Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anozivisa Kukudzwa Kwake Kune Vanozvininipisa

Jehovha Anozivisa Kukudzwa Kwake Kune Vanozvininipisa

Jehovha Anozivisa Kukudzwa Kwake Kune Vanozvininipisa

“Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—ZVIREVO 22:4.

1, 2. (a) Bhuku raMabasa rinoratidza sei kuti Stefani aiva “murume akanga azere nokutenda nomudzimu mutsvene”? (b) Uchapupu hupi huripo hwokuti Stefani aizvininipisa?

STEFANI aiva “murume akanga azere nokutenda nomudzimu mutsvene.” Aivawo “azere nenyasha nesimba.” Somumwe wevadzidzi vaJesu vekare, akanga achiita manenji nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu. Pane imwe nguva, vamwe varume vakasimuka kuti vaite nharo naye, “asi havana kugona kumupikisa pauchenjeri nomudzimu waakanga achitaura nawo.” (Mabasa 6:5, 8-10) Zviri pachena kuti Stefani aiva mudzidzi akanaka weShoko raMwari, uye akaridzivirira nesimba pamberi pevatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzuva rake. Uchapupu hwake hwakazara, huri muchitsauko 7 chaMabasa, hunopupurira kufarira kwake kukuru kuva pachena kwechinangwa chaMwari.

2 Kusiyana nevatungamiriri vechitendero vaya vaiva nezvinzvimbo nezivo zvaivaita kuti vafunge kuti vakakwirira kuvanhuwo zvavo, Stefani aizvininipisa. (Mateu 23:2-7; Johani 7:49) Kunyange zvazvo ainyatsoziva Magwaro, akafara zvikuru kupiwa basa rokuti a“govere zvokudya patafura” kuitira kuti vaapostora vazvipire “pakunyengetera nepaushumiri hweshoko.” Stefani aiva nomukurumbira wakanaka kwazvo pakati pehama saka akasarudzwa kuti ave mumwe wevarume vanomwe vaipupurirwa vaizoita basa iri rokugovera zvokudya zuva nezuva. Nokuzvininipisa akabvuma basa racho.—Mabasa 6:1-6.

3. Kuratidzwa kupi kunoshamisa kwomutsa waMwari usina kufanirwa kwakaonekwa naStefani?

3 Jehovha akaona kuzvininipisa kwaStefani pamwe chete nokufarira kwake zvinhu zvokunamata uye kuvimbika kwake. Stefani paaipupurira boka revatungamiriri vechiJudha vaiva noutsinye muSanihedrini, vashori vake “vakaona kuti chiso chake chakanga chakaita sechiso chengirozi.” (Mabasa 6:15) Chiso chake chaiva chiya chomutumwa waMwari, chine rugare rwaibva kuna Mwari anokudzwa, Jehovha. Pashure pokupupurira nhengo dzeSanihedrini asingatyi, Stefani akaratidzwa mutsa waMwari usina kufanirwa unoshamisa. “Iye, azere nomudzimu mutsvene, akanyatsotarira kudenga akaona mbiri yaMwari neyaJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” (Mabasa 7:55) Kuna Stefani, zvakaratidzwa izvi zvinoshamisa zvakasimbisazve nzvimbo yaJesu soMwanakomana waMwari uye Mesiya. Zvakasimbisa Stefani aizvininipisa uye zvakaita kuti ave nechokwadi chokuti Jehovha aimufarira.

4. Jehovha anozivisa kukudzwa kwake kuna vanaani?

4 Sezvinoratidzwa nezvakaratidzwa Stefani, Jehovha anozivisa kukudzwa kwake nezvinangwa zvake kuvanhu vanotya Mwari avo vanozvininipisa uye vanokoshesa ukama hwavo naye. “Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 22:4) Saka, zvinokosha kuti tinzwisise kuti kuzvininipisa kwechokwadi chii, kuti tingakudziridza sei unhu uhwu hunokosha, uye kuti tingabatsirwa sei nokuhuratidza muupenyu hwose.

Kuzvininipisa—Unhu hwaMwari

5, 6. (a) Kuzvininipisa kudini? (b) Jehovha akaratidza sei kuzvininipisa? (c) Tinofanira kunzwa sei nezvokuzvininipisa kwaJehovha?

