Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako

Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako

Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako

“KANA munhu asingazivi chiteshi chezvikepe chaari kunanga, haana basa nokuti mhepo iri kuenda kupi.” Mashoko aya, anonzi akataurwa nomuzivi wokuRoma womuzana remakore rokutanga, anotaura chokwadi chokuti kuti upenyu huve nokwahwakananga, zvinangwa zvinokosha.

Bhaibheri rinopa mienzaniso yevanhu vaiva nezvinangwa. Achishanda kweanenge makore 50, Noa “akavaka areka kuti aponese imba yake.” Muprofita Mosesi “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.” (VaHebheru 11:7, 26) Joshua, mutevedzeri waMosesi akawana chinangwa chaakapiwa naMwari chokukurira nyika yeKenani.—Dheuteronomio 3:21, 22, 28; Joshua 12:7-24.

Muzana remakore rokutanga C.E., hapana mubvunzo kuti zvinangwa zvokunamata zvomuapostora Pauro zvakasimbiswa nemashoko aJesu okuti “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa.” (Mateu 24:14) Akurudzirwa nemashoko aaitaurirwa uye zvaairatidzwa zvichibva kuna Ishe Jesu, kusanganisira basa rokuti “aende nezita [raJesu] kumamwe marudzi,” Pauro akaita basa rinokosha rokuumba ungano dzakawanda muAsia Minor yose uye akapindawo muEurope.—Mabasa 9:15; VaKorose 1:23.

Chokwadi, vashumiri vaJehovha munhau yose vakaita zvinangwa zvikuru uye vakazvizadzika, kuti Mwari akudzwe. Tingaronga sei zvinangwa zvedu zvokunamata nhasi? Tingavavarira zvinangwa zvipi, uye matanho api anobatsira atingatora kuti tizviite?

Vavariro Dzakakodzera Dzinokosha

Zvinangwa zvingaitwa mune rinenge basa rose roupenyu, uye nyika ino inewo vanhu vane zvinangwa. Zvisinei, zvinangwa zvechiKristu zvakasiyana nezvinovavarirwa nenyika. Vavariro huru dzinotsigira zvinangwa zvakawanda munyika kunyanya kuda pfuma uye kuda chinzvimbo nesimba kusingaperi. Kukanganisa kwakadini kutevera chinangwa chokuwana simba nomukurumbira! Zvinangwa zvinoita kuti Jehovha Mwari akudzwe zvakanyatsobatana nokumunamata kwedu uye nezvatinoita kuti titsigire Umambo. (Mateu 6:33) Zvinangwa zvakadaro zvinobva mukuda Mwari nevanhu uye zvine vavariro yokuzvipira kuna Mwari.—Mateu 22:37-39; 1 Timoti 4:7.

Vavariro dzedu ngadzive dzakanaka sezvatinoita ndokutevera zvinangwa zvokunamata, zvingava zveropafadzo dzebasa rakawedzerwa kana kuti zvokufambira mberi pakunamata kwedu. Asi, kunyange zvinangwa zvakanaka pane dzimwe nguva hazvizadzikwi. Tingaronga sei zvinangwa ndokuwedzera mukana wokuzvizadzika?

Chido Chakasimba Chinodiwa

Chimbofunga kuti Jehovha akasika sei zvinhu zvose. Nemashoko okuti “madeko akavapo, namangwanani akavapo,” Jehovha akasiyanisa nguva inotevedzana yokusika. (Genesi 1:5, 8, 13, 19, 23, 31) Pakutanga kwenguva imwe neimwe yokusika, ainyatsoziva chinangwa chake, kana kuti vavariro, yezuva racho. Uye Mwari akaita chinangwa chake kuti asike zvinhu. (Zvakazarurwa 4:11) “Zvinoda mwoyo wake [Jehovha], ndizvo zvaanoita,” akadaro tateguru Jobho. (Jobho 23:13) Zvinofanira kunge zvakafadza sei kuna Jehovha kuona “zvose zvaakaita” ndokuzviti zvakanga “zvakanaka kwazvo”!—Genesi 1:31.

