Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nezvahunoreva Zvechokwadi?

Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nezvahunoreva Zvechokwadi?

Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nezvahunoreva Zvechokwadi?

JESSE, mumwe mudzidzi wechikoro chesekondari ane makore 17, paakabvunzwa zvinoreva upenyu, akapindura kuti, “Fara sezvaungagona, chero bedzi uri mupenyu.” Suzie aifunga zvakasiyana. “Kutaura chokwadi ndinofunga kuti upenyu hunoreva zvaunosarudza kuti huve,” akadaro.

Wakambofunga here kuti upenyu hunorevei? Vanhu vose vane chinangwa chimwe here? Kana kuti Suzie akarurama here—kuti chaizvoizvo upenyu hunova zvatinoita kuti huve? Hazvinei kuti nyika yedu iri kufambira mberi paruzivo rwokugadzira zvinhu sei, chimwe chinhu chiri matiri chinoita sechinoda kuziva zvinoreva upenyu. Pane imwe nguva muupenyu hwedu, vazhinji vedu tinoshamisika, kuti ‘Nei tiri pano?’

Sayenzi yemazuva ano yatambura kuti ipindure mubvunzo iwoyo. Asi chii chairi kubudisa? David P. Barash, purofesa wendangariro uye wemhuka anoti “Hapana chikonzero chaicho chinonyatsooneka chokuva vapenyu tichishanduka-shanduka.” Kune vaya vanodzidza nezvokushanduka-shanduka kwezvinhu zvipenyu, zvinhu zvipenyu zvinongova nechinangwa chimwe chete: kuva zvipenyu zvoramba zvichiberekana. Saka Purofesa Barash anoti: “Muchisiko chikuru chakadai chisina kana nechinangwa chose uye chisina hanya nevanhu, ibasa revanhu kuita kuti upenyu hwedu huve nezvahunoreva maererano nezvatinosarudza takasununguka, tichiziva.”

Kunobva Zvahunoreva uye Chinangwa

Saka, ndizvo zvose zviripo here, kuupenyu—mumwe nomumwe wedu achiita zvaanoda? Pane kutisiya tichingodzungaira munyika isina kana nechinangwa kana zvainoreva, Bhaibheri rakazivisa kare kuti tiri pano nokuda kwechinangwa. Hatina kuvapo netsaona. Tinoudzwa kuti Musiki akatora makore achigadzira pasi kuti rizoshandiswa nomunhu. Hapana chakasiyiwa kuti chizoitika netsaona. Akava nechokwadi chokuti zvinhu zvose zvakanga “zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31; Isaya 45:18) Nei? Nokuti Mwari aiva nechinangwa nomunhu.

Asi zvinofadza kuti Mwari haana kufanosarudzira munhu mumwe nomumwe remangwana, nokupindira kwake kana kuti kuita kuti vanhu pavanoberekana vazopota vachichinja. Kunyange zvazvo tichidzorwa nezvatakagara nhaka, kazhinji tinogona kudzora zviito zvedu. Tose takasununguka kusarudza mararamiro edu.

Kunyange zvazvo tose tichigona kusarudza zvokuita noupenyu hwedu, kwaizova kukanganisa kusiya Musiki pane zvatinosarudza. Chaizvoizvo vakawanda vakaona kuti zvinonyatsoreva upenyu uye chinangwa chahwo zvakabatana noukama naMwari. Kubatana kunokosha pakati paMwari nechinangwa chedu muupenyu kunoratidzwa muzita raMwari, Jehovha, chaizvoizvo rinoreva kuti, “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” (Eksodho 6:3; Pisarema 83:18) Kureva kuti, anoramba achizadzika zvose zvaanopikira uye nguva dzose anoita zvaakaronga kuita. (Eksodho 3:14; Isaya 55:10, 11) Chimbofunga nezvazvo. Zita rokuti Jehovha rinotivimbisa tose kuti ndiye Mupi mukuru asingagumi wechinangwa chine zvachinoreva.

Kungobvuma kuvapo kwoMusiki kune zvakunoita zvakasimba pamaonero anoita munhu upenyu. Linet, ane makore 19, anoti: “Kuona zvinhu zvose zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha nechinangwa chazvo kunondiratidza kuti iniwo ndakasikwa paine chikonzero.” Amber anowedzera kuti: “Vanhu pavanotaura ‘nezvezvisingazivikanwi,’ nguva dzose zvinondiyeuchidza kuti ini ndinoziva. Uchapupu hwokuti Jehovha aripo huri muzvinhu zvaakasika.” (VaRoma 1:20) Chokwadi kuziva kuti Musiki aripo ndechimwe chinhu, asi kuva noukama hune zvahunoreva naye ndechimwewo chinhu.

Ushamwari naMwari

Pano zvekare, Bhaibheri rinogona kubatsira. Zvitsauko zvaro zvokutanga zvinopa uchapupu hwakajeka hwokuti Jehovha Mwari ndiBaba vane rudo. Somuenzaniso, haana kusika Adhamu naEvha ndokuvasiya vasingazivi kuti aiva ani. Asi aigara achikurukurirana navo. Haana kuvasiya muEdheni kuti vangozviraramirawo zvavo iye achiitawo zvimwe zvinomufadza. Pane kudaro, akavaratidza nzira chaiyo yokurarama zvakanakisisa. Akavapa basa rinogutsa, uye akaronga kuti varambe vachidzidza. (Genesi 1:26-30; 2:7-9) Handizvo here zvawaizotarisira kumubereki anokwanisa, uye ane rudo? Zvino chimbofunga kuti izvozvo zvinorevei. Denielle anoti: “Kuziva kuti Jehovha akasika pasi uye akatiita tichigona kunakidzwa nezvaakasika, kunondiratidza kuti anoda kuti tifare.”