5 Vamwe vangashamiswa kuti Jehovha Mwari, munhu akakwirira uye anokudzwa kudarika vose pazvinhu zvose, ndiye muenzaniso mukuru wokuzvininipisa. Mambo Dhavhidhi akati kuna Jehovha: “Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru.” (Pisarema 18:35) Achirondedzera Jehovha seanozvininipisa, Dhavhidhi akashandisa shoko rechiHebheru rinoreva kuti “kotamiswa.” Kunze kweshoko rokuti “kuzvininipisa,” mamwe mashoko akada kufanana neshoko iroro anosanganisira okuti “kuzvidukupisa,” “unyoro,” uye “kuzvideredza.” Saka Jehovha akaratidza kuzvininipisa paakazvideredza kuti ave noukama nomunhu asina kukwana Dhavhidhi ndokumushandisa samambo Anomumiririra. Sezvinoratidzwa nemashoko anorondedzera ePisarema 18, Jehovha akadzivirira uye akatsigira Dhavhidhi, achimununura “pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro.” Saizvozvowo, Dhavhidhi akaziva kuti ukuru hupi nohupi kana kuti kukudzwa kwaaizoitwa samambo kwaibva pakuzvininipisa kwaairatidzwa naJehovha. Kuziva izvi kwakabatsira Dhavhidhi kuti arambe achizvininipisa.

6 Ko isu? Jehovha akaona zvakakodzera kuti atidzidzise chokwadi, uye angadaro akatipa ropafadzo dzebasa dzinokosha achishandisa sangano, kana kuti akatishandisa mune imwe nzira kuti tiite kuda kwake. Tinofanira kunzwa sei nezveizvi zvose? Hatifaniri kuzvininipisa here? Hatifaniri kuonga kuzvininipisa kwaJehovha here torega kuzvikwidziridza, uko zvechokwadi kungaguma nenjodzi?—Zvirevo 16:18; 29:23.

7, 8. (a) Kuzvininipisa kwaJehovha kwakaratidzwa sei pakubata kwake naManase? (b) Jehovha uye Manase vanoratidza muenzaniso wokuzvininipisa wokuti titevere munzirai?

7 Jehovha haana kungoratidza kuzvininipisa kukuru nokuva noukama nevanhu vasina kukwana asi akaratidzawo chido chokunzwira ngoni vaya vanozvidukupisa mupfungwa, kunyange kusimudza, kana kuti kukwidziridza, vaya vanozvininipisa. (Pisarema 113:4-7) Somuenzaniso, funga zvakaitika kuna Mambo Manase weJudha. Akashandisa zvisiri izvo nzvimbo yake yaikudzwa samambo kusimudzira kunamata kwenhema uye “akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.” (2 Makoronike 33:6) Pakupedzisira, Jehovha akaranga Manase nokubvumira mambo weAsiriya kuti amubvise pachigaro chake chokutonga. Ari mujeri, Manase “akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo,” zvokuti Jehovha akamudzorera pachigaro chokutonga muJerusarema, uye Manase “akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.” (2 Makoronike 33:11-13) Chokwadi, pakupedzisira, mafungiro aManase okuzvininipisa akafadza Jehovha, uyo akazoratidzawo kuzvininipisa nokumukanganwira uye kumudzorerazve samambo.

8 Kuda kwaJehovha kukanganwira uye kupfidza kwaManase zvinotipa zvidzidzo zvinokosha zvokuzvininipisa. Tinofanira kuramba tichiyeuka kuti nzira yatinobata nayo vaya vangave vakatigumbura uye mafungiro atinoratidza patinoita chivi zvingava nechokuita nenzira iyo Jehovha anobata nesu. Kana tichikanganwira kudarika kwevamwe nokuzvidira tobvuma zvatinokanganisa nokuzvininipisa, tinogona kutarisira ngoni dzaJehovha.—Mateu 5:23, 24; 6:12.

Kukudzwa kwaMwari Kwakaziviswa Vanozvininipisa

9. Kuzvininipisa chiratidzo chokusava nesimba here? Tsanangura.

9 Zvisinei, kuzvininipisa nounhu hwakafanana nako, hakufaniri kunzwisiswa zvisiri izvo sechiratidzo chokusava nesimba kana kuti semafungiro okuregerera zvinhu zvakaipa. Sezvinopupurirwa neMagwaro Matsvene, Jehovha anozvininipisa, asi anoratidza kutsamwa kwakarurama uye simba rinoshamisa kana mamiriro ezvinhu achida kuti adaro. Pamusana pokuzvininipisa kwake, Jehovha anonyatsoteerera, kana kuti ane hanya zvikuru, nevaya vane pfungwa dzinozvidukupisa, asi anosudurukira kure nevaya vanodada. (Pisarema 138:6) Jehovha akaratidza sei kuti ane hanya zvikuru nevashumiri vake vanozvininipisa?

