Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofarira “Murayiro waJehovha” Here?

Unofarira “Murayiro waJehovha” Here?

Unofarira “Murayiro waJehovha” Here?

“Wakakomborerwa munhu . . . unofarira murayiro waJehovha.”—PISAREMA 1:1, 2.

1. Nei tichifara sevashumiri vaJehovha?

JEHOVHA anotitsigira uye anotikomborera sevashumiri vake vakavimbika. Chokwadi, tinosangana nemiedzo yakawanda. Zvisinei, tinewo mufaro wechokwadi. Izvi hazvishamisi, nokuti tinoshumira “Mwari anofara,” uye mudzimu wake mutsvene unobereka mufaro mumwoyo yedu. (1 Timoti 1:11; VaGaratiya 5:22) Mufaro kufara kwechokwadi kunobva pakutarisira kana kuti kuwana chimwe chinhu chakanaka. Uye Baba vedu vokudenga zvechokwadi vanotipa zvipo zvakanaka. (Jakobho 1:17) Ndosaka tichifara!

2. Tichakurukura mapisarema api?

2 Mufaro unoratidzwa zvikurukuru mubhuku reMapisarema. Somuenzaniso, izvi ndezvechokwadi nezveMapisarema 1 ne2. Vateveri vaJesu Kristu vepakutanga vakati pisarema rechipiri nderaMambo Dhavhidhi weIsraeri. (Mabasa 4:25, 26) Munyori asina kutaurwa zita wepisarema rokutanga anotanga rwiyo rwake rwakafuridzirwa nemashoko aya anoti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa.” (Pisarema 1:1) Munyaya ino uye mune inotevera, ngationei kuti Mapisarema 1 ne2 anotipa sei chikonzero chokufara.

Nzira Yokuwana Nayo Mufaro

3. Maererano nePisarema 1:1, ndezvipi zvimwe zvikonzero nei munhu anotya Mwari achifara?

3 Pisarema rokutanga rinoratidza kuti nei munhu anotya Mwari achifara. Achipa zvikonzero zvomufaro wakadaro, munyori wepisarema anoti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa, usingamiri panzira yavatadzi, usingagari panogara vadadi.”—Pisarema 1:1.

4. Mufambiro upi wakanaka waiitwa naZekariya naErizabheti?

4 Kuti tinyatsofara, tinofanira kuita maererano nezvinodiwa naJehovha zvakarurama. Zekariya naErizabheti, avo vaiva neropafadzo inofadza yokuva vabereki vaJohani Mubhabhatidzi, “vakanga vakarurama pamberi paMwari nemhaka yokufamba vasina chavanopomerwa maererano nemirayiro nezvinodiwa nomutemo zvaJehovha.” (Ruka 1:5, 6) Tinogona kufara kana tikatevera nzira yakafanana toramba zvakasimba ‘kufamba panorangana vakaipa’ kana kuti kutungamirirwa nemazano avo akaipa.

5. Chii chingatibatsira kunzvenga “nzira yavatadzi”?

5 Kana tikaramba kufunga kwevakaipa, hatizo“miri panzira yavatadzi.” Kutaura zvazviri, hatizowanikwi chaizvoizvo kwavanowanzova—munzvimbo dzevaraidzo dzounzenza kana kuti dzine mukurumbira wakaipa. Ko kana taedzwa kuti tibatane nevatadzi mumufambiro wavo usiri wepamagwaro? Ipapo ngatinyengetererei kubatsirwa naMwari kuti tiite maererano nemashoko omuapostora Pauro anoti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko nevasingatendi. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?” (2 VaKorinde 6:14) Kana tichivimba naMwari uye ta“kachena mumwoyo,” ticharamba mafungiro nemararamiro evatadzi, tichavavarira uye tichada zvinhu zvakachena, pamwe no“kutenda kusina kunyengera.”—Mateu 5:8; 1 Timoti 1:5.

6. Nei tichifanira kungwarira vaseki?

6 Kuti tifadze Jehovha, zvechokwadi ‘hatifaniri kugara panogara vaseki.’ Vamwe vanoseka kunamatwa kwaMwari pachakwo, asi mu“mazuva okupedzisira” ano, vaimbova vaKristu asi vakaramba kutenda vanowanzotuka zvakanyanya pakuseka kwavo. Muapostora Petro akanyevera vaainamata navo kuti: “Vanodiwa, . . . kutanga munoziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira kuchauya vaseki nokuseka kwavo, vachapfuurira maererano nokuchiva kwavo vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupi? Chokwadi, kubvira mazuva akarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zviri chaizvo kubva pakutanga kwokusika.’” (2 Petro 3:1-4) Kana tisingambo‘gari panogara vaseki,’ hatizowirwi nenjodzi ichavawira.—Zvirevo 1:22-27.

