27.

Ungapindura Sei?

• Mapoka emarudzi ‘anoramba achifunga’ zvinhu zvipi “zvisina maturo”?

• Nei Jehovha achidadira marudzi?

• Chii chiri chirevo chaMwari pamarudzi?

• Chii chinorehwa ‘nokusveta mwanakomana’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Dhavhidhi akaimba nezvaMambo Mesiya anokunda

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vatongi nevanhu veIsraeri vakarangana pamusoro paJesu Kristu

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kristu akagadzwa saMambo paGomo reZioni rokudenga