10. Jehovha anozivisa chii kune vanozvininipisa, sezvinoratidzwa pana 1 VaKorinde 2:6-10?

10 Munguva yake yakakodzera uye achishandisa nzira yake yokukurukurirana nayo yakasarudzwa, Jehovha akazivisa vanozvininipisa mashoko pamusoro pokuitwa kwechinangwa chake. Zvinhu izvi zvinokudzwa zvinoramba zvakavanzika kune vaya, nokudada vanovimba, kana kuti nokuomesa musoro vanoomerera kuuchenjeri kana kuti kufunga kwevanhu. (1 VaKorinde 2:6-10) Asi vanozvininipisa, sezvo vachinzwisisa zvakarurama chinangwa chaJehovha, vanokurudzirwa kukudza Jehovha nokuti vanokoshesa zvikuru kukudzwa kwake kunoshamisa.

11. Muzana remakore rokutanga, vamwe vakaratidza sei kusazvininipisa, uye izvi zvakavakuvadza sei?

11 Muzana remakore rokutanga, vakawanda, kusanganisira vamwe vaitaura kuti vaKristu, vakaratidza kuti vakanga vasingazvininipisi uye vakagumburwa nezvavakaziviswa nomuapostora Pauro nezvechinangwa chaMwari. Pauro akava “muapostora kumamwe marudzi,” asi paisava pamusana porudzi rwake, dzidzo, zera, kana kuti chinyorwa chirefu chemabasa akanaka. (VaRoma 11:13) Kazhinji, vanhu vanofunga zvenyama vanoona izvi sezvinhu zvinoshandiswa kusarudza munhu uyo Jehovha achashandisa. (1 VaKorinde 1:26-29; 3:1; VaKorose 2:18) Zvisinei, Jehovha akasarudza Pauro, maererano nomutsa Wake worudo uye chinangwa chakarurama. (1 VaKorinde 15:8-10) Vaya vakarondedzerwa naPauro se‘vaapostora vakanaka zvikuru,’ uyewo vamwe vashori, vakaramba kugamuchira Pauro uye zvaaitaura kubva muMagwaro. Kusazvininipisa kwavo kwakavatadzisa kuwana zivo uye kunzwisisa nzira yaJehovha inokudzwa yaanoita nayo chinangwa chake. Ngatisamborerutsa kana kuti kufanotonga vaya vanosarudzwa naJehovha kuti avashandise kuita kuda kwake.—2 VaKorinde 11:4-6.

12. Muenzaniso waMosesi unoratidza sei kuti Jehovha anofarira vaya vanozvininipisa?

12 Kune rimwe divi, pane mienzaniso yomuBhaibheri yakawanda inosimbisa kuti vanhu vanozvininipisa vanofanoratidzwa kubwinya kwaMwari. Mosesi, “munhu munyoro kwazvo” kupfuura vanhu vose, akaona kubwinya kwaMwari uye akava noukama hwepedyo naye. (Numeri 12:3) Murume uyu anozvininipisa, uyo akapedza makore 40 ari mufudzi anozvidukupisa, zvichida akawanda awo ari paPeninsula yokuArabia, aifarirwa zvikuru noMusiki munzira dzakawanda. (Eksodho 6:12, 30) Achitsigirwa naJehovha, Mosesi akava mutauriri uye murongi mukuru worudzi rwaIsraeri. Aikurukurirana naMwari zvakananga. Mune zvaakaratidzwa, akaona “Jehovha kuti wakadini.” (Numeri 12:7, 8; Eksodho 24:10, 11) Vaya vakabvuma mushumiri uye mumiririri waMwari uyu aizvininipisa vakakomborerwawo. Saizvozvowo, tichakomborerwa kana tikabvuma toteerera muprofita mukuru kuna Mosesi, Jesu, uyewo “muranda akatendeka, akangwara” waakagadza.—Mateu 24:45, 46; Mabasa 3:22.

