Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hurumende yoUmambo hwaMwari—Chinhu Chaichoicho Nhasi

Hurumende yoUmambo hwaMwari—Chinhu Chaichoicho Nhasi

Hurumende yoUmambo hwaMwari—Chinhu Chaichoicho Nhasi

“Nyika dzakawanda kudai, dzine tsika dzakasiyana kudaro, uye dziri mumatanho akasiyana-siyana okubudirira, dzingabvumirana sei? Zvave zvichinzi kurwisa kweimwe puraneti bedzi ndiko kuchabatanidza rudzi rwevanhu.”—Pepanhau rokuAustralia rinonzi The Age.

KURWISWA neimwe puraneti? Kana izvozvo zvichizobatanidza nyika dzose dzepasi kana kuti kwete, uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvedambudziko riri kuuya richaita kuti marudzi enyika abatane. Uye zvechokwadi dambudziko iroro richakonzerwa nemasimba omuchadenga.

Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akaprofita nezvemamiriro ezvinhu enyika ino. Achifuridzirwa naMwari akanyora kuti: “Madzimambo enyika anozvigadzira, navabati vanorangana, kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti: Ngatidambure zvisungo zvavo, ngatirashe mabote avo abve kwatiri.” (Pisarema 2:2, 3; Mabasa 4:25, 26) Ona kuti vatongi venyika vaizobatana somunhu mumwe kuti varwe naJehovha, Musiki wezvinhu zvose, nomuzodziwa wake, kana kuti Mambo wake akagadzwa, Jesu Kristu. Izvi zvaizoitika sei?

Maererano nokuverenga nguva kweBhaibheri uye uprofita hwakazadzika, mugore ra1914, Umambo hwaMwari hwakagadzwa kudenga Jesu Kristu ari Mambo wacho. * Panguva iyoyo marudzi enyika aiva nechinhu chimwe chaaifunga chakafanana. Pane kuzviisa pasi pouchangamire hwoUmambo hwaMwari hwakanga huchangogadzwa, vakanga vachirwira simba—Hondo Huru, kana kuti Hondo Yenyika I.

Jehovha Mwari anoona sei maitiro akadaro evatongi vevanhu? “Iye, ugere kudenga-denga, uchaseka; Ishe uchavadadira. Ipapo uchataura kwavari pakutsamwa kwake, nokuvavhundutsa pahasha dzake huru.” Zvadaro, Jehovha achaudza Mwanakomana wake, Mambo akazodzwa woUmambo kuti: “Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, nemigumo yenyika zvive zvako. Muchavapwanya netsvimbo youtare; muchavaputsanya sehari yomuumbi.”—Pisarema 2:4, 5, 8, 9.

Uku kuparadzwa netsvimbo yesimbi kwokupedzisira kwemarudzi anopikisa kuchaitika paAmagedhoni, kana kuti Ha-Magedhoni. Zvakazarurwa, bhuku rokupedzisira reBhaibheri, rinotsanangura ichi chiitiko chokupedzisira se“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose,” apo “madzimambo apasi rose rinogarwa” ari kuunganidzwa. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Achifuridzirwa nemadhimoni, marudzi enyika pakupedzisira achabatanidzwa aine chinangwa chimwe—kuti arwe naMwari Wemasimba ose.

Nguva yokuti vanhu vaungane kuti varwise uchangamire hwaMwari iri kusvika nokukurumidza. Kunyange zvakadaro, “kubatana” kwavo hakuzovabatsiri. Asi, zvavanoita zvichava mavambo orugare rwave rwakamirirwa kwenguva refu nevanhu. Sei? Muhondo iyoyo yokupedzisira, Umambo hwaMwari “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwenyika], ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Umambo hwaMwari, kwete sangano chero ripi romunhu, huchava hurumende iyo ichazadzika chido chevanhu chorugare rwenyika.

Mutungamiriri Mukuru weHurumende yoUmambo

Ndihwo Umambo hwave huchinyengetererwa nevanhu vakawanda vakatendeseka, vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Pane kungova chinhu chiri mumwoyo, Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo yakaita mabasa anoshamisa kubva payakagadzwa kudenga muna 1914. Ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvinokosha zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari chinhu chaichoicho chiri kutoshanda zvizere nhasi.