7. Nei tichifanira kuteerera mashoko ePisarema 1:1?

7 Kunze kwokuti tateerera mashoko okutanga ePisarema rokutanga, tinogona kurasikirwa nepfungwa yezvokunamata yatakawana nokudzidza Magwaro. Chokwadi, tinogona kubva pakuipa tichitoenda pakuipisisa. Kuipa tichienda pakuipisisa kunotangira pakutevera zano revakaipa. Zvadaro tingashamwaridzana navo nguva dzose. Nokufamba kwenguva, tingatotsauka tobva taramba kutenda. Zviri pachena kuti ushamwari nevakaipa hunogona kusimudzira pfungwa yakaipa matiri uye hunogona kuparadza ukama hwedu naJehovha Mwari. (1 VaKorinde 15:33; Jakobho 4:4) Ngatisamborega izvozvo zvichiitika kwatiri!

8. Chii chichatibatsira kuti pfungwa dzedu dzirambe dziri pazvinhu zvine chokuita nokunamata?

8 Munyengetero uchatibatsira kuti tirambe pfungwa dzedu dziri pazvinhu zvine chokuita nokunamata torega kushamwaridzana nevakaipa. “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu,” akanyora kudaro Pauro, “asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” Muapostora wacho akakurudzira kufungisisa zvinhu zvechokwadi, zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. (VaFiripi 4:6-8) Ngatiitei maererano nezano raPauro torega kumbomira panzvimbo yevakaipa.

9. Kunyange zvazvo tisingaiti zvakaipa, tinoedza sei kubatsira vanhu vemarudzi ose?

9 Kunyange zvazvo tisingaiti zvinhu zvakaipa, tinopupurira vamwe nounyanzvi, sokutaura kwakaita muapostora Pauro kuna Ferikisi, Gavhuna weRoma “pamusoro pokururama nokuzvidzora uye kutongwa kwaizouya.” (Mabasa 24:24, 25; VaKorose 4:6) Tinoparidzira vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka oUmambo, uye tinovabata nomutsa. Tinovimba kuti vaya vano“da upenyu husingaperi” vachava vatendi uye vachafarira mutemo waMwari.—Mabasa 13:48.

Anofarira Murayiro waJehovha

10. Chii chichabatsira kuti panguva yatinodzidza tiri toga, zvatinodzidza zvirambe zviri mupfungwa nomumwoyo wedu?

10 Nezvomunhu anofara, munyori wepisarema anotizve: “Unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:2) Sevashumiri vaMwari, ‘tinofarira murayiro waJehovha.’ Pose pazvinobvira, panguva yatinenge tichidzidza toga uye yokufungisisa, tingaverenga ‘neinzwi riri pasi pasi,’ tichidudza mashoko acho. Kuita izvi patinenge tichiverenga chikamu chero chipi zvacho cheMagwaro kuchabatsira kuti zvirambe zviri mupfungwa nomumwoyo wedu.

11. Nei tichifanira kuverenga Bhaibheri “masikati nousiku”?

11 “Muranda akatendeka, akangwara” ave achitikurudzira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. (Mateu 24:45) Nokuti tine chido chakasimba chokuziva zviri nani shoko rakapiwa vanhu naJehovha, tingaita zvakanaka kuverenga Bhaibheri “masikati nousiku”—chokwadi, kunyange patinenge tisingakwanisi kurara nokuda kwezvikonzero zvakati. Petro akatikurudzira kuti: “Sevacheche vachangobva kuberekwa, pangai mukaka usina kushatiswa weshoko, kuti nawo mukure muzoponeswa.” (1 Petro 2:1, 2) Unofarira here kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kufungisisa Shoko raMwari nezvinangwa zvake usiku? Munyori wepisarema aidaro.—Pisarema 63:6.

12. Chii chatichaita kana tichifarira murayiro waJehovha?

12 Mufaro wedu usingaperi unobva pakufarira kwatinoita murayiro waMwari. Wakakwana uye wakarurama, uye pane mubayiro mukuru pakuuchengeta. (Pisarema 19:7-11) Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Iye anotarisisa mutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, munhu uyu, achafara pakuuita kwake.” (Jakobho 1:25) Kana tichinyatsofarira murayiro waJehovha, zuva harizopfuuri tisina kufungisisa zvine chokuita nokunamata. Chokwadi, tichakurudzirwa ‘kunzvera zvinhu zvakadzama zvaMwari’ uye kuramba tichiita kuti zvinhu zvoUmambo zvive pakutanga muupenyu.—1 VaKorinde 2:10-13; Mateu 6:33.