13. Kubwinya kwaJehovha kwakaziviswa sei kuvafudzi vaizvininipisa vomuzana remakore rokutanga?

13 ‘Kubwinya kwaJehovha kwakan’aima’ pana vanaani ngirozi payakazivisa mashoko akanaka okuberekwa kwo“Muponesi, uyo ari Kristu Ishe”? Pakanga pasiri pavatungamiriri vechitendero vanodada kana kuti pavanhu vanokosha vomunzvimbo dzakakwirira asi pavafudzi vaizvininipisa “vaigara kunze kwemisha vachichengeta nguva dzokurinda pamapoka avo usiku.” (Ruka 2:8-11) Vanhu ava vakanga vasinganyanyi kukosheswa pamusana pezvavaiva uye basa ravo. Asi, Jehovha ndivo vaakacherechedza ndokusarudza kutanga kuvazivisa nezvokuberekwa kwaMesiya. Chokwadi, Jehovha anozivisa kubwinya kwake kuvanhu vanozvininipisa uye vanotya Mwari.

14. Zvikomborero zvipi zvinobva kuna Mwari zvinopiwa vaya vanozvininipisa?

14 Mienzaniso iyi inotidzidzisa chii? Inotiratidza kuti Jehovha anofarira uye anozivisa zivo nokunzwisiswa kwechinangwa chake kune vanozvininipisa. Anosarudza vanhu vangave vasina zvimwe zvinhu zvingatarisirwa nevanhu ovashandisa senzira yake yokuzivisa nayo vamwe chinangwa chake chinokudzwa. Izvi zvinofanira kutikurudzira kuramba tichitarira kuna Jehovha, Shoko rake rouprofita, uye sangano rake kuti titungamirirwe. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha acharamba achizivisa vashumiri vake vanozvininipisa nezvokuva pachena kwechinangwa chake chinokudzwa. Muprofita Amosi akazivisa kuti: “Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.”—Amosi 3:7.

Kudziridza Kuzvininipisa Ugofarirwa naMwari

15. Nei tichifanira kuedza kuramba tichizvininipisa, uye izvi zvinoratidzwa sei nezvakaitika kuna Mambo Sauro weIsraeri?

15 Kuti Mwari atifarire nokusingaperi, tinofanira kuramba tichizvininipisa. Kuzvininipisa kamwe chete hakurevi kuti ticharamba tichizvininipisa. Zvinobvira kuti munhu arege kuzvininipisa obva adada uye ozvikwidziridza, izvo zvinozoita kuti azvikudze uye ave munjodzi. Sauro, munhu wokutanga kuzodzwa samambo weIsraeri, akaita izvozvo chaizvo. Paakatanga kusarudzwa, ‘aizviona somuduku.’ (1 Samueri 15:17) Zvisinei, angotonga kwemakore maviri chete, akazvikudza. Akazvidza urongwa hwaJehovha hwokupa zvibayiro nokumuprofita Samueri, uye akaronga kuzvipembedza nokupa zvibayiro iye pachake. (1 Samueri 13:1, 8-14) Uku ndiko kwaiva kutanga kwezviitiko zvinotevedzana izvo zvakabudisa pachena kusazvininipisa kwake. Zvakaguma nokurasikirwa nomudzimu waMwari uye kufarirwa naye, izvo pakupedzisira zvakatungamirira kurufu runonyadzisa. (1 Samueri 15:3-19, 26; 28:6; 31:4) Chidzidzo chacho chakajeka: Tinofanira kuedza kuti tirambe tichizvininipisa uye tichizviisa pasi uye kuti tisave nepfungwa dzokuzvikoshesa, todzivisa zviito zvose zvokuzvikudza zvinoita kuti tisazofarirwa naJehovha.

16. Kufungisisa ukama hwedu naJehovha uye nevamwe vanhu kungatibatsira sei kukudziridza kuzvininipisa?

16 Kunyange zvazvo kuzvininipisa kusina kurongwa sechimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari, unhu hwaMwari hunofanira kukudziridzwa. (VaGaratiya 5:22, 23; VaKorose 3:10, 12) Sezvo kuchisanganisira mafungiro—kureva kuti, maonero atinozviita uye vamwe—kukudziridza kuzvininipisa kunotoda kushandirwa. Kurangarira uye kufungisisa ukama hwedu naJehovha uye nevamwe kungatibatsira kuti tirambe tichizvininipisa. Mukuona kwaMwari, nyama yose isina kukwana yakaita souswa hwakasvibirira hunokura kwenguva yakati, hwosvava uye hwozooma. Vanhu vakaita sehwizawo zvadzo dziri musango. (Isaya 40:6, 7, 22) Humwe uswa hune chikonzero chokudada nokungoti bedzi hwakati rebei kudarika humwe here? Imwe hwiza inofanira kuzvikudza here nechikonzero chokungoti inogona kusvetuka kudarika dzimwe? Hazvina musoro kutombofunga izvozvo. Saka, muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu vaainamata navo kuti: “Ndiani anoita kuti usiyane nomumwe? Zvechokwadi, chii chaunacho chausina kugamuchira? Zvino, kana wakachigamuchira zvechokwadi, nei uchizvirumbidza sokunge kuti hauna kuchigamuchira?” (1 VaKorinde 4:7) Kufungisisa ndima dzeBhaibheri dzakaita seidzi kungatibatsira kukudziridza uye kuratidza kuzvininipisa.