Kutanga, hune bazi revadzori vane simba uye vakarongeka vanotungamirirwa naMambo akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu. Muna 33 C.E., Jehovha Mwari akagadza Jesu Kristu kuti ave Musoro weungano yechiKristu. (VaEfeso 1:22) Kubva ipapo, Jesu ave ari musoro, nokudaro achiratidza kuti anogona kutungamirira. Somuenzaniso, Judhiya payakava nenzara huru muzana remakore rokutanga, ungano yechiKristu yakabva yaita chimwe chinhu kuti iyamure nhengo dzayo. Basa rokuyamura rakarongwa, uye Bhanabhasi naSauro vakabva vatumwa vachibva Andiyoki noruyamuro.—Mabasa 11:27-30.

Hatingatarisiri kuti Jesu Kristu angaita zvishoma sezvo hurumende yoUmambo iri kutoshanda. Pose panoitika njodzi—kudengenyeka kwepasi, nzara, mafashamo, madutu, mvura ine mhepo ine simba, kana kuti kuputika kwemakomo—Zvapupu zvaJehovha seungano zvinokurumidza kubatsira vazvinonamata nazvo uye vamwe vanenge vawirwa nenjodzi yacho. Somuenzaniso, pakaitika kudengenyeka kwepasi kunoparadza muEl Salvador muna January naFebruary 2001, mabasa okuyamura akarongwa munzvimbo dzose dzenyika yacho, uye mapoka eZvapupu zvaJehovha akabva kuCanada, Guatemala, neUnited States akabatsira. Nzvimbo dzavo nhatu dzokunamatira pamwe chete nemisha inodarika 500 zvakavakwazve munguva pfupi.

Vanotongwa neHurumende yoUmambo hwaMwari

Kubvira pahwakagadzwa muna 1914, Umambo hwaMwari hwokudenga hwave huchiunganidza nokuronga vachatongwa nahwo kubva mumarudzi epasi rose. Izvi zvinozadzika uprofita hunoshamisa hwakanyorwa naIsaya hunoti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi kwakakwirira] richasimbiswa pamusoro pamakomo, . . . marudzi ose achamhanyira kwariri.” Uprofita hwacho hunoratidza kuti “vanhu vazhinji” vaizokwira kugomo racho vobvuma mirayiridzo nemitemo zvaJehovha.—Isaya 2:2, 3.

Basa iri rakaguma nesangano rinonyatsooneka remazuva ano—revaKristu vemarudzi akawanda vanodarika 6 000 000 vane ukama, munyika dzinopfuura 230 dzepasi pose. Pakokorodzano dzemarudzi akawanda dzeZvapupu zvaJehovha, vacherechedzi vanowanzoshamiswa kuona rudo, rugare, nokubatana pakati pemapoka makuru evanhu, zvisingatadziswi kuvapo norudzi, tsika, nomutauro. (Mabasa 10:34, 35) Haubvumi here kuti, kuti hurumende ikwanise kubatanidza mazana emapoka emadzinza murugare nechinzwano, inofanira kunge ichishanda zvakanaka uye yakatsiga—uye chaiyoiyo?

Umambo hwaMwari Nedzidzo

Hurumende imwe neimwe ine zvainoda zvinofanira kuteererwa nevagari vayo, uye munhu wose anoda kurarama pasi pehurumende iyoyo anofanira kuteerera zvinodiwa izvozvo. Saizvozvowo, Umambo hwaMwari hune zvahunoda zvinofanira kuteererwa nevose vachakodzera kutongwa nahwo. Zvisinei, kuti ikwanise kuita kuti vanhu vakawanda kudaro vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vabvume voteerera zvinodiwa izvozvo, zvechokwadi ibasa guru. Saka, hechino chimwe chinhu chinopupurira kuti Umambo hwaMwari chinhu chaichoicho—purogiramu yahwo yokudzidzisa inobudirira inosvika uye inoshandura kwete bedzi pfungwa asiwo mwoyo.