Kuti zvinangwa zvedu zvive chaizvoizvo, isuwo tinofanira kuva nechido chakasimba chokuzvizadzika. Chii chichatibatsira kukudziridza chishuwo chikuru chakadaro? Kunyange pasi parakanga risina kugadzirwa uye risina chinhu, Jehovha aigona kufanoona chaizoguma chavapo—pasi rakaisvonaka, rinoita kuti arumbidzwe uye akudzwe. Saizvozvowo, chido chedu chokuita zvatinenge taronga kuti tiite chinogona kukudziridzwa nokufungisisa migumisiro nezvinobatsira kuzadzika chinangwa chacho. Ndizvo zvakaitika kuna Tony ane makore 19. Haana kumbokanganwa kufara kwaakaita paakashanya kokutanga kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuWestern Europe. Kubvira ipapo, Tony akaramba achifunga mubvunzo wokuti, ‘Zvaizova zvakaita sei kugara uye kushanda panzvimbo yakaita seiyi?’ Tony haana kumborega kufunga nezvomukana wacho, uye akaramba achivavarira chinangwa ichocho. Akafara sei makore anoverengeka apo chikumbiro chake chokushanda pabazi chakazotenderwa!

Kushamwaridzana kwedu nevamwe vakatoita chimwe chinangwa kungaitawo kuti isu tide kuchiita. Jayson, ane makore 30, akanga asinganakidzwi nokuita ushumiri hwomumunda mumakore ake okutanga kuyaruka. Asi apedza chikoro chesekondari, akapinda mubasa roupiyona nomwoyo wose, achibva ava muzivisi woUmambo wenguva yakazara. Chii chakaita kuti Jayson akudziridze chido chokupayona? Anopindura kuti: “Kutaura nevamwe vakapayona uye kushanda navo muushumiri zvakandisimbisa zvikuru.”

Kunyora Zvinangwa Zvedu Kungabatsira

Pfungwa isina kujeka inozojeka patinosarudza mashoko okuitaura. Soromoni akaona kuti mashoko akakodzera anogona kuva nesimba sezvokubayisa nzombe mukuita kuti upenyu huve negwara. (Muparidzi 12:11) Mashoko iwayo paanonyorwa, anoita zvakawanda mupfungwa nomumwoyo. Dai zvisina kudaro, Jehovha aizoudzirei madzimambo eIsraeri kuti azvinyorere kopi yoMutemo? (Dheuteronomio 17:18) Naizvozvo tinganyora papepa zvinangwa zvedu uye zvirongwa zvokunyatsozvizadzika, toronga zvipingamupinyi zvatinotarisira pamwe chete nenzira dzokuzvikurira nadzo. Zvingabatsirawo kuziva nhau dzatinofanira kuziva, unyanzvi hwatinofanira kuwana, uye vanhu vanogona kutibatsira nokutitsigira.

Kuzviitira zvinangwa zvokunamata kwakava nomugumisiro unozorodza pana Geoffrey, aiva piyona chaiye kwenguva refu mundima iri kwakataramuka mune imwe nyika yokuAsia. Dambudziko rakamuwira nderokufirwa nomudzimai wake zvisingatarisirwi. Pashure penguva yokugadzirisa zvinhu, Geoffrey akasarudza kunyura muushumiri hwake hwoupiyona nokuronga zvinangwa. Pashure pokunyora zvirongwa zvake papepa, akanyengeterera kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitsva zvitatu paizopera mwedzi wacho. Zuva nezuva, aiongorora basa rake, uye mazuva gumi oga oga, aiongorora kufambira mberi kwake. Akazadzika chinangwa chake here? Atanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitsva zvina, anopindura nomufaro kuti hungu!

Ronga Zvinangwa Zvenguva Pfupi Sezviratidzo

Pakutanga zvimwe zvinangwa zvingaita sezvisingabviri. Kuna Tony, ambotaurwa, kushanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kwaiita sokungorotawo zvako. Zvaidaro nokuti aiva nemararamiro akaipa, uye akanga asina kutombozvitsaurira kuna Mwari. Asi Tony akasarudza kuita kuti upenyu hwake huenderane nenzira dzaJehovha achibva achiita chinangwa chake kuti akwanise kubhabhatidzwa. Akwanisa kuita chinangwa ichocho, akaronga kuita upiyona hwebetsero uye hwenguva dzose, achinyora pakarenda rake misi yokutanga. Pashure pokunge apayona kwenguva yakati, kushanda pahofisi yebazi hakuna kuratidzika kuva chinangwa chisingabviri.