17. Chii chakabatsira muprofita Dhanieri kukudziridza kuzvininipisa, uye chii chingatibatsira kuitawo izvozvo?

17 Muprofita wechiHebheru Dhanieri akanzi “murume unodikanwa kwazvo” mukuona kwaMwari nokuda kwo“kuzvininipisa” kwake, kureva kuti, aizvininipisa. (Dhanieri 10:11, 12) Chii chakabatsira Dhanieri kukudziridza kuzvininipisa? Kutanga, aivimba naJehovha zvakakwana, nguva dzose achinyengetera kwaari. (Dhanieri 6:10, 11) Uyezve, Dhanieri aiva mudzidzi weShoko raMwari aishingaira uye aiva nevavariro yakanaka, izvo zvakamubatsira kuramba achiona chinangwa chaMwari chinokudzwa. Aidawo kubvuma zvikanganiso zvake, kwete bedzi zviya zvevanhu vake. Uye ainyatsofarira kusimudzira kururama kwaMwari, kwete kwake. (Dhanieri 9:2, 5, 7) Tingadzidza kubva mumuenzaniso unoshamisa waDhanieri here toedza kukudziridza uye kuratidza kuzvininipisa muupenyu hwedu hwose?

18. Kukudzwa kupi kwakamirira vaya vanozvininipisa nhasi?

18 “Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu,” inodaro Zvirevo 22:4. Chokwadi, Jehovha anofarira vaya vanozvininipisa, uye vachawana kukudzwa noupenyu. Apotsa arega basa rake kuna Mwari asi achibva azogadziriswa mafungiro ake naJehovha, Asafi, munyori wepisarema akabvuma nokuzvininipisa kuti: “Muchandiperekedza nezano renyu, ndokuzondigamuchira pakubwinya.” (Pisarema 73:24) Ko nhasi? Vaya vanozvininipisa vakamirirwa nokukudzwa kupi? Kuwedzera pakufarirwa uye pakuva noukama hunofadza naJehovha, vanogona kutarira mberi vachiona kuzadzika kwemashoko aMambo Dhavhidhi akafuridzirwa anoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” Zvechokwadi inguva yemberi inokudzwa kwazvo!—Pisarema 37:11.

Unoyeuka Here?

• Stefani muenzaniso sei womunhu anozvininipisa uyo akaziviswa kukudzwa kwaJehovha?

• Jehovha Mwari akaratidza kuzvininipisa munzira dzipi?

• Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jehovha anozivisa kubwinya kwake kune vanozvininipisa?

• Muenzaniso waDhanieri ungatibatsira sei kukudziridza kuzvininipisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 12]

Akasimba asi Anozvininipisa

Pakokorodzano yokuCedar Point, Ohio, U.S.A., yomuna 1919 yeVadzidzi veBhaibheri (nhasi vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha), J. F. Rutherford aiva nemakore 50, panguva iyoyo aitarisira basa, akazvipira nomufaro kubatsira vamwe kutakura midziyo yavo, achitakura masutukezi uye kuperekedza nhume kumakamuri adzo. Pazuva rokupedzisira rekokorodzano yacho, akafadza vateereri 7 000 nemashoko anoti: “Muri nhume dzaMambo wemadzimambo naShe wemadzishe, muchizivisa vanhu . . . umambo hunokudzwa hwaShe wedu.” Kunyange zvazvo Hama Rutherford vaiva murume aiva nokutenda kwakasimba, vaizivikanwa nokutaura nesimba uye vasingabvumirani pane zvisina kufanira zvavaidavira kuti ichokwadi, vaizvininipisawo zvepachokwadi pamberi paMwari, kazhinji vachiratidza izvi muminyengetero yavo pakunamata kwemangwanani paBheteri.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Stefani, ainyatsoziva Magwaro, akagovera zvokudya nokuzvininipisa

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kuzvininipisa kwaManase kwakafadza Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 12]

Chii chakaita kuti Dhanieri ave “murume unodikanwa kwazvo”?