Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvishamiso zvaJesu—Ndezvechokwadi Kana Kuti Ndezvokufungidzira?

Zvishamiso zvaJesu—Ndezvechokwadi Kana Kuti Ndezvokufungidzira?

Zvishamiso zvaJesu—Ndezvechokwadi Kana Kuti Ndezvokufungidzira?

“VANHU vakamuunzira [Jesu Kristu] vanhu vakawanda vaiva nemadhimoni; uye akadzinga midzimu yacho neshoko, uye akarapa vose vakanga vachinetseka.” (Mateu 8:16) Jesu “akamuka akatsiura mhepo uye akati kugungwa: ‘Shi-i! Nyarara!’ Mhepo ikadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.” (Mako 4:39) Unofungei nezvemashoko aya? Unofunga kuti anorondedzera zvakaitika chaizvoizvo munhau, kana kuti unofunga kuti inyaya dzokufungidzira, nganowo zvadzo here?

Vakawanda nhasi havana kana chokwadi kuti zvishamiso zvaJesu zvinhu zvakaitika. Mukore uno wokuongorora zvinhu neteresikopu uye maikorosikopu, wokuongorora muchadenga nowegenetic engineering, unoita sousingambobvumi mishumo yezvishamiso neyemasimba aMwari.

Vamwe vanofunga kuti nhoroondo dzezvishamiso ndedzokufungidzira kana kuti inganowo zvadzo. Maererano nomunyori webhuku rinoti rinoongorora nezvaJesu “chaiye,” nyaya dzezvishamiso zvaJesu dzinongovawo “mazano okushambadza” dzokuparadzira chiKristu.

Vamwe vanoona zvishamiso zvaJesu sounyengeri chaihwo. Zvinonzi Jesu pachake dzimwe nguva aipomerwa unyengeri. Maererano naJustin Martyr womuzana remakore rechipiri C.E., vatsoropodzi vaJesu “vakatomuti munhu anoita zvemashiripiti uye munyengeri wevanhu.” Vamwe vakati Jesu “haana kuita zvishamiso zvake somuprofita wechiJudha, asi somunhu anoita zvemashiripiti, mumwe munhu akadzidziswa mutemberi dzechihedheni.”

Kurondedzera Zvisingabviri

Ungafunga kuti kusava nechokwadi ikoko kunopa chikonzero chaicho nei vanhu vachizengurira kudavira zvishamiso. Vanongoona zvakaoma, kunyange zvisingabviri, kubvuma pfungwa yokuti simba rinopfuura ratinoziva ndiro riri kuita izvozvo. “Zvishamiso hazvitomboitiki—ndatopedza,” rakadaro rimwe jaya rinoti Mwari haazivikanwi. Rakazotaurawo mashoko enyanzvi yokuScotland yomuzana remakore rechi18, David Hume, uyo akanyora kuti: “Chishamiso kutyora mitemo yezvinhu zvakasikwa.”

Zvisinei, vakawanda havanyatsodi kutaura kuti chimwe chinhu chinoshamisa hachibviri. The World Book Encyclopedia rinoti chishamiso “chiitiko chisingagoni kutsanangurwa mumitemo inozivikanwa yezvinhu zvakasikwa.” Nokutsanangura uku, kufamba muchadenga, kukurukurirana pasina tambo, uye kuongorora zvinhu nemasaisai zvaizoratidzika kune vakawanda kuva “zvishamiso” makore zana apfuura. Zvechokwadi hakusi kuchenjera kutaura kuti zvishamiso hazvibviri pamusana pokungoti bedzi hatigoni kuzvitsanangura nezivo yatinayo panguva ino.

Kana tikaongorora humwe uchapupu hweMagwaro hune chokuita nezvishamiso zvinonzi zvakaitwa naJesu Kristu, tichawanei? Zvishamiso zvaJesu ndezvechokwadi kana kuti ndezvokufungidzira?