Unofanana Nomuti

13-15. Tingafanana nomuti wakasimwa pedyo nemvura yakawanda mupfungwa ipi?

13 Achiwedzera kurondedzera munhu akarurama, munyori wepisarema anoti: “Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:3) Kufanana nevamwe vanhu vose vasina kukwana, isu tinoshumira Jehovha tinosangana nezvinetso muupenyu. (Jobho 14:1) Tingatambudzwa uye tingatambura nemimwe miedzo yakasiyana-siyana ine chokuita nokutenda kwedu. (Mateu 5:10-12) Zvisinei, tichibatsirwa naMwari, tinogona kutsungirira miedzo iyi zvinobudirira, sokungotsungirira kunoita muti wakasimba mhepo yakasimba.

14 Muti wakasimwa panzvimbo ine mvura isingaperi hauomi munguva yokupisa kana kuti yakunenge kusina kunaya mvura. Kana tiri vanhu vanotya Mwari, simba redu rinobva kune Anopa simba risingaperi—Jehovha Mwari. Pauro aivimba naMwari kuti amubatsire uye akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo [Jehovha] anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Patinotungamirirwa uye patinotsigirwa mune zvokunamata nomudzimu mutsvene waJehovha, hatisvavi, tova vasingabereki zvibereko kana kuti tofa mune zvokunamata. Tinobereka zvibereko mubasa raMwari uye tinoratidzawo zvibereko zvomudzimu wake.—Jeremia 17:7, 8; VaGaratiya 5:22, 23.

15 Nokushandisa shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “fanana,” munyori wepisarema ari kushandisa fananidzo. Ari kuenzanisa zvinhu zviviri zvakasiyana, kunyange zvazvo zviine chinhu chazvakafanana. Vanhu vakasiyana nemiti, asi kusvibirira kwomuti wakasimwa pedyo nemvura yakawanda sezviri pachena kwakayeuchidza munyori wepisarema nezvokubudirira mune zvokunamata kwevaya va“nofarira murayiro waJehovha.” Kana tichifarira murayiro waMwari, mazuva edu angava seaya omuti. Kutaura zvazviri, tingagona kurarama nokusingaperi.—Johani 17:3.

16. Nei uye sei tichiti ‘zvose zvatinoita zvinobudirira’?

16 Sezvatinotevera nzira yakarurama, Jehovha anotibatsira kutsungirira miedzo nezvinetso. Tinofara uye tinobereka zvibereko mubasa raMwari. (Mateu 13:23; Ruka 8:15) ‘Zvose zvatinoita zvinobudirira’ nokuti chinangwa chedu chikuru ndechokuita zvinodiwa naJehovha. Sezvo zvinangwa zvake zvichibudirira nguva dzose uye tichifarira mirayiro yake, tinofambira mberi mune zvokunamata. (Genesi 39:23; Joshua 1:7, 8; Isaya 55:11) Izvi ichokwadi kunyange patinotarisana nematambudziko.—Pisarema 112:1-3; 3 Johani 2.

Vakaipa Vanoita Sevanobudirira

17, 18. (a) Munyori wepisarema anofananidza vakaipa nechii? (b) Kunyange kana vakaipa vachibudirira mune zvokunyama, nei vasina kuchengeteka kwenguva refu?

17 Mamiriro ezvinhu evakaipa anosiyana chaizvo neevakarurama! Vakaipa vangaita sevanobudirira mune zvokunyama kwenguva yakati, asi havasi kubudirira mune zvokunamata. Izvi zvinoonekwa mumashoko omunyori wepisarema anotizve: “Vakaipa havana kudaro; asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, navatadzi paungano yavakarurama.” (Pisarema 1:4, 5) Ona kuti munyori wepisarema anoti, “vakaipa havana kudaro.” Anoreva kuti havana kuita sevanhu vanotya Mwari, vachangobva kuenzaniswa nemiti inobereka zvibereko, inorarama kwenguva refu.

18 Kunyange kana vakaipa vachibudirira mune zvokunyama, havana kuchengeteka kwenguva refu. (Pisarema 37:16; 73:3, 12) Vakaita somurume akapfuma benzi akataurwa naJesu mumufananidzo paakakumbirwa kuti ayananise nyaya yaiva nechokuita nenhaka. Jesu akaudza vaya vaivapo kuti: “Rambai makasvinura muchenjerere kuchochora kworudzi rwose, nokuti kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” Jesu akaenzanisira pfungwa iyoyo nokutaura kuti munda womumwe mupfumi wakabereka zvakanaka zvokuti akaronga kuti aputse matura ake ovaka makuru kuti aisire zvinhu zvake zvose zvakanaka. Murume wacho akazoronga kuti azodya, azonwa, uye azofara zvake. Asi Mwari akati: “Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, ndiani achava nezvinhu zvawakachengeta?” Achisimbisa pfungwa yake, Jesu akawedzera kuti: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:13-21.

