Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kusimudzira Zita raJehovha”

“Kusimudzira Zita raJehovha”

“Kusimudzira Zita raJehovha”

PASI pose, magazini yeNharireyomurindi neMukai!, ari kufarirwa nokuda kwezvaanazvo zvine chokuita nokunamata uye mirayiridzo inokosha. Achifunga nezveizvi mumwe muverengi wokuFrance munguva pfupi yapfuura akanyora tsamba inotevera:

“Ndiri mukadzi wechiduku, anobva kuAfrica, asina kunyanya kudzidza. Nguva pfupi yapfuura, ndakatanga kuverenga magazini enyu. Ndinokwezvwa nemisoro yawo, ndiri kuona kukosha kwokuaverenga. Ndinokutendai, ndawedzera mashoko andave kuziva uye ndava kugona kunyora tsamba ndichingoita zvikanganiso zvishoma.

Ndinoshamisika kuti munotaura nezvezvinhu zvose zvine chokuita nevanhu, pasi, uye Musiki. Nyaya idzi dziri nyore zvikuru kunzwisisa zvokuti dzinoita kuti munhu ade kuverenga zvikuru. Hakuna mumwe munhu ane unyanzvi hwokudzidzisa vanhu vemarudzi ose panguva imwe chete.

“Ndinoshamisikawo pandinoona kuti zvose izvi hazviitirwi purofiti asi kungosimudzira zita raJehovha. Ndinoziva kuti anokufarirai, uye ndinokutendai. Ndapota rambai muchiwana simba kuMusiki kuitira kuti mudzidzise.”

Zvapupu zvaJehovha iye zvino zviri kuita basa razvo rokudzidzisa Bhaibheri munyika 235. Nharireyomurindi inobudiswa mumitauro 148 uye Mukai! 87. Magazini aya haanyorerwi kuti pave nomunhu anorumbidzwa. Zano rinobva muBhaibheri uye mashoko anoenderana nenguva anowanikwa imomo zvakaitirwa kukudza Musiki, uyo anoti: “Ndini Jehovha . . . unokudzidzisa zvinokubatsira.” (Isaya 48:17) Batsirwa nokuverenga Magwaro Matsvene nguva dzose pamwe chete nemagazini aya anobatsira kudzidza Bhaibheri.