Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Nemaonero Akafanana neaKristu Oukuru

Kuva Nemaonero Akafanana neaKristu Oukuru

Kuva Nemaonero Akafanana neaKristu Oukuru

“Munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu.”—MATEU 20:26.

1. Nyika inoona sei ukuru?

PEDYO neguta reThebes reIjipiti yekare (mazuva ano Karnak), anenge makiromita 500 kumaodzanyemba kweCairo, pane chiumbwa chakareba mamita 18 chaFarao Amenhotep III. Hapana angambotarira chiumbwa ichocho chikuru akasanzwa kuti muduku chaizvo. Hapana mubvunzo kuti chiumbwa ichi chakaitirwa kuti mutongi atyiwe, chiratidzo chemaonero anoita nyika ukuru—aya okuti munhu aonekwe somukuru uye anokosha asi achiita kuti vamwe vanzwe vasingakoshi.

2. Jesu akaratidza vateveri vake muenzaniso upi, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

2 Siyanisa maonero aya oukuru neaya akadzidziswa naJesu Kristu. Kunyange zvazvo aiva “Ishe noMudzidzisi” wevateveri vake, Jesu akavadzidzisa kuti ukuru hunobva pakushumira vamwe. Pazuva rokupedzisira roupenyu hwake pasi pano, Jesu akaratidza zvairehwa nezvaaidzidzisa nokugeza tsoka dzevadzidzi vake. Zvechokwadi raiva basa rokuzvininipisa! (Johani 13:4, 5, 14) Kushumira kana kuti kushumirwa—ndechipi chinonyanya kukufadza? Muenzaniso waKristu unokukurudzira kuti ude kuzvininipisa sezvaaiva here? Saka ngationgororei maonero aKristu oukuru mukusiyana nemaonero akazara munyika.

Ramba Maonero Enyika Oukuru

3. Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza mugumisiro unosuruvarisa wevaya vanonyanya kuda kukudzwa nevanhu?

3 Pane mienzaniso yakasiyana-siyana yomuBhaibheri inoratidza kuti maonero enyika oukuru anokuvadzisa. Funga nezvaHamani ane simba, aiva nomukurumbira mudare ramambo wePersia mumazuva aEstere naModhekai. Kunyanya kuda kukudzwa kwaHamani kwakaita kuti anyadziswe uye afe. (Estere 3:5; 6:10-12; 7:9, 10) Zvakadini naNebhukadhinezari aizvikudza, uyo akapenga paakanga ava nesimba guru? Pfungwa yake yakaipa youkuru yakaratidzwa mumashoko aya anoti: “Ko iri harizi Bhabhironi, guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve ugaro hwamadzimambo, here?” (Dhanieri 4:30) Kwozouyawo Herodhi Agiripa I aidada, uyo akabvuma kukudzwa kusina kumukodzera pane kukudza Mwari. “Akadyiwa nehonye akafa.” (Mabasa 12:21-23) Kutadza kunzwisisa maonero aJehovha oukuru kwakaita kuti varume vose ava varasikirwe nenzvimbo dzavo zvinonyadzisa.

4. Ndiani anokonzera mafungiro enyika okudada?

4 Zvakakodzera kuti tide kushandisa upenyu hwedu munzira inoita kuti tikudzwe uye tiremekedzwe. Asi, Dhiyabhorosi anoshandisa chido ichi nokukurudzira kuzvida, kuri kuratidzwa kweshungu dzake. (Mateu 4:8, 9) Usambokanganwa kuti ndiye “mwari wegadziriro ino yezvinhu,” uye akatsunga kusimudzira mafungiro ake pasi pano. (2 VaKorinde 4:4; VaEfeso 2:2; Zvakazarurwa 12:9) Vachiziva kunobva kufunga kwakadaro, vaKristu vanoramba maonero enyika oukuru.

