Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mumwe Nomumwe Wakangwara Unoita Nokuziva”

“Mumwe Nomumwe Wakangwara Unoita Nokuziva”

“Mumwe Nomumwe Wakangwara Unoita Nokuziva”

MIRAYIRO inobva muShoko raMwari, Bhaibheri, ‘inofanira kudiwa kukunda ndarama—kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka.’ (Pisarema 19:7-10) Nei? Nokuti “kudzidzisa kwowakachenjera [Jehovha] itsime roupenyu; kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.” (Zvirevo 13:14) Kana rikashandiswa, zano reMagwaro haringovandudzi upenyu hwedu chete asi rinotibatsirawo kunzvenga misungo inoisa upenyu mungozi. Zvinokosha kwazvo kuti titsvake zivo yeMagwaro torarama maererano nezvatinodzidza!

Sezvakanyorwa pana Zvirevo 13:15-25, Mambo Soromoni weIsraeri yekare akapa zano rinotibatsira kuti tiite nokuziva tova noupenyu huri nani uye hwakareba. * Achishandisa zvirevo zvipfupi, anoratidza kuti Shoko raMwari rinotibatsira sei kuti tifarirwe nevamwe, kuti tirambe takatendeka muushumiri hwedu, kuti tione chirango zvakanaka, uye kuti tisarudze nokuchenjera vatinoshamwaridzana navo. Anotaurawo nezvouchenjeri hwokusiyira vana vedu nhaka uye kuvaranga norudo.

Njere Dzakanaka Dzinounza Kufarirwa

“Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu,” anodaro Soromoni, “asi nzira yavatadzi ihukutu.” (Zvirevo 13:15) Mashoko ekare okuti “njere dzakanaka,” kana kuti kunzwisisa kwakanaka, “anotsanangura kuva noungwaru, kugona kusarudza, uye pfungwa dzouchenjeri,” rinodaro rimwe bhuku. Hazviomeri munhu ane unhu hwakadaro kufarirwa nevamwe.

Funga nezvokunzwisisa kwakaratidzwa nomuapostora Pauro kuna Firimoni, muKristu waainamata naye panguva yaaimutumira muranda wake akanga amutiza Onesimo, zvino akanga ava muKristu. Pauro akarayira Firimoni kuti atore Onesimo nomutsa, kunyange sezvaaizoita pakugamuchira muapostora wacho. Kutaura zvazviri, Pauro aitoda kubhadhara kana Onesimo aiva nechikwereti naFirimoni. Chokwadi, Pauro angadai akashandisa simba rake ndokuudza Firimoni kuita zvakanaka. Asi muapostora wacho akasarudza kugadzirisa chinetso chacho nokungwarira uye norudo. Nokuita kudaro, Pauro akavimba kuti Firimoni aizobvuma, uye zvichizomuita kuti ade kuita zvinopfuura zvaakanga akumbirwa kuita. Hatifaniri kuitawo saizvozvo here kune vatinonamata navo?—Firimoni 8-21.

Asi nzira yomunyengeri ihukutu, kana kuti yakaoma. Mupfungwai? Maererano neimwe nyanzvi, shoko rakashandiswa pano rinoreva “kusimba,” richiratidza maitiro asingachinji evanhu vakaipa. . . . Munhu akatsunga kuita zvakaipa, asingachinji asina hanya nokurayira kwouchenjeri hwevamwe, ari panzira yokuparadzwa.”

Soromoni anoenderera mberi achiti: “Mumwe nomumwe, wakangwara, unoita nokuziva, asi benzi rinokusha upenzi hwaro.” (Zvirevo 13:16) Uyu munhu akangwara asina unyengeri. Kungwara pano kwakabatana nezivo uye kunonzi ndokwemunhu akachenjera, anofunga asati aita chimwe chinhu. Paanenge achitsoropodzwa kana kutotukwa, munhu akachenjera anozvidzora. Anonyengeterera chibereko chomudzimu mutsvene zvokuti haazonyanyi kugumbuka. (VaGaratiya 5:22, 23) Munhu akachenjera haabvumi kudzorwa nomumwe munhu kana kuti nemamiriro ezvinhu. Asi, anozvidzora uye oita kuti pasave nokurwa izvo zvinowanzoitika kumunhu anokurumidza kutsamwa kana achinge agumburwa.

Munhu akangwara anoshandisa zivo paanoita zvisarudzo. Anoziva kuti kuita nokuchenjera hakuwanzoitika nokufembera, uchidzorwa nemanzwiro, kana kungoita zviri kuitwa noruzhinji. Saka anotora nguva achiongorora mamiriro ezvinhu aripo. Anounganidza zvose zvinobatanidzwa uye osarudza kuti ndezvipi zvakakodzera kuita. Zvadaro anotsvakurudza muMagwaro uye osarudza mitemo kana kuti nhungamiro dzeBhaibheri dzaangashandisa. Nzira yomunhu akadaro inoramba yakarurama.—Zvirevo 3:5, 6.

