Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chii chinofananidzirwa nourongwa hwegore reJubheri rinotaurwa muchitsauko 25 chaRevhitiko?

Mutemo waMosesi wakataura kuti “pagore rechinomwe, nyika inofanira kuzorora kwazvo.” Nezvegore iroro vaIsraeri vakarayirwa kuti: “Usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako. Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.” (Revhitiko 25:4, 5) Saka, gore rechinomwe roga roga raifanira kuva gore reSabata munyika yacho. Uye gore rechi50 roga roga, pashure pegore reSabata yechinomwe, raiva Jubheri. Chii chaifanira kuitika mugore iroro?

Jehovha akaudza Israeri achishandisa Mosesi kuti: “Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake. Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva jubheri kwamuri; musadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.” (Revhitiko 25:10, 11) Jubheri raiva gore rechipiri remaSabata anotevedzana enyika. Asi raiunza rusununguko kuvagari vemo. VaJudha vose vainge vatengeswa kuti vave varanda vaifanira kusunungurwa. Nhaka iyo munhu ainge amanikidzwa kuti atengese yaifanira kudzorerwa kumhuri yake. Jubheri raifanira kuva gore rokudzorera nerokusunungura Israeri yekare. Rinofananidzirei kuvaKristu?

Kupanduka kwomunhu wokutanga Adhamu, kwakaita kuti vanhu vave muuranda hwechivi. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu ndihwo urongwa hwaMwari hwokusunungura vanhu muuranda hwechivi. * (Mateu 20:28; Johani 3:16; 1 Johani 2:1, 2) VaKristu vanosunungurwa rini pamutemo wechivi? Achitaura kuvaKristu vakazodzwa, muapostora Pauro akati: “Mutemo womudzimu iwoyo unopa upenyu huri pamwe naKristu Jesu wakakusunungurai pamutemo wechivi noworufu.” (VaRoma 8:2) Vaya vane tariro youpenyu hwokudenga vanosunungurwa pavanozodzwa nomudzimu mutsvene. Kunyange zvazvo miviri yavo iri yenyama uye isina kukwana, Mwari anovati vakarurama ovatora sevanakomana vake vomudzimu. (VaRoma 3:24; 8:16, 17) Kune vakazodzwa seboka, Jubheri rechiKristu rakatanga paPendekosti 33 C.E.

Zvakadini ne“mamwe makwai,” anotarisira upenyu husingaperi pasi pano? (Johani 10:16) Kune mamwe makwai, Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu kucharatidza kuva nguva yokudzorerwa neyokusunungurwa. MuJubheri iri reMakore Ane Chiuru, Jesu achashandisa kukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro kuvanhu vanotenda uye achachinja migumisiro yechivi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Panozopera Mireniyamu Yokutonga kwaKristu, vanhu vachasvika pakukwana uye vachange vasunungurwa zvachose muchivi norufu zvakagarwa nhaka. (VaRoma 8:21) Izvozvo zvaitwa, Jubheri rechiKristu richange rapera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Chokwadi, Jesu akatumwa kuti a“paridzire vakatapwa kusunungurwa.” (Isaya 61:1-7; Ruka 4:16-21) Akazivisa kusunungurwa kwomudzimu.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jubheri reMakore Ane Chiuru—nguva yokudzorerwa neyokusunungurwa ye“mamwe makwai”