5. Kubudirira, mukurumbira, uye pfuma zvinovimbisa kugutsikana kusingaperi here? Tsanangura.

5 Imwe pfungwa inosimudzirwa naDhiyabhorosi ndeyokuti kuva nomukurumbira munyika, kukudzwa nevanhu, uye kuva shoroma zvinongoerekana zvaunza upenyu hunofadza. Ichokwadi here? Kubudirira, mukurumbira, uye pfuma zvinovimbisa upenyu hwakazara nokugutsikana here? Bhaibheri rinotinyevera kuti tisanyengerwa nokufunga kwakadaro. Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu unovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.” (Muparidzi 4:4) Vanhu vakawanda vakazvipira muupenyu hwavo kuti vave nomukurumbira munyika vanogona kupupurira chokwadi chezano iroro reBhaibheri rakafuridzirwa. Mumwe muenzaniso ndewomurume akabatsira kugadzira, uye kuedza chitundumuseremusere chakasvitsa munhu kumwedzi. Akati: “Ndakanga ndashanda nesimba uye ndava nounyanzvi chaizvo mune zvandaiita. Asi zvakanga zvisina maturo, kana kuti zvisina basa, pakundiwanisa mufaro usingaperi uye rugare rwepfungwa.” * Mafungiro enyika oukuru, mungave mune zvemabhizimisi, mitambo, kana kuti varaidzo, haavimbisi kugutsikana kusingaperi.

Ukuru Hunobva Pabasa Rinokurudzirwa Norudo

6. Chii chinoratidza kuti Jakobho naJohani vaiona ukuru nenzira yakaipa?

6 Chimwe chinhu chakaitika muupenyu hwaJesu chinozivisa kuti ukuru chaihwo hunosanganisirei. Jesu nevadzidzi vake vakanga vachienda kuJerusarema kuPaseka ya33 C.E. Vari munzira, vaviri vehama dzaJesu, Jakobho naJohani, vakaratidza kuti vaiona ukuru nenzira yakaipa. Vachishandisa amai vavo, vakakumbira Jesu izvi: ‘Ipai shoko rokuti tigare kuruoko rwenyu rworudyi uye kuruboshwe rwenyu, muumambo hwenyu.’ (Mateu 20:21) KuvaJudha, kugara kuruoko rworudyi kana kuti kuruboshwe kwainzi kukudzwa kukuru. (1 Madzimambo 2:19) Jakobho naJohani neshungu vakakumbira kupiwa nzvimbo dzakakurumbira zvikuru. Vaida kukumbira nzvimbo idzi dzechiremera. Jesu aiziva zvavakanga vachifunga uye akashandisa mukana wacho kururamisa maonero avo oukuru akanga asina kunaka.

7. Jesu akarondedzera sei nzira yokuwana nayo ukuru hwechiKristu hwechokwadi?

7 Jesu aiziva kuti munyika ino inodada, munhu anonzi mukuru ndouya anodzora neanorayira vamwe uye paanongoridza munwe nechara chake, vanhu vanobva vatoita zvaanoda. Asi pavateveri vaJesu, ukuru hunoyerwa nebasa rokuzvininipisa. Jesu akati: “Munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.”—Mateu 20:26, 27.

8. Zvinorevei kuva mushumiri, uye tingazvibvunza mibvunzo ipi?

8 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mushumiri” muBhaibheri rinoreva munhu anoshingaira uye anoramba achiedza nepaanogona napo kuitira vamwe basa. Jesu akanga achidzidzisa vadzidzi vake chidzidzo chinokosha: Kurayira vanhu kuita zvinhu hakuiti kuti munhu ave mukuru; kushumira vamwe kana kuchikurudzirwa norudo kunoita kuti munhu ave mukuru. Zvibvunze kuti: ‘Ndingadai ndakaita sei dai ndaiva Jakobho kana kuti Johani? Ndingadai ndakanzwisisa kuti ukuru hwechokwadi hunobva pakushumira kunokurudzirwa norudo here?’—1 VaKorinde 13:3.

9. Jesu akaratidza muenzaniso upi muukama hwake nevamwe?

9 Jesu akaratidza vadzidzi vake kuti zvinodiwa paukuru hwenyika handizvo zvinodiwa paukuru hwakafanana nohwaKristu. Haana kumbozvikwidziridza pane vaya vaaishumira kana kuti kuvaita kuti vanzwe sevakaderera. Vanhu vemarudzi ose—varume, vakadzi, nevana, vapfumi, varombo, uye vane simba, uyewo vatadzi vaizivikanwa zvikuru—vainzwa vakasununguka vainaye. (Mako 10:13-16; Ruka 7:37-50) Vanhu havawanzoshiviriri vaya vasingakwanisi kuita zvimwe zvinhu. Jesu akanga asina kudaro. Kunyange zvazvo vadzidzi vake pane dzimwe nguva vaiita zvinhu nokusafunga uye vaikakavadzana, akavarayiridza nokushivirira, achivaratidza kuti aizvininipisa zvechokwadi uye aiva munyoro.—Zekaria 9:9; Mateu 11:29; Ruka 22:24-27.