“Munyai Unotendwa Unoporesa”

SeZvapupu zvaJehovha, takapiwa basa rokuzivisa shoko raMwari. Mashoko echirevo chinotevera anotibatsira kuramba takatendeka tichiita basa redu. Chinoti: “Nhume yakaipa inowira munjodzi; asi munyai unotendwa unoporesa.”Zvirevo 13:17.

Chiri kusimbiswa pano unhu hwenhume yacho. Zvakadini kana nhume yacho ikavhiringidza kana kuti kuchinja mashoko acho? Ingasatongwa zvakaomarara here? Funga nezvaGehazi muranda womuprofita Erisha, uyo nemakaro akaendesa mashoko enhema kuna Naamani mukuru wemauto eSiriya. Maperembudzi akanga aporeswa Naamani akanamatira pana Gehazi. (2 Madzimambo 5:20-27) Zvakadini kana nhume yacho ikava isina kutendeka uye yobva yarega kuzivisa mashoko? Bhaibheri rinoti: “[Kana] iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa uchafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake [ini Jehovha] ndicharibvunza paruoko rwako.”—Ezekieri 33:8.

Asi, nhume yakatendeka inozviporesa nevamwe vanoiteerera. Pauro akarayira Timoti achiti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Funga nezvezvinopedzwa nokuporesa kunoita kuzivisa mashoko akanaka oUmambo kwokutendeka. Kunomutsa vanhu vane mwoyo yakarurama uye kunovatungamirira kuchokwadi chinovasunungura. (Johani 8:32) Kunyange kana vanhu vakasateerera mashoko acho, nhume yakavimbika ‘icharwira mweya wayo.’ (Ezekieri 33:9) Ngatisamboregeredza kuita basa redu rokuparidza. (1 VaKorinde 9:16) Uye ngatigare tichingwarira ku“paridza shoko,” tisingamborerutsi kana kuwedzeredza kuti rigogamuchirwa.—2 Timoti 4:2.

“Anoteerera Kurayirwa Uchakudzwa”

Munhu akachenjera anofanira kugumbuka here paanopiwa mazano anobatsira? Zvirevo 13:18 inoti: “Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro wounoramba kurayirirwa; asi unoteerera kurayirwa uchakudzwa.” Takachenjera kana tichigamuchira kunyange kurayirirwa kwatisina kukumbira. Zano rakakodzera ringabatsira zvikuru patinenge tisingafungi kuti tingarida. Kuteerera zano rakadaro kungadzivisa marwadzo uye zvotibatsira kudzivisa njodzi. Kusateerera kunounza kuzvidzwa.

Kurumbidzwa, kana kuchidiwa, kunotifadza uye kunokurudzira zvechokwadi. Asi tinodawo kutarisira tobvuma kurayirirwa. Funga nezvetsamba mbiri dzakanyorerwa Timoti nomuapostora Pauro. Dzichimurumbidza nokuda kwokutendeka kwake, tsamba dzacho dzakazara nemazano nokuda kwaTimoti. Pauro anorayira akasununguka murume muduku uyu nezvokuchengeta kutenda uye kuva nehana yakanaka, kubata nevamwe muungano, kukudziridza kuzvipira kuna Mwari uye kugutsikana, kudzidzisa vamwe, kusabvumira kuramba kutenda, uye kupedza ushumiri hwake. Vaduku vari muungano vangaita zvakanaka nokutsvaka uye kugamuchira zano kubva kune vaya vane ruzivo.

“Fambidzana Navakachenjera”

“Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya,” anodaro mambo akachenjera, “asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata.” (Zvirevo 13:19) Richitaura nezvechirevo ichi, rimwe bhuku rinoti: “Apo chinangwa chinopedzwa kana kuti chishuwo chazadziswa, munhu anonzwa agutsikana zvizere . . . Sezvo zvichifadza kupedza chimwe chinhu, saizvozvo kusiya zvakaipa kunofanira kunyangadza mapenzi. Zvinangwa zvavo zvinongoitwa bedzi nenzira dzakaipa, uye kudai vaizorega zvakaipa, vaizorasikirwa nomufaro wokuita zvavanoda.” Zvinokosha kuti tikudziridze zvishuwo zvakakodzera!

Vatinoshamwaridzana navo vane zvavanoita zvikuru pane zvatinofunga, zvatinoda, nezvatisingadi. Soromoni anotaura chokwadi chisingachinji paanoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Chokwadi, vatinoshamwaridzana navo, kunyange nevaraidzo, Indaneti, uye zvatinoverenga zvinochinja zvatiri uye zvatichazova! Zvinokosha kuti tisarudze shamwari nokuchenjera!

‘Siya Nhaka’

“Zvakaipa zvichatevera vatadzi;” anodaro mambo weIsraeri, “asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.” (Zvirevo 13:21) Kutevera kururama kune mubayiro, nokuti Jehovha ane hanya nevakarurama. (Pisarema 37:25) Zvisinei, tinofanira kuziva kuti “nguva nezvinoitika” zvinotiwira tose. (Muparidzi 9:11) Pane zvatingaita here kuti tigadzirire zvatisingatarisiri?