Kupfuura izvozvo, kufanana nababa wose akanaka, Jehovha anoda kuti vana vake vose vave noukama naye. Nezveizvi, Mabasa 17:27 inotivimbisa kuti: ‘Haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ Zvine zvazvinochinja here? Amber anoti: “Kusvika pakuziva Jehovha kwakandipa chivimbo chokuti handimbozovi ndoga. Chero zvodii, ndine mumwe munhu wokutaura naye nguva dzose.” Uyezve, sezvaunosvika pakuziva Jehovha, uchaona kuti ane mutsa, anoruramisira, uye akanaka. Unogona kuvimba naye. Jeff anoti: “Jehovha paakava shamwari yepedyo, ndakaziva kuti pakanga pasina mumwezve munhu akanga akagadzirira zviri nani kundibatsira.”

Asi zvinosuruvarisa kuti pane zvinhu zvakaipa zvakawanda zvakataurwa pamusoro paJehovha. Ave achinzi ndiye anokonzera kutambura kuzhinji kwevanhu uye mhosva dzinoparwa nezvitendero. Ave achipomerwa humwe hwoutsinye hwakaipisisa hwakaitika munhau yevanhu. Asi Dheuteronomio 32:4, 5 inotsanangura kuti: “Nzira dzake dzose dzakarurama. . . . Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo.” Saka, tinosungirwa kuongorora toga chokwadi chacho.—Dheuteronomio 30:19, 20.

Chinangwa chaMwari Chinozadzika

Zvisinei, chero chatinosarudza, hapana chichatadzisa Mwari kuita zvizere chinangwa chake nokuda kwepasi nevanhu. Tinofanira kuziva kuti ndiye Musiki. Saka chinangwa ichocho chii? Jesu Kristu akachitaura muMharidzo yake yepaGomo paakati: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka yepasi.” Gare gare, kumudzidzi wake Johani, akaratidza kuti Mwari akatsunga ‘kuparadza vanoparadza pasi.’ (Mateu 5:5; Zvakazarurwa 11:18) Nokuti Jesu aiva naMwari pakusika, anoziva kuti kubvira pakutanga chaiva chinangwa chaMwari kuti mhuri yevanhu vakakwana igare pasi pano nokusingaperi muparadhiso. (Genesi 1:26, 27; Johani 1:1-3) Uye Mwari haachinji. (Maraki 3:6) Mwari anotipikira kuti: “Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.”—Isaya 14:24.

Munguva yedu, Jehovha akatotanga kuisa hwaro hwenzanga yakabatana, husina kuvakirwa pamakaro uye pakuzvifadza sezviri munyika yedu yanhasi, asi pakuda Mwari nomuvakidzani. (Johani 13:35; VaEfeso 4:15, 16; VaFiripi 2:1-4) Isangano revanhu vakazvipira vanofambira mberi uye vane chinangwa chikuru—chokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari huri kuuya nyika ino isati yaguma. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Munyika dzinopfuura 230, vaKristu vanodarika mamiriyoni matanhatu vari kutonamata pamwe chete, vakabatana sehama dzomunyika yose dzine rudo.

Ita Kuti Upenyu Hwako Huve Nezvahunoreva

Kana uchida kuwedzera kuziva zvinorehwa noupenyu hwako, unofanira kuziva kuti Jehovha Mwari ari kukukoka kuti ubatane nevanhu vake—“rudzi [rwake] rwakarurama”—iye zvino. (Isaya 26:2) Zvisinei, ungave uchishamisika kuti, ‘Upenyu hwakaita sei musangano iri rechiKristu? Ndinoda chaizvoizvo kuvamowo here?’ Teerera zvinotaurwa nevamwe vechiduku:

Quentin: “Ungano ndiyo inondichengetedza munyika. Kuziva kuti Jehovha anobatanidzwa muupenyu hwangu kunondibatsira kuona kuti aripo uye anoda kuti ndifare.”

Jeff: “Ungano ndiyo nzvimbo yakanakisisa yandingaenda kuti ndikurudzirwe. Hama nehanzvadzi dzangu dziri ikoko, dzichipa rutsigiro nerumbidzo. Chaizvoizvo ivo imhuri yangu yokuwedzera.”

Linet: “Mufaro wokuona mumwe munhu achigamuchira chokwadi cheBhaibheri obva asarudza kushumira Jehovha haugoni kuenzaniswa nechimwe chinhu. Izvi zvinoita kuti ndigutsikane zvikuru muupenyu hwangu.”

Cody: “Upenyu hwangu hwaisazova nezvahunoreva pasina Jehovha. Ndaizodzungaira sezvinoita vakawanda pane ichi neicho, vachiedza kuwana mufaro vasingauwani. Asi, Jehovha akandipa ropafadzo inokosha yokuva noukama naye, uye izvozvo zvinoita kuti upenyu hwangu huve nezvahunoreva.”

Wadii kuongorora woga? Uchawana kuti nokuswedera pedyo noMusiki wako, Jehovha Mwari, uchawana zvinonyatsoreva upenyu.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Ukama naMwari hunoita kuti upenyu huve nezvahunoreva

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

NASA photo