10. Upenyu hwaJesu hwose hwakaratidza sei kuti aishumira vamwe zvisina udyire?

10 Muenzaniso usina udyire wakaratidzwa noMwanakomana waMwari uyu mukuru wakaonesa zvinonyatsoreva ukuru. Jesu haana kuuya pasi pano kuti azoshumirwa asi kuti ashumire vamwe, achirapa “zvirwere zvakasiyana-siyana” nokusunungura vanhu pakudzorwa nemadhimoni. Kunyange zvazvo aineta uye aida nguva yokuzorora, nguva dzose aiisa zvinodiwa nevamwe pamberi pezvake, achishanda nesimba kuti avanyaradze. (Mako 1:32-34; 6:30-34; Johani 11:11, 17, 33) Rudo rwake rwakamuita kuti abatsire vanhu mune zvokunamata, achitofamba mazana emakiromita mumigwagwa ine huruva kuti aparidze mashoko akanaka oUmambo. (Mako 1:38, 39) Pasina mubvunzo, Jesu aikoshesa zvikuru kushumira vamwe.

Tevedzera Kuzvininipisa kwaKristu

11. Unhu hupi hunotsvakwa muhama dzinogadzwa kuti dzishumire sevatariri muungano?

11 Mukupera kwema1800, mafungiro akanaka aifanira kukudziridzwa nevatariri vechiKristu akasimbiswa, paisarudzwa varume kuva vamiririri vanofambira kuti vagovere zvinodiwa nevanhu vaMwari. Maererano neZion’s Watch Tower yaSeptember 1, 1894, paidiwa varume “vanyoro—kuti vasazozvitutumadza . . . , vanozvininipisa avo vasingatsvaki kuzvifadza, asi Kristu—vasingatauri zvavanoziva ivo, asi Shoko rake nenzira iri nyore neine simba.” Zviri pachena kuti vaKristu vechokwadi havambofaniri kutsvaka chinzvimbo kuti vagutse shungu dzavo kana kuti vawane mukurumbira, simba, uye kuti vadzore vamwe. Mutariri anozvininipisa anoziva kuti zvaanotarisirwa zvinoreva “basa rakanaka kwazvo,” hachisi chinzvimbo chakakwirira chinomuita kuti akudzwe. (1 Timoti 3:1, 2) Vakuru vose nevashumiri vanoshumira vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti vashumire vamwe nokuzvininipisa uye kuti vatungamirire mubasa dzvene, vachiratidza muenzaniso wakakodzera wokuti vamwe vatevedzere.—1 VaKorinde 9:19; VaGaratiya 5:13; 2 Timoti 4:5.

12. Vaya vari kusvasvavirira ropafadzo muungano vangazvibvunza mibvunzo ipi?

12 Hama yose inosvasvavirira ropafadzo ingada kuzvibvunza kuti: ‘Ndinotsvaka mikana yokushumira vamwe here, kana kuti ndinonzwa kuda kushumirwa? Ndinoda kuita mabasa anobatsira asingakurumidzi kuonekwa nevamwe here?’ Somuenzaniso, jaya ringanzwa richida kupa hurukuro muungano yechiKristu asi ringazengurira kubatsira vakwegura. Ringanakidzwa nokushamwaridzana nevarume vane mutoro muungano asi richizengurira kuita basa rokuparidza. Jaya rakadaro ringaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoisa pfungwa dzangu zvikurukuru pazvinhu zvebasa raMwari zvinounza mukurumbira nokurumbidzwa here? Ndiri kuvavarira kuva nomukurumbira pamberi pevamwe here?’ Kuzvitsvakira kukudzwa zvechokwadi hakusi kutevedzera Kristu.—Johani 5:41.

13. (a) Muenzaniso wokuzvininipisa kwomutariri ungaitei pane vamwe? (b) Nei kuzvininipisa, kana kuti kuva nepfungwa dzinozvidukupisa, zvisiri zvinhu zvokuti muKristu angasarudzawo zvake kana achida?