19, 20. (a) Tsanangura zvaiitwa pakupura nokuurutsa munguva dzekare. (b) Nei vakaipa vachifananidzwa nehundi?

19 Vakaipa havana “kupfuma kuna Mwari.” Saka, havana kutombochengeteka kana kutsiga sezvakangoita hundi, makoko anopurwa pazviyo. Zviyo pazvainge zvakohwiwa munguva dzekare, zvaiiswa paburiro, nzvimbo yakatisandara kazhinji iri pakakwirira. Zvireyi zvine mazino ematombo kana kuti esimbi pasi pazvo zvaidhonzwa pamusoro pezviyo zvacho nemhuka kuti zvipwanye-pwanye madzinde acho zviyo zvobva zvabuda muhundi. Zvadaro, foshoro yokuurutsa nayo yaishandiswa kuurutsa musanganiswa wacho wose mumhepo inenge ichivhuvhuta. (Isaya 30:24) Zviyo zvaidonhera paburiro, asi mhepo ichitakurira mashanga kune rimwe divi uye yopeperesa hundi. (Rute 3:2) Pashure pokunge zviyo zvacho zvasefewa kuti matombo nezvimwewo zvibviswe, zvaizochengetwa kana kuti kugayiwa. (Ruka 22:31) Asi hundi yainge yaenda.

20 Kungofanana nezviyo zvaidonhera pasi zvochengetwa asi hundi ichipepereswa, saka vakarurama vacharamba varipo uye vakaipa vachabviswa. Zvisinei, chokwadi tinofara kuti vakaipa ivavo munguva pfupi inotevera vachaenda zvachose. Vabviswa, vanhu vanofarira murayiro waJehovha vachakomborerwa zvikuru. Chokwadi, vanhu vanoteerera pakupedzisira vachagamuchira chipo chaMwari choupenyu husingaperi.—Mateu 25:34-46; VaRoma 6:23.

“Nzira Yavakarurama” Yakakomborerwa

21. Jehovha “unoziva nzira yavakarurama” sei?

21 Pisarema rokutanga rinoguma nemashoko aya anoti: “Jehovha unoziva nzira yavakarurama; asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.” (Pisarema 1:6) Mwari “unoziva nzira yavakarurama” sei? Kana tiri kufamba nenzira yakarurama, tinogona kuva nechokwadi chokuti Baba vedu vokudenga vanocherechedza upenyu hwedu hwechiKristu uye kuti vanotiona sevashumiri vavo vanodiwa. Zvadaro, tinogona uye tinofanira kukandira kuzvidya mwoyo kwedu kwose pavari tichivimba kuti vane hanya nesu chaizvoizvo.—Ezekieri 34:11; 1 Petro 5:6, 7.

22, 23. Chii chichaitika kune vakaipa nevakarurama?

22 “Nzira yavakarurama” icharamba iripo nokusingaperi, asi vanhu vakaipa zvokusabatsirika vachaparara pamusana pokutongwa naJehovha zvakaipa. Uye “nzira” yavo, kana kuti mararamiro, ichaguma navo. Tinogona kuvimba nokuzadzika kwemashoko aDhavhidhi anoti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:10, 11, 29.

23 Tichafara chaizvo kana tikaropafadzwa kuti tirarame muparadhiso pasi pano apo vanhu vakaipa vanenge vasisipo! Vanyoro uye vakarurama vachabva vava norugare rwechokwadi nokuti nguva dzose vachawana mufaro mu“murayiro waJehovha.” Zvisinei, izvozvo zvisati zvaitika, ‘chirevo chaJehovha’ chinofanira kusimbiswa. (Pisarema 2:7a) Nyaya inotevera ichatibatsira kuona kuti chirevo ichocho chii uye zvachichareva kwatiri nokumhuri yose yevanhu.

Ungapindura Sei?

• Nei munhu anotya Mwari achifara?

• Chii chinoratidza kuti tinowana mufaro mumurayiro waJehovha?

• Munhu angafanana sei nomuti unonyatsodiridzwa?

• Nzira yevakarurama yakasiyana sei neyevakaipa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

Munyengetero uchatibatsira kuti tisashamwaridzana nevakaipa

[Mufananidzo uri papeji 12]

Nei munhu akarurama akafanana nomuti?