Isuwo tingaita zvakanaka kukamura zvinangwa zvedu zvenguva refu kuti zvive zvinangwa zvenguva pfupi. Zvinangwa zvenguva pfupi zvinogona kushanda sezviratidzo zvinogona kuitwa tichivavarira kuwana chinangwa chenguva refu. Kugara tichiongorora kufambira mberi kwedu kune chokuita nezviratidzo zvezvinangwa zvedu kungatibatsira kuti tirambe tichifunga izvozvo. Kuramba tichinyengetera kuna Jehovha nezvezvinangwa zvedu kuchatibatsirawo kurambira panzira yacho. “Rambai muchinyengetera,” akarayira kudaro muapostora Pauro.—1 VaTesaronika 5:17.

Kutsunga Nokusimbirira Zvinodiwa

Pasinei nezvirongwa zvedu zvakanyatsorongwa uye chido chikuru chokuzviita, zvimwe zvinangwa zvinoramba zvisina kuzadzikwa. Mudzidzi Johani Mako anofanira kunge akaora mwoyo sei muapostora Pauro paasina kuda kuenda naye murwendo rwake rwechipiri rwoumishinari! (Mabasa 15:37-40) Mako aifanira kudzidza kubva pakuora mwoyo uku ndokugadzirisa chinangwa chake chebasa rakawedzerwa. Zviri pachena kuti akadaro. Gare gare, Mako akataurwa zvakanaka nezvake naPauro uye akava noushamwaridzani hwepedyo nomuapostora Petro muBhabhironi. (2 Timoti 4:11; 1 Petro 5:13) Zvichida ropafadzo yake huru yaiva yokunyora nhoroondo yakafuridzirwa youpenyu noushumiri hwaJesu.

Pakutevera kwedu zvinangwa zvokunamata, isuwo tingasangana nemhinganidzo. Pane kukanda mapfumo pasi, tinofanira kuongorora, kusarudza, togadzirisa. Zvipingamupinyi pazvinomuka, tinofanira kuedza kufambira mberi takatsunga uye tosimbirira. “Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, zvawakarangarira zvigoitika,” anotivimbisa kudaro Mambo Soromoni akachenjera.—Zvirevo 16:3.

Asi, dzimwe nguva mamiriro ezvinhu anoita kuti kuedza kuita zvimwe zvinangwa kusabvira. Somuenzaniso, utano husina kunaka kana kuti mitoro yemhuri zvingatitadzisa kuita zvimwe zvinangwa. Ngatisambokanganwa chokwadi chokuti mubayiro mukuru ndewoupenyu husingaperi—kudenga kana kuti muParadhiso pasi pano. (Ruka 23:43; VaFiripi 3:13, 14) Hunowanikwa sei? “Uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi,” akanyora kudaro muapostora Johani. (1 Johani 2:17) Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu zvedu angasatibvumira kuita chimwe chinangwa, tichiri kugona ‘kutya Mwari uye kuchengeta mirayiro yake.’ (Muparidzi 12:13) Zvinangwa zvokunamata zvinotibatsira kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pakuita zvinodiwa naMwari. Saka ngatizvishandisei kurumbidza Musiki wedu.

[Bhokisi riri papeji 22]

Zvinangwa Zvokunamata Zvinofanira Kufungwa

○ Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva

○ Kuverenga magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai!

○ Kunatsiridza minyengetero yedu

○ Kuratidza zvibereko zvomudzimu

○ Kusvasvavirira basa rakawedzerwa

○ Kubudirira zvikuru mukuparidza nokudzidzisa

○ Kukudziridza unyanzvi hwakadai sokupupurira norunhare, zvisina kurongwa, uye mundima yebhizimisi