13 Patinoedza kutevedzera kuzvininipisa kwaKristu, tinonzwa tichida kushumira vamwe. Chimbofunga muenzaniso womumwe mutariri wenyika akanga achiongorora kushanda kweimwe yehofisi dzemapazi eZvapupu zvaJehovha. Pasinei nepurogiramu yakabatikana uye basa rakawanda, mutariri uyu akamira kuti ambobatsira hama yechiduku yakanga ichitambura kuti igadzirise muchina wokubatanidza mabhuku. “Handina kugona kuzvidavira!” yakadaro hama iya. “Akandiudza kuti akamboshandisa muchina worudzi irworwo paaiva jaya achishanda paBheteri, uye aiyeuka kuoma kwazvakanga zvakaita kugona kuugadzirisa zvakanaka. Akashanda neni pamuchina wacho kwenguva yakati kunyange zvazvo akanga aine zvimwe zvinhu zvinokosha zvokuti aite. Izvozvo zvakandifadza chaizvo.” Hama iyoyo, zvino yava mutariri pane imwe hofisi yemapazi eZvapupu zvaJehovha, ichiri kuyeuka kuzvininipisa ikoko. Ngatisambofunga kuti takakwirira zvakanyanya kuti tiite zvinhu zvakaderera kana kuti tinokosha zvikuru kuti tiite mabasa maduku. Asi, tinofanira kuva ne“pfungwa dzinozvidukupisa.” Izvi hazvisi zvokuti tingasarudza zvedu kana tichida. Ndoumwe hwo“unhu hutsva” uhwo vaKristu vanofanira kupfeka.—VaFiripi 2:3; VaKorose 3:10, 12; VaRoma 12:16.

Mawaniro Atingaita Maonero Akafanana neaKristu Oukuru

14. Kufungisisa ukama hwedu naMwari uye nevamwe kungatibatsira sei kukudziridza maonero akanaka oukuru?

14 Tingava sei nemaonero akanaka oukuru? Imwe nzira ndeyokufungisisa ukama hwedu naJehovha Mwari. Ukuru hwake, simba, nouchenjeri zvinomukwidziridza kupfuura nokure zvinoitwa nevanhuwo zvavo. (Isaya 40:22) Kufungisisa ukama hwedu nevamwe kunotibatsirawo kuti tive nepfungwa dzinozvidukupisa. Somuenzaniso, tingave tichiziva zvimwe zvinhu kupfuura vamwe, asi ivo vangatipfuurawo mune zvimwe zvinhu zvoupenyu zvinonyanya kukosha, kana kuti hama dzedu dzechiKristu dzingava noumwe unhu hwatingava tisina. Chaizvoizvo, vakawanda vanokosha mukuona kwaMwari havana kukurumbira nokuti vanyoro uye vanozvininipisa.—Zvirevo 3:34; Jakobho 4:6.

15. Kuvimbika kwevanhu vaMwari kunoratidza sei kuti hapana anofanira kunzwa akakwirira kupfuura vamwe?

15 Zvakaitika kune Zvapupu zvaJehovha zvaitongerwa kutenda kwazvo zvinonyatsobudisa pfungwa iyi. Nguva nenguva, vaya vanonzi nenyika vanhuwo zvavo ndivo vakaramba vakavimbika kuna Mwari pavakaedzwa zvakaomarara. Kufungisisa mienzaniso yakadaro kungatibatsira kuti tirambe tichizvininipisa uye kunotidzidzisa kuti ‘tisazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.’—VaRoma 12:3. *

16. Vose vari muungano vangakudziridza sei ukuru mukutevedzera muenzaniso wakaitwa naKristu?

16 VaKristu vose, vaduku nevakuru, vanofanira kuva nemaonero akafanana neaKristu oukuru. Muungano, mabasa akasiyana-siyana anofanira kuitwa. Usamboramba kana ukakumbirwa kuti uite zvinhu zvingaratidzika sezvakaderera. (1 Samueri 25:41; 2 Madzimambo 3:11) Vabereki, munokurudzira here vana venyu nevachiri kuyaruka kushanda vachifara pabasa ripi neripi ravanopiwa kuti vaite, pangava paImba yoUmambo, pagungano, kana kuti panzvimbo yekokorodzano? Vanokuonai muchiita mabasa akaderera here? Imwe hama, zvino yava kushanda padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha, inonyatsoyeuka muenzaniso wevabereki vayo. Yakati: “Nzira yavaiita nayo basa rokuchenesa Imba yoUmambo kana kuti nzvimbo yekokorodzano yakandiratidza kuti vairiona serinokosha. Vaiwanzozvipira kuita mabasa aibatsira ungano kana kuti hama, pasinei nokuti airatidzika kuva akaderera zvakadini. Mafungiro aya akandibatsira kubvuma nokuda basa ripi zvaro pano paBheteri.”

