Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Hurumende Yakanaka

Kutsvaka Hurumende Yakanaka

Kutsvaka Hurumende Yakanaka

“Kudyidzana kunowedzera kwenyika yose kwakakonzera zvinetso zvinotevedzana zvepasi pose zvokuti nyika imwe neimwe haichagoni kuzvipedza. Tingagona bedzi kurarama nengozi nezvinetso zvinowedzera zvinosangana nevanhu kuburikidza nokushandira pamwe chete kwenyika yose.”—Ghulam Umar, muongorori wezvematongerwe enyika wePakistan.

NYIKA yanhasi yakazara nezvinhu zvinotonetsa kutsanangura. Pakati pemafashafasha ezvinhu, vakawanda vanotamburira kuti vawane zvokurarama nazvo. Chizvarwa chomunguva ino yoruzivo rwemakombiyuta chingava ndicho chakadzidza uye chine ruzivo kupfuura zvimwe zvose, kunyange zvakadaro vanhu vanoomerwa nokuwana basa rakatsiga vari kuramba vachiwedzera. Kunyange zvazvo vanhu vachiita sokunge vane rusununguko rukuru kupfuura nakare kose, mamiriyoni anorarama achitya, asina kuchengeteka, uye asina chokwadi. Tingave takapoteredzwa nemikana inokwezva, asi uori nokusateerera mutemo zvinoitwa nevapfumi nevarombo zvakaguma nokusava netariro kune vakawanda.

Mwero wezvinetso zvinosangana nevanhu wakakura zvokuti unopfuura nokure zvingagona kupedzwa nenyika imwe, kana kuti kunyange boka renyika. Saka, vacherechedzi vakawanda vakagumisa kuti, kuti rugare nokuchengeteka zvenyika zvive chinhu chaichoicho, nyika dzose dzinofanira kubatana pasi pehurumende imwe. Somuenzaniso, Albert Einstein, akagara achitsigira pfungwa iyoyo. Muna 1946, akati: “Ndinodavira zvakasimba kuti ruzhinji rwevanhu vari munyika rwaizoda kugara murugare nokuchengeteka . . . Chido chevanhu chorugare chinogona bedzi kuzadzikwa nokuumba hurumende yenyika yose.”

Pashure pemakore makumi mashanu, chido ichi chinokosha hachisati chazadzikwa. Rimwe pepanhau rinonzi Le Monde rokuParis, France richitsinhira ndandanda yezvinetso zvezana remakore rechi21, rinoti: “Zvinoda kuva nevatongi, vadzori, uye mitemo zvehurumende yenyika yose inogona kupindira nokukurumidza, kwose kwose munyika yose, kana kuri kuti pane kuparadza rudzi kuri kuitika. Zvinongoda kubvuma kuti kubva zvino Pasi rose rava nyika imwe chete.” Pane munhu here kana chinhu chine simba rokukwanisa kuita izvi kuti vanhu vave neramangwana rine rugare?

Mubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose Ndiwo Mhinduro Here?

Vanhu vazhinji vakaisa tariro yavo yorugare rwenyika yose paSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Sangano iri ihurumende inogona kuunza rugare nokuchengeteka munyika yose zvechokwadi here? Pasina mubvunzo, zvose zvinotaurwa nevezvematongerwe enyika zvinoita sezvinopa tariro uye zvinovimbisa. Somuenzaniso, mu“Millennium Declaration” yayo ya2000, General Assembly yeSangano iri yakasarudza zvakasimba kuti: “Tichaita zvose zvatinogona kuti tisunungure vanhu vedu padambudziko rehondo, mungava muNyika yacho kana kuti pakati peNyika dzakawanda, iyo yakauraya vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu mumakumi emakore akapfuura.” Kutaura kwakadaro kwakaita kuti Sangano iri rirumbidzwe uye riyemurwe nevakawanda, uyewo riwane Mubayiro woRugare weNobel wa2001. Saka ichikudza Sangano iri, Norwegian Nobel Committee yakati “nzira bedzi yokubudirira kuunza rugare rwenyika yose nokushandira pamwe kuburikidza neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose.”

Pasinei nezvose izvi, sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, rakatanga muna 1945, rakaratidza kuva hurumende inokwanisa kuunza rugare rwenyika rwechokwadi norunogara nokusingaperi here? Aiwa, nokuti zvakawanda zvezvaraiedza kuita zvakavhiringidzwa nenhengo dzaro dzaiva nezvadzaifarirawo pachadzo uye dziine zvinangwa zvadzo. Mafungiro oruzhinji, achitaurwa nomupepeti werimwe pepanhau, ndeokuti Sangano iri rinongoshanda bedzi “sechinhu chinoyera mafungiro enyika yose” uye kuti “zvakarongwa kuti zvikurukurwe zvakazara nenyaya dzakambokurukurwa kwemakore paine kubudirira kushomanana ndokunge kuchitombovapo.” Mubvunzo unoramba uripo ndewokuti: Rimwe zuva nyika dzose dzichazombobatana here?

Bhaibheri rinozivisa kuti kubatana kwakadaro kuchaitika nokukurumidza. Izvi zvichaitika sei? Uye ihurumende ipi ichazviita? Kuti uwane mhinduro, tapota verenga nyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Einstein akatsigira kudiwa kwehurumende yenyika

[Kwazvakatorwa]

Einstein: U.S. National Archives photo