Hurumende iyi yoUmambo inoita sei basa iri rakaoma? Nokutevera nzira yevaapostora yokuparidza “paimba neimba” nokudzidzisa munhu mumwe nomumwe Shoko raMwari. (Mabasa 5:42; 20:20) Nzira iyi yokudzidzisa nayo inobudirira sei? Jacques Johnson, mumwe mupristi weKaturike, akanyora mupepanhau rinobuda kamwe pavhiki rokuCanada nezvokuedza kwake kurambidza mumwe mukadzi kuti adzidze neZvapupu zvaJehovha. “Ndakavhiringidzika zvikuru uye ndakaona kuti ndakanga ndiri kurwa hondo isingakundiki,” akadaro. “Ndakatanga kuona kuti kwemwedzi inoverengeka vakadzi ava veJW vakanga vaumba ukama hwechokwadi naamai ava vechiduku vaingogara pamba. Vakazivana navo kuburikidza nokuvabatsira, kushamwaridzana navo, vachitanga zvisungo zvechokwadi zvomwoyo. Nokukurumidza vakava nhengo inoshingaira muchitendero chavo uye hapana zvandaigona kuita kuti izvozvo zvisaitika.” Sokungokurudzirwa kwakaitwa mwoyo weaimbova muKaturike uyu neshoko reBhaibheri raakadzidziswa neZvapupu zvaJehovha uye nomufambiro wazvo wechiKristu, ndizvo zviri kuitikawo kumwoyo yemamiriyoni pasi pose.

Nzira iyi yokudzidzisa—kudzidzisa kwoUmambo—yakavakirwa paBhaibheri, inotsigira tsika dzaro uye zvarinoda pamufambiro. Inodzidzisa vanhu kudanana uye kukudzana pasinei nemamiriro avo ezvinhu. (Johani 13:34, 35) Inobatsirawo vanhu kubvuma zano rokuti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Mamiriyoni akawana rugare nomufaro iye zvino uye anotarisira remangwana rakajeka, zvaakasiya mararamiro aaimboita ndokuita maererano nemitemo uye zvinorayirwa nehurumende yoUmambo achifara.—VaKorose 3:9-11.

Chimwe chinhu chikuru chinoyamura kuwana kubatana uku kwepasi pose imagazini ino, yeNharireyomurindi. Pachishandiswa nzira dzokushandura dzakarongwa uye michina inodhinda mitauro yakawanda, nyaya huru dziri muNharireyomurindi dzinobudiswa panguva imwe chete mumitauro 135, uye vaverengi vayo vanopfuura 95 muzana pasi pose vanogona kuidzidza mumitauro yavo panguva yakafanana.

Mumwe munyori wechechi yeMormon akanyora nezvemamwe mabasa oumishinari anobudirira zvikuru asi asiri omuchechi yake. Akanyora nezvemagazini eNharireyomurindi neMukai! anobudiswa neZvapupu zvaJehovha, semagazini akanakisisa ebasa reevhangeri ndokuti: “Hapana angambopomera magazini eNharireyomurindi kana kuti eMukai! kuti anosimbisa kuvarairwa—asi anoita kuti vanhu vasvinurire zvandisina kumboona mune mamwe mabhuku echitendero. Magazini eNharireyomurindi neMukai! anozorodza nemashoko awo echokwadi, akanyatsotsvakurudzwa, ezvinhu chaizvoizvo zvinoitika munyika.”

Uchapupu hwawanda hwokuti Umambo hwaMwari chinhu chaichoicho chiri kutoshanda zvakazara. Zvapupu zvaJehovha zvinofara uye zvinoshingaira kuudza vavakidzani vazvo “aya mashoko akanaka oumambo,” zvichivakoka kuti vave vanhu vanotongwa nahwo. (Mateu 24:14) Tarisiro yakadaro inokufadza here? Unogona kuwana zvikomborero zvinovapo nokushamwaridzana nevaya vari kudzidziswa uye vari kuedza kurarama maererano nezvinodiwa noUmambo. Zvinotopfuura izvozvo, unogona kunakidzwa nokutarisira kurarama pasi pokutonga kwoUmambo munyika itsva yakapikirwa umo “kururama kuchagara mazviri.”—2 Petro 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kuti uwane tsananguro izere, ona chitsauko 10, chinoti “Umambo hwaMwari Hunotonga,” mubhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, pamapeji 90-7.

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Muna 1914 marudzi akarwa muhondo yenyika

[Mifananidzo iri papeji 6]

Basa rokuyamura rokuzvipira uchapupu hworudo rwechiKristu

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvinobatsirwa nepurogiramu imwe chete yokudzidzisa