17. Vakadzi vanozvininipisa vangava chikomborero kuungano munzira dzipi?

17 Nezvokuisa zvinodiwa nevamwe pamberi pezvedu, tine muenzaniso wakaisvonaka waEstere, akava mambokadzi muUmambo hwePersia muzana remakore rechishanu B.C.E. Kunyange zvazvo aigara mumuzinda wamambo, akanga akazvipira kuisa upenyu hwake mungozi nokuda kwevanhu vaMwari, achiita maererano nezvaidiwa naMwari. (Estere 1:5, 6; 4:14-16) Pasinei nemamiriro avo ezvemari, nhasi vakadzi vechiKristu vanogona kuratidza pfungwa yakafanana neyaEstere nokukurudzira vakaora mwoyo, nokushanyira vanorwara, nokushanda mubasa rokuparidza, uye nokushandira pamwe nevakuru. Zvechokwadi hanzvadzi dzakadaro dzinozvininipisa chikomborero kuungano!

Zvikomborero Zvoukuru Hwakafanana nohwaKristu

18. Zvikomborero zvipi zvinovapo nokuratidza ukuru hwakafanana nohwaKristu?

18 Unowana zvikomborero zvakawanda paunoramba uine maonero akafanana neaKristu oukuru. Kushumira vamwe pasina udyire kunoita kuti iwe nevamwe mufare. (Mabasa 20:35) Sezvaunoshandira hama dzako nokuzvidira uye nomwoyo wose, unoita kuti dziwedzere kukuda. (Mabasa 20:37) Zvinotokosha zvikuru, Jehovha anoona zvaunoita kuti utsigire kugara zvakanaka kwehama dzechiKristu sechibayiro chinofadza chokumurumbidza.—VaFiripi 2:17.

19. Tinofanira kutsunga kuitei maererano nemaonero akafanana neaKristu oukuru?

19 Mumwe nomumwe wedu anofanira kuongorora mwoyo wake ozvibvunza kuti: ‘Ndichangotaura bedzi nezvokuva nemaonero aKristu oukuru here, kana kuti ndichashanda nesimba kuti ndizviite?’ Manzwiro aJehovha kune vanozvikudza akajeka. (Zvirevo 16:5; 1 Petro 5:5) Zvatinoita ngazviratidze kuti tinofarira kuratidza maonero akafanana neaKristu oukuru, mungava muungano yechiKristu, muupenyu hwedu hwemhuri, kana kuti mune zvatinoita nevamwe zuva nezuva—tichiita zvose kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.—1 VaKorinde 10:31.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1982, pamapeji 3-7, munyaya inoti “Kutsvaka Budiriro.”

^ ndima 15 Somuenzaniso, ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1992 reChirungu mapeji 181-2, uye Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1993, mapeji 27-31.

Ungatsanangura Here?

• Nei tichifanira kuramba maonero enyika oukuru?

• Jesu aiyera sei ukuru?

• Vatariri vangatevedzera sei kuzvininipisa kwaKristu?

• Chii chingatibatsira kuva nemaonero akafanana neaKristu oukuru?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 17]

Ndiani Ane Ukuru Hwakafanana nohwaKristu?

Anoda kushumirwa here kana kuti anoda kushumira?

Anoda chinzvimbo chaanoonekwa here kana kuti anobvuma mabasa akaderera?

Anozvikwidziridza here kana kuti anokwidziridza vamwe?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Chiumbwa chihombe-hombe chaFarao Amenhotep III

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unoziva here chakaita kuti Hamani arasikirwe nechinzvimbo chake?

[Mifananidzo iri papeji 16]

Unotsvaka mikana yokushumira vamwe here?