“Munhu, wakanaka, uchasiyira vana vavana vake nhaka,” anodaro Soromoni. (Zvirevo 13:22a) Vabereki vanosiya nhaka yakanaka zvikuru pavanobatsira vana vavo kupinza zivo yaJehovha uye kukudziridza ukama hwakanaka naye! Asi kwaisazovawo kuchenjera here, kana zvichibvira, kuronga kuti mhuri izogara zvakanaka mune zvokunyama kana zvikaitika kuti mumwe mubereki afa zvisingatarisirwi? Munzvimbo dzakawanda, misoro yemhuri inogona kuronga inishuwarenzi, kunyora chido chenhaka chepamutemo, uye kuchengeta mari.

Chii chingataurwa nezvenhaka yevakaipa? Soromoni anoenderera mberi achiti: “Asi pfuma yomutadzi inochengeterwa wakarurama.” (Zvirevo 13:22b) Tichiwedzera pane zvatingawana iye zvino, izvi zvichava zvechokwadi apo Jehovha achazadzika chipikirwa chake chokusika “matenga matsva nepasi idzva” umo “kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Vakaipa vachange vaparadzwa, uye “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.”—Pisarema 37:11.

Munhu akangwara anoita nokuziva kunyange kana aine zvinhu zvishomanana. “Munda womurombo une zvokudya zvizhinji,” inodaro Zvirevo 13:23, “asi mumwe uriko unoparadzwa nokuda kwokusarurama.” Zvinhu zvishomanana zvinowanda nokushanda zvakaoma uye nokukomborerwa naMwari. Zvisinei, kana kururamisira kusipo, pfuma inogona kuparara nokutonga kusina kururama.

“Unomuranga Zvakanaka”

Vanhu vasina kukwana vanoda kurangwa, uye izvi zvinoitwa kubva pauduku. “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake,” anodaro mambo weIsraeri, “asi unomuda, unomuranga zvakanaka.”Zvirevo 13:24.

Shamhu chiratidzo chechiremera. Pana Zvirevo 13:24, shamhu inoratidza chiremera chomubereki. Semashandisirwo azvakaitwa mundima ino, kushandisa shamhu yokuranga hazvingorevi hazvo kurova mwana. Asi, inomiririra kururamiswa, kungaitwa chero nenzira ipi zvayo. Pane imwe nguva, kutsiura mwana nomutsa kunogona kuva kwakakwana kugadzirisa maitiro asina kunaka. Mumwe mwana angada kutsiurwa zvakasimba. “Munhu une njere unobayiwa nokutukwa kupfuura benzi nokurohwa rune zana,” inodaro Zvirevo 17:10.

Nguva dzose chirango chomubereki chinofanira kupiwa norudo uye nouchenjeri kuti zvibatsire vana. Mubereki ane rudo haafuratiri zvikanganiso zvomwana wake. Asi, anozvitsvaka kuti zvigobviswa zvisati zvadzika midzi. Chokwadi, mubereki ane rudo anoteerera kurayira kwaPauro kwokuti: “Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4.

Zvakadini kana mubereki achiregeredza ndokukundikana kupa chirango chinodiwa? Mubereki akadaro angazoongwa here nokuda kwokuregeredza kwake? Nyangwe! (Zvirevo 29:21) Bhaibheri rinoti: “Mwana angoregwa hake anonyadzisa mai vake.” (Zvirevo 29:15) Kusashandisa chiremera chokuva mubereki kunoratidza kusava nehanya kana kuti kusava norudo. Zvisinei, kushandisa chiremera nenzira yomutsa uye noushingi kunoratidza kuva nehanya.

Munhu akangwara neakarurama anoita maererano nezivo yechokwadi achakomborerwa. Soromoni anotivimbisa kuti: “Wakarurama unodya kusvikira agutisa mweya wake; asi dumbu rowakaipa richashayiwa.” (Zvirevo 13:25) Jehovha anoziva zvakatinakira mumararamiro edu api naapi—mamiriro ezvinhu emhuri yedu, ukama hwedu nevamwe, ushumiri hwedu, kana patinenge tichirangwa. Uye nokushandisa nokuchenjera zano rinowanikwa muShoko rake, pasina mubvunzo tichava noupenyu hwakanaka zvikuru.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zvirevo 13:1-14, inokurukurwa pamapeji 21-5 eNharireyomurindi yaSeptember 15, 2003.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Paanenge achitsoropodzwa pasina chikonzero, munhu akangwara anozvidzora

[Mufananidzo uri papeji 29]

Muzivisi woUmambo akatendeka anoita zvakanaka zvakawanda

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kunyange kurumbidzwa kuchikurudzira, tinofanira kubvuma kururamiswa

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mubereki ane rudo haafuratiri zvikanganiso zvomwana wake